Chapter 3 Tinashe This sister of mine shame ayy handisati ndamboona zvakadai ini, takaenda ku office rangu. Ndaingoseka asi ndakabata muromo kuti ndisaonekwe, ndakagara pamusoro petafura "Why did you stop me broe? Ndanga ndichida kumuonesa kuti ndini ani? How dare she?" Ndakaseka "Hey come on umwe mwana aita mistake" "Mistake? Nemwiwo munofarira kupinza mapenzi pabasa" "On behalf of her sorry Lionah so tell me wavingei pano?" "Ndauya kuzoona daddy ndinoda kutaura navo" "Daddy's princess" Lionah akaseka Zvichakadaro Letty akapinda "Morning again family" Letty akadaro "Morning sisi" ndakadaro "Where's your daddy?" Lionah akabvunza "Vaenda kune umwe musangano" "Okay that's why vasingadairi ma calls angu, apa ndakufanirwa ku cancela zvinhu zvandanga ndichida kuita" Lionah akadaro "Udza zve mukoma vachakubatsira" Lionah akaseka "Hayi iyi inoda daddy kwete iwe" takaseka "Regai ndiende ini ndine date" "Hayi uri kuudza mukoma wako kuti une date" ndakadaro "That's why ndichitsvaga baba ndinoda kuti vanditengere imba ndinogara naSimba" Takaseka na Letty "Wee Lionah" "Serious broe or auye kuzogara nesu kumba. Ndinogara ndichimufunga ini nguva dzose" "Gore rino tichadzidza zvakawanda " Letty akadaro "Bye my siblings see you at home" Lionah akadaro achibuda achienda Letty akadzungudza musoro "Hanzvadzi yako" "Baba vanogona kubvuma zvinhu zviri kudiwa na Lionah" "Zvagara vachabvuma vakamborambei zvavanokumbirwa na Lionah. Broe can I ask you something " "Zvadii manje Mandlovu" "Ko neyi Lagaman akabva pamba?" "Handizivi ini pamwe nekuti vakanetsana na baba" "Handizvibvumi ini, Lagaman anonzwisisa kuti baba mubereki wake Saka haana kodzero yekutuka, haaimbosiya musha never" "Neniwo handizivi kuti neyi Laga akaita zvinhu zvakadaro asi wadii kubvunza mukoma wako" "Hapàna zvaanondiudza uyo kunze kwekuti anoda independent " "Pamwe ndiyo yaari kuda hanzvadzi " "Kana achida independent neyi asingatishanyiri then" "Ahh handiziviwo ini ndichataura naye ndinzwe kuti problem yake iri papi. Neniwo ndinotodawo kuziva" "Okay broe rega ndinoshanda ini" "Okay hanzvadzi, ahh ko munin'ina wako arova mushandi uya wekunaka nembama" "Upi iyeye?" Letty akabvunza achishamisika "Tanny" "Hezvo hanzii" Ndakamuudza nyaya yose "Hayi Lionah anofanirwa kusiya attitude yake coz ayy ayy" "Unofanirwa kutaura naye iwe sa big sisi" "Anopenga Lionah ndichataura naye" Letty akadaro achibuda achienda. Ndakasara ndichifonera Laga "Broe" "Sho sho uri sei?" "Ndiri right ini. Unenge uriko here kumba kwako ndinoda kuzokuona " "Eish I don't think it's a good plan nhasi nekuti ndinofanirwa kushanda, ndine case yandinodanirwa kuita Saka busy yacho ma 1 "Okay broe no problem" "I love you wanzwa" Ndakaseka "Ayy handisi ngochani ini" ndakadaro ndichiseka naiyevo achiseka Tanisha Nguva dzekuti ndibude kubasa dzakachaya pandaiva ndakubuda madam Letty akapinda, takamhorosana achibva akumbira ruregerero nezvinhu zvaiva zvaitwa na Lionah ndakabvuma tikambotaura nyaya dzisingaendi kure ndichibva ndabuda ndave kuenda. Ndakawana Lagaman atondimirira pachikona chake. Ndakabva ndatoenda kwaari ndichipinda mumota "Hey " "Butterfly washanda sei" "Ndashanda zvakanaka ndanga ndichifunga kuti unonyeba zve ini kuti uchava driver wangu" "Aewa ndanga ndisinganyebi" "Saka kupera kwemwedzi ndichabhadhara marii?" "Don't worry nezvemari tichataura" Handina kumupindura akaramba akanditarisa "Nhasi hausi right asi watukwa kubasa?" "Eish pane zvinhu zvaitika kubasa" Ndakadaro ndichiseka "Kwaitikei?" Ndakamuudza nyaya yose yaiva yaitika kubasa akandiseka "Ndiani zita remusikana wacho?" "Handimuzivi zita rake asi ndanzwa madam Letty achiti munin'ina wake" Akapera nekuseka "Uchava strong ". "Unomuziva here?" "Ahh ndingamuzivira kupi ini ndiri kuseka hangu nekutanga basa nekurohwa" Eyy handisati ndambodhererwa neumwe mukadzi ini asi sezvo ari Princess wepamusha ndichanyarara hangu. You can see kuti anoyemedzwa "Ngativimbe kuti haachapamhi"Laga akadaro achimisa mota pagedhi "Thanks" ndakadaro ndichibuda "Saka haundioneki ne kiss?" Ndakarola maziso ndichipinda pamba Lagaman Mushure mekunge ndasiya butterfly pagedhi repaanogara ndakachaira ndichienda kumba kwangu. Unoziva mwana uyu ndinofanirwa kumudzivirira nekuti handizivi kuti chinangwa cha Mhukahuru ndecheyi pamwana uyu. Maybe vakatomuplanira something. Iye Ari kutofara nebasa rake haatombozivi kuti chii chiri kuitika pa building iya. Nzvimbo iya haisi right. Handichazivi ini kuti ndichaita sei nenyaya ya baba. Ko neyi vachiramba vachiita hutsinye hwakadai nekuti vane type yose yemari. Chinhu chinorwadza ndechekuti anopinza madzikoma munyaya dzavo pamwe chete na mhamha. Ndakamhanyisa mota ndichienda kumba nekuti ndine zvinhu zvakawanda zvandinofanirwa kuita Zita rangu ndinonzi Lagaman Bothman Mhukahuru Tanisha Ndakapinda mumba ndichirova smile, Mamoe aiva akarara pasofa paakandiona akabva atomuka "Kwakanaka here ne smile yandiri kuona" "Yes kwakanaka I'm just happy" "Ohh okay Mr skorokoro auya here kuzokutora nhasi handina kukuona uchienda" "Yes ndaenda na skorokoro guy iye ane moyo wakanaka shame akauya zve kuzonditora manheru zita rake anonzi Lagaman" "Ohh what a name, asi ndiri kuzvibvunza nei akumbira kukuendesa nekukutora everyday?" "Obvious mari ndiyo yaari kuda ka" "Uhhm mwanasikana hausi wave murudo na Mr skorokoro here?" "Ini? Murudo na Mr skorokoro no ways, kwete Kuti ndiri Kuramba nekuti anodraiva skorokoro aewa asi handimudi chete" "Haa ini ndairamba cuzy udanane naye ahh..kombi yacho aewa bodo" "Ko rudo ruri mukombi here. Naiyevo munhu sesu," Takapikisana nenyaya ya Laga kusvika ndazomuudza zvaiva zvaitika kubasa . Mamoe akashamisika Kuti ndamurega achindirova dai ari iye haaimurega never. Ndakazoenda mu room mangu ndichinanga ku shower. Ndichiri kuchinja foni yangu yakarira aiva Elvis..takamhorosana achindibvunza Kuri sei kubasa. Mufaro wandakava nawo paakandiudza Kuti weekend ari kuuya kuzondiona. Ndakafara handidi kunyepa I love Elvis with my heart and I can't wait kuti tionane. Tapedza kutaura ndakaenda pa Whatsapp ndichida kuverenga ma book. Ndakatanga nekuenda pama status dhuma dhuma nema pictures angu akazara pama status a Elvis capture yacho yakanzi my wife. Ndakanyemwerera ndichibva ndaenda kunodya dinner Mamlilo Taidya dinner as a family, Tapedza kudya ndakanzwa Lionah achikosora "Daddy" "My princess" "Daddy hanti munoziva kuti handidi kubva pamusha pano ndichinogara kuneimwe nzvimbo". "I know that my princess" "Handingakwanisi kunogara naSimba imba yaanogara haisi ye level yangu Saka ndoda kuti iye auye kuzogara pano" Ndakavhura maziso ndichimutarisa "Unomuda asi imba yake hauidi rudo rudzii irworwo?" Ndakabvunza "Neni zvinondishamisawo zvakamboitikepi izvozvo?" Nkosi akadaro "Lionah kana uchimuda zveshuwa Simba haufanirwi kutarisa kuti anogara panzvimbo yakaita sei" Ndakadaro "No that house is not for me" Lionah akadaro Tinashe akaseka "It's not for you my sister, shame" Tinashe akadaro vachiseka na Letty "Unoziva Lionah anga achitaura neni asi kwapindura vanhu vakawanda ini ndisati ndapindura muridzi wenyaya" "Exactly daddy ndinokumbira auye kuzogara pamusha pano" Lionah akadaro "Hakuna zvakadaro" Nkosi akadaro Ndakabva ndanyara. Mhukahuru ndinomuziva when it comes to Lionah achatozvibvuma zvinhu zvekupenga kudaro "Sezvo ndichishanda kudai ndiri kushandira vana vangu kuti vagare vane mufaro Saka handingabvumi kuti mwana wangu anogara panzvimbo yaasingafariri nekuda kwemukomana. My baby kana uchimuda zvekudaro Simba ngaauye agare pano" Lionah akanyemwerera achihaga baba vake "Thank you so much daddy" "Asi Mhukahuru zvinhu zvamabvuma manga musingafanirwi kuzvibvuma" Ndakadaro "Ayy neniwo handisi kuinzwisisa nyaya iyi ini baba and chero Davula haangamboibvumi" "Haangamboibvumi kumba kwake here? Ku vana vake. Kana Lionah achimuda mukomana wake achabvuma imwi hamutauri chinhu musha ndewangu uyu" Handina kuzotaura zve, takadya kusvika tapedza vashandi vakauya vachitora ma plate, ini ndakasimuka ndichienda ku bedroom ndichinogadzira bad.. Mhukahuru vakapinda "Nhai Mamlilo iwe manje wave kupikisana neni" "Aewa baba asi hazvisi right Kuti mukomana wa Lionah auye kuzogara pano" "Mwana wangu anofara kana ane mukomana wake" "Ndinozviona baba neniwo zvinondifadza kumuona achifara asi zvekuti mukomana auye kuzogara pamusha pano aewa handienderani nazvo ini" "Sorry kana zvicharwadza Simba achauya kuzogara pano" "Hapàna zvandingataura zvagara handiti musha hausi wangu" "Unorevei manje?" "Dai neniwo uri musha wangu dai ndichibvumirwa kuisa muono" "Vana vangu ndivo vandinotanga kuisa mumoyo mangu" "Good night Mhukahuru " ndakadaro ndichifuga gumbezi ndichitora foni ndichitarisa mwana wangu Bothy . Ndinoshuvira kuti dai pfungwa dzadzokedzana auya kumba, ndinomufunga mukomana wa mhamha Tanisha Makuseni ndakamuka ndichigadzirira kuenda kubasa, mazuva ano ndave kumuka late sezvo ndave nemota inondiendesa kubasa. Ndapedza ndakabuda mu room mangu ndakawana Mamoe atondigadzirira breakfast "Morning" Hey morning here's your breakfast " "Thank you so much" "Mazuva ano uri kunonoka kuenda kubasa" "Ndave nemota inondiendesa kubasa so no need yeku mhanya" Mamoe akaseka tichitanga kudya Tapedza ndakaenda panze. Ndakamira more than 20 minutes Laga haana kusvika. Ndakavhunduka pandakatarisa nguva ndaiva ndasarirwa ne15 minutes Kuti nditange basa apa handingadzibati. Ndakamhanya ndichinokwira kombi "Please driver ndinokumbirawo umhanyise kombi ndave late.". "Sisi ndichafamba nenzira yangu yandinogara ndichifamba nayo" Ndakabva ndatonyarara. Mota yakafamba. Ndakasvika kubasa lucky ndaiva late ne 10 minutes. It's bad though. Ndakabuda mumota ndichimhanya ndichipinda mukati. Ndakayerekana ndabondera pana boss Tinashe. Ndakavhunduka ndichimutarisa "I'm sorry sir" Tinashe akadzungudza musoro "Unombogonawo here kufamba mushe usingamhanyi" "I'm sorry it's just that I'm late ndiko Saka ndichimhanya kudai I'm so sorry ndanonotswa nemota inond--" "Okay okay you're late already Saka uri Uri kumhanyirei" "Kuti ndisazonyanya kunonoka" "Wasvika handiti?" "Ayy okay mamoyo asi uchaguta nemampama pano nekuti unenge unofarira zvekubondera vanhu iwe " Haa asadaro shuwa kumutsa zvinhu zvanezuro. Zuro ndarohwa nembama asi iye ave kuita ma jokes nazvo. Akaseka achibva aenda neniwo ndakaenda ku office kwangu. Asi Mr skorokoro anondijairira zveshuwa Lagaman Nhasi handina kurara ndichigadzirira case yangu yandanga ndakatarisana nayo. Kusarara kwangu kwandibatsira nekuti ndaihwina case yacho. Zvinondifadza izvi Kuti ndaita justice pamunhu. Ndakachaira ndichienda kumba kwangu. Pandakasvika ndakashamisika ndichiona mota yababa panze. Ndakavhura gedhi tichibva tapinda mukati tose. Hoyo murume auya kuzokanganisa mood yangu. Takabuda mumota Mhukahuru vachiuya kwandiri tichikwazisana "Nazvino musoro wako wakaoma" "Mhukahuru makadii" "Unoziva newevo handina nguva yematope ini" "Baba munoziva kuti zvinhu zvamunoda hamungazviwani. Handingambobvumi ini kuuraya munhu". "For now chinhu chandiri kuda kuti udzokere kumba. Munhu waunofanirwa kuuraya nguva yake haisati yasvika. Huya kumba ugare nevamwe" "Ndiri right pano baba handidi ini kugara kumba kwenyu" "Lagaman usandituma Kuti ndiite zvinhu zvandisina kumbofungira Kuti ndichazviita pamwana wangu uri kundinzwa? Unoziva Kuti basa rako ndinorisema sei " "Ndinorida basa rangu baba. Chii chamuchaita kana ndisingadi kuuya? Muchandiuraya here or muchabva matonditi yakwana nguva yekuuraya Tina---" "Hapàna zvandichataura newe mpfana Asi manheru ndinokuda kumba udye nesu dinner tiri pamwe chete as family" Mhukahuru vakadaro vachitendeuka vachienda Ndakanzwa musoro uchiita maungira. Ndakazvibata huso ndichitarisa baba vachipinda mumota Shit!!!! Ndakadaro ndichirova mota nechibhakera Handizivi kuti ndichaita sei nekuti Mhukahuru acharamba achingouya pano apa handimudi pamba pangu. Shit maan!! Ndakanganwa kuti ndanga ndichifanirwa kuendesa butterfly kubasa. Handina kuenda chero kunomutora. Apa number yake handina, ndakaisa zvinhu zvangu Mumba ndichibva ndabuda ndichienda kumba kwake. Ndakadarika neku shop yemaruva ndinofanirwa kukumbira ruregerero. Ndanga ndichifanirwa kutuma someone kuti amuendese. Asi neniwo basa ranga rakandiwandira Kani, ndatadza kuzvifunga. Ndakachaira ndakananga kwaanogara. Handizivi kuti ndichamuwana here nekuti ndiri kungoenda chete handina kumbofona.. Ndakasvika pagedhi ndichibva ndaridza huta kakawanda. Asi zvandiri kuita I think I'm wasting my time hapana achabuda apa. Ndakabuda mumota ndichinogogodza pagedhi. Ndakamuona achibuda achiuya kwandiri. Ndakanyemwerera ndichiyeva runako rwake. Akasvika achimira pagedhi asina kuvhura gedhi "Butterfly mhoro" "Uri kudei pano Lagaman?" "Ndinokumbira tipinde mumota titaurire mumota" Akamboda kuramba ramba asi ndakamu softer kusvika abvuma. Takapinda mumota akatanga achiri kupopota asi ndakataura nehunyoro kusvika ndaregererwa phew!!! "I'm sorry ndakuigira maruva" ndakadaro ndichimupa" "Thanks mukoma your flowers smell good" "You're welcome " "I need to go now" "Okay ufambe mushe chirandu" Akabuda achipinda mukati. Ndakamumirira kusvika apinda mumba ndichibva ndamutsa mota ndichidzokera kumba kunochinja mota handingaendi nekombi yakadai ndingauraiwa zve nevabereki vangu. Foni yangu yakarira vaiva mhamha. Ndakadaira "My Queen " "My boy ndanzwa baba vako vachiti nhasi uri kudya nesu dinner" "Yes mhamha ndiri munzira now" "Ohh my gosh I can't wait nhasi uchabikirwa neni your favorite food.. ndakanyemwerera "I love you mhamha" "I love you more" Takaonekana ndichirova mota yakananga kumba, ndakasvika ndichitora Mercedes yangu ndichienda kumba End of chapter