Chapter 25 . *Tanisha Eish pfuti kana dzakurira kudai isu vamwe tinenge takutya, ndakutyira murume wangu, what if pane zvavari kumuita?. Ndakatarisa vakadzi vandakagara navo vakato relaxer zvavo. Now ndakuvazica vose. Mhanha shyline vakanditarisa vachinyemwerera. "Hapana zvinhu zvichaitika zvakashata usatya" Ndaka faker smile asi moyo wangu waiva wakuna Laga. Ndakatura befu pandakaona vachipinda Mumba vachiseka "Nhai muroora tiudze mukomana anoafryer here ma chips or anoasiya asina kuibva wozvimbigwa nawo?" Mama meme vakabvunza vachiseka. Ini ndaitova confused kuti ndeipi yaitaurwa. Zvichakadaro pakauya umwe mukomana aiva akapfeka mbatya dzehumambo "Nhai hanzvadzi ndiye wamukuti muenzi ari kuridza pfuti panze?" Baba ava vakadaro vakatarisa mhamha shyline. Ndakavhura maziso Laga nepfuti "Hanti ndi Tafadzwa wese uyu ati aridze aone kuti mombe ndeye mudanga haa mpfana uyu ndi Kh--" bamnini perfect Havana kupedza murume wa Shyline akakudhonza vachidzokera Ku sitting nesuwo takasimuka tichienda ku sitting tichitanga kunwa doro. Yes ndinonwa but not always, doro ndinorishanyira kana ndiri bored. Ndakatarisa mukomana anonzi Joe, ayy uyu ndi Laga pachake kozoti Tafadzwa zviito zvacho hazvina kusiyana na Laga. Murume wese Ari pamusha pano maziso Acho mahombe Kani, maoko haabvi muhomwe zvose Izvi Laga anozviita. And zvinhu zvinotaurwa na Perfect ini handizvinzwisisi nekuti paanenge achida kutaura vanobva vamutuka onyarara Kuma 12 husiku takaoneka takuenda vana Joe vakatiperekedza. Takapinda mumota naivowo vakapinda mune dzavo, vaititevera kumashure kusvika tasvika kumba. Tinashe Makuseni ndavimbisa mhamha Kuti ndichanoona Mamoe Saka handifanirwi kuita mistake, ndinofanirwa kuenda. Kana ndabva kumba kwake ndichaenda kumba Kwa Kikie. Ndatopedza nekuzvigadzira. Ndakaenda ku kitchen kwaiva na mhamha ndikavaudza Kuti ndakuenda . Ndakanopinda mumota ndichiimutsa ndichienda kumba kwake. Handina kufamba mufambo wakareba ndaiva ndatosvika sezvo kusiri kure. Ndakawanda gedhi rakavhurwa. I wonder ravhurwa nei gedhi makuseni ano. Ndakasvika pa door ndikagogodza asi hapana akadaira. Ohh gara zviya ndine ma key aishandiswa na Tanie. Akaakanganwa mumota. Ndakadzokera mumota ndichinotora makey Ndakuya ndichivhura ndichipinda mukati Mumba maiva musina munhu. Ndakaenda ma room ose Mamoe aiva asipo chero mushandi wandakamutsvagira aiva asipo. Ndakadainidzira ndichienda mu room make asi aiva asipo. Bed yaiva yakatowaridzwa zvekuti hapana kumborara munhu apa. Handizivi chii chakandiendesa ku wardrobe. Mbatya dzakr dzaivapo asi dzaiva shoma, ndakatora foni ndichimufonera asi ndakavhunduka foni payaiva isingapindi. Ndakafonera Tanie ndichimubvunza Mamoe asi akati haapo. Ndakamuudza nyaya yose naiyevo akavhunduka akazoti achafonera kumusha abvunze. Ndakakata foni ndichinopinda mumota ndichienda kumba Kwa Laga Lagaman Tinashe akasvika akatiudza nyaya yose. Tanie akafonera bamnini vake vakati haapo. Ini handichazivi manje Kuti Mamoe Ari kupi "Tanie ndiani vavengi va Mamoe?" Ndakabvunza Tanie akanditarisa achishamisika "Mamoe haana vavengi uyo Laga" "It's my fault dai ndadaira ma calls ake paanga achindifonera" Tinashe akadaro "Zvagara I fault Yako Tinashe hauna!! Ukuita sekunge Mamoe akazvinhumburisa!! Hauna basa nemwana Ari mudumbu!!" "Ndinomuda mwana wangu ini" "Unonyeba maan Tinashe!! Hauna basa na Mamoe, I wish Mamoe akunyime mwana kana azvarwa!!!" "Tanie, Tinashe imbomirai kuparana titsvage plan yekuwana Mamoe" ndakadaro "Tichamuwana kupi Mamoe isu tisingazivi kwaari" Tanie akadaro "Mai vake? Hanti wakati Mai vake nyaya ye nhumbu ya Mamoe havaidi?" Ndakadaro. Tanie akanditarisa achishamisika "Yes ndakadaro" "Pamwe ndivo vamutora who knows. Hamenho pamwe ndamhanyisa pfungwa dzangu. Ndipe number dzavo ndizame kuyi tracer" Okay" Tanie akadaro achindipa number Ndakapa umwe mukomana anogona ku tracer ma number, akati achandifonera after 10 minutes. Pamwe ndikungoita dzungu risina basa havasirivo vamutora. Asi kunonzi ifa waedza. After 10 pakapinda message yaitaura kuti Mai va Mamoe vari kupi "Kwekwe!!!" Tanie akanditarisa achishamisika "Kwekwe? Magumbo Ari kukwekwe?" Tanie akadaro "Foni yavo ndizvo zvayataura" ndakadaro "Rega ndifonere bamnini" Tanie akadaro achifonera baba Irene "Mwanangu neniwo kuno ndikuzama hapana chandati ndanzwa" "Mainini mavaudza here?" "Ehe naivowo zvatovashamisa" "Vari kupi manje?" "Vari ku Zvishavane ku basa" "Zvishavane!!" Tanie akadaro asi ndakamuvhara muromo nekukurumidza "Okay baba Regai timbozama kumutsvaga" "Neniwo ndikuzama kuno" baba vakadaro Tanie akakata foni achigara pasofa. Ndakaswedera paari "Ndivo Magumbo vatora Mamoe vakanyeba kuti vari kuenda ku zvishavane Ivo vachienda ku Kwekwe " Tanie akadaro "Yah ndivo " ndakadaro "What if vachizomubisa nhumbu?" Tanie akabvunza "No mwana wangu?" Tinashe akadaro "Kana uchimuda mwana wako tinofanirwa kuenda ku Kwekwe manje?" Tanie akadaro "Aewa hatingaendi nhasi tichasvika husiku. Enda unotora mbatya dzako iwe tichakusiya kumba kwa mhamha" Tanie akasimuka achienda ku bedroom achiuya ne bag diki Mamoe Nhasi hanzi izuva rekuti ndione munhu wandichachata naye. Handina kumboti ndikuda kuchata ini. Ko neyi mhamha vachindidaro,. Ndakasimuka ndichienda ku sitting room apa ndakapfeka mbatya hombe kuti ndisaonekwa kuti ndine pamuviri. Ndakasvika ku sitting ndikawana pane vamwe varume. Ndakasvika ndichigara pasofa "Ndiye mwana wangu uyu wauchachata naye" mhamha vakadaro. Ndakaona umwe murume achinyemwerera "Wow she's so cute .hey Zita rangu ndinonzi Maxwell ndini munhu wauchachata naye" "Okay ndafara kukuziva. Ndinokumbira kutaura newe private" ndakaona mhamha vachinditarisa "Hapana private pano taurai pano" mhamha vakadaro "Hanti murume wangu wamandipa Saka ndoda kutaura nyaya dzedu tiri vaviri" ndakadaro "No problem mhamha ndichataura naye" Ndakabuda panze. Iri ibenzi iri. Shuwa ringabvuma kuchata nemunhu warisingazivi. I'm sure rine Mari yarapa mhamha, ndinovaziva mhamha Mari vanoida Havana kumbozeza kunditengesa nekuda kwemari "What's wrong? Is there any problem?" Yes problem hombe" "Ndeyeyi?" "Ndine pamuviri " Akanditarisa achishamisika asi haana kumbovhunduka "Handingakwanisi kuchata newe ndine pamuviri?" "Why?" "Handingabisi nhumbu yangu ini" "Ndiani ati uchaibisa?" Ndakatanga kuyevenuka "Saka hatichachati?" "Tichachata, nhumbu haibiswi ndiripo ndichava baba vemwana wawakatakura" Ndakaita sendichazvirovera pasi. Murume rudzii akadzungaira kudai. Handiudi muchato uyu ini. Pandaida kutaura mhamha vakasvika "Ndinofunga kuti mapedza kutaura" "Ehe mhamha tapedza " Takapinda Mumba tichigara pasi. Ini misodzi yaiyerera, ko neyi mhamha vachindidaro. Baba muripiko muuye mundibise mumadhaka mandiri "Ndanzwa Mamoe achiti ane pamuviri neyi musina kundiudza?" Max akabvunza "Ndanga ndisingaziviwo neni, atondiudza nhasi pandamuudza nezvako" mhamha vakadaro "Andiudza, uye ati haadi kubisa nhumbu so no problem ndichaita baba vake" Mhamha ndakaona vachinyemarera. Asi ndinoziva kuti havafariri izvozvo vari kufarira ku side kwavo. Vakatanga kutaura nyaya yemuchato . Vakazobvumirana kuti muchato ukuitwa mangwana chaiye. Eyy ini munyama wangu ndeweiko. Ndakatanga nekuita pamuviri pemunhu wandisingadanani naye, now ndakuchata nemunhu wandisingadanani naye "Tiri munzira kuenda ku Kwekwe sezvo tichinotsvaga Mamoe. Ndainamata nechomumoyo Kuti pasaitika chinhu pamwana wangu. Yes i messed up nekusadaira ma calls a Mamoe asi izvo hazvirevi Kuti mwana wangu handimudi. Tichiri mu Harare hatisati tabuda, zvichakadaro foni yangu yakarira Ari Kikie. Pandaida kudaira Laga akabvuta foni achidaira oye "Tinashe haapo parizvino" "Okay paanouya umuudze Kuti asakanganwa mangwana tikuenda Kwa doctor appointment yangu" "Okay bye" Laga akadaro achidzima foni "Why?" "Because " Ndakadzungudza musoro. Takati fambe ndikaona Laga achimisa mota sezvo paiva nevamwe vakomana vaimunisa. Laga akabuda kumota ndakaona vachikwazisana "Ko uri kuenda kupi nekuti unenge uri kubuda mu Harare?" Laga akavaudza nyaya yose akaita ma intro kwandiri "Haa tinoda kukubatsirai?" Tafadzwa akadaro "Kuenda nesu ku Kwekwe here?" Laga akabvunza "Pedo apa isu tinofamba nzendo dzinodarika ipapo handei tinosiya mota yedu kumba" tafadzwa akadaro vachinopinda mumota yavo tichienda kune umwe musha. Vakomana ava vakapinda mukati vakauya vakabata pfuti. Argg ndakanzwa kusvotekana vakapinda mukati "Awee " Laga akadaro "Ko pfuti ?" Ndakabvunza "Wakamboenda kuhondo usina pfuti? Unopenga iwe mpfana. Wadii kusara kumba uchiyamwa nekuti unenge Mama's boy" tafadzwa akadaro. Ndakabhowekana "Laga ndichaburuka ini uende navo" ndakadaro "Zvagara buruka hatiende na boy wa mhamha isu" Tafadzwa akadaro Laga akaseka. Nxaa chii chinosetsa ipapa? Lagaman Takasvika ku Kwekwe husiku kuma Saka ticha booker hotera hapana zvatingaita husiku. "Tichavaona mangwana" Ndakadaro "Yah tinoda kuvaratidza Kuti nyika ndeyedu iyi tinokufusunyura chero uri kumakuva zipoko zvikada kunetsa tinozvipa chioko muhomwe" Tafadzwa akadaro "True broe mukadzi uyu haasi right" Joe akadaro "Musiye so as long yapindirwa ne junior team khanye zvinhu zvose ikete" Tafadzwa akadaro Zvichakadaro foni ya Tinashe yakarira aiva musikana wake "Daira foni mpfana usati waramba neniwo ndikuda kufonera mukadzi wangu" Tafadzwa akadaro achienda mune rimwe room neniwo ndakatora foni ndichifonera Tani. Takataura kwenguva tikaitana ma good night tichibva taonekana. Tafadzwa akapinda. "Ndiri kutukwa guys hanzi ndangomutsa journey from nowhere asi pandazomuudza Kuti ndaperekedza iwe anzwisisa" Tafadzwa akadaro "Ko neyi Laga vachimufarira kudaro kumba kwenyu?" Tinashe akabvunza "Ropa rake nderemugungwa," Tafadzwa akadaro Tinashe akaseka "Zvihombe zvamunoda kuita brother yangu kumba kwenyu" Tinashe akadaro "Zvakaita sezvipi? Hatina kuromba ka isu Kuti tingada kuromba naye. " Tafadzwa akadaro "Zvakaoma" Tinashe akadaro "Why uchibvuma Kuti zviome, zvinyike mumvura zvinyorove" Tafadzwa akadaro ndakaseka "Tinashe na Tafadzwa Hondo yenyu ndeyeyiko?" Ndakabvunza ndichiseka "Mupfana uyu I corner yesaga maan in ndoda munhu akachangamuka" Tafadzwa akadaro "Handisi mwana mudiki" Tinashe akadaro "Kana uchida kuwirirana neni unofanirwa kuva murume akachangamuka kwete kuremberera kwauri kuita manje" Tafadzwa akadaro "Ndingada kuwirirana newe Kuti zvidii? Wakuenderera manje" Tinashe akadaro "Ayy guys yave ngu a yekurara manje nekuti tinofanirwa kumukira shame" ndakadaro "Ayy in handingamuki husiku kunge ndicharohwa nezvidhoma zveku Kwekwe ngirozi yangu ine husimbe hwekumuka" Tafadzwa akadaro "Asi tinofanirwa kukurumidza kusvika pa address yatapihwa nekuti hatizivi ma plans avo" Joe akadaro "Ini ndikungonamatira kuti mwana wangu vasamuuraya" Tinashe akadaro "Don't worry boy mwana wako tichamuwana Ari right. Rega ndinorara ini" Tafadzwa akadaro achibuda achienda Hatingarari tose pa mibhedha. Room ne room rine mibhedha miviri. Ini ndakarara na Joe, Tafadzwa na Tinashe hamenho ikoko vachaparana Vega. Pavakabuda ndakapinda mumagumbezi ndichirara Mamoe Ndakamuka makuseni ndichimutswa nevanhu vaiva kuzonditora Kuti ndinoitwa make up..ndakaedza kuvanyengerera asi Ivo vakati vakuita basa ravatumwa. Ndakaitwa zvese ndikapfekedzwa gown. Tapedza mhamha vakauya vachienda neni kune hall. Max aiva akamira na pastor akanditarisa achinyemwerera. Vanhu vakapururudza. Misodzi yakayerera pandaiendeswa Kuna Max. Ndakasvika ndichimira mberi Kwa Max achindibata ruoko tochiswedera Pana mufundisi. Mufundisi paaida kutaura Takanzwa pfuti kurira necheku door. Pandakatarisa ndakafara pandakaona Laga Tinashe nevamwe vakomana vandisingazivi. . Ndakanyemerera ndichimhanya ndichinohaga Lagaman ndichichema Lagaman Mamoe akamhanya achiuya kwandiri achindihaga achichema. Ndakamunyaradza ndichimupukuta misodzi. Vanhu vakaita wabata wabata vachida kutiza pfuti apo Tafadzwa aiva akabata two. Vanhu pavaida kutiza Tafadzwa akamhanya achimovhara door "Hapana munhu anobuda muno hanti mauya kumuchato" Tafadzwa akadaro tichiswedera Pana Magumbo. "Ndiye uyu?" Tafadzwa akabvunza akamutendeka nepfuti Mamoe akabvuma. "Zvinhu zvamuri kuita imwi vapfana Muchazvimirira here?" Magumbo akabvunza "Nhaimwi Mai shuwa mungachatisa mwana nemunhu waasingadi" Ndakadaro "Buda munyaya dzangu iwe mukomana wekwa mhukahuru. Mwana wangu ari chata nhasi* Magumbo akadaro "Anochata nemwana wani?" Tinashe akabvunza "Hatingambonyarari nekuti akatakura mwana wekwa Mhukahuru " ndakadaro "Akatakura mwana wako? Wakuziva nhasi kuti akatakura mwana iye uchimubata kunge imbwa. Hanti iwe ukurarama life Yako. Siya Mamo araramewo life yake" Magumbo akadaro achitarisa Mamoe zvekuda kutisvotesa "Mamoe hanti unoda kuchata?* Magumbo akabvunza "Mhamha neyi muchida kundichatisa nemunhu wandisingadi? Kana muchato uyu uri right neyi baba na mbuya vasipo pano. Why muri imwi mega family yangu. Mhamha mungabva manditengesa nenzira iyoyo?" "Eyy Mai iyi inhubu" Joe akadaro Murume wacho akaswedera patiri nezisvudhu zihombe. Aitozvitutumidza hake "Mapedza?" Akabvunza "Tapedza kuita sei?" Tafadzwa akabvunza "Mat***I amuri kuita pamukadzi wang--" haana kupedza kutaura ndakaona achimuka pasi nechibhakera chaakapihwa na Tafadzwa. Tafadzwa akamubata zisudhu rake raiva rakakura kudarika muridzi waro "Benzi remukomana uri kutaura nanini uchidaro. Uri kuda kufa here?" Tafadzwa akadaro achimutendeka nepfuti "Handiurayi zvinhu zvakafa kudhara ini dai ndatopedza newe" Tafadzwa akagara "Ko nei muchikanganisa muchato wangu?" "Uchiri kutaura? Zvauri benzi nhaiwe. Mamoe kana wakamutarisa unoona iri type Yako here? Tafadzwa akadaro achidzungudza sudhu yake "Hatidi zvekunyanya kutaura big sudhu" Tafadzwa akadaro achitarisa sudhu iyi achipera nekuseka "Zvaunenge une Mari Wani watadza neyi kutenga sudhu inokuyenzana" Tafadzwa akadaro vachiseka na Joe. Ndakavhunduka pandakaona Tafadzwa achikurura murume uyu sudhu achipfekedza Tinashe "Hezvo" Tinashe akadaro "Pfeka mhani iwe Hezvo kudii kwacho ? Huya iwe" Tafadzwa akadaro achidhonza Mamoe achibvutira munhu aiva akabata ma ring "Hanti manga mauya kumuchato mose? Uyu muchato wemazvokwadi" Tafadzwa akadaro Takatarisana tose mu church. Ndakaswedera pana Tafadzwa "And then?" Ndakadaro "Tauya kumuchato ka. Hatingabvi ku Harare kwese uko tichifambira mahara muchato ukuenderera mberi" Tafadzwa akadaro Ndakanyemwerera I like it maybe Tinashe pfungwa dzingavhuruka "Ndiani ari kuchata?" Tinashe akabvunza "Ndiwe na Mai vemwana wako" Tafadzwa akadaro. Mamoe akavhura masizo "No guys please" Mamoe akadaro "No guys yeyi. Chii chamunoziva imwi? Mukwasha newe muroora ndokumbira kuti tiite izvi ne smile" Tafadzwa akadaro "Yah ichokwadi nyaya dze roora tichadzioma after muchato" ndakadaro "Guys Kik---" Tinashe haana kupedza kutaura "Eyy tsek maan take your responsibility. Iwe zvinhu zvaunofanirwa kuita manje kufara nekupemberera muchato wako" Tafadzwa akadaro Tinashe akanyarara kwema minutes achibva aseka "Okay fine" Tinashe akadaro Ndikumuona anofunga kuti ma game aya no haasi ma games Ari kutochata zvekurevesa. Mufundisi paaida kuenda Tafadzwa akamubata "Uri kuenda kupi neshoko Ra Mwari. Ava vana vako vari kuchata ita basa" Tafadzwa akadaro "Handingaiti zvinhu zvakadaro ini " mufundisi akadaro Tafadzwa akaridza tsamwa achimutendeka nepfuti "Uchazviita uchida usingadi. Kana usingadi kurara wawedzera number kumachori ita basa zigementi rakaviga zvivi" Tafadzwa akadaro Mufundisi akavhunduka achiswedera panana Tinashe . Magumbo paakada kutaura "Iwe handingambotambisi mabara angu ndichikupfura ndinokuuraya nechibhakera nyarara uko* Tafadzwa akadaro "Hamungaiti zvinhu zvakadaro munoziva here Mari yandashandisa pamuchato uyu" murume wemasudhu akadaro Ini na Joe takatendeka magumbo na Max nepfuti "Hatineyi nazvo isu. Enda unonyenga usiye kumanikidza pausingadi* Tafadzwa akadaro Muchato wakatanga Tafadzwa aiva atoudza mufundisi zvese "Tinashe Zhou unomuda Irene Moyo here kumuita mukadzi wako Uchamuda ugova naye munhamo nemumatambudziko?" Mufundisi akadaro "I do " Tinashe akadaro. Mufundisi akamuisa ring "Irene Moyo Unomuda here Tinashe Moyo? Uchamuita murume wako ugova naye munhamo nemumatambudziko?" "I do" Mamoe akadaro Ndakanyemwerera. Tafadzwa akarova maoko achiseka. Mamoe akaiswa ring "Manje mave murume nemukadzi. You may kiss the bride" mufundisi akadaro Vakaita sekutaura Kwa mfundisi "Good machata manje" Tafadzwa akadaro Ndakaswedera pana Max ndichimurova nezvibhakera achidonhera pasi "Usare mushe" Ndakadaro ndichidhonza Magumbo. Tikuenda naye pane zvandinoda Kuti ambotiudza "Muri kuenda kupi neni?" Magumbo akabvunza "Une nyaya hombe yaunofanirwa kutiudza" ndakadaro tichinopinda mumota. Tinashe akabata Mamoe ruoko. Ndakanyemwerera. Ndakamboda kumuseka sudhu yaaiva akapfeka ma mistake mogadzirisa guys End of chapter