Chapter 10 Davula Nazvino handisati nda healer pazvinhu zvandaitwa na Laga. Anozviona sani iye anondirova just like that. Ini yangu naye haisati yapera, uye handifungi kuti ichapera. "Murume wangu uri kumbofungei kubva wanyarara kudaro?" Ruth akabvunza "Hanti ndiye mukomana uyu anozviti Lagaman" "Aita sei manje?" "Uri kubvunza nekuti hauzivi or ukundiita benzi" "Aewa nhai Davula ko ndingaziva sei zvinhu zvikuitika mupfungwa dzako" "Lagaman ndinoda kumudzidzisa chidzidzo chaasingafi akakanganwa" "Hauzonetsani na baba vako nenyaya iyoyo?" "Handina basa nazvo ini kunetsana kana kusanetsana Lagaman ndichamuisa panzvimbo pake. You know what rega ndibve ndatoenda Kuna baba manje" ndakadaro ndichisimuka ndichienda mu room ma baba. Ndakasvika ndikakumbira kutaura na baba tichibva tanomira pa passage "Chii Davula? Ukudei?" "Ndinoda kutaura nemwi baba" "Watadza here kundimirira kusvika mangwana?" "Baba maona here zvandaitwa na Laga?" "Wanga uchida kuti ndiite seiko?" "Baba munoziva zvamanga muchifanirwa kuita. Mabva matondibata pandanga ndichida kupedza naye" "Davula ndine zvinhu zvakawanda zviri mumusoro mangu Davula iwe unofanirwa kuva focus panyaya dzevasikana" "Baba munoziva zvinhu zvose zviri mugwara, hanti kutaura nyaya dzebasa muri kutiza nyaya ya Laga asi iye ndichamubata chete" Zvichakadaro mhamha vakabudikira vachiuya kwatiri "Ndiani manje akuitirwa musangano?" Mhamha vakabvunza "Mwana wenyu Lagaman hanty maona zvaandiita nezuro" "Anga akadhakwa Davula Siya mwana ahh " "Ohh saka anga akadhakwa kuti aite madiro pandiri" "Bothy munin'ina wako Davula haungamboiti revenge pamwana" mhamha vakadaro "Nguva yose hapana zvamataura nekuti ndakuda kuita revenge makutanga kutaura" ndakadaro Mhamha vakatarisa Mhukahuru "Mhukahuru kubva wanyarara chiiko?" "Chii chandinofanirwa kuita? Ndine zvinhu zvakawanda ini mupfungwa dzangu kuti ndingateerera zvinhu zvekupenga izvi" baba vakadaro "Okay kana zviri zvekupenga no problem asi handizodi meeting kana ndaita zviri mupfungwa dzangu" ndakadaro ndichitendeuka ndichienda. Handina kuenda chero mu room mangu. Ndinoda kumbofurwa nemhepo. Baba havandiiteereri kana ndichitaura zvinhu zvinobva mumoyo mangu Tanisha I wonder Lagaman achamuwana sei munhu Ari kungondisendera ma gifts I'm tired naye, this time akatuma vanhu vake handitori. Ndakatora foni yangu ndichida kufonera Laga asi akabva atondifonera "Butterfly" Eish Laga anondidana zvinotekenyedza. Kana achindidana nezita iri ndinonzwa ndave kunyika yangu ndega "Wamuwana here munhu Ari kusenda ma gifts" "Uri kumhanyirei?" "Ndinotya Laga what if pachizoitika something bad kwandiri.?" "I understand Butterfly haudi here ndimbobuda newe out timbonodya ma ice cream ndovaziva zve vakadzi vakawanda vanofarira ice cream " Ndakayerekana ndakunyemwerera "Kunge uri kureva ini, ndoida sei ice cream " "Okay be ready ndichauya ndichikutora " Takaonekana ndichibva ndaenda kunogeza ndichitora outfit yangu. Rega ndimbomira kufunga zvema gifts andiri kusenderwa ndimbo enjoyer my life. Mwedzi uno wanga uri mwedzi wangu wekuchema I'm tired now. Ndapedza ndakaenda Kuna Mamoe mu room make ndikamuudza ndiri kuenda na Laga "Hezvo mukoma ve skorokoro vari kuhwina ka moyo wako?" Mamoe akadaro Ndakaseka ndichimuoneka ndichienda. Ari busy nema book echikoro this days nguva yekutamba haana shame. Pandakabuda ndakawana Laga atondimirira "Hey Laga" "Butterfly you're so beautiful" "Thanks you too" ndakadaro akanditarisa achishamisika "Shuwa here?" "Yes" "Ohh thanks darling today you make my day chero ndikazotsamwa hangu asi ndambofara" Ndakaseka "Uri kumuwana here?" "Relax ndapedo nekumuwana" "Shuu I can't wait ndanzwa ne stress" "Usabvumira kutongwa ne stress but" "I'm trying but ndikutadza kuzvi controller" "Ramba uchizama" Laga akadaro achinditarisa achinyemwerera achimotsa mota ichienda kwandisingazivi Mhukahuru Ndaiva ndakagara pa pool ndiri kure nepfungwa. Ndaingoyerekana ndanyemwerera ndega. Kuti zvingandiita here ndachembera kudai? Aewa anenge ari mashura zve. Mwana uyu mudiki kani, asi mazi feelings andinawo paari ari deep. The first time ndichimuona handizivi kuti chii chakaitika mumuviri wangu. But it's possible to fall in love kumunhu akura Seni. Mwana uya mudikisa Kani. Pamwe anoenzana na Letty or Lionah anotori muhombe asi ndiri kutsva naye Kani. Ndichiri kufunga kudaro foni yangu yakarira aiva Nkosi. "Nkosi" "Mhukahuru muri right?" "Kuno kuri right zvako kuri sei ikoko?" Kuno kuri right baba ndanga ndichingoda kunzwa kuti muri sei?" "Aewa ndiri right mwanangu. Ndingakubvunza something here?" "Ndakateerera Mhukahuru " "Zvinoitawo here kuti munhu akura Seni apinde murudo?" Akabva aseka "Ukusekei manje?" "Zvinosetsa zvamuri kundibvunza baba asi makupinda nemajombo murudo?" "Pindura mubvunzo" "Ehe zvinoita baba hamusati machembera zvekudaro ka" "Okay ndinotenda mwanangu " "Mukapinda murudo rwacho Mai vangu vasarwadziwa musare mushe Mhukahuru " "Okay mwanangu " ndakadaro tichionekana ndichienderera mberi nekufunga nyaya dzangu Lagaman Ndakachaira nzira yose uku ndichingoyeva Tania, shit I love this woman maan. Asi chinhu chinondi stresser ndi Mhukahuru. Anoda kumudii manje Tanie. Pamwe anoda kumuitisa mabasa akaipa who knows pamwe ane business rekushandisa vasikana. Nehutsinye hwake Mhukahuru haangamboregi kuva naro. Ndinofanirwa kumudzivirira Tanie. Akauya pano kuzoshanda kuti achengete mbuya vake, Saka handingabvumi kuti amuite chero chii zvacho. Takasvika kunotengeswa ma ice cream Tanie akafara zvakanyanya. Ndakamutengera ice cream tichibva tanogara pane imwe park "Uri kufungei?" Tanie akabvunza, ndakatura befu "Unoziva pane chinhu chinhombe chandinofanirwa kuita asi handizivi kuti ndichatangira papi" "Chakaita sei" "Chimwe chinhu asi chinorema but I have to do it to save someone " "Laga wakundityisa manje" "Aewa hazvityisi asi pane munhu wandofanirwa ku saver hupenyu hwake " "Kana uchifanirwa ku saver life yake zviite as long iwe uchiona iri solution iri right" "Hmm " ndakadaro ndichimutarisa Tanisha Kubva zvandakasvika mu Harare handisati ndambova nezuva rakadai ndanga ndichiraramira kuchema chete asi nhasi Laga aita zuva rangu kuti rive nemufaro. Ndabva ndatokanganwa nhamo dzangu dzose. Now tiri munzira kudzokera kumba ndiri kungomutenda nonstop nezvaandiitira but ndikumuona Laga haasi right uye mutoro waakatakura unenge unomuremera Uri kufungei?" "No hapana ini ndiri kufara nhasi kuti finally wazobvuma kubuda neni out" "Okay" Takasvika kumba kwangu akandivhurira door remota ndichibva ndabuda "Thanks" ndakadaro "Neniwo ndinotenda zvakanyanya kuti wasiya zvose zvawanga uchiita ukandipa nguva Yako thank you so much " Laga akadaro achindiswededza paari achindihaga. Akandihaga kwenguva yakareba Hug yake iri warm zvekuti kana uri umwe unoramba wakati kwati kwati kwati paari. Ndakasuduruka paari asi iye akaswedera pandiri achindibata maoko huso hwedu huchitarisana. Handizivi chii chakaitika asi ndakaona miromo yedu yagumana tichikisana. Takakisana kwe 5 minutes. Ndakavhunduka ndichibva paari "Sorry" ndakadaro ndichifuratira ndichimhanya ndichipinda mukati. Iye akasara akangomira ndakapinda Mumba ndiri bara "Hayi hayi cuz chii manje? Asi waona chipoko?" Mamoe akabvunza achiseka "Mamoe paita problem pano ndaita zvimwe . Ndakisa Laga I mean ini na Laga takisana" Mamoe akapera nekuseka "What?" Mamoe akabvunza achinodongorera pa window achipera nekuseka "Hezvo mukoma skorokoro havasati vaenda aewa wavapa kiss yakakora muto" Mamo akadaro achiseka "Mamoe shuwa uri kuseka ini ndiri munyatwa " "Nyatwa yeiko newevo asi wauraya munhu?" Mamoe akabvunza "Handina kuuraya munhu asi ndakisa Lagaman. Elvis haasati ava nemwedzi akashaya asi ndakuita chihure" "Haa Tanie ka. Chihure chei ipapa? Iwe na Elvis hanti manga musati machata"Mamoe akadaro achinditarisa achiseka "Wow you're in love cuzy ndakavaona chero Mbuya kuti vanomufarira" "Will you shut up?" Mamoe akapera hake nekuseka "Kuti ndi Mr skorokoro hazvirevi chinhu izvo rudo ndiro runotaura. I know when it comes mabasa enyu hamufitani asi izvo hazvina kukosha as long pane rudo nemufaro " "Argg you not even helping " "Unoda help yeiko my sister?" "Yekuti ndiite sei" "Mufonere umuudze kuti uri kunzwa naye uye kiss yamaita yanga iri real" "Argg" Mamoe akaseka achinodongorera zve pa window "Yowee achiripo I'm sure akamirira mbasera ye kiss" "Hayi Mamoe anoziva zvaakamirira haana kumirira ini" Ndakavhunduka foni yangu payakarira Ari Laga "Daira zve"Mamoe akadaro achiseka Ndakadaira maoko achibvunda "Hello" "Please come outside " Ndakatarisa Mamoe akabvuma nemusoro "Okay" ndakadaro ndichikata foni "Mamoe" "Hayi enda maan ndiwe wakazvitangira wega" Ndakapesvaira ndichienda kwaari Handizivi kuti ndichati kudii kwaari. Aiva akamira akazembera mota akapesanisa makumbo "Ahhhm" "Uri kubvundei?" "Zvinhu zvataita I mistake " "Zvipi izvozvo?" "Argg this guy will kill me "Kiss yataita yanga iri mistake" ndakadaro ndichipeta maoko ndichitarisa pagedhi ndichida kuenda "Ndinokumbira tipamhe zve mistake yataita" Ndakarohwa nehana ndichitendeuka ndichimutarisa. Akanyemwerera akanditarisa "Can we repeat the mistake again? Ndiyo mistake yandinoda uye yandinofarira pama mistake andakamboita" Laga akadaro achiswedera pandiri haa never ndakatendeuka ndichimhanya ndichipinda mumba. Akasara achiseka achipinda mumota Tinashe Nhasi tambofara na twin wangu, tabuda out tiri vaviri tichiwedzera hedu bond yedu, sevanhu vakagumana kare. Taitaura nyaya dzakasiyana tichirangaridza zvinhu zvataiita tichiri vadiki. Tinaye akabuditsa necklace muhomwe achindipa "Chipo changu chandiri kukupa" "Haa broe ko newevo uri romantic kudai?" Ndakabvunza ndichiseka "Unopenga iwe" Ndakamutarisa ndichibva ndamuhaga "Ndanga ndisingazvitarisiri. I'm sure pazvipo zvose zvawakandipa this one is the best" "Thanks to hear that chero ndisisipo pedo newe uchagara uchindionera pa necklace iyi" "Hazvingamboitiki izvo this time handingabvumi kuti vatiparadzinise this time ndicharwa." "Pa necklace iyi pane bond redu ndipo pauchandoonera. Ndanga ndichishuvira kukuona wave pa level rawaigara uchishuvira" "Hayi maan uchandichemedza" ndakadaro tichiseka "Thanks broe ndanga ndisingazivi ini kuti machinda anotengerana zvipo, ndakuzozviita neniwo " Tinaye akaseka tichipinda mumota tichienda kumba Lagaman Ndaiva ndakagara mu room mangu, ndichangobva kugeza huso sezvo ndanga ndichichema, apa maziso akatsvuka piriviri. I don't believe kuti ndini ndiri kunoita zvinhu zvakadai. Ndikuuraya munin'ina wangu nhasi? Why ndichifanirwa kuita zvinhu zvakadaro? Zvinhu zvandiri kuita ndicharwadzisa family yangu. Kana vari samhamha handitauri. Ndave ready kuenda asi moyo haubvumi kuti ndibude pamba pangu. Mhukahuru vakabva vafona ndakadaira "Kwasarirwa 30 minutes" Ndakabuda ndichinopinda mumota ndichienda kumba. Ndakawana munhu wese arara, ndakananga muroom ma Tinaye, ndakawana asina kuvhara door ndakapinda mukati. Ndakavhunduka paakamuka "Broe" Tinaye akadaro "Ahhm boy sorry ndaona door rakavhurwa" "Aish ndakanganwa kurivhara" "Okay good night" ndakadaro ndichida kubuda "Hey zvandakuona kudai ndichakuona zve svondo rinouya ndakutengera something " Tinaye akadaro achibuditsa wachi "Watch boy?" "Yes ndaiona ndikaona yakafita iwe" "Thank dude" "You're welcome broe I love you" Misodzi yakajenga kumeso kwangu "I love you too boy" ndakadaro ndichibuda nekuti misodzi yaiva yakuyerera. No ways I can't do this. Handingaurayi mupfana wangu ini. Ndakaenda kumba ya Mhukahuru yaanoitira mashiripiti ndakamuwana akagara "Mhukahuru handingakwanisi kuuraya munin'ina wangu ini" "Shuwa here?" Mhukahuru vakabvunza vachindiratidza rimwe room raiva nevanhu na Davula aivapowo "Ukarega kuuraya Tinaye vanhu avo ndikuvauraya" "Handina basa nazvo ini vanenge vasina kuuraiwa neni ka handingakwanisi kuuraya munin'ina wangu ini" "Usandipengesa iwe mpfana" Mhukahuru vakadaro vachindidhonza vachienda neni mu room mavo. Ndakavhunduka pandakawana umwe murume anovashandira akagara pa corner ye bed akabata pfuti apo mhamha vaiva vakafa nehope. "Mhamha!!" Ndakadaro ndichida kuenda kwavari asi Mhukahuru vakandibata ruoko "Mai vako havambomuki manje ndavanwisa mapiritsi ekurara. Asi ukaramba kuita zvinhu zvaunofanirwa kuita ndinovauraya. Yes ndinovada Mai vako asi kuvauraya hakunganditoreri ma seconds tiri kutaura nezve Mari enda unouraya Tinaye zvipere zvose izvi" Misodzi yakayerera pandiri "Ndinokumbira usadaro Mhukahuru at least tsvaga umwe achaita izvi, handingakwanisi ini kuuraya munin'ina wangu" Vakadhonza trigger vari vaviri vachitendeka mhamha nepfuti "Fine I will do it" ndakadaro ndichidzokera mu room ma Tinaye. Ndinovaziva baba vangavauraya mhamha zvigoshaya basa futhi. Nazvino Tinaye haana kuvhara door. Ndakapinda mukati apa aiva akafa nehope.. misodzi yakaita hwerwizi pandiri "I'm sorry boy" ndakadaro ndichikwira pamsoro pake ndichimubata muhuro ndichimudzipa. Akaedza kurwa asi izwi haringabudi nekuti ndiri strong kudarika iye Apo aiva asingaoni kuti ndiani. Akaedza kurwa asi akatadza kusvika anyarara kuti zii. Ndakamudzipa kusvika ndaita sure kuti zveshuwa afa. Ndakamusiya ndichibata musoro ndichichema "I'm sorry boy kuti kwakasharwa ini newe kuti tiite zvinhu izvi. Dai ndarega kuzviita family yedu yanga ichauraiwa yose nevamwe vanhu vasina mhosva. Handizivi kana uchinzwisisa zvandiri kutaura asi ndinokumbira kuti unzwisise please. Zvinhu zvandaita pauri handifi ndakazvikanganwa uye handifi ndakazviregerera. Ugare uchiziva kuti ndinokuda boy" ndakadaro ndichigara pabeb ndichibata huso ndichichema Mhukahuru vakapinda "Unopenga iwe Lagaman? Wakagarirei ipapo? Simuka, handiti unoziva zvatinofanirwa kuita manje" Mhukahuru vakadaro vachindidzikisa pa bed tichitora Tinaye tichienda naye muimba ye mashiripiti End of chapter