Chapter 12 Tanisha Ndakanzwa nzeve dzangu dzichiita maungira nezvinhu zvandaiva ndanzwa. No maan. Pamwe amuuraya neimwe nzira kwete aenda kwaari akamuuraya . Laga akamhanyisa mota zvekuti ndaiva ndakutya njodzi "Lagaman" haana kundipindura asi akatowedzera speed "Lagaman!!!" Akanditarisa "Misa mota" akabva aimisa "Ndichachaira. Haungachairi wakadai." Akanditarisa achishamisika. Ndakabuda mumota ndichigara kunzvimbo ya driver iye akagara kwandanga ndakagara. "Ndinokumbira undipe ma directions ekumba kwako. " Akabvuma nemusoro achindipa ma directions. Ndakaiguma kare kuchaira asi ndinogona hangu. Handingakundwe nechinhu chisingatauri ini. Ndakachaira tikasvika kumba kwake. Ndakashamisika ndichiona suburb yemusha. Akandinyebera Laga pandakamubvunza kuti kune kwaanoshanda here. Kombi yaaiwanzouya nayo kuzonditora ndakaiona yaka parker pa garage..ko neyi akandinyebera Takapinda Mumba, nzira yose iyi anga achichema. Ndakamubvunza kitchen akandiraira. Ndakamucherera mvura ndichiuya ndichimupa "Thanks" Ndakagara pedo naye. Akanditarisa nehuso hwaipisa tsitsi "I'm sorry nezvinhu zvandakuudza" "Ndinoda kunzwisisa nyaya yose" "I don't know Tanie asi ndiwe munhu wandaona uchibvira kuti ndikuudze nyaya iyi. I can't live like that. Ndinoziva kuti mutoro uyu wandirikukuudza" "Trust me as long une reason yezvawazvaitira I won't judge. Handisi munhu anobvumirana nehumondi ndinga maker sure kuti munhu wacho afire mujeri asi parizvino I'm shocked chero chii chawaita handifungi kuti ndingakusungisa" Akanditarisa achishamisika "Ndiudze zvaunoda kundiudza" "Ndini ndauraya Tinaye" Ndakavhunduka zve nekuti ndanga ndichifunga kuti achachinja statement "Neyi wauraya munin'ina wako" "It's a long story Tanie asi zvinhu zvandaita ndaponesa family yangu munjodzi. Ndini ndega ndinoziva nyaya iyi pavanin'ina vangu havana zvavanoziva asi madzikoma angu anoziva zvose. "Neyi wauraya munin'ina wako?" Akanditarisa kwenguva misodzi ichingoyerera "Ndivimbise kuti zvichava pakati pangu newe" "Sezvandambokuudza Laga. Secret Yako uri safe pandiri" Mhukahuru haasi munhu wamunofungira kuti Ari. Murume uya ane hutsinye hwakawedzerwa" Laga akadaro achindiudza nyaya yose Hezvo mukomana uyu angandiudza nyaya dzekumba kwavo dzinotyisa kudai. What the f**k is that? "Ndanga ndisingadi kuzviita Butterfly asi ndanga ndisina choice nekuti family yedu yose yanga ichafa nevamwe vasina mhosva. Ndinozvishora Tanie dai ndisina kuzviita tafa hedu tose " Ndaiva ndakubvunda muviri wese. Nyaya yose iyi. "I love you Tanie ndakatanga kukuda zuva rekutanga rawakasvika naro mu Harare ndakakuteverera ndikaona kuti uri kuzoshanda Kwa Mhukahuru that's why nguva yose iyi ndanga ndichiti usiye basa nekuti handizivi chii chichait--" "Tinashe anoziva nyaya dzose idzi?" "Sezvo ndambotaura vanin'ina vangu hapana zvavanoziva usu vakuru tisu tinoziva zvose" "No I mean anoziva here nezve mari yeropa yekumba kwenyu" "Haazivi uye handizivi kuti ndotangira papi kumuudza " "Asi hauzvioni here kuti uri kupinza vanin'ina vako munjodzi" "Hapasisina zvichaitika sezvo ndaita Izvi Kuna Tinaye" "Asi unofanirwa kumuudza nezvemu twin wake achanzwisisa nekuti muri close naye" "Chero tiri close asi haanganzwisisi kuti neyi ndaita izvi asi ndinenge ndakutomuuraya chaiko " Ndakamuhaga "Chirega kuchema manje zvichadarika" "I know it's hard but ndokumbirawo usiye basa kwaMhukahuru ndichakubatsira kutsvaga rimwe basa nekuti handizivi anodei kwauri" "Ndakamutarisa ndichishamisika "Watii?" "Ohh handina kuzokuudza kuti ndiani aitumira ma gifts ndiye Mhukahuru" Ndakavhura maziso "Sir here?" ,"Yes" Ari kudei kwandiri manje Mhukahuru? "Handina kuti pane zvakaipa zvaanoda kukuita asi ndikuzvibvunza neyi achiita zvaari kuita uye neyi asingadi kuonekwa" "You almost tell me everything Saka ndokumbirawo undiudze zvose. Ndiye here akauraya Elvis? Ndiye akuuraya vanhu?" "I'm sorry asi ndaitya kukuudza" Misodzi yakayerera pandiri "I'm so sorry butterfly another thing ndiri kushanda ndiri laywer asi baba vangu havaridi basa vanogara vachindi blackmailer nevanin'ina vangu kuti ndikasasiya basa vanovauraya, ndizvo zvakazoita kuti ndibve pamba paya nekuti zvinhu zvose zvikuitika pamusha paya handizvidi ini" Yes zvinhu zvaari kundiudza zvinorwadza asi kwaari ndinoona zviri wesi. "Chirega kuchema ucharwara" "Handikwanisi kutarisana ne family yangu. Iri kuchema manje nekuda kwangu. Ndakavavimbisa kuti ndichavadzivirira asi ndatadza" "Aewa hausiriwe wauraya Tinaye asi ndi Mhukahuru " Ndakaona kuti anofanirwa kumbozorora ndakamubatsira kusimuka achienda mu room make ndimubatsira kurara. Ndakatarisa pa coffee table ndikaona pane mapiritsi akanzi sleeping pills Akurarama nemapuritsi ekurara nekuda kwenyaya yose iyi "Hazvisi right kunwa mapiritsi aya everyday" ",Ndiwo ega anoita kuti ndikanganwe nhamo dzangu "Ndichagara pano kusvika wamuka " Akabvuma nemusoro achibva arara. Manje nguva dzakuma 8 Laga aiva akangorara foni yake yakarira Ari Tinashe ndakadaira ndikamuudza kuti mukoma wake akarara. Eish saka ndakufanirwa kugara ne secret iyi kusvika awana solution yekurwisana ne situation yaakatarisana nayo. Hapàna wandichaudza chero Mamoe chaiye . Ndinomuziva Mamoe anoyerekana ataura kwete kuti anenge achiudza someone asi patinenge tichitaura nyaya kwaari zvinongobuda zvega Lagaman Ndakapepuka husiku, pandakatarisa nguva dzaiva Kuma 3 makuseni. Ndakatarisa Tanie aiva akarara pedo neni. Ohh Saka haana kuzoenda. Handizivi kana ndaita mistake nekumuudza asi ndiye chete munhu asvika mupfungwa. Kubva zvandamuudza ndikunzwa kurerukirwa asi chero zvakadaro ndinoziva pandichasvika marwadzo achatanga zve. Ndichiri kufunga kudaro Tanie akabva amuka "Wamuka?" Ndakabvunza "Yah wakunzwa sei," "Ndizvozvo hazvo, iwe hauna nzara pane chikafu chandatenga" "Aewa ndiri right. Tinashe afona achikubvunza kuti hauuyi here? Ndamuudza kuti warara" "Okay thanks" ndakadaro ndichimutarisa "Handisi mhondi Tanie handina kumbobvira ndakafunga kuuraya munhu" "I understand and don't worry hapàna wandichaudza" ,"Thank you and I'm sorry kukusengedza mutoro wangu" "You're welcome. Saka ukufunga kuita sei nezvinhu zvose Izvi?" "Parizvino musoro wangu uri empty asi kana funeral yapera ndichaona kuti ndichaita sei" "You will be fine usanyanya kufunga" Tanie akadaro achindihaga Tanisha Mangwana makuseni ndakamuka Laga akarara ndichibva ndanomugadzirira breakfast. After some minutes ndaiva ndapedza naiyevo akauya atogeza ndichibva ndamupa chikafu akamboda kuramba achiti akaguta asi ndakatoita zvekumumanikidza kuti adye. Tapedza akadarika achindisiya kwandogara achienda kumba kwavo. Ndakawana Mamoe akandimirira. Munovaziva sisi vacho dzungu Kani. Pandakazomuudza kuti Laga haasi driver wekombi yowee aka screamer achindihaga. Ndakaseka ndichienda mu room mangu. Ndakasvika ndichizvikandira pa bed ndichifunga zvinhu zvese zvandaiva ndaudzwa na Laga. But why ashara ini kundiudza zvinhu zvose Izvi. Anondivimba zvekudaro here kuti andiudza nyaya dzinotyisa kudai. Manje baba vake vakudei kwandiri? Asi vanoda kundiita sacrifice sezvavakaita Elvis? Mudhara uya ndiye akatora mufaro pandiri. Dai asina kuuraya Elvis dai ndiri happy. Now I see ndiye akuuraya vanhu. Anofanirwa kuwana zvakamuringana asi ndichazviita sei mwari wangu. Uku basa rangai ndinorida kuti ndingarisiya. Ko Kuna mbuya ndichati ndasiirei Week later Nhasi izuva rekuvigwa Kwa Tinaye. Handidi kunyeba moyo wangu ukurwadza zvakapidzwa. Kunyanya pandamuona Ari mu coffin. Ndakaenda mu room ma Mhukahuru. Ndakamuwana achichinja kunge pasina zvikuitika. "Are you happy?" "Happy neyi?" "Musanyebera kusaziva Mhukahuru. Rimwe zuva pfuma yenyu iyi ichapera" "Tichaona tasvika ipapo mwanangu iwe rako basa wapedza" "Asi handifi ndakakanganwa zvamandiitisa" Zvichakadaro foni yangu yakarira aiva Tanie aindiudza kuti vari pa gedhi. Ndakabva ndatobuda ndichienda kwaari aiva na Mamoe. Takamhorosana ndichivaendesa Kuna Letty ***** Tiri kumakuva hapana chandambotaura chero pandanzi ndinooneka Tinaye ndangosvika ndichiti I love you. Ndakaona mhamha vachichema zvairwadza ndakaenda pavari ndichizama kuvanyaradza. Zvichakadaro Letty akabudikira neumwe musikana. Akandidanira pa side "What happen?" "Uyu anonzi Shalom" "Yes" "Mwana waakabata ane 3 hanzi ndewa Tinaye"... Moyo wangu wakaita seukubaiwa netsono "Huh?" "Ehe Tinaye akandisiya achiti akushanya kuno Saka ndaingoedza kumufonera foni yake isingapindi ndipo pandazonzwa nyaya dzinorwadza" shalom akadaro achichema. Ndichamutarisa sei shuwa mwana wake kana akura paachabvunza nezva baba vake Year later Tanisha It's been a year now Kubva zvakaitika mashiripiti ekwa Mhukahuru. Life iri kuenderera mberi. Ini na lagaman tiri ma friends chete nothing more. Yes rudo rwavepo asi ndikururwisa nekuti handidi chinhu chinondisanganisa ne family iyi. Yakatakura zvikukuti handidi kuzviswesedza pairi. Chandikungoda chete pavari I justice for Elvis. Nazvino tichiri kutsvaga chinhu chingaita kuti mhukahuru afire mujeri asi hapana chatati tabata Mwedzi uchangopera Saka tashanyira mbuya kumusha na Mamoe. Mamoe akapedza chikoro akutsvaga basa. Ndakamuka makuseni ndichigadzira breakfast Mamoe akabva apinda "Big sisi" "Hey Mamoe unorara this days yoo" "Ndinoda kukura ka" Ndakaseka. "Une pamuviri" "Ndiani iyeye angaita chivindi chekunhumburisa the big mafia" Ndakaseka "Tinashe" Mamoe akapera nekuseka "Whuu shame handidanani na Tinashe ini tikuita inonzi friends with benefit " "Unoziva zvinhu zvamukuita hazvisi right. Apa munongokwirana musingashandisi protection " "Ewu ewu ewu muzukuru wa Mazinyani ndine. Nzara ini " Takaseka tichigadzira chikafu. Zvichakadaro Laga akafona takataura nyaya dzehu friends tichibvunzana hupenyu . Tapedza takaonekana. Mamoe akamboda kukura musoro achiti hee ko neyi tisingadanani na Laga what what ndakamuudza kuti ngaadzikame ini na Laga hatifi takadanana. Yes rudo ruripo haro asi ndikafunga nyaya dzekumba kwavo ndinopindwa nechando Lagaman Kubva zvakaitika mugore rapfuura handina kumbobvira ndakawana mufaro, asi now kufa kwevanhu kwanyarara it's been a year now hapana akambofa zvisinganzwisisike. Kimberly Kubva zvaakauya ane 3 months Mai vake vakamusiya vakati havangaregi kuenderera mberi nezvidzidzo zvavo Saka ndakamutora ndikugara naye as mwana wangu iye anoziva ndiri ini baba vake. Pese pandiri naiyevo anenge aripo. Now ndakugara kumba nekuti ndinoda kuzviswededza Pana Mhukahuru kuti ndiwane chinhu mupinza mujeri Ndakapepuka Kim akagara pasofa achitamba ma game nefoni yangu. Ndakakwesha mazino tichibva tadzika downstairs. Breakfast yaiva yatogadzirwa. Mhukahuru na mhamha vakaenda ku Nigeria and vari kuuya nhasi. Shit mhuka iyi ikuuya apa pamba panga pachigarika asipo. I wonder chii chaanga anoita ikoko. Ndinomuziva Mhukahuru hakusi kushanya kwega asi pane zvanga zvanoitwa na Mhukahuru. Ibhinya riya asi mazuva Ake ave pedo hawo. Ndichamubata panonaka chete. Ndinoda kuti afire mujeri. Ndoda kutanga nda destroyer evidence yangu yose iri paari nekuti akangosungwa neniwo ndinosungwa Tanisha. Nezuro ndafamba zvakanaka nhasi izuva rangu rekuenda kubasa. Mazuva ano kubasa kwanga kuchinakidza Mhukahuru asipo I wish dai agara asipo. Ndakanokwira kombi ndichienda kubasa. Ndakasvika ndikananga ku office kwangu. After some minutes ndakanzwa knock pa door. Ndakaenda kunovhura. Ndakavhunduka pandakaona ari Mhukahuru. Ohh kwauyiwa kwanga kwaendwa. Ndakatanga kutya pandakarangarira zvinhu zvandakudzwa na Laga asi ndinofanirwa kushinga. Ndakanyebera kunyemwerera "Morning sir" ndakadaro "Morning how are you" "I'm fine sir how was your journey" Mhukahuru vakanyemwerera "Aewa hapana chakashata chakatiwira. Aewa maishanda zvakanaka ndisipo ndinotenda zvakanyanya" "Aewa musatenda ibasa redu" "Pane zvinhu zvandinoda kutaura newe zvakakosha " Hana yakarova ndichibva ndatarisa pasi Kuti asandione kuti ndakumutya "Ndakateerera sir" "Hatingatauriri pano. Ndichatuma mota ichauya kuzokutora ikuendese kwatichanotaura" Ndakavhura maziso. "Hey hey usavhunduka hapana chakashata okay. Chete hazviiti kuti titaurire pano " Mhukahuru vakadaro vachibuda Ndakasara ndichitora foni ndichifonera Laga End of chapter