Chapter 30 . Narrated Laga paakandiudza kuti Tinashe akuuya kuzonditora ndakabva ndatochaisa kubasa ndikaenda kumba kunochinja. After some minutes Tinashe akafona achiti Ari pa gate Ndakabuda ndichienda kwaari ndichinopinda mumota. Takamhorosana chinhu chakandishamisa paari maziso aiva akatsvuka zvemunhu anga achichema, ukuwo Laga paandifonera anga achinzwikwa kuti Ari kuchema. Ndakapedzisira ndamubvunza Tinashe nekuti aingopukuta misodzi yaiyerera nonstop. Ndakapera Simba paakandiudza kuti Lionah ashaya. Ndakashaya chero remuromo. Takasvika kumba Mamoe na Letty vakagara mu sitting room Letty aichema. I understand marwadzo aari kunzwa shame Kana ndichiona munhu achichema ndinobva ndaifunga musi wakashaya baba vanhu Ndakanzwa sekunge ndangosara ndega panyika. Asi munhu akaita izvi kuna baba vangu handifi ndakamuregerera. Ndakatarisa Tinashe "Ari kupi Tinashe?" "Vaendesa Lionah ku mochari" Tinashe akadaro Ndakaswedera Pana Letty ndichimunyararidza asi ndaiita sendiri kutamba nekuti aibva atowedzera kuchema. Ndakaramba ndichingoedza kusvika anyarara.. Minutes later Laga na Tafadzwa vakapinda ,"Ini handichagari regai ndiende" Tafadzwa akadaro "Be careful shaar" ,"Don't worry" Tafadzwa akadaro achibuda achienda Ndakasara ndichiswedera Pana Laga ndichimuhaga so tight. "I hate my life" Laga akadaro achiyeredza misodzi. "Lionah afa nekuda Kwangu" Mhukahuru Ndikukwidza ndichidzika ndakamirira Davula ndamufonera ndichida kunzwa kuti Ari kupi. Ndinoda anyotso kundiudza kuti chii chikuitika. Ndikungozama kufonera Lionah ASI haisikupinda "Vhura foni my princess. Come on" Kuti ndizvo here zvataurwa na Mamlilo? Ndakafonera zve Davula asi kana kumbodaira Fuck Davula!!! After some minutes akasvika akazara ropa uku achiyeredza misodzi "Davula waitei?* "I'm sorry baba" "Sorry yeyi? Wamuuraya here Lagaman?" "Lionah asvika nenguva iri wrong ndatoregedza bara " Ndakamurova nechibhakera kumeso "Usada kundinzwa Davula!! Wati Lionah aitei? Wamuitei Lionah?!!!" "I'm sorry baba" Ndakamurova nekuseri kwepfuti achidonhera Pasi "Wauraya mwana wangu Davula? Wauraya Lionah?" Haana kundipindura "Lionah here? Ko mazuva ano wakugara uchiita zvinhu zvandisina kukutuma?" "Mhukahuru ndikutaura Wani Lionah abudikira pana Lagaman ndatovhurira bara," Ndakaregedza pfuti ichidonhera Pasi Misodzi ichitanga kuyerera pandiri "Lionah no no non not my princess " Mamoe Yah aya ndoanonzi marwadzo manje. Mhukahuru anga àchida kuuraya Laga Asi pazofa Lionah waanodisisa. Asi chiiko na baba ava? Ko neyi vanga vachida kuuraya Laga? Ko haasi mwana wavo here wavanga vachida kuuraya? . Ndakatora mvura ndichipa Tinashe aichema. Aiva asingabuditsi izwi asi aingoonekwa nemisodzi chete. Ndakamupa mvura uku ndichimunyararidza. Zvichakadaro foni yake yakarira aiva Kikie. Yakarira kusvika yanyarara apa yaiva yakazara ma missed calls ake. Ko haazivi here kuti kune situation yakadai kumba kwana Tinashe kubva afona kudai. Akaramba achifona kusvika ndakata foni Ini. Haana kumbomira ndakapedzisira ndadzima. Tinashe akapinda mumagumbezi achirara, 5 months later Mukomana wangu ari kukura, mhamha vangu vachiri kujeri tarisiro yekuti vachabuda haipo shame vakapihwa makore gumi nemaviri nekuzama kuuraya Mai vaTinashe naKikie. Tino akukambaira manje ini ndakadzokera kubasa chero hazvo ndakugara ndiri mumarwadzo Yes ndinoziva kuti ndakachata na Tinashe ndichiziva kuti haandidi Asi ndaifunga kuti achandida, asi yoo chaanongoda mwana wake chete. Ndakapedza kudyisa mwana sezvo achisara na Mbuya vake. Tinashe akapinda achibva ku bathroom kunogeza "Hausi late here?" Akabvunza "Aewa uye handingasiyi mwana ane nzara ndopa mhamha basa" "Okay" Ndapedza kumudyisa ndakamugezisa ndikamuchinja "Nhasi ndikunotora sudhu yangu Kikie naiyevo akunotora gown rake" "Okay mufambe mushe" ndakadaro ndichitora mwana wangu ndichienda naye Kuna Mbuya vake. Ndakasvika tichimhorosana ndichisiya Tino ndichidzokera mu room medu. Ndakasvika ndichitora ma files angu. "Ndakamirira iwe" Tinashe akadaro "Ndicha requesta" "Ndichiri early kubasa Saka ndichakuendesa" "Okay" ndakadaro tichinopinda mumota tichienda. Munzira ndaingomutarisa. I wish dai ndiri Kikie anodiwa nenzira iyi. Unoziva ndinogara ndichizvitarisa pa mirror kuti chii chikushota pandiri chinoita kuti Tinashe asandipa rudo rwaanopa Kikie. Asi ndinozokanganwa kuti runobva mumoyo kwete mupfungwa. Ndaita zvinhu zvakawanda Pana Tinashe ndichifunga kuti pamwe achanditora semukadzi wake asi no moyo wake uri Pana Kikie. Takasvika kubasa tikaonekana ndichibva ndapinda mukati ndichinanga ku office kwangu. Zvichakadaro pakabva papinda client yangu. Ndakavhura bag rangu ndichitora pain eeze ndichinwa, ko hanti ndakugara ndichitemwa nemusoro kubva Tinashe zvaakataura nezvemuchato. "Hey Mrs how are you?" "I'm fine zita rangu ndiColleta Shiri Nkomo ndauya pano nenyaya ye divorce" "Yes yaita sei divorce?" "Murume wangu ndiye anoda divorce nekuti akuroora umwe mukadzi zvinona akuda kunditorera mwana wangu izvo ndozvandisingadi" Colleta akadaro achichema Hey don't cry hapana Munhu achatora mwana wako I promise, mwana achiri mudiki anoda rudo rwamai" "Ini handina basa nekuti akuda kuchata neumwe mukadzi zvagara akatanga kare kundishungurudza neniwo handichadi Asi pamwana wangu apa ndopandisingabvumi" Story yangu inoda kufanana neya colleta yakazosiyana pakuti Ini Tinashe ndinomuda zvakanyanya apa iye haana basa ne divorce " Tanisha Ndakagara mu office mangu ndiri busy neamwe mapepa sezvo mangwana kune presentation, asi pfungwa dzangu dziri kuna Mamoe I wonder Ari sei, I know kutshukuthi anozvishingisa asi deep down moyo uri kuchema ropa. Ini chaiye ndikurwadziwa nekuchata Kwa Tinashe ko iye. Pandinochaisa pano ndichaenda kunomuona. Ndichiri busy kudaro Alex akapinda "Ukufungei kudaro Mai mhukahuru?" "Eyy ndine zvakawanda mupfungwa dzangu" "Ohh ndanga ndauya kuzokuudza kuti mangwana boss ve this building vari kuuya" "Ko neyi achitora nguva yakareba kudai asingauyi kuzoona company yake?" "Anga asipo aiva akaenda out of country nemukadzi wake" "Ehh vamwe zvavo, hamenho ini ndichaenda out of country when ne murume wangu" Alex akaseka. "Wait Kubva wati anga ari out nemukadzi wake asi havasi vabereki vako?" "Ndivo asi kwete ma biological. Changamire ndi bamkuru vangu vanozvarwa na baba vangu" "Ohh I see now Saka vachauya nemukadzi wavo?" "Handizivi" "Eyy dai akasauya naye, vakadzi ndovaziva ne attitude yoo" "But uya ari bhoo hake" "Let's hope so" "Asi anodherera" "Argg ndiyo attitude yacho ka" Alex akaseka achienda. Neniwo ndakasara ndichiita basa rangu. Nguva dzekuchaisa dzakachaya Laga akandifonera atosvika pagedhi. Ndakarongedza zvinhu zvangu ndichinopinda mumota. Takamhorosana ndichibva ndamuudza nezva Mamoe. Takazobvumirana kunomuona. Laga akamutsa mota akainangisa kumba kwavo Takapinda mukati aiva asimo mu sitting room ndakaenda mu room make ndkamuwana akagara pa bed. Zveshuwa Mamoe haasi right, akurarama nemapiritsi hanzi musoro wakugara uchirwadza. F**k you Tinashe Lagaman Mangwana makuseni ndakamuka ndichiperekedza mukadzi wangu ndakadzokera kumba ndichinogeza,ndapedza ndakaenda ku office kwa Tafadzwa. Andidana kuti ti trace number ya Mhukahuru na Davula. Kubva zvakashaya Lionah hapana anoziva kwavari. Takaedza kuvatsvaga everywhere asi takapedzisira taneta. Ndakazoisa ma security kumba Kwa Mhamha nekwangu Ndakasvika ndichipinda mu office make ndakamuwana ane umwe mukomana anofanana naye, I'm sure mu twin wake "Wauya? Uyu anonzi Takudzwa mu twin wangu then ari musikana akaroorwa. Taku ndi Lagaman uyu wandanga ndichikuudza nezvake" Tafadzwa akadaro "Ohh nice to meet you broe welcome Kwa Khanye" "Thanks dude" ndakadaro tichikwazisana ndichigara pasi. "Zvinhu zvandiri kuita ndiri ku forcer handizivi ndichazvigona here nekuti zvinoda vakadzidza. Asi vana Tafiranyika tongoziva pfuti chete" Tafadzwa akadaro aachiisa number ya Mhukahuru asi yakaita process kwenguva yakareba kusvika yati tracer not found "Shit!!" Tafadzwa akadaro "Vakangwara vañhu ava vanonyatsoziva kuti tichavatsvaga" ndakadaro "Yah asi Havana kungwara kudariks Ini maybe vakadarika imwi, Ini usandiverenga" Tafadzwa akadaro "Kana vakazvifunga kare this time vachangwara kukudarika " ndakadaro "Taffy zama iyi number tione" Taku akadaro Tafadzwa akaisa number ya Davula asi naiyevo yakaramba "F***k!!! Vañhu ava vachauya anytime sezvo muchato wa Tinashe uriko mumazuva anotevera!!" Ndakadaro "Don't worry apo hatimbotsvagi security, Khanye team inenge iripo nenyimo dzawo. Imimi mukati musununguke zvenyu hapana drama richaitika" Tafadzwa akadaro "Thanks dude" "Don't thank me maan uri wekwa Khanye iwe, tinewe everywhere " Mamoe Nhasi ndaswera ndiri busy kubasa ndakaneta yoo, at least mangwana handisi kuenda kubasa, asi chero zvakadaro ndofanirwa kuva busy murume wangu akuchata. Ndakasvika kumba ndikawana Tino na mbuya vake vachiona TV. Takamhorosana ndichitora Tino tichienda mu room medu. Ndakaisa Tino pa bed ndichivhura drawer nekuti ndaida kuisa ma files angu. Pane bepa rakadonha , munongozivawo nyaya dzinodiwa pandiri, ndakarinhonga ndichibva ndariverenga. Ndakavhunduka maoko angu achidedera. Pa bepa iri paiva pakanyorwa kuti Tinashe atenga imba ye Usd650K uye iri muzita ra Kikie. Saka atengera Kikie imba iyi ndiyo present yake yemuchato. Misodzi yakapisa kumeso kwangu. Ndakaedza kuidzora asi ndakatadza. Ndakadzosera bepa riya pa drawer ndichizvikandira pa bed ***** Handizivi kuti ndarara nguvai nekuti ndaguma ndichichema. Ndakapepuka ndakumutswa na Tinashe. "Mamoe" Ndakamuka, apa maziso angu aiva akurwadza. "Hey" ndakadaro "Kurara rudzii ikoku?" "Eish ndanga ndakaneta ndangosvika nekuzvikandira pa bed" "Ohh sorry maziso akatsvuka why?" "I think ndaswerera computer that's why?" "Ohh sorry " Ndakasimuka ndichienda ku shower ndichigeza, Tino aiva downstairs hamenho atorwa nani. Mhanha vaiva vatomugezisa vakamudyisa. Ndakamutora ndichiuya naye ndichimuisa pa bed pake ndichipinda pa bed ndichirara. **** Makuseni ndakamuka ndichibatsira vañhu kugadzirira muchato wa Tinashe. Mhamha na Letty vaingonyarara what what. Masikati foni yangu yakarira vaiva baba ndakadaira "Baba muri sei " "Ndiri right mwanangu ndiri worries newe Mamoe uri sei nezvinhu zvose zvikuitika?" "Baba handisi right. Ndoda kuuya kumba Ini handingakwanisi kugarira zvinhu zvakadai" "Handingamboti shinga nekuti ndinokunzwa Kuti hausi right mwanangu. Ndini ndakakonzera kuti uve pauri manje" "Aewa baba hamusirimi musazvipa mhosva" "Ndakakuisira pressure, dai ndaikutaudza ndikakuratidza rudo panguva iya hawaibvuma kuchata asi wakabvuma nekuti waida kufadza ini" "Aewa baba handina kuzviitira imi asi ndaiitira mwana, manje ndakuzviona kuti ndakaita a big mistake " "I'm sorry mwanangu ndinoziva kuti uri strong uchapfuura pazviri" "I'm not that strong baba. Zviripo zvinhu zvandingava strong asi izvi no" "I'm sorry mwanangu" Baba tichataura pane zvinhu zvandikuda kuita" ndakadaro ndichikata foni misodzi ichiyerera pandiri End of chapter guys handisi kunzwa mushe saka book hariuyi everyday kusvika ndave right Season 1 yedu yakuenda kumagumo