Chapter 8 Tinashe Musoro wangu uri kuita maungira handizivi chii chiri kuitika pandiri. Ndakapepuka ndakarara pabed paside pangu Pana mhamha na baba.pandaida kumuka mhamha vakandibata. "Hey boy uchazvikuvadza" mhamha vakadaro Ndakatarisa Imba yose chiiko chandamwa nezuro chinoita kuti ndisarangarira zvinhu zvaitika nezuro. Asi pane zvaitika chete "Wasvika pano wakadhakwa usingazivi kana zita rako" baba vakadaro "Ndinoziva kuti ndanga ndakadhakwa asi pane zvaitika nezuro" ndakadaro "Unopenga iwe mpfana wakutongwa nedoro. Lagaman ndiye ave kukudyisa mweya wedoro. Wakuuya husiku uchiita noise". Baba vakadaro "Hayi Mhukahuru musaisa Bothy munyaya iyi. Tinashe akura anogona kufunga ega zvekuti angaudzirwa zvekuita neumwe munhu" mhamha vakadaro "Ukangopamha mpfana kufamba husiku uchandiona mushe uri kundinzwa?" Baba vakadaro Handina kuvapindura "Ndati wandinzwa here?" Ehe baba ndakunzwai" "Good usiye kutaura zvinhu zvisipo" baba vakadaro vachibuda vachienda Ndakatarisa mhamha ndichivabata ruoko. "Mhamha handinyebi pane zvaitika nezuro asi handichazivi mhamha " "Wanga wakadhakwa mwanangu doro ndozvarinoita" mhamha vakadaro "Mhamha hakasi kekutanga kudhakwa nezuro, ko nei ndakanganwa zvinhu zvaitika nezuro?" Ndakaedza kurangarira asi ndakatadza. Argg chiiko neni? Nezuro ndanga ndisina kunyanya kudhakwa ini zvekuti ndingakanganwa zvinhu zvakaitika nezuro. Mhamha vakabuda vachidzoka ne coffee. Ndakanwa ndichingofunga zvinhu zvaitika nezuro asi ndakatadza kuzvibatanidza. Ndapedza mhamha akatora cup vachibuda. Letty akapinda "Yah chidhakwa?" "Letty please tell me chii chaitika nezuro" Letty akaseka Wanga uchidanidzira uchitiitira noise. Patasvika pawanga Wakafenda pa passage" No man Letty hapana here zvimwe zvaitika " "Hayi Tina siyana nedoro rimwe zuva uchakururira vanhu tikakunyarira isu" Letty akadaro achiseka neniwo ndakaseka asi moyo wairamba ku believer zvaitaurwa na Letty. Nezuro pane zvaitika chete. Kuti chii neniwo handichazivi. "Kubva wadikitira kudaro uri kufungei?" Handina kumupindura "Don't worry hauna wawatuka hauna wawadherera chako kufenda chete" "Ayy tsek man. Yah doro rave kundiramba manje" "Siyana nazvo mwana wababa zvine varidzi izvi" Zvichakadaro Davula akapinda. Wee shumba wee ndazvipari.. akasvika achindipa gwati rembama "Davula chiiko newe?" Letty akabvunza "Chii chawanga uchiita nezuro iwe mpfana? Takarara isu takufanirwa kumuka tichitarisana newe?!!" "Baba Havana zvavandiita pamusha pavo iwe wasvotwa neyi?" Ndakadaro "Unotaura nani uchidaro iwe mpfana!!!" "Broe chiiko?" Letty akabvunza Davula akanditarisa kwenguva achibva atendeuka achienda "Chiiko na Davula?" Letty akabvunza "Anodziwanza mbanje mukoma wako" "Watanga newevo hapana zvauri kuda here?" "No I'm fine thanks" Letty akabuda achienda Mhukahuru Ndaikwira ndichidzika mu room mangu, ndaipupuma nehasha. Nei mupfana uyu apinda mu room muya? Ko dai ndisiri ini ndatanga kumuona? Dai manje ndiri pane problem hombe. "Mhukahuru dzorai moyo hanti hapana zvaitika here?" Mamlilo akadaro "Hapana zvaitika? Unorevei kana uchiti hapana zvaitika?" "Baba ndaneta ini nehupenyu hwatiri kurarama tinosvikepi tochinyebera vana. What if zvinhu zvamaisa Tinashe zvinomu affecta mupfungwa?" "Hapana zvichaitika paari, mupfana uyu ndogara ndichimuudza Kuti asafamba husiku ndiri kuona Munhu, Munhu anomufurira" "Please baba musaisa Bothy nyaya idzi" "Ndiye akumufurira I think ndofanirwa kumushanyira ndimbotaura naye" "Tinaye ari kuuya nhasi?" Ndakavhunduka ndichimutarisa "What?" "Ndati mwana wangu ari kuuya nhasi mhukahuru " "Handiti unoziva ka Kuti nei asingagari pano?" "Handizivi uye handidi kuziva mhukahuru mwana wangu ari kuuya, Ari kutifunga nesuwo tiri kukufunga uye yave nguva yekuti agare ne family yake" "Saka hauzivi here kuti nei asingagari pano?" "Sezvo ndataura Kuti handidi kuziva" mamlilo akadaro achibuda achienda Ndakatora ma key emota ndichinopinda mumota ndichiirova yakananga kumba Kwa Lagaman. Lucky ndakamuwana akarara pasofa naiyevo akuonekwa Kuti doro richiri mumusoro. Paakandiona akamuka achigara "Ohh murikunakirwa zvenyu muri kunwa doro 24/7" "Mumba mangu ka uye mari yacho hatina kuiba " "Saka neyi uchiita kuti mwana wangu anwe doro zvekusvika pakuti andidherere?" "Tinashe muhombe pakuitiswa zvinhu anozvitorera ma decision aanoda" "Ndiwe maan unomuisa pfungwa dzako dzakaora!!?" "Mhukahuru uri kudei kwandiri?" "Tinashe auya kumba akadhakwa nezuro akaona zvinhu zvaasingafanirwi kuona" Ndakamuona achivhunduka achisimuka achinditarisa "Aonei?" "Hazvinei newe" "Ndoda kuziva kuti Tinashe aonei" "Zvakangofanana nekuti haana zvaaona nekuti haacharangariri chinhu" "Mhukahuru wakuda kupinza Tinashe muzvinhu zvako" "Ndauya kuzokuudza kuti siyana nekuisa Tinashe pfungwa dzako" "Tinashe munin'ina wangu Saka handingambosiyani nekuti iwe wataura" "Asi hanti unoziva kuti Tinashe wako anogona kufa pasina kana 2 seconds" Akatura befu achitarisa pasi "Chimwe chinhu Mai vako vandiudza kuti Tinaye ari munzira hanti unoziva zvaunofanirwa kuita. Va breaker ma rules angu Ndiwe unoziva zvaunofanirwa kuita" ndakadaro ndichibuda ndichienda Lagaman Ndakazvikandira pasofa ndichirohwa nehana. Ndakatora foni ndichifonera Tinashe "Broe" "Fotsek waitei iwe?" "Neniwo handizivi hanzi ndafenda" "Iwe uchiti kudii?" "Broe handipengi ini Asi pane zvinhu zvaitika nezuro" "Huya kumba kwangu Manje" "Ayy broe ndakaneta ini ndinoda kurara huya iwe" Ndakakata foni yangu ndichitora ma key emota ndichienda kumba. Ndakasvika ndichinanga mu room make. "Haa wasvika so fast?" "Nekuti zvinhu zvandinoda kutaura nezuro zvakakosha" "Wandimwisei nezuro?" "Tinashe vhara maziso u fokase pazvinhu zvakaitika nezuro undiudze Kuti uri kuonei" Tinashe akatsinzina kwenguva. Paakavhura maziso aka screamer "Nyoka!!!!!" Tinashe akadaro achijamba Jamba pa bed.. ndakavhunduka ndichimuseka Kuti asazvitora serious "Uri kusekei nekuti ndaona nyoka" "Idoro mpfana iri rinokuramba imwa masese usiyane nezvakawanda hapàna nyoka apa, pamwe waona bhandi so" Tinashe naiyevo akaseka "Hayi ndakuzosiya doro manje ini" Tinashe akadaro achiseka "Baba vako vari kupi?" "Handizivi ini hanti newevo ndi baba vako enda unovatarisa" Ndakabuda misodzi yakazara mumaziso angu. Tinashe ava kuzokuvara manje nezvinhu zvaaona. Ndakaona baba vakagara pa pool ndakaenda kwaari "My boy my boy wafunga kunditevera?" "I will do it" Vakanditarisa huso hwakazara mufaro "What?" "Ndichadeura ropa risina mhaka. Ndichaita zvinhu zvamunoda kuti ndiite" "Wakuratidza kuti uri mhukahuru manje. Ndodada newe mushavi" Handina kuvapindura ndakatendeuka ndichienda Handizivi kuti zvinhu zvandiri kuita zviri right here? No hazvisi right asi kudzivirira kufa kwevanhu ndofanirwa kuzviita. Mhamha muchandiregerera nemwi Mwari but I make up my mind ndinofanirwa kuzviita chero zvaita sei. Pandiva ndakudzokera Kuna Tinashe ndakasangana na mhamha. "Zvino iwe kana uchiuya kuno hauchandiudzi?" "Zvangondijuma mhamha pane zvandauya kuzogadzira" "Wauya kuzogadzirei Bothy?" "Ndezve varume mhamha" "Ndinovimba kuti hazvizokanganisi career Yako Bothman" "Aewa mhamha musatya. Ko imwi kubva mafara kudai kwakanaka?" "Munin'ina wako Tinaye asvika Ari mu town ndanga ndichinoudza Tinashe kuti aende kunomutora. Zvino zvawavapo muchaenda mose" "Okay ndichamuudza mhamha" ndakadaro ndichienda mu room ma Tinashe "Guess what?" "Handisi muporofita wenhema Ini ano guessa" "Fosek maan. Tinaye ari mu town" "Town yemuno mu Harare" "Yes tiri kunomutora manje simuka tiende" Akabva atosimuka ipapo" "Kana uchiti tiri, uri kurevei?" "Ndikufunga kuenda na Lionah na Letty timbonodya out" "That's good kwete ne harahwa Yako iyi" Ndakapera nekuseka "Letty tichadarika tichimutora kubasa" "Lionah?" "Ndambomunzwa achiita noise I think ari mu room make" "Lionah achatinonotsa ave kuzvipenda huso" "Hunogara hwakapendewa don't worry" ndakadaro ndichibuda ndichienda mu room ma Lionah. Paakandiona akandimhanyira achindihaga "Broe neyi usingadi kuzotiona?" "Iwe unouya here kuzondiona" "Hayi ini handidi kufamba pazuva ndinosviba " "Hoo ini ndini ndisingasvibi here?" "Iwe uri murume chero ukashata zviri bhoo" Ndakaseka "Tiri kuno grover here broe" "Something like that asi hatisi kuno groover" "Tiri kunodii?" "Tiri kunodya out just sema siblings " "Really?" Lionah akadaro achijamba achinanga pa wardrobe achibudisa mbatya dzake. Ndakaseka. Now I see zvinhu zvanga zvichitaurwa na Tinashe "Mukwasha sri kupi manje" ndakabvunza ndichiseka "Haasi mukwasha wako okay? Ndinokuziva uri kungoda kundidenha chete" "Aewa ndoda kuziva hangu" "Tarwa akaenda kumba kwavo" Ndakapera nekuseka "Okay hanzvadzi" ndakadaro ndichiseka "Waita lucky nekuti ndazvigadzira kare manga muchandimirira kwe hour ndichizvigadzira" "Haa wanga uchasara ahh" Lionah akaseka achitora bag rake tichienda Kuna Tinashe, takamuwana atova ready "Vana Letty ne Sunday kubasa vo futhi" ndakadaro "Unomuziva Letty anogara Ari busy, ati pane basa raasina kupedzisa ne Friday Saka aenda kunopedzisa" tinashe akadaro "Akasimba Letty ini zvekushungurudza muviri wangu handidi shame" Lionah akadaro "Irivo simbe iri" Tinashe akadaro tichiseka tichipinda mumota tichinotora Letty kubasa tichibva taenda ku town. "Tinaye paari akatitsamwira so" ndakadaro ndichimisa mota "Tinaye!!!!" Vakadaro pamwe chete "Ari kupi?" Letty akabvunza "Tiri kunomutora ku town" ndakadaro ",Ohh my gosh mukoma wangu ari cute" Lionah akadaro "Ini handisi cute?" Tinashe akabvunza "Nemahobi iwayo unoda kuva cute" Lionah akadaro takaseka "Ohh my gosh I don't believe Tinaye ari ku Harare?" Letty akadaro "You have to believe my sister aripo" ndakadaro ndichichaira ndakananga mu town. Ndakananga straight kwaaiva akatimirira Tanisha Ndikuedza kukanganwa nezva Elvis Asi ndiri kutadza. Kana ndakatarisa ring yaakandiisa misodzi inobva yayereera. Nhasi ndinoda kukurumidza kurara sezvo mangwana iri Monday. Nhasi zuva rose handina kumbofonera mbuya. Ndakatora foni ndichivafonera. Takataura vachindisimbisa kuti ndive focus basa Elvis aenda haachadzoki. Ndapedza kutaura na mbuya ndakanzwa knock pa door ndakasimuka ndichinotarisa Ndakawana pane murume wandisingazivi aiva akabata maruva "Ndingakubatsira nei?" "Ndatumwa kuna miss moyo" "Pana Miss Moyo vaviri pano" ndakadaro ndichidana Mamoe akauya achimhanya. "Pane munhu aunza maruva Kuna miss Moyo zvino ndamuudza Kuti Panana Miss Moyo vaviri pano" "Obvious ndeako mukoma hanzi uunze kunani?" "Tanisha Moyo" Ndakavhura maziso "Ndiani akutuma zvinhu zvose izvi?" "Ini basa rangu kutumwa ku deliver zvinhu handikwanisi kukuudza" "Ahh Tanie usada kumunzwa iwe hanti atumwa here?" Murume uya akandipa maruva. Mamoe aipera nekuseka. Apo paiva ne plastic pama flowers paiva pakanzi I'm sorry nezvinhu zvakaitika kwauri mamoyo wangu happy Sunday Ndakashamisika ndichivhura paperbag. Mamoe aka screamer. Aiva ma tekkie e Gucci "Who the hell is this?ndiani munhu anoita zvose Izvi?" "Hayi cuzy iwe dai uchifara maan unoziva here kuti ma tekkie Aya anodhura seyi?" "Handina basa nazvo ini. What if munhu wacho achizoda something in return. Ndichaiwana kupi mari yekumubhadhara" "Yah taura hako neniwo ndakutotya what if uchizopinda kunyatwa?" "Ndinozvishora kuti mari iya ndakaishandisirei ma tekkie aya handimboapfeki" "Tinofanirwa kuachengeta " "Ndiani munhu uyu kovo? Lagaman handifungi Kuti angakwanisa ku afforder zvinhu zvinodhura kudai" "Imbomufonera umubvunze" Ndakatora foni ndichimufonera "Laga" "Hey butterfly ndichakufonera ndichiri busy manje" Pandaida kutaura akabva akata foni "Akata foni hake mwana wekwa Zhou" "Ati kudii?" "Ati ari busy achandifonera back" "Ahh Saka ndiye" "Kuti kudaro?" "Look watumirwa zvinhu Lagaman haachadi kutaura newe ndiye" "Asi anenge aiwana kupi mari yekutenga zvinhu zvinodhura kudai?" "Anoshamwiradzana nemwana wembinga Saka obvious atomubatsira kutenga" "Yah wataura iwe ndi Lagaman aita izvi" "Weee uhhm Lagaman Mr skorokoro vari murudo" End of chapter