Chapter 6 Lagaman Haa kutamba 10-0 ndokwandaitwa manje na Tanisha. Neyi kwaitika zvinhu zvakadaro kwandiri? Apa ndanga ndamuplanira butterfly asi iye abva angocancela nema last minutes. Neyi asina kundiudza pachine nguva kuti haakwanisi kuuya. Pane kundiita zvaaita. Ndakatora foni ndichimufonera asi Haina kupinda. Ndakapinda mumota ndichienda kumba kwake. Ndinoda kuziva neyi aita zvinhu izvi. Ndiri munzira Tinashe akafona. "Broe iri sei date yako?" "Hapàna date apa" Tinashe akaseka "Why?" "Imagine Tanie a cancela pasarirwa 30 minutes from nowhere abva àti haachakwanisi kuenda. " "Hezvo why? Hapàna here imwe reason ine musoro yaataura" "Anditi kune kwaari kuda kuenda manje. Ndizvo chete zvaandiudza" "Hade broe" "Manje ndiri munzira kuenda kwaari ndinoda kuti andiudze kuti aitireyi zvaaita" "Haay broe wakubhayiza manje" "Kuti kudaro," "Yes broe dzokera kumba. What if kwasvika munhu we family yake iwe wozovarwisanisa" "Yah uri kutaura chokwadi. Ayy rega ndidzokere kumba" ",Good ndakaneta nedoro dai ndauya kuzokunyaradza" "Ko munhu anonyaradzwa nedoro here. Ita haudi chete" "Ndakaneta broe see you tomorrow " ,"Sho boy" Ndakachaira ndichienda kumba, ndakasvika ndichinanga mu bedroom mangu ndichirara nekuti handina imwe plan Tanisha Uhhm nazvino handiibvumi kuti Elvis andiisa ring. I can't wait kuudza mbuya vangu kuti ndaiswa ring and handingambovaudzi pafoni. Ndichamirira kusvika ndaenda kumusha. Yes Elvis andiisa ring asi ndaramba kurara naye, ndichiri kutya kuendesa humhandara hwangu. Manje ndakarara ndega iye haapo aenda ku meeting. Ndakatora foni yangu ndichifonera Mamoe. Ndikare ndichiedza kumufonera asingadairi manje nguva dziri kuma 6 "Iwe bitch ndikare ndichikufonera" "Sorry sisi ndanga ndiri kulibrary ndandakanganwa charger " Takazotaura nyaya dzakasiyana achindibvunza nezvemaruva ane Mari kuti haasi Elvis here ndakamuudza kuti haasi naiyevo akashamisika. Ndakazomuratidza ring pachigunwe sezvo ndaiva ndafona ne video call. Aka screamer nemufaro. Takataura kwenguva yakareba kusvika taonekana. Nguva dzekuti Elvis auye dzakachaya.ndaiva ndatogadzirira ndazogaya Elvis ndinofanirwa kumupa humhandara hwangu. Ndamunyanyira manje. Akawanda makore aya ndisingamupi humhandara hwangu. Pazvinhu zvaandiitira nezuro he deserve humhandara hwangu. Ndakamumirira kwenguva yakareba asingauyi ndakapedzisira ndarara. ***** Ndakamuka ndichitarisa nguva, ndakavhunduka pandakaona dzave Kuma 9 Elvis asati auya. Ndakasimuka ndichitora foni ndichiedza kumufonera asi yaiva isingapindi. Ko uri kupi Elvis ndaizvibvunza uku ndichizama kumufonera asi yaisapinda Ndakatanga kuva worried ndisisazive ndoita sei. Ndakaramba ndichingozama number yake asi aiva asingabatiki. Ndakapedzisira ndafonera Mamoe coz ndaiva ndave confused. Akadaira ipapo. "Mwanasikana asi bamkuru vanokubhowa kundifonera nguva dzino?" Handina kumupindura asi ndaichema. "Hey chii taura neni" "Mamoe Elvis haasati auya nazvino handizivi Kuti Ari kupi, anga achifanirwa kuuya kuma 6" "Hey hey calm down usachema okay. Look uno ziva here kwanga kune meeting yacho?" "Aewa handizivi apa foni yake haipindi" "Rega ndiuye ikoko tione Kuti tingaita sei" "Aewa ndini ndinofanirwa kuuya ikoko and ndakutya kunokwira makombi husiku huno pamwe apera" "Fonera Mr skorokoro" "Achabvuma here after zvinhu zvaitika" "You don't have choice. Ndinokumbira umufonere ndiye chete munhu achakubatsira" Ndakamuoneka ndichibva ndafonera Laga, akadaira same time "Hey I'm sorry nekukumutsa warara?" "Uri kundimutsireiko Butterfly coz ndakafa nehope ini?" "I'm sorry but I need your help it's agent" "Taura ndakateerera" "Ndinokumbira uuye ku the Meikles hotel kuzonditora" "Meikles hotel?" Laga akabvunza achiratidza kushamisika "Ohh no problem ndichakuudza kana ndasvika" "Thank you so much" ndakadaro ndichikata foni ndichiedza zve kufonera Elvis asi nazvino haisi kupinda foni yake. Ndakazofonera shamwari yake Elmon ndichimubvunza asi naiyevo hapana chaaziva akangoti amuguma achimuoneka achiti ari kuenda ku Harare. Pandakakata foni Laga akandifonera achindiudza kuti asvika. Ndakatora bag rangu ndichibuda ndichienda kwaaiveri. Akandivhurira door ndichipinda mumota "You so beautiful" "Thanks" "Ane lucky munhu wawanga wauya kwaari" Handina kumupindura misodzi ndiyo yaiyerera. "Chii asi pane munhu akuita zvimwe?" Ndakatanga kuchema "Ndi Elvis haasati auya" "Ndiani manje Elvis? Haasati auya kupi?" "Mukomana wangu" ndakadaro ndichimuudza nyaya yose" "Ohh shit sorry butterfly achauya pamwe pane zvinhu zvamunonotsa" "Even though foni yake aidzimirei? Anga achifanirwa kundifonera andiudze kuti ari kupi anonotswa neyi coz obvious anoziva kuti ndiri worried naye" "Ngativimbe kuti achauya butterfly chirega kuchema " Laga akadaro achindihaga kwenguva achibva amutsa mota tichienda kwandinogara After some minutes takasvika. Akandibata achipinda neni mumba. Mamoe paakandiona akandimhanyira achindihaga "Sisi" Mamoe akadaro "Ndinokumbira umucherere mvura" Laga akadaro tichigara pasi Mamoe akauya nemvura ndichibva ndanwa. Ndakarara pamakumbo a Mamoe, Laga aingotitarisa ring yangu "Ndinokumbira uite patience bamkuru vachauya cuzy" Mamoe akadaro "Hazviiti kuti andisiye achangobva kundikumbira kuti ndiite mukadzi wake" ndakadaro ndichichema "Please calm down butterfly" "Nzvimbo ino yakazara mhondo what if vamuuraya, ndichati kudii Ini kuvabereki vake" "Please cuzy usafunga izvozvo, Elvis achauya Ari mupenyu" Mamoe akadaro achindibhabhadzira musana Mhukahuru Davula haasati ambondi disappointa hona ndamuudza nezuro kuti kuri kudiwa murume we sacrifice zveshuwa amuwana, andifonera achiti ari munzira naye. Now ndakagara mu room mandinoshandira ndakamirira iye nevanhu vake. After some minutes akasvika, ndakamuchingamidza pagedhi.vana vose vakarara Saka hapana achationa. Vakasvika vachimuradzika pasi. Takatanga kumutarisa F*k maan Davula!!! Ndochii ichi manje?" "Chii manje Mhukahuru?" "Uri kumuona here munhu wamauya naye kuti akadii?" Davula akamutarisa achinditarisa "Shittt handina kumbozvi noticer baba" "Unoziva wani vanhu vakazara nyora havadiwi havabvumi kuti tivaite sacrifice. Saka iwe neyi waunza munhu akadai?" "Asi baba munoziva Kuti zvinhu izvi tinozviita tichimhanya nguva yekutarisa nyora inenge isipo worse part munhu uyu anga achirwa nesu zvamunoona Mboshi apfurwa ruoko ndiye murume uyu" "Saka muchaita sei nekuti ini handishandi nevanhu vane nyora mutorei mumudzosere kwamamutora" Vakatarisana "Ndati mubvisei pano!!" Ndakatendeuka ndichienda mu room mangu ndakasvika ndichirasira pasofa "Baba hasha dzose idzi kwakanaka?* Mamlilo akabvunza "Hanti ndiyeyu Davula wako anoita zvinhu zvandisina kuti aite. Mupfana dzimwe dzenguva anomborova mbanje" "Mhukahuru hauoni here kuti yave nguva yekuti usiye zvose zviri kuitika pamusha pano. Hauoni here kuti ukasiya zvose na Bothman achadzoka kumba" "Usandiwedzera stress mamlilo stress yandinayo manje iri bhoo handidi imwe!!!* "Okay baba" Davula Hapana imwe nzira yatingaita nemurume uyu kunze kwekuti timudzorere kwatamutora. Hanti tamuwana paabuda mumota achinorasa mvura ndipo patamuurayira. Takachaira mota tichiendako. Takasvika tichimupinza mumota yake panzvimbo ya driver. Tapedza takadzokera mumota yedu tichidzokera kumashure Lagaman Hope dzairamba kuuya apa Tanie aingochema achidana zita ra Elvis. Shame Ari kungofunga nezvake. Ndakasimuka pasofa ndichimubata asi aingodana Zita rake. Hapàna zvandingaita maybe ndinofanirwa kurara pedo naye pamwe angamira kumudeedza. Ndakapinda mumagumbezi ndichirara ndichiisa musoro wake paruoko rwangu ndichimuhaga ndichimupurudzira kusvika anyarara kuti zii ***** Mangwana makuseni Mamoe akapinda takarara "Morning" Mamoe akadaro "Morning ahhm anga achidaidza zita raElvis husiku hwese Saka ndapedzisira ndarara naye" "I understand ahhm ndakuvigira zvinhu zvekugeza" "Don't worry ndichanogeza kumba kwangu" ndakadaro ndichimuka ndichienda kumba. Ndakasvika ndichigeza ndichingozvibvunza mibvunzo yakawanda nezve muchinda uyu. Ndapedza ndakafonera Tinashe "Sure broe" "Sho baba vako variko here kumba?" "Makuseni ano here shaar, handisati ndamuka ini asi wakundibvunza baba handirari na baba ini" "Haa tsek maan ndiri kubvunza baba vako variko here?" "Handizivi but I'm sure variko sezvo nhasi vasingaendi kubasa" "Okay thanks" ndakadaro ndichikata foni. Ndakatora ma key emota ndichienda kumba Kwana Tanie. Ndakavawana vakagara mu sitting room Mamoe achimupa chikafu asi Tania airamba achiti titange tanotsvaga Elvis. Akatora foni achimufonera asi yaiva yakadzimwa "Where are you Elvis nhaiwe?" Tanie akadaro Ndakamunyengerera kuti adye kusvika abvuma zvichakadaro foni yake yakarira, akaidaira kunge fast "Hey Elmon pane zvawawana here" "Ndinokumbira uvhure news" Tanie akavhunduka "Vhura TV Mamoe" Mamoe akavhura TV pakabudikira imwe mota "Imota ya Elvis ka iyi" Tanie akadaro "Pawanikwa chitunha mumugwagwa muna Angwa street .zvinofungidzirwa kuti murume uyu abaiwa achibva afurwa, uye zvinofungidzirwa kuti haana kubatwa nematsotsi nekuti zvinhu zvake zvose zviripo. Murume uyu anobva kuchinhoyi ma details ake ndiwo anodaro Ndakaona Misodzi ichiyerera pana Tanie "Elvis waitei?" Tanie akadaro achidonhera pasi . Takamhanyira kwaari "Tanie, butterfly!!" Asi aiva anyarara kuti zii "I think tinofanirwa kumuendesa kuchipatara" ndakadaro ndichimusimudza tichienda kuchipatara. Takasvika kuchipatara manesi akamutora achimuendesa ku ward "Achava right Tanie hanty?" Mamoe akabvunza achichema "Yes achava right avhunduka chete hapana zvakaipa zvichaitika paari okay" Akabvuma nemusoro. Doctor akabuda achiuya kwatiri ."Ari sei Tanie?" Mamoe akabvunza "Don't worry guys achamuka anytime soon chete avhunduka zvakanyanya zvakonzera kuti afende "Tinotenda doctor " ndakadaro "Ndiani munhu aita zvinhu zvakashata kudaro Kuna Elvis nekuti Elvis haasi munhu anofarira zve noise uye haana vavengu uyu?" Ndakatadza chero kumupindura. Takagara pamabhenji takamirira Tanie kuti amuke Tanisha Ndakapepuka ndakarara pamubhedha wechipatara. Zvinhu zvandaona pa TV zvichiri kutamba mupfungwa dzangu. Zveshuwa Elvis aenda handichamuoni zve. Ndikuzvishora dai ndisina kuuya kuzoshanda kuno. Nzvimbo iyi neyi ichigara ichinditorera vanhu vandinoda. Yakatanga nekunditorera baba vangu nhasi ndi Elvis. Ndichati kudii kuvabereki va Elvis pavachandibvunza nezve mwana wavo? Doctor akapinda ndichiri mukufunga. "Hey wamuka?" Ndakabvuma nemusoro "Hapàna zvaitika kwauri chete wavhunduka ukafenda" Thanks doctor " ndakadaro ndichiburuka pa bed ndichibuda panzee. Ndakaona vana Laga vakagara pamabhenji pavakandiona vakauya kwandiri "Hey are you okay?" Mamoe akabvunza "Yes I'm fine i want to go home now" "Okay" Mamoe akadaro "Ndichanyora email kubasa ndichivaudza kuti ndichange ndisiko kubasa for one week" "I'm sorry " Laga akadaro "It's fine, maybe nguva yaakapihwa na Mwari yanga yakwana hapana zvatingaita inzira yedu tose. Ndinofanirwa kuenda ku police station ndinoona Elvis" "Elmon afona ati vari munzira kuzotora Elvis" Mamoe akadaro Ndakabvuma nemusoro. Zvinhu zvikuitika pandiri ndikunzwa sendinorota hazvina kuitika. Ko nei ndatorerwa munhu wandinoda zvinorwadza kudai. It's been years tichidanana asi manje ndangotorerwa zvisina notice. Takasvika kumapurisa. Ndakapera Simba pandakaona Elvis akaradzikwa pasi akaputirwa ne plastic. Misodzi yakayerera pandiri. Ndanyanya kuchema husiku now izwi harichabudi "Muri family yake here?" Mupurisa akabvunza "Musikana wake" Mamoe akadaro "Ndinokumbira kuona kuti ndiye here" Vakandiswededza paari vachimuvhura huso. Ndakatsinzina misodzi ichiyerera zveshuwa ndiye. Ndatadzei panyika ino kubva ndarwadziswa zvakadaro. Mota yezvitunha yakamutora ichimuendesa kumochari nesuwo takadzokera kumba. Ndakaswera ndakarara zuva rose Kuma 8 Elmon akandifonera achindiudza kuti vasvika vari mu town zvagara bag rangu riri ready Mamoe andigadzirira "Thank you so much guys nezvamandiitira" "Hey usatenda tanga tichifanirwa kuzviita" Laga akadaro Takanopinda mumota ya Laga tichienda kumochari takawana vatosvika, Mai Elvis vakachema, ndakarohwa nehana ndisingazivi kuti ndichavati kudii nemwana wavo. Ndakaswedera pavari . Pavakandiona vakandimhanyira vachindihaga uku vachichema neniwo ndakatanga kuchema "I'm sorry mhamha" "Usakumbira ruregerero mwanangu hauna zvawaita iwe haisi mhosva yako " Baba va Elvis vakauya kwandiri tichihagana. Thanks God havandisvori ndanga ndichifunga kuti vachati ndini ndakonzeresa kufa kwemwana wavo End of chapter