Jasi akabva apinda hake mumba ndokumborara zvishoma .Kudzi akabva asara achitaura ne virson yake ........ Kudzi : " Hasi kana kumbodyira mukomana wacho uyu ". Virson : " Now achinja maybe ari kunyara tsvimbo ". Kudzi : " Ndichangomuvudza even asina kundinyenga ". Virson : " No hazviiti izvozvo .Level 1 tanga watora moyo wake .Ukasadaro hazviiti cuz ma powers ake akatsamwa anoparadza munhu ". Kudzi : " Manje ndodii kuti nditangire nguva 3 months dzakukwana ka ?' Virson : " Mupe time achakunyenga i know .Iwe ita kunge hauna basa naye asi unoda kuita shamwari yake chete ". Kudzi : " Ipapo ndapanzwa asi nguva iri kuenda ka 3 months dzakutosvika ". Virson : " Jasi ndiye achaiwedzera kana akugona kushandisa ma powers ake ". Kudzi : " Ok pane nhawu yandavona pana Jasi ". Virson : " Ndeyeyi ?" Kudzi : " Ropa rake rinenge riri kutorwa nema demon ". Virson : " Wadii kumurapa ?' Kudzi : " Ndomurapa sei ?' Virson : " Dai wangomupa something chekudya anopora ". Kudzi : "But zuro ndakamupa ma apple which means hana kudya right ?' Virson : " Ita imwe plan mangwana adye ". Virson yakabva yaenda ,Kudzi akabva arara hake . Manheru iwawo ma demon maviri akanga ari busy ku sveta ropa ra Jasi zvishoma zvishoma .Jasi akabva amuka ne kurwadziwa .Akabva ayita light on ndokutarisa ronda rake ndokuvona riri kutowera kuzvimba .Akabva agara pasi ndokutanga kutaura ne chemumoyo ........ Jasi : " But Kudzi akareva ,manje ndoziva sei kuti chii chakandiruma .Mangwana zvikaramba zvichidai ndotopinda mubako muya chete .Manje ndingada kuvudza vanhu kuti ndiri kurwara ndoti ndikurwara nei ?Uku kuteya nzou ne riva chaiko ". Ari busy kutaura akabva avona ma apple pa table .Akabva atora one ndokudya .Akanakirwa naro akabva atora rimwe ndokudya .Achingopedza akabva anzwa ruvoko rwake ruchinyarara . Hana kumbozviisa mumusoro akabva avata hake . ma demon akabva angovona ropa rangonyangarika ..... Demon 1 : " impossible ". Demon 2 : " Chii manje ?' Demon 1 : " Ropa riya rangochangarika .Handisi kuziva kuti chii chaitika ". Demon 2 : " Ari kufunga kuti akangwara .Demon 5 vuya ndoda kukutuma ". Demon riya rakabva ravuya ...... Dermon 2 : " Nhawu iyi yakuda kuti tiite mushandira pamwe .Iwe ndoda kukutuma ku nyika uyite basa manje .Netsai nedivi iwe ne divi .But iwe uchaenda ne image ye munhurume .Uchadzidza pachikor 1 na Jasi .Ndoda kuti upandutse vana vese ne dank acid yedu .: Demon : " Asi muri kuziva kuti iyi ndiyo risk hombe ka .Cuz Jasi akazviziva achavuraya munhu wese "> Demon : " Iwe usada kungwarisa endaa kwandakutuma chete .Zita rako ndi Joe ,enda unopedza basa ndokutemba .Pandutsa vana vese . Demon 6 enda kumusha kwana Kudzi now tanga basa .Vanhu ngavatange kupenga toda zvipo zvavo ". Manheru iwayo rimwe demon rakabva raenda ku musha kwana Kudzi .Rakasvika richipinda mumukadzi wa sabhuku .Sabhuku havana chavakaziva vaingoti zvese zviribho .Mangwana kuseni sabhuku vakabva vamuka se mazuva ese ndokuenda kune shamwari yavo kunopedzisa doro rakanga rasara ........ Moyo : " Nhai sahwira wabva wamukuri makuseni akadai kwakanaka here ?" Sabhuku : " Kuri nani ndine strees ne zviri kuitika mudunhu rino plus ndiri kumbovata here ". Moyo : " Ndezve pano pasi izvi uchangosiya zvakadaro usavora moyo." Vakabva vatokurunga havo doro ndokutanga kutonwa zvavo .Makuseni iwayo Jasi akamuka ndokugeza ndokupinda munzira achienda hake kuchikoro .Ari munzira akabva arangarika kuti gara ane ruvoko rwakakuvara .Sezvo akanga akapfeka jusi akabva akwinya ndokutarisa ruvoko rwake akawana pachisina kana vanga .Izvi zvakamushamisa asi hana kuzviisa mumusoro hake .Akasvika pachikoro ndokutowana vanhu vachitopinda muma class .Akabva amhanya hake ndokupinda ne vamwe ....... Vamapondo : " Ndovimba kuti makaita homework yenyu .So munhu ne munhu ngaende pane munhu wawakaita homework tivone kuti ndeipi tearm work yakapasa ". Class yakabva yaita zvarehwa .Kudzi akabva asimuka ndokugara pa side pa Jasi .......... Kudzi : " I think tichawanikwavo pa number 5 ". Jasi : " Maybe rega tivone ". Kudzi : " Rurisei ruvoko nhasi ?' Jasi : " Yaaa rava bho nhasi rwamuka rwakatopora kunge hapana chakaitika ". Kudzi : " Wow totenda musiki ". Vamapondo vakabva vasvika ndokumaka homework yavo ndokuenda zvavo mberi ..... Vamapondo : " Yaaa vanhu vakawanda makazama asi mongoziva kuti hapazoshayi shasha so Kudzi na Jasi well done guys maita number one .But ndoziva hangu kuti Kudzi ndiwe wega wakanyora ". Kudzi : " Takanyora tese sir ". Vamapondo : " Ishuwa here Jasi ?' Jasi : " Hongu ayindidzidzisa kana pane pandisingagoni". Vamapondo : "Hautonzwi kunyara murume mukuru .Matofo zvaanoita so haya . Ok munhu wese ngachidzokera pa tsvimbo yake ". Vanhu vakabva vadzokera pa tsvimbo dzavo .Teacher vakabva vaisa test ye maths kuti munhu wese anyore ......... Vamapondo : " Iyi test ndeyekuti agona anoenda pa grp 1 so kana usingadi kugara pa grp 6 uyu ndiwo mukana wako ". Jasi akabva acheuka ndokuona Kudzi akamutarisa .Kudzi hana kutaura but akangodzungudza musoro bedzi .Vakabva vatanga kunyora havo . Makuseni iwayo vari busy kunyora pakabva pasvika umwe mukomana ndokuenda ku officer kuno tsvaka tsvimbo ....... HM : " Waita lucky zvisingaiti cuz form 4 yangosara ne munhu 1 chete so wotoenda ku room 3 ". Joe : " Ok maita basa ". Joe ayive mukomana akanaka zvake and ayiyemurika pa chikoro .Akabva ayenda hake mu class yake ...Makuseni iwayo Mai Jasi vakamuka ndokuwana Judhi akatogara pamushana ...... Mai Jasi : " Ko iwe uri pano zuva re chikoro kwakanaka here ?' Judhi : " Hakuna kunaka vanhu vepano mava ne twuma secret twusinganzwisisiki ". Mai Jasi : ' Twuma secret twakadii nhayi mwanangu ?' Judhi : ' Zuro na daddy hamuna kumbotaura kubva pandakasvika ". Mai Jasi : ' Panenge pasina nyaya ka ". Judhi : " Kutanga rinhi ,cuz since i was i born handina kumbozvivona zviya ". Mai Jasi : " Pane zvakaitika chete ndosaka daddy vako vakatsamwa ". Judhi : " Chii chakaitika ?' Mai Jasi : " Dzimwe nyaya hadzidi iwe mwanangu .uchiri mudiki ". Ba Jasi : " Vudzai mwana chokwadi ". Mai Jasi : " Aaa madzoka baba .Mamukasei henyu ?' Ba Jasi : " Ndati vudza mwana chokwadi ". Judhi : " Yaa ndodavo kuziva ". Mai Jasi : " Baba Jasi hamusi kuvona kuti hazviiti here ". Ba Jasi : "Mirai kunditi baba Jasi taura nyaya kuti mwana uya wakahura nani ". Mai Jasi : " Aaaa muvhunzo wekundivhunza here iwowo . Tsananguro madzinwa mega ,mwana akachinzwa ndakarara ". Ba Jasi : " Tsananguro dzangonyara kutaura chokwadi asi zvandiri kutaura ndicho chokwadi ". Mai Jasi : " Oh wadii kufunga kuti tsananguro inhema ". Ba Jasi : " I don't want to believe kuti Jasi hasi mwana wangu no ". Mai Jasi : " Hapana anoda kuzvitenda ". Ba Jasi : " Mangwana ndiri kuenda kuna Jasi ". End of chapter