Tinashe : " Wangu ndivudze kuti chii chakaitika ?' Jasi : " Wangu ndati nyaya iyi ngatiisiye cuz inonetsa you know ". Tinashe : " Wangu handisi kukusiya wakadaro pindura ". Jasi : " Iwe unonetsa kana wada chinhu shuwa . Zvakaitika babe riya rakapotsa randikuvadzisa .Manje ndanga ndaenda naro mu toilet kuti tiite ka .Pakabva pasvika zi guard ndokundibata .So vakabva vada kundiranga se mwana pa mberi pe vanhu manje .Haa ipapo ndakaramba dai isiri pfuti yakaridzwa ndaida kuvarova zvisingaiti ". Tinashe : ' Wangu une zvivindi mazi vanhu aya ndiwo wawanga uchirova yoooo wakaipa ". Jasi : " Fight haina zera ini ndinozama zvangu handingorohwi se mwana ". Tinashe : ' Aaaa inzwa bera reku chikoro ririkurira ngatimhanye ". Vakabva vamhanya ndokuwana vanhu vava muma class vanhu vese vakanga vanonoka vakabva vamiswa panze kuti vanonge mapepa . Teacher akabva asvika pakanga pane vana vese vanonoka .Akabva ashara vanhu vekuti vanhonge mapepa ndokusharudza vekurova .Tinashe akaita lucky akabva asarudzwa kuti anonge mapepa .Jasi ne vamwe vakasarudzwa kurohwa ..... Teacher vakabva vatanga kurova vanhu 5 shamu pa munhu . Yava nguva ya Jasi manje akabva asvika ndokumira .... Teacher : " Iwe mupfanha tambanudza ruvoko ndikupe dzako 5 ". Jasi : ' Sorry Teacher muchazovuya mondirova time time cuz now kuri kutonhora ". Teacher : " Ndini ndati unonoke here isa mavoko apo ". Jasi akabva aramba kuisa ruvoko ndokubva atoenda ku class yake achimhanya .Teacher vakabva vasiya vamwe ndokutevera mukomana .Jasi akabva asvika achigara Miss Ndlovu vakanga vasati vapinda mu class vanga vari ku office .Teacher vakabva vasvika ne hasha vachirova Jasi ne shamu yakavhundutsa vanhu vese vari mu class ........ Jasi akabva aramba akagara hana kana kuvaratidza kuti ayinzwa shamu .Teacher vakabva vapamha imwe yechi 2 . Vakabva varova yechi 3 voda kurova yechi 4 Miss Ndlovu vaklabva vapinda ........ Miss N : " Ko chii nhaimwi muri kumuroverei ?' Teacher : ' Hanzwi mwana uyu ". Miss N : "Manje madii kumirira ini pane kusvika muchimurova kudaro . Jasi vakurova shamu ngani ?' Jasi : " 9 IYO YAVAZOMIRA NDIYO YECHI 10 ". Miss N vakabva vabuda ndokuenda ku office kunotaura nhawu . Headmaster vakabva vauya vachipinda mu class vachivona kuti ndi Jasi akanga achirohwa vakabva vadzokera vasina chekutaura cuz vakanga vakamumaka .Miss Ndlovu vakjazviziva ndokusiyana nazvo ...... Miss N : "Sorry hako Jasi hazvichaitiki futi ". Jasi hana kupindura hake .Vakabva vadzidza kusvika pa break .Bhuru paakanzwa kuti Jasi nhasi aremera Teacher akabva arwadziwa ndokuenda kuna Jasi .Akawana Jasi asiko cuz akanga adamwa na Miss Ndlovu .Vaitova vakagara havo vachitaura .... Miss N : " Sorry hako ne zvaitika makuseni ". Jasi : " No problem zviriko futi ". Miss N : " Handisi kuda kupedza nguva yako .Phone yako iyo number dzangu dzirimo imomo so tozotaura manheru pane zvandoda kukuvudza ". Jasi : " Maita henyu basa ". Miss N : " No need ". Jasi akabva abuda mumba ndokudzokera ku chikoro .Akabva avona Athe achivuya achimhanya .Akabva asvika achifemereka ...... Jasi : " Babe unondivhundutsa ko chii ?' Athe : " Bhuru ari kukutsvaka so wanda usati warohwa futi ". Jasi : " Kana zvekuwanda ndakasiya kana achida cne zvangu ngavuye ". Athe : " Babe ndoziva kuti unozvida zve noise asi please siyana naye ". Jasi : " Hausi kundiziva saka .Handizvidi zve noise izvi asi vanhu vanondipa no choice ". Jasi akabva ayenderera ne rwendo rwake .Akabva asvika pachikoro ndokutogara zvake pa dombo achitodya hake maputi . Tinashe akabva avuya ndokutogara vachidya zvavo .Bhuru paakazvinzwa kuti adzoka akabva ayendako ..... Hana kusvika achitaura akabva abvuta maputi e mukomana ndokurasha pasi .Jasi akabva atora amwe ndokutanga kudya .Akabva abvutiwa zvekare .Vanhu vakabva vaungana vachida kuvona fight asi Jasi akanga asiri mu mood .Akabva asimuka achida kuenda hake aklabva arohwa ndare achiwira pasi .Vanhu vakabva vatanga kumuseka .Jasi akabva asimuka .. Jasi : " Sha handisi kuda kurwa neni unondirova ndatenda wani ". Bhuru akabva apa mbama kuna Jasi .Mukomana akabva atanga kubuda ropa mumhino .Jasi akabva aripukudza achiritarisa kudai maziso ake akanga achinja .Hana kuda bhuru nguva yekubatanidza akabva amurova zvibhakera mukomana achiwira uko .Achida kusimuka Jasi akanga atosvika achimupa mazibutsu mudumbu .Mukomana akabva atanga kukosoro ropa .Jasi akabva amusimudza ndokumukanda padombo ndipo paakafenda mukomana ....... Vanhu vakafunga kuti pamwe mukomana afa cuz ropa rakanga robuda mumusoro rakanga rakawanda se munhu atsemuka .Munhu wese akanga ari apa akabva atiza .So ma teacher akashaya kuti chii ndokumhanya kunotarisa .Pavakaona izvi uya teachewr amborova Jasi kuseni akabva aita hasha ndokuda kurova Jasi zimbama .Jasi akabva abata ruvoko ndokurivhuna ne gumbo rake .Teacher akabva awira pasi achichema mamwe ma Teacher hana kuda kutsiura Jasi cuz akanga otya .... Chaaka kwanisa kuita kufonera mapurisa ne ambulence kuti isenge vanhu ava umwe asati afa . Jasi hana kutiza akaramba akagara zvake .Miss Ndlovu vakasvika vachimhanya havana kuvhunza pavakaona izvi vakabva vatoziva ...... Jasi akabva ayenda ku class kunogara zvake .Tinashe akabva ayenda paari ....... Tinashe : " Wangu mapurisa ari kuvuya so the best way kutiza ". Jasi : "Up to when ndichitiza .Handizi kuzotiza ini angondibata chete pari kuita hondo mira uvone ". Tinashe : " Wangu remember kuti arikuvuya mapurisa "> Jasi : " Handina izvozvo nhasi .Vakataura neni zvakanaka yaaa asi vakada hondo totorovana chete ". Ari pakati pekutaura pakabva patosvika mota 3 dzemapurisa .Ambulence yaklabva yasenga teacher ne mukomana akanga akuvaraya .Mapureisa akabva atanga kuvuya mu class yakanga ina Jasi . Vakapinda vakabata pfuti ....... Mupurisa 1 : " Ko ndiani anonzi Jasi muno ?' Vamwe vanhu ne kutya havana kuda kutaura vakabva varamba vakanyarara . Mupurisa 1 : " Ndokufurai mese pano .Kurumita kusimuka Jasi cuz uri pama 1 ". Jasi : " Pama 1 nei ?" Mupurisa1 : " Asi ndiwe Jasi wacho ?;' Jasi : " Yaaa ndini. manga mati chii ?' Mupurisa akabva ayenda pedo na Jasi ndokuregedzera mbama mukomana achiibata ......... Jasi : " Not nhasi kwete ndarohwa zvakwana ". Akabva amusundira kure .Muporisa ne hasha akabva akoka pfuti . Jasi kana kuvhunduka .... Jasi : " Saka ukuda kundirova ne pfuti isina mabara here ?" Mupurisa akabva ashara ndokubvisa bandi kuti arove mukomana asi mukomana akajamuka ndokudzosera ...... Miss N : " Zvakwana please musiyei hangavuyi kana mukasataura naye zvakanaka .Regai nditaure naye ini >>........ End Of chapter