Jasi akazvivudza kuti handimbomumhorosi but kutya kwakanga kuripo .Jasi akabva adarika pana Netsai .Netsai akashaya kuti how munhu andidarika ,akabva avhunza ...... Netsai : " Asi takatukana here ?' Jasi akabva amira akafuratira ndokupindura........ Jasi : " Kwete ". Netsai : " Oh nice ndafunga kuti pamwe wakandimaka .So ndokumbiravo number dzako ". Jasi : " Handina phone ". Netsai : " Phone is not a problem tora iyi ". Jasi akabva atendeuka ndokuvona Netsai akabata Iphone 13 ....... Jasi : " Eshiii you know kuti you need to explain ". Netsai : " Yaa i know .Unoziva chii Jasi ndakakuvona pa news kuti uri kutsvakwa so ini ndakabva ndakufarira pa pic so ndakafara pandakuvona that's why ndiri pano ". Jasi : " Handisi kureva izvozvo ini .Ndiri kuti wazosvika pano nguvai iwe ndakuvona uchienda ukatonditsonya ?" Netsai : " Oh that one .Ndavudza driver wangu kuti moyo wangu uri kurwadza kusiya mukomana uyu achienda so ndiburutse ndiende kunotaura naye ". Jasi : " Moyo wako unogorwadzei munhu akanaka sewe ?' Netsai : " Ndiri munhu asingangodi but iwe ndakakufarira and i love you ". Jasi : " Said munhu asingangodi . Do you think kuti ndakapusa ini .So iwe chakupa zvivindi zvekuti undivudze kuti unondida chii iwe usingangodi ?' Netsai : " Rudo rwaita kudaro ". Jasi : " Love ? Usanyepera rudo iwe .Wasvika pachikoro nhasi wakutomhanya kundivudza ko wadii kumirira wavona kuti handivuyi here .Zvoita kunge pane chauri kuda ". Netsai : " Oh ndiko kwava ne nyaya nhai .Ndodiwa ne vakawanda ini but ndangoitavo favor kuti usafira mumoyo .Ok sorry kutambisa nguva yako ". Netsai akabva asimuka ndokuenda achiratidza kuti atsamwa .Jasi akapererwa kuti ko munhu atonyamwa 2 mins idzedzi .JAasi hana kuziva kuti akanga ataura chimwe chokwadi .Mukomana akabva apinda hake mu road ndokuenda kumba .Netsai akabva angonyangarika ndokubudira kune mamwe ma demons ake ......... Demon 1 : " Dzungu unaro ndosaka 80 years ago takakunzwa une speed wanga woiteyi manje ?" Netsai : " Simbi inorohwa ichapisa .Ndafunga kuti pamwe achadyira ". Demon 1 : " Dai wamupa nguva pane kuti first day wakutomhanya hona anga okuvudza chokwadi .Do you know kuti ndiyo hope yedu yekupedzisira now yawava kuda kupeputsa". Demon 5 : " Guys ndovimba kuti pano ndakawanda .Tir 6 kudai tikaisa pfungwa pamwe chete tokwanisa kupinda mukomana uyu ". Demon 6 : " Tomupinda how cuz atova ne ka babe ". Demon 5 : " Hana kana basa musikana uya ndimwi muri kutadza kupinda mukomana uyu "> Demon 2 : " Nhawu dzenyu ndadzihwa padzimire so imwi nyararai ndikupei mazano ini .Netsai ramba une tsoro yako asi usanyanya kuzviratidza kuti pane zvauri kuda .Ita kunge hauna basa naye achadzoka chete .Vamwe 2 ngavarinde ropa rake ndiyo plan b yatinayo for now .Mangwana ropa rinenge rakwana so tongonamata kuti nhasi pavachanonyora homework Kudzi asamuporesa ". Demon 5 : " Ko iye Kudzi akavudza Jasi kuti ane chipo todii manje ?' Demon 2 : " Hazviitwi izvozvo cuz zviri risk power rine mukomana uya rogona kuvuraya munhu arivudza so anoda kutanga atorwa moyo wake ndosaka Netsai aripo . demon 5 : " Netsai wenyu anedzungu ndo problem ". Demon 2 : " Mupeivo nguva manje tikatanga kukandirana ma shoko now zvobuda here .so vamwe 2 endai kumusha kwana Kudzi anotanga zvatakapedza ". ma demon aya akabva adzokera pa basa . ... Jasi akabva asvika kumba ndokuwana gogo vake vakatorara zvavo . Jasi akabva atora chikafu chake ndokugara padhuze navo ndokutanga kutaura havo nyaya .... Gogo : " Asi haufariri kusenga mbuva asi ?' Jasi : " Ndakanganwa ini ,Nhasi ndanonoka zvisingaiti ". Gogo : " Zvoda phone inokumutsa ..... VAri pakati pekutaura Kudzi akabva asvika .... Kudzi : " Tisvikevo ". Gogo : " Svikai henyu ". Kudzi : " Makadii?' Gogo : " Tiripo hedu ". Jasi : " Gogo uyu ndiye anonzi Kudzi anogara pazasi apo .Todzidza mu class imwe chete saka tapihwa homework ". Gogo : " Hoo ndaishaya kuti ko ndiani anogara apo izvo ndiwe .So vabereki vako varipi ?' Kudzi : " Baba na Mai vari USA ndiko kwavari kushanda ". Gogo : " Ok hapana kuipa .Manje zvamoda kuitira homework yenyu pano pasina kana chibani modii ?' Kudzi : "Kana zvichiita togona kuenda kumba kwangu tonyorera ikoko ". Gogo : " Ok hapana chakaipa kana Jasi achitenda ". Jasi : " Ok hande hedu ". Kudzi na Jasi vakabva vaenda zvavo kunoita homework .Akasvika pamba pana Kudzi ndokupinda mukati ,imba yakanga iri kumusha asi yakarongeka zvisingaiti . ... Kudzi : " Gara hako pa sofa ". Jasi : " Unoreva kuti imba yaunogara wega iyi ?' Kudzi : " Hongu ndogotyei hangu ". Jasi : " Yoo imba yakanaka iyi .ko kuzoita ma pone 3 bho here ?' Kudzi : " Daddy vanenge vachingotenga kana uchida ndokupa hako 1 ". Jasi : " No ndinayo hangu but handiifariri zvangu ". Kudzi : " Ok vuya tiite hedu homework ". Vari busy kuita havo homework Jasi akabva ashinyira ruvoko rwake ruchirwadza .... Kudzi : " Ko chii ?' Jasi : "Hapana ndangozvidzimbira ruvoko ". Kudzi : " Tivone zvarakaita ". Jasi akabva amuratidza .Kudzi akabva aribata ndokuvona ropa rake richibuda drop by drop but Jasi akanga asingazvivoni ..... Kudzi : " Riri kuzvimba rega ndiritove ". Jasi : " Usawara hako ndichanotova kumba ". Kudzi : " Ok no problem ". Vakabva vapedzisa kunyora havo homework .Kudzi akanga ari worried ne ruvoko rwa Jasi but mukomana akanga akashinga asingazivi kuti ari kukuvara . ... Jasi : " Iwe chisara hako kwavira rega ndiende and thanks ne kundidzidzisa ini hangu chikoro chiri kundiramba ". Kudzi : " Don't worry kana uri free uvuye ndikudzidzise i promise kuti in 2 weeks unenge wakugona ". Jasi : " Ndingafara zvisingaiti .Worara bho rega ndiende ". END OF CHAPTER