Mai Jasi " No way hakuna kwamuri kuenda siyayi mwana ari ikoko ". Ba Jasi : " Handina choice mai mwana"> Mai Jasi : " Mukatoenda uko mwana anogara akatiza cuz mapurisa achatevera imwi ". Ba Jasi : " Manje ndodii ?' Mai Jasi : "Handisi kutozivavo but uko musaenda zvenyu ". Judhi : " Saka imwi muri kureva kuti makatozvitenda zvakataurwa ne muporofita here ?" Mai Jasi : " Mwanangu zvinhu zve mweya zvinonetsa kuti uzive chokwadi ". Ba Jasi : " Mwana hasi wedu ". Mai Jasi : " Nei wadaro ?' Ba Jasi : " Jasi hamheno zvaari so ,Hamheno kuti akatodza ani .Kwedu kurudzi hakuna vanhu vane mangoromera se mwana uya ". Mai Jasi : " Maybe akazvitodza so plan yedu kutoenda egipita kwacho toenda kuno tsvaka mwana wedu ikoko .Asi for now Jasi hatimuvudzi ". Ba Jasi : " Wakutaura manje ,Bika tea tidye zvedu ". Mufaro wakabva wadzoka mu family .Vakabva vanwa zvavo tea sezvo nguva dze break dzakanga dzakwana .Vana Jasi vakabva vaenda ku break ne shamwari dzake ndokusvika vachigara zvavo se mazuva ese . Rue akabva asvikavo ndokugara pamakumbo a Jasi ....... Jasi : " Bae wadii kuburuka cuz zvozomakisa manje ". Rue : " Asi une umwe musikana pano here ?" Jasi : " No but ma teacher akazotivona manje ". Rue : " Ok no problem "> Rue akabva aburuka ndokutanga zvavo kudya .Izvi zvese zvakanga zviri mumaziso a Kudzi asi ayita kunge hana basa nazvo .Netsai akabva adarika ndokuenda hake kunogara ega achiratidza kusuruvara . So Joe akabva asvika ndokugara pa side pake ........ Joe : " Ndakamaka kuita munhu ini ". Netsai : " Handi maiti ini ndine dzungu so kana wazvivonera wega it's fine ". Joe : " Ndatozvivona hangu ". Netsai : " Saka manje uri ku planer maths dzipi apa ?' Joe : " Ndiri kufunga kuti ndipe vanhu acid iya so that vanototanga kuita zvandinoda ". Netsai : " Wow plan yako yakanaka asi kana wadaro dii futi ?' Joe : " Ndoda kuti vakomana varove Jasi so that vanhu vanobva vaziva kuti Jasi akaipa ". Netsai : " Plan yako yakanaka asi remember kuti Kudzi aripo pakuda kumuchengeta ". Joe : " Usawara iwewe .So iwe neni hatizivani ndoita kunge ndanga ndichikunyenga ". Joe akabva ayenda kunge munhu arambwa ne babe .So Joe akabva adarika ne pane vakomana 5 vaitodya zvavo achiratidza kuti akatsamwa .Sezvo vakomana ava vakanga vane moyo wakanaka vakabva vamudana ... Boy 1 : " Hie bro vuya ugare pane vamwe ,tozviziva kuti kurambwa kunorwadza ". Joe : " Ok maita henyu guys .so murisei henyu ?' Boy 1 : " Tiribho hedu vuya tidye "> Joe : " Oh rega ndibudisevo mbuva yangu ". Joe akabva abudisa rice ne chicken .... Joe : " Guys vuyayi tidye ". Boy 2 : " Wow wabva wavuya ne nhango 6 dze nyama kunge wanga uchiziva ". Joe : " Hahaha kana mhamha ndivo vangondiisiravo ". Umwe ne umwe akabva anhonga nhango yake ye nyama .Vakomana vakabva vadya Joe akanga achiziva kuti zvake zvaita . Vakomana pavakapedza kudya rice riya Joe akabva abudisa 2 L ye drink ndokupa vakomana .Vakomana pavakangopedza kudya ,maziso avo akabva ango ita red ndokudzoka ku white kuratidza mushonga washanda ...... Joe : " So boys muri kuvona kuti chii .Ndiri kuda babe iro rinodanana na Jasi so 1 wenyu ngaende kunorinyenga ". One mukomana akabva asimuka ndokuenda kwakanaga kwakagara Jasi .Akabva asvika ndokumira akangotarisa Rue .So Jasi akazvivona ndokungonyarara hake .Ngoni akabva asvika pakuvhunza .... Ngoni : " Tingakubatsira nei ?" Boy 1 : " Ndiri kuda babe iri ". Ngoni : " Hahaha ukutamba handi ?' Boy 1 : " Handisi kutamba ini ". Jasi : " Oh babe riripo mukomana unogona kutaura naye hako ". Boy 1 : " Ndinyengere musikana iyeye ". Ngoni : " Aaa zvigoita here izvozvo plus vanodanana ka ". Boy 1 : " Neni ndomudavo so iwe Jasi munyenge now or ?' Jasi : " Or what ?' Jasi akabva avona vamwe 3 vakomana vachivuya kuzomira pa side pe umwe wavo .Joe aitova akatogara hake ne vamwe vakomana vaviri ..... Rue : " Oh ndavona kuri kuenda nyaya so imwi boys handikudei .Ndoda Jasi chete ". Rue akabva a kisser Jasi pamuromo chaipo .Izvi zvakapa vakomana ava hasha .One wavo akabva anokora mavhu ndokumwaya Jasi . Rue akabva adhonza Jasi ndokubva naye pane vakomana ava .So vakomana vakabva vatevera kwakanga kwakamira vana Jasi .But vasati vasvika Rue akabva ataura na Jasi ........ Rue : " Babe uyu miyedzo so iwe please usarova munhu ini ndichazama kuvabata handiti ka ?' Jasi : " Yaa ndichaita sekudaro ". Zvese izvi Kudzi akanga achizvivona asi hana kunge aziva kuti Joe ndiye anga aronga dhiri iri .Vakomana 4 vaya vakabva vasvika pana Jasi ... Boy 1 : " Saka uri kufunga kuti watitiza here ?' Rue : " Guys handi muri kuda ini so siyanai ne mukomana wangu .Jasi iwe enda ndisare navo ". Jasi avakuenda akabva abatwa ruvoko .... Boy 1 : " Ukufunga kuti uri kuenda kupi ?" Jasi : " Handi................ Ari pakati pekutaura akabva anzwa zimbama .Achida kuvhura maziso akabva atonzwa ava pasi . Hana kuzvinzwisisa kuti arohwa fast yakadaro sei .Vanhu pavakaona kuti vanhu vari kurwa Joe ne vamwe vake vakabva vamhanya kunobata . Kudzi akabva angovuya ndokumira achivona bedzi hake, Netsai hana kumbosvikapo ......... Joe se munhu kaye akabva amhanya kuna Jasi ndokubva amubata achimuzunza mavhu .... Joe : " Sorry hako Jasi ,Handina kuziva kuti muri kukonana ". Jasi : " Zita rangu warinzwa nani ?' Joe : " Oh ndanzwa nema friends angu ". Jasi : " Ok thanks ne kundiratidza rudo ". Jasi akabva asimuka hana kuda kumbodzosera hake .Akabva asiyana nazvo hake .... Ngoni : " Yoo sorry hako handina kuziva kuti nhawu yacho ichapera yadai ". Jasi : " Don't worry ndezva nhasi chete ". End