Rue : " Do you know that girl ?" Jasi : " No handimuzivi ini ". Rue : "Kuti akavona news here ?" Jasi : " Ndisingazivi ipapo manje ". Rue : " But why ati uri cute ?' Jasi : " Handisi kutoziva everything is crazy today since morning ". Ngoni : ' Oh sorry kukukanganisai nyaya dzenyu guys can i ask ?" Rue : " Yes ". Ngoni : " Iwe ne Jasi asi modanana here ?' Jasi : " No tiri ma friends ". Ngoni : " Ishuwa here Rue ?' Rue : " Yaaa but ........ Handichapapedzisi hangu ". Vakabva vatanga havo kuseka vachitotaura nyaya .Zvese izvi zvakanga zviri mumaziso a Kudzi na Netsai .Vanhu vaviri ava vakanga vakateya mariva kuna Jasi but Jasi akanga ari murima ...... Kudzi akanga ari mumota yake achigaya zano rekuti ape something kuna teacher vake .Akabva atanga kuita mashiri piti ake ndokubudisa visi rakanga rakazara .Akabvca aricheka ne pakati ndokuisa mubepa ndokubuda mu mota achienda kwanga kuna teacher vake ..... Kudzi ; " Sir ndakuvingirai visi ". Vamapondo : " Oh mavisi hasati rako wariwana kupi ?' Kudzi : " Oh ndakatengerwa na mhamha ku shoprite ne zuro so akanga akawanda .Ndosaka ndavuya ne rimwe ". Vamapondo : " Inga mune mari .Waita hako rega nditodya zvangu ini .Waita kufemerwa ndomada zvisingaiti ". Same time teacher vakabva vadya visi riya Kudzi akaziva kuti zvake zvaita . ..... Vana Jasi vakanga vachiri vakatogara zvavo bhera parakarira .... Rue : " Jasi after school ndoda kukuvona '. Jasi : " Ok hapana kuipa unondivona pa gate ". Rue akabva ayenda ku class yake .Jasi na Ngoni vakabva vaendavo havo ku class yavo .Asi ruvoko rwa Jasi rwairwadza zvisingaiti asi se murume hana kuda kuzviratidza . Jasi hana kuziva kuti ropa rake rirkuda kushandiswa ........... Masikati iwawo mamwe ma demon akanga akatarisa .Zvese zvaivona Netsai ndizvo zvaayivonavo .... Demon 1 : " Uyu munhu wamatuma ane dzungu .Manje akanga ovudzirei Jasi zita rake handi anobva anyumwa here ". Demon 2 : " Be patiant Jasi adyira kare asi kasikana kanonzi Rue ndiko kachada kuti nonotsa manje ". Demon 1 : " Aaaa ako ka mwana tokaisa mupoto kakada kumira mberi kwedu ". Demon : " Rega tivone kuti chii chichaitika ." Masikati e zuva iror Baba Jasi na Mai Jasi vakanga vaenda havo kumasowe kunoyereswa . Vachingosvika muporofita akabva avanongedzera ne tsvimbo yavo ...... Madzibaba : " Hamuna kurasika pamavuya ndipo pano .Nhawu yenyu yakakurisa garai pasi titaure history yenyu .Musandivudza asi ndisati ndatanga ndoda kukuvhunzai kuti ko mwana we vanhu vakamuendesepi ?' Ba Jasi : " Mwana we vanhu upi ?' Madzibaba : "Zita rake rir kunditiza asi rinotanga na J ". Ba Jasi : " Hasi mwana we vanhu mwana wangu anonzi Jasi ". Madzibaba : " Hasi mwana wenyu madzibaba .Hamuna ropa naye .16 Years ago mudzimai wenyu ane pamuviri .AKaenda kuchipatara kunobereka mwana sezvo nguva yakanga yakwana . Zveshuwa vakaita mwana mukomana asi vakabva varara muchipatara imomo .Pakabva papinda umwe mudzimai anobva ku Igipita .Akapinda akabata mwanakomana akaita se wenyu .Akabva achinja mwana uya ndokuenda ne mwana wenyu ". Ba Jasi : " Mai Jasi ndakati chii ne maporofita. Ini ndakubva pano handidi kunzwa ngano nyorwa ini ". Baba Jasi vakabva vasimuka vava kubuda pa gate muporofita akabva atanga kutaura ......... Madzibaba : " Mwana ari Egipita kutaura kudai .Mukomana anoterera asi ari useless pane mukomana wamakapihwa .Hamuna kupihwa mwana chete asi makapihwa chipo .Zvakawanda ndanzi ndisataura ndinoita chimumu se madzibaba vaye so garai pasi baba ndikubatsirei ". Baba Jasi vakabva vauya ndokugara pasi ..... Madzibaba : "Baba ndoziva kuti nguvo chena makaimaka asi hamuna imwe choice kuti muwane mwana wenyu .Mwana wenyu mupenyu asi vabereki vaimuchengeta vakashaika so ari kutambura .Uyu hana basa na Jasi wamakarera .Jasi chipo chamuchazotenda mega musina kuvudzwa nani zvake .Zvinhu zvikafamba sekuronga muchagodama kutenda mutorwa .Jasi makamuendesa kure nemwi ndozviziva asi muiseyi pamunamato akwanise kukurira hondo ye rina .Jasi chipo hanzwi but chipo musvoriwa asi chipo .Vanosvorwa ndivo vakatumwa so ndoda kuti muende kumba munogara henyu kunge zvinhu zvese zvakanaka .Mirirai nguva ,Nguva ichataura ". Ba Jasi : " Ok ndazvinzwa ndichaita sekudaro .Maita basa regai ndipinde road ". Baba Jasi ne mudzimai wavo vakabva vapinda mumota yavo ndoku driver vakananga kumba .Munzira hapana akataudza umwe . Muporofita akabva asara achivudza chaunga ..... Madzibaba : " Makomo ese aya achaondongwa hapana pastor kana muporofita achazvimisa .Asi ndavona vanhu vaviri musikana ne mukomana ndivo vakwanisa kudzosera nyika kubva mukombo . Vanhu vakawanda pfungwa dzichatorwa asi musarasa tariro zvichapfuura .Baba avo vabva pano ndavona vasiya musha zvapa kuti vatsakatike zvisina tsarukano .Vatendi batai tsananguro nguva yava pedo pedo .Asi regai ndivake muteuro kuti tisazotorerwa tariro ". Madzibaba vakabva vaita muteuro we kuti kana zvaipa tariro yavo isatorwa .Iyi yaita kunge mhiko kuti haibvi chero zvikadii .... Vamapondo : " Nguva inenge yaenda so munhu wese vuya ne book rako ". Vanhu vakabva vaendesa ma books avo . ...... Vamapondo : " Yaaa zvatichaita pano ndeizvi .Ndichakupai homework munoita kumba 2 -2 so Ngoni uchaita ne musikana uyo sezvo muchigara padhuze ne padhuze .Jasi na Kudzi muchaita muri vaviri sezvo muchigara padhuze ne padhuze .Vamwe mose moitavo the same .Toda kuvona kuti ndevapi vachagona .Kudzi usazonyora wega homework iyi dzidzisa Jasi maybe angapepuka ". Vanhu vakabva vabuda havo mu class vachienda kumba kwavo .Jasi akabva ayenda ndokunomira pa gate .Netsai akabva avuya ndokumira chinhambwe achida kuti Jasi amutange but Jasi akanga akatotsikitsira hana kumuvona .Kudzi akabva avuya ne mota yake ndokumisa pa gate ...... Kudzi : " Hie pinda tiende ". Jasi : " Pane munhu wandakamirira ". Rue akabva asvika ....... Jasi : " Oh abva asvika so tozovonanan pa homework ". Kudzi : "no hapana chaika ndichasvika padheni kana wavuya ". Kudzi akabva a driver mota yake ndokurova pasi .Vakabva vasara havo na Rue vachitaura ..... Rue : " Asi ndakutorerwa ne vane mota ?" Jasi : " Hahaha anoda kuti tiite homework chete ". Rue : "Ok iyoyo haina hayo basa but ndoda kukuvudza something ". Jasi : " Nguva ndiyoyi ungataura hako ". Rue : " You see kuti first day randakakuvona i was like yooo mwari . Ndaifunga kuti pamwe uchandivudza but even know hausi so ndombozvivhunza kuti ndakamoita sei ndisingadiwi .Then ndikazvivudza kuti ndofanirwa kutora first step ini .So nhasi i am here kukuvudza kuti ndiri murudo newe ". Jasi : " Hahaha watanga kuda kundisekesa ". Rue akabva abata ruvoko rwa Jasi .... Rue : " Tarisa mumaziso angu Jasi .Handisi kutamba ". Jasi akabva atarisa mumaziso a Rue ndokubva avona misodzi yakazara mumaziso kuratidza kuti anoda kutochema . Jasi akabva atora ruvoko rwake ndokuisa padama ra Rue ..... Jasi : " Me too ". Mota yaienda na Rue yakabva yasvika Rue akabva asiya Jasi ndokuenda .Zvese izvi zvaiva mumaziso a Netsai which means ma demon ayivonavo zvese .Jasi akamira kudaro akabva avona Netsai achipinda mumota achiendavo sezvo akanga ane yake .Netsai akabva atsonya Jasi but Jasi akaramba akangotarisa cuz akanga anakirwa ne babe ..... Jasi akabva apinda munzira achienda kumba .Ati fambei achiri pedo ne chikoro akabva avona Netsai akagara padombo achitobaya phone yake .Jasi akavhunduka kuti how come ,kuti Jasi abude mu road zvanga zvisingaiti so akaramba achifamba achiswedera kuna Netsai apa hana ichirova ............ END OF CHAPTER