Mangwana kuseni Jasi akamuka akafuga musoro ndokuisa ma earphones ndokutanga kurova mangoma . Baba vake vaitya kumumutsa but vakanga vasina choice cuz mukadzi ayivasunda. Vakabva vaenda kunogeza ndokupfeka munhu wese akanga atopfeka kuti vaende asi mukomana akanga akatovata zvake . Baba vake vakabva vapinda mumba ndokudana munhu hana kupindura..... Vakafunga kuti maybe ari ku ignore apa vaitya kuti vakavura jira anozopopota kana kuvavhundutsira . Vakatora befu ndokubata jira ndokuvhura mbijana mbijana . Vakaona munhu ari busy ne music . Jasi paakavona kuti pane munhu avhura jira akabva asimudza achinyepedzera kunge akanga akavata ....... Jasi : " Ko kwatoedza ?" Ba Jasi : " yaa nhasi sunday hande kumasowe zuva rakwira ". Jasi : " aaa kana rakwira endai henyu handi manonoka here?" Ba Jasi : " Kwana mwanangu uku ku church kunoda tese tiripo se mhuri ". Jasi : " Kuti kudaro here ko ku town hakudi mhuri yese ko tikaita accident tese ndiani anosara pamba ?" Ba Jasi : " Usafunga izvozvo handi uku ku church here ?" Jasi : " hauna kunzwa kuti pakafa vanhu 35 vachienda ku church ini pachokwadi handisi kuenda maybe totevera ne tsoka". Ba Jasi : " ukureva kuti unoda kufamba 70 KM kuenda ku church ne tsoka mota iripo ". Jasi : " ndataura pachikuru i think hamunzwe madimikira daddy . ndati handisi kuda kuenda ku church cuz zuro makandisiya maybe next sunday tichaenda ". Ba Jasi vakabva vazama kumunyengerera asi mukomana hana kuda .Akabva asimuka ndokuenda panze ndokuwana mai vake ne young sister vakatomira pa mota voda kutoenda. Jasi akabva asvika achitogara pasi kuratidza kuti hasi kutoda ne zve church ...... Mai Jasi : " Ko wagara pasi mwanangu ko hausi kuda kuenda ku church here?' Jasi : " ndanga ndichida kuenda but now handichadi . handi zuro makati ndanonoka mukandisiya ko nhasi ndisiiyei futi ka ". Mai Jasi : " I know and handina comment apa asi nhasi chingoenda kunochinja tiende ". Jasi : " Sorry henyu mhamha nhasi kwete maybe next time . Ko zvekuenda ku church makazvitanga rinhi since i ws born handina kumboenda ku church ini . After 16 years makuti ndiende ku church dzobuda here idzodzo ?' Judhi : " Zvinhu zvinongotanga mukomana ". Jasi : " Iwe nyarara wakatanga rinhi kutaura ?' Judhi akabva anyarara hake ndokuzembera mai vake . Mai Jasi vakatovona kuti maths hadzibudi vakabva vabata mwana wavo ruvoko ndokuenda mumba ndokunochinja .Jasi akanga akangomirira kuti vanhu vachabuda voenda asi akavona kuti hapana ari kumbofamba famba.... Akabva ayenda kunogeza ndokudzoka ndokuwana vanhu vatochinja vakutovona TV . Zuva ranga rati kwirei achiri makuseni zvavo around 11 .Jasi akabva apfeka hembe dze white ndokuenda kune vabereki vake ..... Jasi : " Handei kwacho ". Hapana akamupindura munhu wese akasimuka achienda kunochinja futi . Vakabva vapinda mu mota ndokurova pasi . Mukomana akanga asingazivi mukova we church iri raive zuva rake rekutanga kuenda ku masowe . Vaienda kunoyereswa chete vakasvika ndokuwana pazere vanhu ........ Vakabva vasvika Jasi maziso ake akabva ayita red zvekutoda kurwa chero ne munhu .Vabereki havana kunge vaona kuti ndizvo zvaita mwana . Mai Jasi ne mwana wavo musikana vakaenda kunochinja amwe madzimai . Jasi akabva asara na baba vake vakapfeka paya . Voda kupinda mukomana akabva aramba .... Jasi : " Kana pindai mega ini handisi kukwanisa ". Akataura akavhara maziso asingadi kuti vaone kuti maziso ake ayinge ayita red . Baba Jasi ne vamwe vana baba vakashamisika kuti ko zvabvepi zva Jasi ...... Ba Jasi : " Ko Zvadii futi ko maziso wavharirei ?' Vakada kuzama kubvisa mavoko ake mukomana akabva avasundira kure vanhu vachivagama kuti vasadonha .Jasi akabva apinda mu road achimhanya akananga kumba . Baba vake vakada kumutevera muporofita akabva atanga kutaura ....... Muporofita : " Musiyei simba rake ishoma pane rangu . muno hamupindi vanhu vane nhoroondo dzemadzitate gure .Pindai baba vuyayi pano ne mhuri yenyu uyo musiyei ndine nyaya hombe inoda kuti imwi baba ne mudzimai wenyu muise musoro pamwe mudzosere mwana kwamakamutora mupihwe wenyu nguva isati yaenda . " Baba na Mai Jasi vakashaya kuti muporofita uyu akutaura dare ripi futi . Vakabva vapinda mugwanda ndokupfukama vese vari 3 ne mwana wavo mudiki . Muporofita akabva avudza vadare vake kuti vatenderere katatu ndokuvudza kuti vaimbi vaimbe Daniel . Vanhu vakaimba kunge vakanga vaona chikwambo . Mamwe maporofita ayivapo akabva atanga kurira ne ndmi vamwqe vachichema zvaiitika apa zvaityisa vahu vaita kunge pane hondo yavuya pamasowe ..... Muporofita akabva atora mbiya ndokudira umwe ne umwe katatu ndokuisa muchinjikwa mumusoro mavo . Akabva atora tsvimbo yake ndokutanga kutaura zvine mutsindo kutaura kwe munhu akanga akarwa ne mweya mutsvene ......... Muporofita : " Musatya zvenyu ndoziva kuti imwi baba makapfira mate pasi kuti hamuchasvika kumaporofita futi asi nhasi mavuya pano ne kuda kwemukadzi wenyu . Izvozvo ndinozvitenda and ndoda kukutendai ne kuvuya pano nguva ichipo . Dambudzoko renyu ihombe ndavona marambana dai musina kuvuya pano .Baba manga matoramwa zvemusha maitofunga kuenda joni kunogara zvemyu mosiya mhuri yeka .Asi ndoda kutenda kuti mavuya nguva ichipo sezvandataura kuti nhawu yenyu yakakurisa zvisingaiti and muchafamba magumbo mukazvimba ini handingaikwanise cuz mwana uyo ane simba risingaiti and ane zvipo zviviri 1 chekurwa 2 chevakadzi akavuya pano akati anoda madzimai ese aya havakwanise kuramba . Kuvuya kwamaita naye pano mamutsa zvakarara so hondo iri kutanga kune imwe nyika asi ichazovuya hayo mumazuva anotevera . Mwana wenyu anofanirwa ku saver vamwe mai vari kunyika iri kure asi mwanasikana wavo achavuya kuno atumwa kuti avuye kuzovona mwana wqenyu . Uyu wamuri kuti mwana wenyu hasi mwana wenyu chaiye . imwi mwana wenyu ndeuyu akanyarara semwi uyo makapihwa muchiopatara ne umwe doctor akachiva mwana wenyu ndokuchinja vana musingazvivoni . So uyu mwana wamuri kuti ndewenyu akanga akazvarwa ne mhiko nhoroondo yacho ichazobuda kana asangana ne umwe musikana anonzi Kudzi . Musikana uyu ndiye achataura zvese pamwana wenyu . saka ndanga ndichikumbira kuti imwi baba na mai musarambana kana kupopotedzana muchiti ndiwe wakaita mistake muri kufamba mu history yakanyorwa kare and hamungaitidzi saka rambai muri pamwe mukwanise kuwana mwana wenyu ." Ba Jasi : " Ipapo ndine muvhunzo kuti kana mwana wangu avuya uyu ndichadii naye ?" Muporofita : " muvhunzo wakanaka chaiwo . Musatya baba na mai mwana uyo mupfumi zvisingaiti and anogona kuzvichengeta asi ndoda kuti imwi musamuvudza zvese zvandakuvudzai . AMEN Ndiri pakati pekutaura ndavona mwana wenyu achimhonerwedzwa ne shato zvandinetsa handina kuziva kuti zvarevei asi ndicvhavhunza kumusiki and ndiri kuvona muchizoenda ku chipatara kuno test ropa asi ndati regai kupedza mari yenyu ropa richabuda rakafana asi kana nguva isati yakwana hamungazivi chokwadi kuti mwana hasi wenyu ". Mai Justice : " Saka isu todii manje ?' Muporofita : " Endai kumba muite kunge hapana chamanzwa iye hasati aziva zvaari so musiyeyi mukamuvudza zvonetsa pane achavuya achimuvudza mu mwedzi inotevera. Pane zvinhu zviri kuvuya musoro mangu rimwe inzwi riri kuti taura rimwe ririkuti usataura asi manje handikurirwi regai nditaure . Maziso e mwana wenyu ...... Muporofita akabva atanga kukakama dzamara asisagone kutaura . Akazama kuridza mhere asi akavona kuti voice raenda . akabva anzwa voice richiti * ndakuvudza kuti nyarara manje uchataura kana mission yapera*. Akazama kuda kutaura zvaanzwa asi muromo wairamba kubuda inzwi . Akabva atanga kudhonza muromo achizviwisira pasi ndokutanga kubuda kunge shiri yarohwa ne rekeni . Vadare vakabva vasimuka chaitora muporofita uyu ndokumugarisa pandaza vakaimba ma verse ndokudira mbiya hapana chakachinja . Vanhu vakabva vaziva kuti munhu akurirwa uyu hachatauri asi vanhu vakanetseka kuti ayida kutaura kuti chii. cuz muporofiya akangoti * maziso *. akabva atotadza kutaura ..... Vanhu vese vakabva vatanga kubva pasowe mbinjana mbijana sezvo munhu wavainge vavinga asisagona kutaura . Baba na Mai Jasi vakabva vasimukavo vachienda kunogara ku mota vakamirira kuti vadare vavaudze zvekuita ....... Apa Jasi akanga ari busy kumhanya kuenda kumba vanhu vaivona achimhanya vakashamiswa nazvo cuz ayimhanya kunge mbada chaiwo . Akuda asvika kumba akabva ayenda ku toilet ndokuzvitarisa pa class ndokuvona achibuda ropa mumaziso . Akabva arigeza ndokugara hake pasi achivona TV hana kumbozviisa mumusoro kuti ko why achibuda ropa .... END OF CHAPTER