Vanhu vakabva vanhonga matombo kuti vateme baba Bhuru . Vamwe mai vechikuru vakanga varipo vakabva vaenda kuna Baba Bhuru ndokumira kuti vanhu vasavatema ..... Mai : " Vabereki ndinozviviva kuti mune hasha but izvozvo hazvigadziri chinhu .So imwi zivai kuti nyaya yakadai inoda maporisa ". Man :"Kana mudhara uyu anobhaiza anofanirwa kufa ". Vari busy kutaura maporisa akabva asvcika vanhu vakabva varasha matanda ne matombo avakanga vanawo . Maporisa akabva atanga kuvhunzurudza nyaya kuti vanzwe kuti chii chakaitika .Pavakangonzwa kuti vakambotukana before vafa baba bhuru vakabva vatosungwa ...... Mai : " Aya ndiyo anonzi mashura chaiwo manje mwana na mai vake vachavingwa rinhi nai hama dzacho ?" Hama 1 : " Zvakaoma ndapererwa ini .zvichibvavo na Jasi iyeye ". Mai : " Jasi anofanirwa kusungwa chete izvi hazvisi kwete .Ndine hama dzangu dzinoita ne zvemutemo vachagadzirisa nyaya iyi . Hama 1 : " Hongu ndiri kuzvinzwa asi Jasi wacho hasi kuwanikwa ndo problem ka ". Mai : " Musawara vanomuwana chete iroro ndiro basa ravo ". Hama : " Ok ndafara ne kuzviziva ". Mai : " Gara ndiwe ani zviya ?" Hama 1 : " Ndini Sarudzai makanganwa here ?' Mai : " Kwava kare mwanangu asi ini uchiri kundiziva here ?' Saru : " Hongu handi ndimwi mai Rahi ?' Mai Rashi : " Yaaa uri kundiziva ,saka nhawu yekuti Jasi usawara mwana wangu Rashi hamisi nyaya dzakadaro ". Saru : " Ok maita basa regai ndichitevera sekuru vasungwa avo ". Mai Rashi : " Ok hapana kuipa mwanangu". Sarudzai se muzukuru mukuru mumusha akabva atevera sekuru vake kumapurisa kunonzwa kuti nyaya yakamira sei . Vamwe vanhu vakasara pamba apa vachingochema zvavo mufi asi pakanga pasina kana munhu we pamba ipapo ...... Makuseni iwawo sabhuku vakabva vamuka ndokukwira pachikomo ndokutanga kudanidzira hwahwa ...... Sabhuku : " Kwaita hwahwa kwa sabhuku ve dunhu rino .Kuswera kwamangwana makuseni .Munhu wese unokokwa chero ne vana muvuye navo ". Sabhuku vakabva vaburuka zvavo mu gomo ndokuenda kumba kunotaura ne mukadzi wavo ..... Sabhuku : " Mukadzi wangu nhasi totobika manhewu kuti vana vavuye vachinwa ". Mai Sabhuku : " Hapana kuipa as long tichizongoita basa hapana kuipa ". Vari busy kutaura shamwari ya sabhuku yakabva yasvika ...... Zindoga : " Tisvikevo sahwira ". Sabhuku : " Svika umwe wangu . Wanaga watorinzwa shoko zva rinhi manje ". Zindo : " Handi maita kudanidzira ne voice riri pamusoro here ?' Sabhuku : " Yaaaa ndati munhu wese tivuye timbofara sezvo muroi we dunhu akaenda ". Zindo : " Matogona asi ka dai matobuditsa 1 tambonzwa tichitaura ka .Huro yangu yakaoma zvisingaiti ". Sabhuku " Usawara ,Mai endai kunosimudza 6 ma super timbonwa ". Mai sabhuku vakabva vaenda ku room kunotora doro riya . Vakasvika ndokusimudza doro riya vakabva variisa mushonga ne magic dzavo .Vakabva vadzokera kunovapa ..... Sabhuku : " Sahwira doro ndiroro sara uchimwa rega ndinotora cup yangu ". Zindo : " Hapana kuipa ndanga ndashaya kuti ko cup yako nhasi iripi ". Sabhuku vakabva vaenda kunotora cup yavo ipapo Zindoga akabva avhura doro ndokudira mu cup yake ye class yaayi famba navo .Akabva asimudza doro riya kuti anzwe ndokubva avona makonye akanga ari mu cup . Zindo akabva agadzika cup pasi ndokutora phone yake ndokutora pic ..... Sabhuku vakanga vari busy kutaura ne mukadzi wavo vari mumba ..... Sabhuku : " Ndovimba kuti wamupa doro rine acid riya ?' Mai Sabhuku : " Hongu ndaisa imwe futi nhasi ". Sabhuku : " Ok saka nhasi anoita wedu chete ". Ivo vaive busy kutaura asi mudzimu ya Zindoga yakanga yatozviramba kare plan yakanga yaitwa kare isina akavona .Sabhuku vakabuda panze ndokuwana doro ratova ma half ..... Sabhuku : " Sahwiras inzwa doro rizere nhasi ". Zindoga : " Ndoda kuenda kumba ndichikambai......... Ari pakati pekutaura phone ya Zindoga yakabva ya ringer .Akasimuka akaenda chinhambwe ndokutanga kutaura pa phone zvisinga akanzwa asi sabhuku vaita kunge vari kuvona munhu achitaura .Zindoga akadzoka ikoko achiratidza kusuwa zvakapa sabhuku kuvhunza ...... Sabhuku : " Ko nhai sahwira wavuya wakasuwa call yapinda kwakanaka here ?' Zindo : " Sahwira mwana wangu hanzi atsva ne tea makuseni iyaya ". Sabhuku : " Oh sorry sahwira ,Hande kunomuvona kuti atsva zvakadii ". Zindo : " Rega ndimhanye naye kuchipatara ndichakuvudza kuti ari sei .Iwe bika maheu evasinganwi doro ". Sabhuku : " Ok hapana kuipa wofamba bho sorry hako ". Zindo : " Rega nditore 3 ma super ka ndifambe ndichinzwa ". Sabhuku : " Ok hapana kuipa tora sahwira ". Zindoga akabva atora class rake ne 3 ma super ndokuenda nawo kumba kwavo .Sabhuku hapana zvavakaziva sezvo ma powers ema demon ayinyanya kushanda manheru ..... Zindoga akabva ayenda kumba kwake ndokuwana mukadzi wake achitobika zvake ,mwana akanga ayenda ku chikoro .Mukadzi akashamisika kuti baba vadzoka makuseni aya ..... Mai Zindo : " Aaaa baba kwakanaka here kudzoka this time ?' Zindo : " Hakuna kunaka , zviya zvawaigaro taura kuti ndingwarire doro randonzwa nhasi ndadzidza ". Mai Zindo : " Ko chii chaitika ?' Zindo : " Ndati ndakagara kwa sabhuku vandisiya ndine doro .Saka ndadira doro riya mu cup yangu ye class ndikavona makonye matema ari imomo .sezvo sabhuku vakanga vari mumba ndabva ndatora pic iri .Ndadaro ndakabva atora 1 super ndokuidevurira mumoto kusvika pa half kunge ndanwa .Ipapo ndabva nda tora phone yangu ndika seta alarn kuti igozorira .Zveshuwa Sabhuku vazovuya alarn ikarira kunge call .Ndabva ndasimuka kunge munhu afonerwa ,ndaenda pa side ndikatanga kutaura nhema kuti mwana wangu atsva .So sabhuku vazondivhunda kuti kwanaka here .ini ndikati kwete ndosaka ndiri pano ". Mai Zindo : " Akamboita sei makonye akusiisai doro ?' Zindo : " Tora cup yangu iyo unorezve ne cup ye simbi ". Mai Zindoga vakabva vatora cupa dziya ndokuvuya nadzo .Murume akabva adira cup dziya doro riya .Cup yesimbi yakanga isingaratidzi makonye asi cup ye class yangaka ichiratidza makonye aya ..... Mai Zindo : " Baba mwana muri kufunga zvandiri kufungavo here ?' Zindo : " Uri kufungei mukadzi wangu ?" Mai Zindo : "Muroi akanga asiri Kudzi asi sabhuku ava ". Zindo : " Usataurise chero neni ndafunga kudaro and pane zvimwe zvandafunga futi". Mai Zindo : " Wafungei ?' Zindo : " Ndafunga kuti pamwe iyi ndiyo blacl magic yandakakura ndichivudza kare so haidi zvinhu zvechirungu inovonekwa ". Mai Zindo : " Muri kureva kuti zvovonekwa ne class chete ?' Zindo : " Hongu saka vanhu vese vari kuzonwa doro iri pane zvavari kuzoita ". Mai ZINDO : "Manje todii kuti tizive kuti vanhu ava vachazodii ". Zindo : " Usawara rega nditore huku mbiri ndivone kuti dzikanwa dzichadii ". Zindoga akabva amhanyisa huku ndokubata mbira a.Akabva adziisa mukegi ndokuisa doro riya imomo . Huku dzakanwa doro riya ipapo Zindoga ne mudzimai wake vakanga vakatarisa asi hapana zvakaitika . Vakabva vadzisiya vakadzivharira ndokuenda zvavo mumba ......... Nguva ye break yakanga yasara zvishoma kuti ikwane .Ipapo Vamapondo vakabva vasimuka kuti vataure zvishoma .... Mapondo : " Zvamuri kuita zvinodadisa chose .Homework yandakakupai yakaita kuti vamwe vedu vagone zvisingaiti so everyday umwe ne umwe ne wake muchidzidzisana kumba ikoko . Jasi wava shasha ndokuverenga kuti uri number 2 kugona mu class yangu .So munhu wese endai ku break ." Endo Of Chapter