Miss N : " Svikai henyu ,Ko kwakanaka here kutsikwa nemwi ". Ba Bhur : " Hongu pakanaka ndangoti ndimbovona vamwe ". Miss N : " Zvakanaka inga ne nhamo ka yooo nhawu yakakuwirai ihombe ". Ba Bhur : " Dzaonekwa zvichingobva na Jasi akatibarira ". Miss N : " Zve mwana uya futi zvakaoma ". Ba Bhur : " Manje hamuna ruzivo here kuti akaenda kupi ?' Miss N : " Ipapo ndinganyeoa chaiko chero shamwari yake haisi kutaura ". Ba Bhur : " Shamwari yake ndiani ?' Miss N : " Anonzi Tinashe ". Ba Bhur : " Oh ndamuziva ,and anenge awana Jasi ndinomupa mombe 6 dzekumutenda ". Miss N : " Mombe 6 yooo inga dai ndaiziva kwaari ndakuratidzai ". Ba Bhur : " Mosara zvakanaka ini regai ndiende ndichivudzavo vamwe nhawu iyeyi ". Miss N : " Ok hapana kuipa mofamba mushe ". Baba Bhuru vachingobuda kuti vava kuenda .Miss Ndlovu vakabva vapinda mumba ndokufonera Jasi asi phone haina kupinda sezvo mukomana akanga asingafariri phone ......... Zuva rati kwirei Sarudzai akabva asvika pamba pa mai Rashi ndokuwana Mai Rashi ne mwana wavo Rashi vakatogara zvavo . ........ Rashi : " Mhamha mandidanirei kubva kure kwese uko ?' Mai Rashi : " Mwanangu Ba Bhuru vatambura ivo havasi kuda havo kuti Jasi abatwe asi ini ne umwe wangu Saru ndafunga kuti tibate mukoimana even Ba Bhuru vachiramba ". Saru : " Pamusoroi ,Ba Bhuru vanenge vava kuda kuti Jasi achibatwa .Ndasiya vatoenda kwa Baba Jasi handizivi kuti zvichapera mushe". Rashi : " Inga yanaka nhawu yacho saka tava kutotanga basa ". Mai Rashi : " Unotanga sei ?' Rashi : " Musawara ndiko kubasa . Regai ndiende kunovona Tinashe shamwari ya Jasi ". Mai Rashi : " Wotamba wakangwara ,Baba Jasi vakazviziva chete waenda". Rashi na Saru vakabva vasimuka ndokuenda kunovona Tinashe ....... Zuva iroro Baba Jasi ne mudzimai wavo vaitokonana pa nhawu dza Jasi ...... Mai Jasi : " Ko nhayi baba mwana handi mweya wakati haisi mhosva yangu saka zvamuri kutaura izvi zvapfepi ". Ba Jasi : " Ndati mwana wako atiparira hona izvezvi guhwa rafamba kuti ini ndakaipa manje .Nekuda kwezi mwana rakawapihwa mai rudzii vanokanganwa mwana ". Mai Jasi : " Inga zvakaoma dai nguva yaidzoka kumasure dai ndisina kumbokuda murume iwe ". Vari pakati pekuita makakatanwa vakabva vanzwa voice richitaura ku gate .... Ba Bhuru : "Baba varipo here nhayi chisikana ?' Judhi : " Hongu varipo ". Ba Jasi : " Svikai henyu Ba Bhuru ". Mai Jasi : " Makadii henyu ?' Ba Bhur : " Tiri nani hedu ini handisi kuda kupedza nguva yenyu . Jasi munoziva kwaari here?" Ba Jasi : " Handisi kuziva kuti mwana uya akaenda kupi mufunge ". Ba Bhur : " Baba Jasi muri munhu wando remekedza saka kana muchida kuti titemane ne mashanu tozviita izvezvi kwete mangwana ". Ba Jasi : " Ko ndiko kwayava here handi vanhu vanotaurirana here ". Ba Bhur : " Kutaurirana futi kwete hapana iyoyo vanhu 2 vakafa ne kuda kwe mwana wenyu wamuri kuviga .Ok mashoko angu ndeaya mwana wenyu ndikamuwana ndomutema ne dembio then ndotizavo mosara zvakanaka ". Ba Bhuru vakabva vadzokera kumba kwavo .Mai Jasi vakashaya kana rekutaura .... Ba Jasi : " Hona mwana wako vakamuwana vanomuvuraya chete ". Zuva rakanga rati kwirei apo Gogo vakapinda mumba vachida kuvona kuti beans dzaibva here .Vakawana beans dzese dzadeukira mumadota . Izvi zvakavadya moyo ipapo Jasi akabva asvika ne dzimwe beans dzaive atenga kwana Panganai ...... Gogo : " Inga wavuya nguva yakanaka beans dzandapihwa dzadeuka ". Jasi : " Oh sorry gogo madziwanepi beans dzacho ". Gogo : " Ndadzipihwa na Panganai ko iwe idzi wadziwanepi dzakanaka kudai ?' Jasi : " Ndawana Panganai asipo saka hamheno munhukadzi anditengesera ". Gogo : " Ok cuz Panganai akanga ari pano ". Jasi : " Torai idzi beans gogo poto motoisa imwe iyi yasviba ." Gogo : " Ko iwe wakuenda kupi ?' Jasi : " Ndoda kusvika pana Kudzi ndoda kunyora homework ". Gogo : " Ok usazononoka kudzoka ". Jasi akabva ayenda mu room rake ndokutora ma books ake ndokuenda kwna Kudzi .Kudzi akanga akatovata zvake. Akabva avona ma books ari mudenga ndokuvhunduka face yake ichiita makwati e nyoka ..... Jasi : " Relax ndini iwe ". Ipapo Jasi akabva azviratidza kuti ndiye .... Kudzi : " Realy ndiwo mashandisiro ayunoita ma powers ako aya ,Uye wapinda sei muno cuz door rakavharwa ?" Jasi : " Usavhunza zvako nowadays ndopinda pese pandada ". Kudzi : " Yaa ndiri kuzvivona ,so chii chakuvunza pano usati waenda pamuti kunotaura ne virson yako ?' Jasi : " Ndine nyaya yaitika kuna gogo vangu nhasi ". Kudzi :"Nyaya yeyi ?" End of chapter