Manager : " You mean mwana ane 16 years ndiye arova ma guards ese aya here ?' Judge : " Iyeyi hasi mwana asi kana muchimuvona anenge mwana chaiye ". Manager : "Nyarara apa hausi kunyara nezvauri kutaura .Boys endai kumba kwe mukomana muvuye naye ". Soja 1 : "Ok ko kana akada kutiza ". Manager : "0h that one ,ndiri kumuda ari mupenyu here now ". Soja 1 : " yes sir ". Vakomana vakabva vapinda munzira vachienda kumba kwana Jasi . Ko baba Jasi vaizivei ,vakanga vakatogara zvavo ...... Judhi : " Daddy ko mukoma Jasi varipi ?" Ba Jasi : " Amboshanya anodzoka hake usawara mwanangu ". Judhi : " Pano pamba hapasi kunakidza shame .Pakanyarara zvisingaiti ". Mai Jasi : " Yaaa taura hako .Panombonakidza asi achadzoka hake ". Judhi : " Amboenda kupi asi ?' Soja 1 : " Tisvikevo ". Mai Jasi havana kukwanisa kupindura vakabva vanyarara nyaya yacho . Sezvo kwanga kusati kwanyatso kusviba . munhu akamboita zvechi soja ayiziva kupi pane zviri kuitika .Baba Jasi vakabva vabuda .......... Ba Jasi : " Matotikomba ka ?' Soja 1 : " Mazviziva sei asi muri ex military here ?' Ba Jasi : " Yaaaa for now ndiri pa off zvangu ". Soja 1 : " Ok pakanaka hapo .As you know kuti tiri pabasa tanga tichikumbira mwana wako ". Ba Jasi : " Oh mwana wangu itori mhuka chaiyo .Atiza and handisi kuziva kuti ayenda kupi ". Soja 1 : " But muri kuziva henyu kuti muri kunyepa ka ?' Ba Jasi : " No ishuwa handisi kutoziva ini ". Soja 1 : " Hatisi kuda kumurova isu .Toda kungoenda naye chete zvisina noise ". Ba Jasi : " Ndiri kuzviziva asi door rakavhurwa ungapinda hako utarise ". Soja 1 : " O h i know kuti hapo so tivudzei kwaari ?' Ba Jasi : " Handisi kuziva ini ". Soja 1 :: " Ok mirai ipapo ndifonere manager wedu ". Manager : " Tell me kuti hamuna kurohwavo ". Soja 1 : "Even face yake hatina kuivona ". Manager : " Uchizama kureva kuti chii ?' Soja1 : " Tatsvaka mumba hamo .Handisi kuziva kuti aripi ". Manager : " Vhunza vabereki vake ", Soja 1 : " Vati hatisi kutoziva .Hanzi angotiza ". Manager : " Nhema vanoziva kune mwana wavo ". Soja 1 : "Manje todii navo ?' Manager : " Vuyayi na baba vacho ". Soja ! : " Ok sir ". Ba Jasi : " Handirambi kuenda hangu nemwi asi muri kupedza nguva yenyu ". Mai Jasi vakabva vanzwa baba Jasi vachitenda kuenda .Vakabva vasimuka vachienda panze..... Mai Jasi : " Murume wangu hapana kwaari kuenda manheru ano maybe mangwana kuseni tichavuya isu ". Soja 1 : " Kwete izvozvo hazviiti ". Mai Jasi : " Ko tonhora so no kana uchida kuenda naye tangai maenda neni first ". Ba Jasi : " Mai mwana makuita kuti nhawu iyi ichioma manje ". Mai Jasi : " Yakatooma kare nyaya iyi ". Soja 1 : " Regai ndifonere boss ndinzwe kuti vanoti chii ". Mai Jasi vakabva vabvuta phone ndokuirovera pasi ......... Soja 1 : " Ko chii nemwi . Munoziva kuti phone iyi ndeye basa manje ndovudza boss sei ?' Mai Jasi : " Enda unovaudza face to face kuti ndaramba kuti murume wangu avuye ". Mai Jasi vakabva vadhonza murume wavo ndokupinda mumba . Mamwe masoja akabva avuya ..... Soja 2 : " Vuyayi tivhure door ne simba tipinde ". Soja 1 : " No uyu munhu mu soja sesu so ngatimusiyeyi .Handei kuna manager tivaudze zvaitika ". Masoja akabva apinda munzira kudzoker ku town .Akasvika ndokuwana manager vakutobuda kuenda kumba kwavo .Vakabva vataura zvavasangana nazvo but Manager havana kuzvinzwisisa ...... Manager : " Matarisa mumba here ?" Soja 1 : " Hongu sir munhu hamuna mumba ". Manager : " Saka dzokerai munovuya na baba vacho chero varamba ". Soja 1 : " Hazviiti sir baba vacho umwe wedu but angori pa off chete ". Mananger : " Mangwana ndiri kuda munhu pano ". Soja 1 : " Yes sir '. Vakabva vaenda kunozorora vakomana ...... Jasi : " Gara wati unonzi ani ?" Ruvimbo : " Ndonzi Ruvimbo but you can call me Rue ". Jasi : " Ok hapana kuipa ". Rue : " But wakanaka unombozviziva ". Jasi : " Hahaha thaks ". Rue : " So apa uri kuenda kunogara here kana kuti urikushanya ". Jasi : " Ndiri kunogara na gogo vangu ". Rue : " Ok but i like you yooooo ". Vari pakati pekutaura driver akabva atanga kutaura ........ Driver : " Sorry vabereki bus redu ramiswa ne mapurisa so munhu wese buda panze ". Jasi akabva atanga kuvhunduka kuti ko manheru akadai mapurisa ari kudei . Vanhu vese vakabva vaburuka apa mapurisa ayiratidza kuti maviri chete . Vanhu vese vapedza kuburuka bus pakabva pabuda vanhu 2 mudondo vakabata pfuti .......... " Munhu wese mavoko mudenga tivone ". Vanhu vakashaya kuti chii chiri kuitika vakadzi ndokutanga kuridza mhere ....... " Munhu wese nyarara hapana mapurisa pano .Tipei mari yamunayo ne ma phone ". Vanhu vakabva vatanga kubudisa mari nema phone vakapihwa . Umwe we mbavha idzi akabva avona chiringa zuva changa chakapfekwa na Rue ndokuda kuchitora asi Rue akaramba ......... Rue : " Mari ndakupa phone ndakupa wakuda chii manje ?' "Ndakuda chiringa zuva chaunacho ". Rue : " No inhake yerudzi iyi hazviiti mungavuraya henyu ". Rue akabva arohwa zimbama achiwira kure . Izvi zvakapa Jasi hasha ndokusimuka mukomana achienda kune munhu akanga arova Rue ........ " Mira ipapo ndokufura izvezvi ". Jasi : "Ko pfuti yakazotanga rinhi kushanda isina mabara ?' Jasi ayitaura kunge ane muti mudama zveshuwa pfuti dzakanga dzisiri original .Vanhu pavakazvivona vakabva vasimuka nbdokutanga kurova vakomana ndokutora zvinhu zvavo back........ END OF CHAPTER