Gogo : " Muzukuru welcome pano ndipo pamba ". Jasi : " Inga mune imba yenyu yakanaka ". Gogo : " Baba vako ndivo vakandivakisira .Muno mune vanhu vanozvitamburira and imba 2 dzakanaka chete mudunhu rino ". Jasi : " Ko imwe yakanaka iyo ine magetsi ndeyani ?' Gogo : " Oh iyo , handisati ndanyatso ziva asi vanhu vari kuti vakaona umwe musikana wechidiki anogara ipapo achidzidza secondary yake pachikoro chiri mudunhu rino ". Jasi : " Musikana asina vabereki here ?' Gogo : " Handisati ndanyatsonzwa mahumwa humwa zvizere asi zvoratidza kuti vane mari vanhu avo . " jASI : " Asi pano pakanaka wani ". Gogo : " Yaaa imba yakatonaka muno inoverengwa . Saka wakasiya vari sei baba na mhamha ". Jasi : " Vakanaka havo ". Gogo : " Ko why vati uvuye kuzodzidza kuno kwakanaka here ?' Jasi : " Asi havana kukuvudzai ?' Gogo : " Kuti chii ?" Jasi : " Kuti ndiri kuzokubatsirai basa ". Gogo : " Aaaa havana hava yooo inga ayita hake mwanangu . Ndafunga kuti pamwe pane zvaitika ka .Sezvo baba vako vakaramba kuti uvuye kuno cuz une musikanzwa ". Jasi : " Ndakura gogo handichisina musikanzwa ". Gogo : " Kana wakadaro pakanaka cuz dunhu rino harina noise and vatorwa vashoma .Ndagara muno 50 years asi hapana chakamboitika chakashata .Even munhu hapana akambovuraiwa muno .So muzukuru ndoda uterera mashoko angu ndozviziva kuti une noise isingaitwi kana ukatsamwisa .Asi ndoda kuti uzvidzore .Usaita sezvawakaita 5 years ago ". Jasi : " Ndakaita sei 5 years ago?" Gogo : " Hauchazivi ka cuz waive mwana ka . Wakadirwa mvura kutsimwe ne umwe mwana .Akabva atanga kukuseka .Wakabva wamusunda mai vake vakakupa mbama .Ukabva waenda kunotora danda ikavarova kumbo vakabva vawira pasi . Wakabva watora dombo uchida kukacha musoro ipapo ndakabva ndamhanya ndikakubata . Mai ava vakasumuka ndokumhanya kumba kunovudza murume wavo . Ipapo murume wavo akabva avuya akabata shanu asi iwe wairatidza kutoda zvekurwa apa maziso ako akanga akaita red ....... Ndakabva ndakumbira ruregerero sezvo yakanga iri first time kuitwa noise mudunhu iri takabva taripiswa mbudzi mbiri. Ini ne mukadzi wawakarwa naye .Pandakavudza baba vako vakabva vakwira ndege ndokuvuya kuzokutora .Ipapo ndipo pavakanditi " Haufe wakadzoka kuno ". Jasi : " Zvaitori long story handichazivi ini ". Gogo : " Muzukuru nyaya hadziperi ini ndaguta saka room yako unoiziva tomutsana mangwana ". Gogo vaklabva vaenda kunorara .Jasi akasara akagara zvake .Akabva ayenda panze kunorohwa ne mhepo akatarisa pamba painzi panogara musikana ega . Akatarisa kudaro akabva avona light radzimwa .Jasi akagaya kuti maybe kutorara kwe munhu . Light rakabva ratangwa kuitwa on - off - on-off . Jasi akabva atarisa pa window ndokubva avona pakanyorwa kuti welcome K. Jasi akabva angoisa smile achienda ku room rake . ...... Akabva asvika ndokurara akatarisa hake mudenga ndokubva afunga kuti ane phone yainge apihwa na teacher vake .Akabva amuka ndokutarisa muka bag kake ndokubva awana iripo .Akabva ayita on ma message ndokubva atanga kupinda achibva kuna Miss Ndlovu cuz ndiye munhu ega akanga achizva kuti Jasi ane phone ........ Sezvo Jasi akanga asina airtime akabva ayisa please call . Mrs Ndlovu vakanga vakatorara zvavo .Pavakanzwa message vakabva vaona kuti ndi Jasi .Vakamuka fast ndokutofona manheru iwayo ..... Mrs N : " Hello ndi Jasi here ?" Jasi : " Yaaa ndini hangu ". Miss N : " OMG uripi?" Jasi : " Ndiri somwhere for now handingavudzi munhu ". Miss N : " Asi uri safe hako ?' Jasi : " Zvisingaiti .Please ndokumbiravo usavudze ani kana ani kuti wataura neni ". Miss N : " Ok hapana wandovudza usatya hako ". Jasi : " Ok thanks nekundipa phone i wish kuzokuvonai zvakare ". Miss N : " I miss you Jasi ". Jasi : " Miss you more night ". Miss Ndlovu vakafara pavakataura ne mukomana . Hope dzakavuya hwusiku huhwu . Jasi akanga akavata hake akabva atanga kurota hope dzake zvekare ....... Akabva atanga kurota ari mugomo muya asi akanga achivona mamwe magomo achidonha .Pakanga pane musika futi asi akanga asingavoni face yake ...... Jasi : " Ko chii chiri kuitika panyika pano ?' " Zviri kuitika nezvekuti in 3 months mukakona kuenda kunosadzisa nyika iri kuzoparara ". Jasi : " Uri kutaura madimikira andisinganzwi taura nyaya yako ". "Time will come ". Jasi : " Uri kuwira hausi kuzvivona here ?' " Help me ". Jasi : " How can i help you ". Gog : " Muzukuru muka tiende kuchikoro ". Jasi akabva apepuka ndokuenda kun ogeza .Sezvo ayienda kunotsvaka tsvimbo yekudzidza .Mukomana akabva ayenda kunogeza ndokudya ndokupinda munzira vakananga kuchikoro .Vari munzira kuenda vakabva vanzwa vamwe vakomana vaviri vachitaura ..... Boy 1 : " Ummm wangu ka babe kakavuya pachikoro paya isimbi ". Boy 2 : " Ndiri kungonzwa vanhu vakawanda vachidaro .Kanonzi ani ?' Boy 1 : " Ummm ipapo handizivi but mwana isimbi vanhu vese varikumunyenga vachirambwa". Boy 2 : " Rega ini ndokapedzera .Akamboita sei munhu anoramba vakomana ?' Boy 1 : " Maybe kuti anovuya ne mota ". Boy 2 : " Yoo saka anotoda vanhu vanetwu mari ". Vakomana vaye vakabva vaenda zvavo vachingotaura nyaya ye musikana uyu .Hapana ayiziva zita rake cuz vese vaitya kusvika . Plus babe racho rakanga risingadi zvisina basa . Jasi na Gogo vake vakasvika pachikoro ndokuenda ku officer vakamirira hardmaster . Pasinavo nguva akabva asvika ..... HM : " Makadii henyu ?' Gog : " Tiripo makadii ?' HM : " Tokubatsirai nei muzuva ra nhasi ?' Gogo : " Ndavuyavo ne muzukuru wangu anoda kudzidza pano ". HM : "Anoda kudzidza forn chii ?' Gogo : " 1 ". HM : " Ok hapana kuipa asi pano hatidi munhu ane musikanzwa chete cuz tokuisa mu blacklist". Gogo : " Ndovimba kuti azvinzwa ". HM : " Plus achiri mudiki handifungi kuti angatinetsa .So enda mu room 6 ndiyo class yako .Ndichavudza Teacher vako kuti pane umwe mwana avuya ". Jasi akabva asimuka ndokuenda ku class yaanga avudzwa .Akasvika ndokuvhura door .Vanhu vese vakabva vamutarisa .Akabva apinda hake ndokugara pa chair yanga isina munhu . Musikana wacho ayinzi akanaka akabva apinda ndokuwana chair yake yakagarwa hana kutaura akabva anogara hake ku grp 6 kwaive nematanda ....... Teacher vakabva vapinda ndokumhoreswa zvavo ...... Teacher : " Nhasi tine mukomana avuya simuka utaure zita rako ....... Jasi : " I am Justice ". Teacher : " Welcome mukoma Jasi ini ndonzi Vamapondo. Ndini teacher vako but pawakagara hapasi pako ". Jasi : " Ndogara kupi ?' Vamapondo : " Kudzi vuya ugare patsvimbo pako ". Jasi akashamisika kuti ko Kudzi uyu ndeupi ............. END OF CHAPTER