Jasi : " Kana tapedza mutambo uyu toda kuti tiende Egpty kunopedza basa ne kuti nguva yapera "> Kudzi : " Hapana kuipa cuz tiri kumasure kwe nguva ". Jasi : " Yaa saka woraramba mushe .Kana kwaedza unovuya wondimutsa toenda hedu ". Kudzi : " Ok hapana kuipa ". Kudzi akabva ayenda hake kunozorora Jasi ndokuendavo kwake . Manheru iyayo Mai Jasi vakabva vapepuka ndokuwana murume asipo pa side pavo .Mudzaimai akabva amuka ndokuenda panze ndokuwana murume akatogara zvake ari ega .Izvi zvakashamisa Mai Jasi kusvika pakuvhunza ....... Mai Jasi : " Ko nhayi baba mwana kwakanaka here kugara panze this time apa muchiratidza kuti muri kusuwa ". Ba Jasi : " Dai wandibetsera ne kuenda hako kunorara please handisi kuda zvekutaura ". Mai Jasi : " Uri murume wangu saka ndofanirwa kukuvhunza kana ndavona uchisuwa ". Ba Jasi : " Ok nhawu iri kundidya ndeya Jasi ". Mai Jasi ?: " Muri kufungei pamusoro pa Jasi ?' Ba Jasi :: " Mwana achiri wechidiki atovuraya vanhu 2 apa ini baba vake ndiri kumuvharira kuti asasungwa apa hama dzevafi dziri kuchema .Baba Bhuru vakutofira nhawu isiri yavo ". Mai Jasi : " I know kuti ipapo pakapotseka hapana anozvifarira zvakaita mwana .Asi hapana yekutamba takatomuhwandisa takagona ". Ba Jasi : " Takahwandisa mhondi asiri rudzi rwedu futi ". Mai Jasi : " Baba mwana taurai nyaya yenyu chaiyo murege kurova imbwa makaviga mupunyu". Ba Jasi : " Nhawu ndeyey kuti mangwana zuva richibuda ndiri kuenda kunovudza baba bhuru kune mwana uye zvese ne maporisa ". Mai Jasi : " Musadaro kani ko madii kungosiya ayenda hake even asiri mwana wedu "> Ba Jasi : " Kana ngaripe mhaka yake ini wangu mwana ari Egpty so ndiri kuendako ne muvhuro chaiwo ". Mai Jasi : " Handipikisa hangu asi aaaa musazoita zvinhu zvekuti mangwana muchazoti Jasi akanaka ". Ba Jasi : " Zviro zviedzwa tinenge tichizovona ". Baba Jasi vakabva vapinda mumba ndokurara havo .Mai Jasi vakabva vasara havo panze ndokutaura mashoko ne chemumoyo .... Mai Jasi : " Jasi uri blessing kwauri ikoko chengetwa na mwari ndozviziva kuti uri munhu akakosha pa nyika ". Mai Jasi vakabva vapinda zvavo mumba ndokurara ..... Semazuva ese kana kwaedza gogo vaimuka vachibisa madota kuseni seni .Vari busy kubisa madota aya vakabva vaona mota yaKudzi ichisvika pamba ipapo Kudzi akabva aburuka ....... Kudzi : " Mangwanani gogo ?" Gogog : " Kwakanaka here kuvuya mashamba nzou ?' Kudzi : " Yaaa asi ndanga ndichikumbiravo kumboenda na Jasi ku town kunogamuchira zvinhu zvatumirwa na baba vangu ". Gogo : " Mukomana akarara asi handizivi akabvuma enda hako mu room rakekana atenda moenda henyu asi mokasika kudzoka ". Kudzi : " Ok maita basa ". Kudzi akabva apinda mu room ra Jasi ndokuwana mukomana atopedza kupfeka kare .Vakabva vabuda zvavo ndokuenda mu road vakananga ku town .Vati fambei vakabva vatsuka pakadondo .... Jasi : " Ko watsaukirei ?' Kudzi : " Ndipo patiri kusiya mota pano then toenda kumusha kwangu ". Jasi : " Vanhu vanoiba ka ?' Kudzi : " Ndosaka uripo shandisa ma powers ako kuti vanhu vasaivona ". Jasi : "Ok rega ndiite visible ". Jasi akabva ashandisa ma powers ake kuti vanhu vasavona kuti pane munhu . Kudzi akabva abata Jasi ruvoko ndokunyukira pamuzinda wa Zindoga .Ipapo akanga ari mangwanani Zindoga paakanzwa vanhu ku gate akabva amuka ..... Zindo : " Munofamba nei matova pano makuseni akadai ?' Jasi : " Kumukira chete ". Zindo : " Saka magadzirira here kuti tiende ?' Kudzi : " Ndosaka tatova panondovimba kuti adzimai venyu havabudi panze nhasi ?' Zindo : " Yaaa handei hedu ". Vanhu vakabva vatanga kuvona Kudzi sa Mai Zindoga ....... Jasi : " OMG uchandivhundutsa wanga watochinja zvenguvai ipapa ?" Kudzi : " Hahah it's my secret ". Vakabva vatanga kufamba vachienda kwa Sabhuku .Jasi akabva ayita visible kuti vanhu vasamuvona .,Kudzi ndiye ega akanga achivona Jasi sezvo ayive akapihwa something ne virson yake .Asi Jasi hana kunge aziva hake .Vakabva vasvika ndokuwana vanhu vachiri vakatorara havo...... Zindo : " Sahwira une shuwa kuti uchiri wakavata ". Sabhuku pavakanzwa kuti ndi Zindoga atovuya akabva atomuka ndokuenda kwaari ..... Sabhuku : " Umwe wangu ndakaneta ko tombovata here ?' Zindo : " Ndozviziva hangu itobudisa doro ndinwe hangu ". Sabhuku : " Mukadzi wako ngaende hake kunotorra muiomba ye kubikira ". Mai Zindoga vakabva vaenda havo ndokupinda muimba yekubikra ndokuwana doro raklazara zveshuwa asi rese rizere makonye . Akabva atora super imwe chete ndokuivhura ndokuisa mushonga unovuraya acid iya . Akabva atakura doro riya ndokuenda naro panze . Vakabva vatanga havo kunwa vachitaura nyaya ...... Sabhuku pavakanwa doro iri ma demon akanga ari mavari akabva atanga kutsva so Jasi akabva avabata muromo ndokuvadonzera ku toilet .Akabva avasunga muromo kuti vasaita noise cuz kana ma demon obuda ayiridza mhere. .... Sabhuku vakanzwa kubatwa batwa asi vakanga vasingavoni kuti ndiani .Jasi akasarudza kuzviratidza . Ndokuvavhura muromo kuti vataure .... Sabhuku : " Ndiwe ani iye ?' Jasi : " Ndini ndichakupedzai mese ". Sabhuku : " Haumbofi wakatipedza takawandisa zvisingaiti ". Jasi : " Muri vangani ?' Sabhuku : " Tazara nyika yese and zvawatanga izvi tiri kuzokuparadza ". Jasi : " Ndoda kukuratidza kuti ini ndini ani manje ". Jasi akabva aratidza kuti atsamwa .Ndokuvhura muromo wa sabhuku ndokupinda ruvoko rwake kuti abuydise demon .Demon airamba kubuda asi ne simba rakanga rina Jasi demon rakakurirwa ndokurohwa ..... Jasi : " Enda kunovudza vamwe vako kuti ndiri kuvuya ". Demon rakabva ramhanya richienda .Sabhuku vakabva vapepuka ..... Sabhuku : " Ko chii chaitika ?' Jasi : " Handei kunze ndikuvudzei zvcaitika ". Makuseni iwayo Baba Jasi vakamuka makuseni ndokuenda kwa Baba Bhur .... Ba Bhur : " Kwakanaka here ?' Ba Jasi :" Yaaaa ndavuya kuzokumbira ruregerero Jasi ndinoziva kwaari ?" Ba Bhur : " Munofunga kuti ndopenga here ini ." Ba Jasi : " Zvava kwamuri kunditerera kana kusanditerera iyo ndiyo adrees iri kuna Jasi ini ndava kuenda hangu ". Baba Jasi vakabva vakanda bepa basa ndokuenda havo .Vari pa gate vakabva vasangana na MIss Ndlovu ... Ba Jasi : " Ko imwi muri kuitei pano ?' Miss N : " Aaaa ndangovuya kuzobata maoko hangu ". Ba Jasi : " Ok ". Miss N : " Ko imwi muri kuiteyi pano ?' Ba Jasi : " Ndanga ndichibata hangu mavoko ". Miss N : " Ok mofamba zvakanaka ". Baba Jasi vakabva vaenda havo Miss Ndlovu ndokupinda zvavo ..... Ba Bhuru : " Oh mafunga kutitsika kwakanaka here ?" Miss N : " Yaaa kwanaka ndanga ndichida kuvhunza kuti munhu anenge awana kuna Jasi momupa mombe 6 here ?" Ba Bhuru : " Hahaha inga wani ndakataura asi chii ?' Miss N : " Ndoziva hangu kuna Jasi ". Ba Bhuru : " Aripi Jasi ?' Miss N : " Ari kwa gogo vake north Iraq ". Ba Bhur : " Oh wanonoka ukuvona bepa randakabata iri ndatovudzwa ne umwe munhu "> Miss N : " Aaaa ndiani munhu iyeye asi ndi baba vake kayi ?' Ba Bhuru : " Wakambovona zvichiitika izvozvo . " Miss N : " Saka chindipaivo kana ka 100 us ". Ba Bhur : " Wakaramba kundivudza zuro uchiziva hako handina yekutamba wanonoka ". Miss N : " U mmm zvakaoma zvenyu baba imwi .Mwari akuropafadzei henyu ". End od chapter