Jasi : "Ini handisi kunzwisisa ndikuita kunge ndiri kurota kudai ". Kudzi : " Hausi kurota zvese izvi zviri kuitika ". Jasi : " Saka kana zvichiitika why tichiita kunge kufa kutamba like movie ?' Kudzi : ' Hapana nguva yekuvigana now kana kuchemana ". Jasi : ' Ok saka mubako tiri kutsvaka chii cuz ma demon ari kuratidza kuti ari kutoda zvekutovhura ". Kudzi : 'Handisi kuziva chatiri kuda asi ne kufunga kwangu tiri kuda map first ". Jasi : " Yaaa ndiyo ichativudza kwatinoenda ". Vakabva vatanga kufamba vachiverenga madziro zvakanga zvakanyorwa ...... Jasi : "Ndofunga kuti map ndiyo iyo ". Kudzi : ' Manje yakabatwa ne skeleton todii ?' Jasi : ' There is one way to found out ". Vakabva vaswedera ndokusvika paya vakabva vatanga kuverenga ...... Jasi : 'Matanga zvese .Aaaa Kudzi zvorei kuti *matanga zvese ?' Kudzi : ' Pane zvazviri kutoreva hazviiti kuti tingotora map tinotyora mitemo ". Jasi : ' Saka todii manje ?' Kudzi : ' I think vanoda munhu ane moyo ". Jasi : ' Ndiwe munhu wacho so vape ropa ". Kudzi akabva akotama ndokunonga bonzo re munhu ayive akafira imomo ndokubva azvicheka ruvoko kuti ropa rikwanise kubuda .Ropa rakabva ratanga kubuda ,Kudzi akabva arerekera ruvoko rwake pa gumbo re skeleton .Ipapo ropa riya rakabva ratanga kumhanya ne muviri we skeleton .Kudzi akabva adzokera kumasure ipapo map yakabva yaregedzwa ichiwira pasi ...... Kudzi : " Oh zviri easy ". Kudzi akabva anhonga map iya ndokubva vatanga kuivhura .Vakabva vatanga kuvona kwavaifanirwa kuenda ...... Kudzi : " You see kuti tine basa ukavona tosvika uko pane mufambo ". Jasi : " Yaaa hapana yekutamba ngatifambe cuz ma demon ari kuvuya ". Kudzi : ' Jasi ko skeleton ranga riri apa raenda kupi ?' Jasi akabva atarisa ndokuvona pasina chinhu ....... "Ummmm handizivi ". Kudzi : ' It means hatisi tega muno ". Vakabva vatanga kufamba vachitsvaka imwe key yechi 2 .Ipapo ma demon akanga ari busy kurova pako kuti apinde ..... Demon : " Pari kuramba kuvhurika apa panoda main power chaiwo ". Demon3 : " Itai ne kukurumidza vasati vasvika pa green diamond ". Demon : " Toda zano kubva kwamuri mukuru ". Demon3 : "Ok zvatichaita apa ndezvekuti tichabatanidza mavoko edu tese tokoka simba redu rese kuti tivhure apa ". Demon : " Ok regai tiite sekudaro ". Sezvo munhu wese akanga ari mu nyika rava demon vakabva vatanga kubatanidza vavoko avo vachivumba simba rimwe .Pakabva patanga kuumbana ivhu richikura kuita hombe .Pavakavona kuti rakura vakabva vari potsera pamasuwo we bako ipapo rakabva rarova musuwo we bako richidzoka ndokurova ma demon akawanda akanga ari pedyo ...... Demon : ' Plan yenyu yaramba saka todii ". Mukuru wema demon akabva a apper ma demon ese akabva agodama pasi achiremekedza ...... Mukuru : "Bako iri harivhurike chero mukadii asi pane imwe plan ye kuti rivhurike .Joe na Netsai one wenyu ngaite Kudzi umwe wenyu ngaite Jasi ". Zvakabva zvaitika sekudaro ndokuenda kumusuwo we bako ". Mukuru : "Tora mwana mucheche uvuye naye pano ". Pakanga pane mwana musikana akanga aripo riri demon .Asi akabva agadzirwa kuti ayite munhu ari normal ,mwana akabva atanga kuchema achishaya kuti ndivanani .Mukuru wema demon akanga asina nungo akabva abudisa zibanga ndokucheka mwana musoro .Musoro wakawira mumavoko a fake Kudzi muviri ukawira mumaoko a fake Jasi ....... Zvino ropa rakanga razara mumavoko avo ma demon akabva atanga kuseka ..... Joe : 'Manje todii ?" Mukuru : "Chururudzai ropa panopinda key apo ". Vakabva vaita sekudaro ndokudzokera kumasure .Ipapo vaklabva wanzwa soound inotyisa ichitanga kuitika pasi pachizungunuka .Vakabva vaona bako rava kutanga kuvhurika mbijana mbijana ...... Demon 3 : " Ko nei richivhurika zvishoma ne zvishoma ?' Mukuru : Taita plan isiriiwo chingoti ndine ma powers asi dai ratoramba kuvhura .Saka iwe sara uri pa side pangu ne vamwe vako 5 .Vudza vamwe kuti kana ravhurika vavuye ne musoro wa Kudzi na Jasi and musavatendera kutora green diamond ". Ma demon akabva amira line akamirira kupinda kana bako ravhurika .Asi raivhurika mbijana mbijana .... Jasi : "Ngatifambise vanhu vakutovuya ". Kudzi : ' I think tasvika iyo key yechi 2 ". Jasi : " Manje toitora sei cuz yakanyura padombo ?' Kudzi : "I think isa ropa rako cuz key iyo ndiyo yako ". Jasi akabva atora banga rakanga rina Kudzi ndokubva azvicheka ruvoko .Ropa robva ratanga kubuda ndokubva ayisa pa dombo paya asi hapana zvakaitika ..... Jasi : "Imbozama iwewe tivone ". Kudzi : ' Zvandichazvipedza ne kuzvicheka amana ". Jasi : ' No choice ". Kudzi akabva abvuta banga kuna Jasi ndokubva azvicheka ruvoko ndokuisa ropa padombo asi hapana chakaitika ..... Jasi : " Manje todii zvazviri kuramba ". Kudzi ; "Handichatozivivo ini ". Jasi : "Virson yako hapana zvayakakuvudza here ?" Kudzi : "Rega ndimbofunga ". Kudzi akabva agara pasi ndokutanga kufunga day one raakatanga kutaura ne virson yake .Akabva arangarira amwe mashoko e virson yake ..... Virson : "Ndoda kuti uyende Iraq uchasangana ne mukomana iyeye ndiye achakubetsera hondo iyi asi hasati akuziva kuti ane ma powers .Kana ava kuziva endai ku Egpty ndiko kune key yechi 2 imwe unayo .Asi zvoda kuti mubatane kuti mukwanise kusvika kune diamond ". Kudzi akabva asimuka ...... Kudzi : " I think ndaziva chiri kudiwa apa ". Jasi : " Tofanirwa kudii ?" Kudzi : "Ropa rako ne rangu tofanirwa kuribatanidza then tozvomora banga tese ". Jasi : " Takamirirei saka ?' Vakabva vabatana mavoko akanga ane ropa ndokubva vabata banga .Rakatanga richiramba asi ropa ravo rakabva ratanga kuita chiedza ndokutanga kuyerera richipinda mudombo .Ipapo vakabva vanzwa banga richibuda zviri easy ndokubva vari budisa .... Kudzi : "Kusaziva kufa shuwa zvinhu zviri easy so". Jasi : "Ngatiite tichifamba ma demon apinda ari kutovuya ". Kudzi : ' Map yedu iri kuti chii ?" Jasi : ' Iri kuratidza kuti pane bako ratofanirwa kusangana naro ndiro rinoda ma keys aya ". Kudzi : ' Ok handei ". Jasi : ' But pari kuratidza kuti panoda ma key matatu todii manje virson yakati chii famba uchifunga ". Kudzi akabva atanga kudzamisa pfungwa ndokutanga kufunga virson yake ichitaura ..... Virson : "Imwe key ndiye mukomana iyeye and kana asipo hapana zvatinenge tichiita ". Kudzi : ' Jasi i remember virson yakati ndiwe key ". Jasi : " Manje ndoshanda sei ?" Kudzi : " Ndipe map ndivone kuti iri kuti chii ". Jasi akabva atambidza Kudzi map .Kudzi akabva atanga kuiverenga .... Kudzi : " Kana masvika pa diamond door umwe ne umwe anofanirwa kuisa key yake pa nguva imwe chete muchishandisa ma powers enyu .Kana mapedza kudaro Jasi anofanirwa kushandisa ma powers ake kuvhura musuwa .Pa door pane mavoko anokwana Jasi chete so anofanirwa kuvhura iye bedzi . Ndizvo zviri kutaura map ". Jasi : " Saka takatozvagwa takatomirirwa ka ?' Kudzi : ' Yaa after hondo iyi ndine muvhunzo yakawanda yandoda kuvhunza kuti ndinzwisise kuti baba vangu vakazoita vako sei uye mhamha vangu varipi". Demon : "Aaaaa ndini ndakatodya mai vako ". Jasi na Kudzi vaklavhunduka pavakanzwa voice kumasure kwavo ". Face ya Kudzi yakabva yaita makwati e nyoka kuratidza kuti akanga atsamwa .... Kudzi : " Usataura zva mai vangu cuz unoifira iyoyo ". Demon : " Hahaha chituta ndakafa kare ini ndotodyira iwe ukutofa nhasi ". Kudzi : " Never Kudzi akabva abata banga rake Jasi ndokubva abatavo rake ndokutanga kutaurirana ..... Jasi : " Ziva kuti mapanga aya ndiwo key so tofanirwa kusamatorerwa ". Kudzi : " Plus banga iri arivurayi ma demon tanga tichifanirwa kutora maviri ari mubako umu ". Jasi : " Manje todii ?' Kudzi : ' Ngatibatane chete .Rega ndikuite umwe Jasi ndozviita futi then vosara vachirwa ne mimvuri yedu isu tichivhura bako ". Jasi : " Good plan saka rega tiite invisdible". Jasi na Kudzi vakabva vabatana mavoko ndokuita invisible zve 2 seconds ndokubva vaita visible ndokutanga kurwa nema demon .Original Jasi na Kudzi vakabva vatomhanya kubako kunovhura ...... End of chapter