Miss N : "Jasi tora befu titaure handiti ka ". Jasi : " Taurai ndakaterera ". Miss N : " Dzora hasha ungotevedzera zviri kudiwa nema porisa nyaya isati yapinda vanhu vakawanda wanda ". Jasi : " Handina kuramba but kuda kusvika achindipa mbama manje ipapo kwete ". Mrs N : "I know vatadza please ingoita zvandareva .Ingoenda navo ". Jasi : " Pese pamunotidzidzisa munoti "unofanirwa kuva ne reason kana uchipanga umwe munhu zano ".So chindivudzai reason kuti ndiende nayo "> Miss N : "Oh good iyi reason yandava kukupa ndeye hupenyu hwako hwese ndoda ukare nayo padundundu pako .Jasi life inoda kuti u facer everything kana zvichida iwe like this .Sometimes you don't need to run . If you face everything in your life it will be easy to everyone ari mu nyaya iyoyo .So simuka and face what you have started ". Jasi : " Yaaa true ". Jasi akabva asimuka ndokusimudza mavoko ake mudenga .Then mupurisa akabva ayisa njema ndokupinda mumota vakananga ku town .Mupurisa akanga amborohwa akabva atanga kupa mukomana mambana .... Police : " Hee wanga uchiti wakangwara nhayi ". Umwe wake aqkabva atanga kutaura ....... Police 2 : " Wangu siyana nazvo zvekuda kungorova vanhu .One day uchanyara like today ". Police 1 : " Haaa mupfanha uyu anobhaiza mhani ". Police 2 : "? Inik ndanyarara ". Akabva arega kumurova ndokuenderera ne rwendo rwavo . Jasi akanga asingamboratidze kutya Zvake ...... Mukomana akanga arohwa na Jasi akabva ayiswa pa Oxygen cuz kufema kwakanga konetsa .Teacher vakanga vavhuniwa ruvoko vaingoshinyira asi munhu akanga akuvara zveshuwa ....... Chipatara chakaiswa vanhu ava makanga mune vanhu vakarohwa na Jasi weekend . So vamwe vacho vaifambira nhawu yekuti varapihwe . Doctor akabva ati anoda tsamba iri kubva ku police kuti varambe vachibetsera vakomana .3 vavo vakabva vaenda ku police kunopihwa tsamba .Apa Jasi akanga achangosvikavo achiri kunyoresa zita rake . ..... Police : " Une makore mangani mupfanha iwe ?' Jasi akabva aramba akanyarara . Mupurisa akabva ayita hasha ndokusimuka .... Police : " Iwe ndiri kukuvhunza kuti une makore mangani ?" Jasi : " Kumba kwedu hakuna munhu anondidana kuti mupfanha so handikwanisi kukupindura ". Police : " Aaaaa une mukonyo mafana iwe .Rega ndikusiye cuz ungatozviitira pano . Une makore mangwani ?" Jasi : " 16 ". Police : " Aaaa ndiwe wakutorova nema teacher .Ithink unorova vuya timborwa ". Jasi : " Ndokukuvadza ". Police : " Hahahaha unopenga iwe rega ndimbokuratidza ". Police akabva atanga kuenda kuna Jasi achidaq kumurova . Ndipo pakabva papinda vakomana 3 vachida kunyorerwa tsamba .Ndipo pavakabva vaona Jasi ..... Man 1 : " Aaaa hona mafana uya uyu akasungwa ". Police : " Unomuziva ?" Man 3 : " Ehe ndiye akarova vanhu vangu vese vaya ". Police : " Iwe ukureva mufana uyu here ?' Man 2 : " Ehe iyeyi ". Mupurisa akabva adzokera kumasure nekutya cuz zvaanga ambovona kune vanhu vakarohwa na Jasi zvaityisa .Akabva apedza na Jasi vakamirira nguva yekuenda ku court sezvo nguva yakanga ichipo ayindipa court na 2 . Jasi akabva agara hake akamirira nguva... Vakomana vaya vakabva vatosundira futi Jasi mhosva yekurova vanhu vake so Jasi akanga ari pama 1 but munhu wacho akanga asina basa nazvo ...... Miss Ndlovu vakabva vaunganidza vana vese ..... Miss N : " Kana pane anogara pedo na Jasi ngavuye mberi ". Tinashe akabva ayenda hake ........... Miss N : "Enda kumba kwavo uvudze vabereki vake zvaitika ". Tinashe : "But havambotendi kuenda cuz vanomuziva Jasi ". Miss N: "As long vazvinzwa zvava kjwavari cuz mwana ndewavo .Iwe enda unovaudza ". Tinashe akabva dzoka ndibereke akati tande kumuzinda wa Jasi .Akasvika ndokuwana vabereki vake vachitonwa zvavo tea cuz yakanga iri break ..... Mai Jasi : " Aaaa nhayi wagovuya uchimhanya kudaro kwakanaka here ?' Tinashe : " Hakuna kunaka mhamha ". Mai Jasi : " Wava kundivhundutsa manje .Ko chii chaitika ?' Tinashe : " Jasi asungwa ". Mai Jasi vakabva varidza mhere chikafu vachigadzika pasi . Ndokusimuka ndokutanga kudemba demba ...... Ba Jasi : " Uri kutaura chokwadi here ?" Tinashe : "Hongu baba ". Ba Jasi : "Aaaa hamheno hake rega amborohwa ne chando july uno achadzidza ". Mai Jasi : " Naimwi muri baba chaivo here imwi ?" Ba Jasi : " Ndiri baba va Judhi kwetew iro zimwana rako .Hamheno wakarinhonga kupi ". Mai Jasi : " Hoo nhayi makundikandira nyoka mhenyu manje . Ok kana asiri wenyu ini handisi wako ". Tinashe : " Pamusoroi regai ndidzokere kuchikoro". Tinashe akanga atovona kuti kwakuenda nyaya hakuna kunaka akabva atoenda kuchikoro ...... Ba Jasi : " Zvawafunga handipikisi asi zvandiri kutaura ndochokwadi ". Mai Jasi : " Ndaziva pamumire baba imwi .Saka mwana todii naye even asiri wako ". Ba Jasi : " Usawara vakaziva kuti mwana wangu anobuda remember mukomana vangu vakabuda same day ". Mai Jasi : "Ok saka regai ndiende kuchikoro ndinonzwa kuti zvafamba sei ". Ba Jasi : " Haungaendi wega .Pinda mumota tinonzwa maybe nyaya yacho iri serious but ndoziva kuti ndeye kurwa ". Vakabva vapinda mumota ndokuenda kuchikoro .Vakasvikirana na Tinashe . Tinashe akabva ayenda navo ku class kuna Miss Ndlovu kunotsanangurirwa zvaitika ....... Miss N : " Sorry henyu ndizvo zvaitika pano ". Ba Jasi : " Saka mukomana wacho na teacher varipi ?" Miss N : "Vaendeswa kuchipatara ". Mai Jasi : " Zva Jasi ndazvitadza ini .Handei kunovona parohwerwa mukomana wacho ........". End of chapter