Vana Jasi vakamira kudaro pakabva pasvika mota pa gate ndokuburumwana sikana akanga akanaka zvisingaiti. Akabva aburuka ne umwe murume ndokumira havo panze pe gate vakamirira kuti vanhu vapedze zvavari kuita ...... Rue : " Ummm musikana uyo ka ". Jasi : " Adii asi ?' Rue : " Hapana ". Vari busy kutaura Teacher akabva asvika ..... Teacher : " Sorry henyu kunemwi manonoka .Munhu wese nhonga marara ". Vanhu vese vakabva vamhanya kunonhonga .Vapedza umwe ne umwe akabva ayenda ku class kwake .... Rue : " Saka tovonana pa break ". Jasi : " Ok no problem ". Zvese izvi zvakanga zviri mumaziso a Kudzi asi Jasi akanga asingazvivoni . Jasi akabva apinda hake mu class ndokugara .Akabva avona murandakadzi achipfuura achienda ku officer .Kudzi ropa rake rakamhanya kuratidza pane something chakaipa chavuya padhuze asi hana kumbofungira musikana avuya ..... Musikana akabva ayenda mu officer ne murume akanga anaye . Hardmaster vakabva vapinda ...... HM : " Makadii henyu ?' Murume : " Ndavuyavo ne mwana wangu ari kuda tsvimbo yekudzidza ". HM : " Arikuda forn ani ?" Murume : " 2 ". Hm : " Ok hapana kuipa ngaende mu room 2 ndimo maachadzidza .Zita rako ndiani mwanasikana ?' "Ndonzi Netsai ". HM : " Ok welcome to the shcool ". Netsai : " Thank you ". Netsai akabva asimuka ndokuenda mu room 2 yaakanga avudzwa .Chake ayingoda kuti ave pedo na Jasi . Murume akanga ana Netsai akabva apinda mumota ndokuenda .Ari munzira akabva angonyangarikac zvese ne mota yacho . Netsai akapinda hake mu class ndokutanga kudzidza...... Teacher va Jasi vakabva vapindavo mu class mavo ndokutanga kudzidzisa .... Vamapondo : " Munhu wese mubidisa book re homework rako tivone ". Vanhu vakabva vabudisa ma book avo but Jasi akanga achingotarisa book .... Vamapondo : " Ko mukomana iwe book rako riripi?' Jasi : " Ndofunga kuti ndarikanganwa sir ". Vamapondo : " Wakatonyora hako ?' Jasi : " Ehe ndakanyora ". Vamapondo : " Saka uri kurohwa shamu dzako 50 dzekukonewa .Then dzekusanyora homework 10 plus dzekusiya book 10 . Ndisati ndamurova pane ane mashoko here ?' Ngoni akabva asimudza ruvoko ..... Vamapondo : " Taura nyaya yako ". Ngoni : " Jasi wanyatso tarisa mu bag here ?' Jasi : " Ndatarisa zvakanaka hamuna umu ". Kudzi : " Tarisa zvakanaka rogona ririmo ". Jasi akabva abudisa ma books ese ndokuisa pa table .Akabva awana book raayida riripo ..... Vamapondo : " Iwe unorova mutoriro chete but zvakafanana riripo kana risipo wakanyora nhema dzega ". Vamapondo vakabva vatora pen yavo ye red ndokutara tara kuratidza kuti zvakanyorwa marara .Izvi zvakabata Jasi zvisingaiti cuz akanga azvivudza kuti akuda kudzidzavo .Teacher vakabva vatora book rake ndokuenda naro ku officer ..... HM : " Ko kwakanaka here ?' Vamapondo : " Makazondipa dofo re mwana hapana chinozikanwa apa kuti akamboenda ku primary iyeyu ?' HM : " Mupe time anopika ne kufamba kwe nguva but iye anoratidza kuti aneshungu ". Vamapondo : " Ndichazama week rino asi akaramba akadai anoenda ku special class ". HM : " Ok zvawaronga handipikise ". Teacher vakabva vadzokera ku class .Sezvo Kudzi akanga ari iye munhu akanga ari smart mu class iyi .Teacher vakabva vatora cup yavo ndokutuma Kudzi kunochera mvura panze .Kudzi akabva asimuka ndokuenda hake kunochera mvura .Akasvika ndokuwana pasina munhu .Akabva amira akabata cup mvura ikavamo sezvo akanga ane simba re mvura ...... Mvura iyi akanga ayideketerera kuti kana Teacher vakanwa vavape homework yekunoita kumba . Kudzi ari munzira kuenda akabva adhumwa na Netsai mvura ikabva yadevuka ...... Netsai : " Oh sorry ndanga ndisingakuvoni ". Kudzi : " Ok no problem ". Netsai akabva ayenda achisekerera zvake achiziva kuti agona munhu wake .Apa class ranga raputsika .Kudzi akabva amhanya ku class .... Kudzi : "Sir sorry nda....." Vamapondo : " Don't worry ndavona zvaitika ndichanonwa time time hangu ". Kudzi akabva agara pasi ndokutanga kudzidza asi akanga achiziva kuti zano rake raramba zuva iri . Break yakabva yasvika vanhu ndokuenda kunodya .Jasi akabva ayenda hake pasi pe muti sezvo akanga akanganwa mbuva .Ngoni akabva asvika ne chikafu sezvo ayibva ku family iri nani .... Jasi : " Wangu hazvizodi everyday nhasi ndakaguta ". Ngoni : " Hakuna iyoyo wangu maybe mangwana .Nhasi ndaisa ne chikafu chako ". Jasi : " Ok kana wadaro thanks ". Ngoni : " Ko iwe chii chaitika makuseni aya /' Jasi : " You know kuti handichazivi kuti ndiri bofu kana kuti but pekutanga ndavona book musina ". Ngoni : " Maybe ne kutya watadza kurivona but ranga ririmo ". Jasi : " Yaa maybe ndi gogo vakariisa ". Vari pakati pekutaura Rue akabva asvika akatobata chimwe chikafu ..... Rue : " Ko Jasi ndiri kukutsvaka izvo uri pano ?' Jasi : " Yaaa ndakawana friend yangu ". Rue : " Oh nice to meet you Ngoni ". Ngoni : " Me too ". Vakabva vatanga zvavo kudya vachitotaura nyaya .Netsai akabva asvika panana Jasi ndokutanga kutaura .... Netsai : "Hie Jasi long time ! Jasi akasimudza musoro achishamisika kuti munhu uyu amuziva sei ..... Jasi : " Hie ,gara tozivana ?" Netsai : " No tichazivana henyu .Anyway you're cute ". Netsai akabva atodarikira zvake ......... END OF CHAPTER