Jasi akabva ayenda hake mu class ndokugara zvake .Break yakabva yapera so teacher vakabva vapinda mu class .... Vamapondo : " Right ndovimba kuti ndapedza saka munhu wese vhura book rako tivone kuti wapasa zvakadii ". Vanhu vakabva vavhura ma books avo ,vamwe vakakonewa vamwevo ndivo vaiva shasha . Kudzi akabva avhura book rake ndokuwana akagona zvese . Jasi akabva avhura book ndokuwana ane 40/50 izvi zvakamushamisa cuz iye ayitova dofo pachake . Teacher vakabva vatanga kudana from 50 zvichidzika .Kudzi ndiye akagara pa grp 1 ne vamwe 4 so paidiwa wechi 6 pa ayiva JASI ..... Vamapondo : " Uri kuenda kupi ?" Jasi : " Ku grp 1 ka ". Vamapondo : " Kunoenda vanogona uko ,wawana chii ?' Jasi : " Ndawana 40 ". Vamapondo : " Wakopa ani iwe cuz vamwe vako vawana ma 6 ". Jasi : " Nhasi ndagonavo ". Vamapondo : " Yooo mashura tototenda Kudzi ndiye ari kukudzidzisa ". Jasi akabva ayenda kunogara pa grp 1 zvakle but teacher vakashamisika kuti how .Jasi hana kuzvinzwisisa asi Kudzi akanga achiziva nyaya yagonzera ..... Zuva rakacheka nyika amai vemukomana akarohwa na Jasi vakabva vageza ndokutora mari yavo ndokuenda kunovoneka ku murume wake .... Mai Bhuru : " Babab imwi hamusi kutofunga ne zvemwana wedu ka so ini ndakuenda ku N'anga nevhu iri ". Ba Bhuru : " Ivayi ne moyo wekuregerera imwi .Hongu akatadza Jasi even baba vacho vanozvitenda wani ko imwi madirei kubata mushonga ". Mai Bhuru : " Imwi baba makadzungaira chaiko mwana wedu akatsemugwa musoro kunge damba muri kuswera kuda kunzwisisa pakadaro ". Ba Bhuru : " Todii manje handi mwana mupenyu here .Jasi akatiza so moda kuti tirove baba Jasi .Even zvakadaro baba Jasi unovaziva iwe ". Mai Bhuru : " Ndosaka ndine plan imwe yavasingazivi .Ini ndiri kuteya nzou ne riva pano regai ndiende ". Ba Bhuru : " Please usapinza zita re mwana wangu .Iwe ita zvemushonga yako wega ikoko ". Mai Bhuru : " Iri rakadzungaira shuwa .Sara hako ini ndiri kuzoenda ". Mai Bhuru vakabva vapinda munzira ndokuenda ku N'anga nevhu ravakanokora .Masikati iwayo sabhuku vakabva vabva kune shamwari yavo ndokuenda kumba .Vakasvika ndokuwana mukadzi wavo abika rice ne nyama .Sezvo hombarume yakanga ine nzara yakasvika ndokupihwa zvayo chikafu ndokudya mudzimai ari pa side ...... Sabhuku vaigozivei vakabva vadya zvavo chikafu chiya .Vari pakati pekudya vakabva vangochinja maziso .Mai sabhuku vakabva vachinjavo maziso avo ndokutanga kutaura vari 2 ....... Iri rakanga riri demon riri kutaura riri mukati pa mai sabhuku .Even sahuku vakanga vatovavo naro sezvo vakanga vadya chikafu chaiswa mushonga .So vakabva vatanga havo kutaura .... Mai Sabhuku : "Welcome to my kingdom of darkness "> Sabhuku : " Taurai zvamuri kuda kuitirwa lord "> Mai Sabhuku : " Ndava kuda kukohwa zvandakasima kare saka tiri vashoma .Iwe ndoda kuti urime zvakawanda dzikokwanisa kukohwa ". Sabhuku : " Ipapo handisi kunzwisisa mandirova ne madimikira ". Mai Sabhuku : " Ndiri kuti ndoda kuti tisime mbeu so ndoda kuti upike doro kana wapika doro wongaoita ka party kuti vanhu vavuye kuzodya .Ipapo ndipo pauchaisa mushonga ". Sabhuku : " Ok hapana kuipa regai nditomhanya kunotenga doro kuti zvikurumidze kuitwa ". Mai Sabhuku : " Watendwa ". Maziso a sabhuku akabva adzokera pa normal .Sabhuku vakabva vatomhanya kunogeza ndokutora card reku bank ndokutoenda ku town kunotenga doro riya . ...... Zuva rava kurova nhongonya mai bhuru vakabva vasvika pakati pe sango apo paigara N'anga hombe mudunhu iri . Vakasvika ndokubvisa shangu ndokupinda vachiombera havo .Vakawana N'anga yakatogara zvayo ichirira ne ndimi .Amai vakabva vasvika ndokugara pasi vachivuchira ..... Mai Bhuru : " Makadii sekuru ?' N'anga : " Tiripo makadii henyu . nyaya yenyu ndaivona muchiri kure saka ndoda kuti ndikuvhunzei kuti munoda kuti ndiii ne mukomana uyu ?' Mai Bhuru : " Zvese zvamunogona sekuru cuz moyo wangu uri kurwadza ". N'anga : " Ok ndipei ivhu racho ". Yakabva yatambidzwa ivhu riya .N'anga yakabva yaisa ivhu riya mu hari yakanga ichipfungaira .Yakabva yatora tsvimbo ndokutedzeredza ipapo vakabva vaona face ya Jasi irimo ..... N'anga : " Amai mazvipira kuvuraya mukomana uyu here ?" Mai Bhuru : " Hongu sekuru ndazvipira ". N'anga : " Ok asi munhu wamuri kuda kuvuraya hana mhosva saka apa pane nyaya cuz munhu ane simba ". Mai Bhuru : " Hana kana simba ndipei ndibaye ini ". Vakabva vabvuta tsono kune N'anga ndokuenda pa hari iya ndokubva vabaya pagumbo .Ndokubva vabayazve musoro ndokupaya huro vakabva vaona mukomana achibuba kuratidza kuti ari kufa .Ipapo vakabva vaona kuti face haisi ya Jasi ndeye mwana wavo akanga ari kuchipatara ..... Mai Bhuru : " Ko nhayi ko zvaanenge mwana wangu uyo ?" N'anga : " Ndakuvudzai kuti ngwarirai munhu wamuri kuda kurwa naye ane simba .Honai manje mavuraya mwana wenyu mega ". Mai vakabva vatanga kuchema vachitarisa mu hari iya ndokutowana kuti shuwa mwana atofa ma doctor akanga achitomuvhara .Mai Bhuru vakabva vabva vapinda munzira vachienda kumba ....... Manager : " Handisi kunzwisisa kana muchiti mwana akarohwa na Jasi ashaika ". Doctor : " Shuwa ashaika mumaziso angu even camera yazvivona ". Manager : " Inga makati akanga atova nani ?' Doctor : " Hongu akanga ava mutano asi kufa kwake kwandishamisa cuz pekutanga abata gumbo kuita kunge abayiwa ne something.Pechi 2 abva abata musoro asi pechi 3 abva abata huro ndokubva atongotonhora ". Manager : " Saka kuti avurawa ne mushonga here ?" Doctor : " Sekuvona kwangu ehe ndizvo zvamuvuraya ". Manager : " Manje vanhu havambozvitendi izvozvo .Vanongoti ndi Jasi ". Doctor : " Ipapo hapo asi ndichavudza vabereki vake zvaitika ". Doctor akabva amhanya kunotora phone yake .Apa Mai Bhuru vanga vachitosvika kumba .Vachitoda kumhoresa murume phone yakabva ya ringer ..... Ba Bhuru : " Makadii?" Doctor : "Tiripo hedu makadii . ndisingapedzi nguva ,muri kufonerwa na doctor ye mwana wenyu ". Ba Bhuru : " Kwakanka here ?' Doctor : " I wish i can see but mwana wenyu atisiya ". END OF CHAPTER