BY GODFATHER Kudzi : " Jasi uri kuda kuiteyi ?" Jasi : " Kuvaratidza kuti havasi vanhu ". Ipapo Jasi akabva akoka simba rake rese .Pakabva paita chiedza chekuti munhu wese ayivapo apa akanga asingavoni .Jasi akabva akanda ma powers ake mativi ese .Munhu wese ayiva mumba iyi akapa awira kure kunge paputitswa bomba ...... Imba yakabva yawondomoka kunge pasina kumbobvira pakaita imba .Kudzi akabva amuka sezvo akanga arasirwavo kure .Jasi ma ziso akanga akaita white .Paakaenda kwaive nema demon amwe akabva ayita invisible ndokusvika achibaya mamwe ma demon matatu ...... Demon3 iro raive richginji rotungamira chikwata sezvo mukuru akanga asingavonekwi and pasina anoriziva .Demon parakavona kuti Jasi ari kupedza vanhu ari invisible rakabva radanidzira ..... Demon 3 : " Jasi mira chero ukada kupedza vamwe vangu asi hautigoni . Vona wavuraya gogo vako ". Jasi akabva amira kurwisa ma demon ndokutarisa kudivi ndokuvona gogo vake vakabaiwa ne huni padumbu vachibudisa misodzi . Jasi akabva ayita visible ndokuenda kunobata gog vake mumavoko achichema .... Jasi : " Sorry gogo handina kuziva kuti zvichaperera uku ". Gogo : " Ndaiti kunyepa ini asi nhasi ndazvivonera pamhino sefodya . Ndaiti pamwe wachinja asi hautorina hako asi kutowedzera ". Jasi : " Sorry handina kunge ndaziva dai ndakazviramba ". Gogo : " Handimbofi ndakakuregerera . Jasi wandivurairei ?" Gogo vakabva vati sarai vachizorora havo . Jasi akabva atanga kuchena apa hasha dzakanga dzakawanda .Kudzi misodzi yakabva yatanga kuchururuka .ma demon ese akanga aripo akabva atanga kuseka zvekusvotesa .Izvi zvaiwedzera hasha dza Jasi ..... Demon : " Hahaha ndakakuvudza kuti ini haundigoni dai wagara watotipa simba ". Jasi : " Never umwe nhasi anofanirwa kufa chete ". Maziso a Jasi akabva ayita brown kuratidza kuti anga asiriiye . Kudzi akabva azvivona ndokubva aswedera kumasure achiziva kuti now Jasi akurwa chero ne munhu..... Jasi akabva abudisa pamba raive richibhenda zvese ne kukura same time .Akabva atanga kuita ya flash yekumhanya achicheka munhu wese pakati pe dunhu .Munhu wese ayiwira kure . Demon 3 parakaona kuti Jasi zveshuwa akatsamwa rakabva raenda kunodana mamwe .Ma demon ese akanga afa kwasara Kudzi chete .Jasi akanga asinei kuti ndiani apa .Akabva atanga kuenda kuna Kudzi akabata banga.Kudzi akabva azviziva kuti hondo yatanga .... Kudzi : " Jasi iwe ndini Kudzi kani ziva kuti ndiwe ani ". Jasi akanga asina nguva yekutaura chero nani zvake .Jasi akabva ayita ya flash ndokusvika achicheka Kudzi pakati pe dumbu .But akashamisika achivona Kudzi akamira ..... Kudzi : " Wakajaidzwa ini ndokupedzera ". Kudzi hana kunge abayiwa cuz muviri wake wakanga waita nyoka kare so banga ra Jasi rakanga risingacheki .Jasi akabva avonera akabva ayisa ma powers akawanda .Kudzi akabva atanga kunaisa mvura mheni ndokutanga kurova miti ..... Jasi akabva amhanya futi kuti arove Kudzi ne banga ipapo akabva anzwa chibhakera che mvura achiwira uko .Izvi zvaiwedzera hasha dzake zvichimukuvadza futi .Jasi akabva amhanya futi akuda kusvika akabva ayita invisible chibhakera che mvura chichikuta Kudzi achirohwa ne padumbu .Musoro uko makumbo uko ..... Jasi akabva amira achivona zvitunha zvese but zvakamushamisa akabva avona body ya Kudzi ichifufunyuka akabva anzwa voice ra Kudzi kumasure ....... Kudzi : "Une ma powers kundidarika but ma powers ako haushandisi chikoro chete". Jasi : "Imposible how ?' Kudzi : " Remember ndogona kuzviita vanhu 100 pa nguva imwe chete ". Jasi akabva acheuka kumativi mana ndokuvona vana Kudzi vakawandisa .Jasi akabva atanga kuzvivona futi ..... Kudzi : " Let's play ndoda kuzvivona kuti uchazvivuraya here ". Jasi akanga asingazivi kuti original Kudzi ndeupi manje .Vakabva vatanga kurwa Jasi ayirwa ne vanhu 100 vasiri original asi iri mivhuri .Jasi ayitobata mivhuri yakafanana naye .Kudzi akabva awana way in ndokuchinja kuita shato ndokusunga mukomana ...... Jasi akabva akanda banga pasi sezvo akanga akupera mweya wekufema .Akuvona kuti ava kufa akabva ayita invisible ndokupukunyuka .Kudzi akanga odya kuti munhu ayenda kupi manje .Kudzi akabva arohwa ne banga kumusana achiwira uko .Jasi akabva abudisa riri pfumo asi Kudzi akanga asingazvivoni .Ipapo Kudzi akabva arangarira mashoko e virson yake ....... Virson : " Kana ava kurwa newe tora powder iyi ukushe maziso ake achavhurika even iwe uchamuvona ". Kudzi akabva aita sekudaro ndokukusha .Ipapo akabva avona pfumo richivuya nepadumbu .Mheni yakabva yarovera Jasi kure maziso ake achiita normal . Kudzi akabva asimuka ndokuenda kuna Jasi ..... Jasi : " Oh wandipisa shz ". Kudzi : " Sorry shz ndanga ndisina choice ". Jasi : " Sorry handizivi kuti changa chandibata ndochii ". Kudzi : " Zviri mutsananguro hapana yekutamba ndichatoshinga ". Jasi : " Aaaa Kudzi tarisa vanhu vese vamuka ". Kudzi : " Jasi ngatiende egpty izvezvi cuz tikada kurwa ne vanhu ava kungavira kukaedza ". Jasi : " Yaaa taura hako hande ". Kudzi akabva abata ruvoko rwa Jasi ndokuenda........ Saru : " Ko nhayi hama hamunavo kuvona kwaenda sekuru vangu ". Mai Rashi : " Ndavona vakabereka bag handina kuda kuvataudza ini ". Saru : " Saka vaendepi manje ?" Mai Rashi : " Handizivi ko ivo nhasi vambobuda vachienda kupi ?' Saru : " Zuro ndipo pavakabuda vachienda kwa Miss Ndlovu ". Mai Rashi : " Saka enda ikoko vanokuvudza kwavaenda ". Rashi : " Mhamha handisi kunzwa mushe ". Rashi akabva amhanya panze ndokurutsa ....... Mai Rashi : " Ko chii chaitika nhayi iwe ?" Saru : " Aaaa ndiri kutoshaya kuti ayita sei ". Mai Rashi : "Iwe Rashi taura neni ". Rashi : " Hapana mhamha kungorutsavo .Regai ndiende mu room rangu ". Mai vake vakashaya kuti chii chiri kuitika ku mwana wavo . Raashi akabva apinda mu room rake ndokuenda pa class ndokuvona maziso ake akaita black .Akavhunduka achibva pa class .Hana kutenda zvaavona akabva adzokera pa class ndokuvona maziso ake akaita white . " ndanga ndazvivona kuti ndanga ndavona nhema "...... Rashi akabva abuda mu room rake ..... Saru : " Kwakanaka here wabuda uchinyemwerera kudai ?" Rashi : " Ehe kwakanaka ndikunzwa simba nhasi .Mhamha nhasi ndini ndikubika ". Mai Rashi : " Mashura chaiwo iwewe kuda kubika chaiye ?' Rashi : " I know handisati ndakambobika asi nhasi regai ndikubikirei ". Mai Rashi : " Yooo inga zvinhu zvinochinja ". Rashi akabva amhanya mhanya kuti atange kubika but Saru hana kunge anzwisisa zvaitika pana Rashi .......... Ba Jasi : " Makadii ?" "Tiripo makadii ". BA Jasi : " Ndiyo Egpty yacho here ?" "Hongu asi murikutanga kuvuya kuno here ?" Ba Jasi : " Hongu and ndiri kuda kutsvaka mwana wangu ". " Baba zvinonetsa asi zvoda kuti muende kune imwe N'anga hombe inokwanisa kuronda nhoroondo even dze BC ". Ba Jasi : " Ndotenda ini handichagari sezvo mandivudza kwaanowanikwa regai ndiende ". Baba Jasi vakabva vapinda munzira ...... "Mudhara zvawava kudaridzwa hausi kuvona kuti wasvika here . driver mira murume uyu aburuke ". Driver : " Munhu wacho ngakurumidze ka time yaklatidya . Ko chii newe mudhara asi wakanwa here ?' Ba Bhuru : " Kudhakwa ne strees hama thanks hako ". Baba Bhuru vakabva vaburuka bus ndokumira pa bustop ndokukwqira mota inoenda kumusha kwana Jasi .Vakasvika ndokuburukira pama shops paive ne vanhu vakasara ..... Ba Bhur : " Makadii ndokumbiravo kuvhunza kuti moziva mukomana uyu here ?' "Ehe anogara pajinga pe gomo apo ". Ba Bhuru : " Ok maita basa ". Ba Bhuru vakabva vapinda munzira ndokubata ka shanu kavo vakananga kumba kwana Jasi ...... End of chapter