Notice : remember this book is connected with Son of Peyton Ba Justice....... "Ndomuziva Justice wenyu uyu usambomurambira hako . mwana anoda vakadzi kunge bhuru apa munhu ane 16 years here . zana iri handizivi kuti rakatodza ani ". Justice : " Daddy handina kumbodanana naye ini . ndakatomunyenga ndichitamba ini ndine musikana 1 chete ". Rudo : Unonyepa wakandinyenga last ye tiri ma grade 7 now wakundiramba cuz wava kunana na Athe ". Mai Justice : " mwanangu Jasi une 16 asi wava kutonetsa vanga riri pachifuva chako musikana akakuruma wamuramba uri grade 5 chaiyo . Une mangoromera evasikana here wakatodza ani chaiko". Justice : Hapana mhamha asi inhawu ye kuti vasikana vacho ndivo vanonditanga ". Ba Justice : " Rimwe gore uchabvira mate pasi wazangana ne musikana anochinja heya ". Mai Justice : " Rudo na Justice nyaya yenyu yaperera pano hapana anodanana ne umwe muchiri vana kani . Unofunga kuti ukamitiswa Justice anozvitenda izvozvo iye achiramba kuti ari kudanana newe . iwe zvimwe vona hana basa newe .mai vako vakanzwa kuti uri kuchemera kuti warambwa vanokudii handi unorohwa . Iwe Justice zvigume ndavona vasikana vakawanda pano and handichadi kunzwa nyaya iyi futi otherwise chikoro ndokumisa. now enda kunochinja uyende kunochera mvura iwe Rudo ibva pano izvezvi ". narrating : Rudo akabva atanga kuchema achienda kumba . yoo kamu 13 years kanga ada Justice zvisingaiti asi mukomana akanga asinei naye cuz ayidiwa ne vakawanda ...... Justice ayiva mukomana ane 16 years asi akagadza vanhu matare 7 achiri ku primary . Mukomana uyu ayizikanwa ne kuda ma babe kudarika chikoro . Hapana musikana ayimuramba .Lif e yavo yakanga iri normal zvayo hamheno vasikana vainyatsodei kune mukomana uyu . Baba na Mai vang vaneta kudamwa kuchikoro ne nhawu yake yekuswera achikisa vasikana kuma tolet . Chero ma teacher ayitodyira asi zvakanga zvisingaiti kuti vamunyenge ..... Mukomana akanga ari form 4 pachikoro chakanga chiri pedo ne dunhu ravo . kuchikoro raive danda rima chairo akanga akangwarira paduru se huku . Mukomana ayidiwa uyu zvakapa vamwe godo vakapedzisira vakufunga kuti ane mushonga asi zvakanga zviri muropa ..... Justice akanga ane young sister yake yainzi Judi uyu ayiva grade seven [7] mukore iri . Justice akanga ane shamwari yake yainzi Tinashe ayigara pa next door . 2 boys rakanga risingasiyane pakuenda kuchikoro plus vaidzidza mu class 1 . Tinashe akanga ane musikana wake ayiwirirana ne musikana wa Justice ... Athe akanga ane 15 years akanga akasiiwa ne gore 1 na Justice vanhu vaidanana ava . vakatanga kudanana vari grade 7 gore rapera . Mazuva ekutanga Justice akambodzikama sezvo akanga awana simbi ye babe . Asi kuzvikoro uko hapashayi vane godo kunyanya ma form 3 ne 4 vanenge vachida kutora ma babe ese asi na Justice vaipedzerwa even raive dofo . One day Tinashe akabva avuya ndokutora Justice ndokuenda kuchikoro . pachikoro pavaidzidza vakanga pane primary pa side so Rudo ayivuya pa break kuzovona mukomana . Makuseni vakasvika ndokudzidza havo break yasvika manje . Vakomana vakabva vauya kuzoda kurova ma new comer new new . Justice na Tinashe vakabva vasimuka pavakavona vamwe vachirohwa . Umwe mukomana akabva akwenyera mukuru wavo ....... Boy 1 ; " Mukoma tarisai vapfanha avo vane mukonyo chaiwo ". Bro : " aaa asi havazivi kuti ndonzi mukoma here ?" Narrating : Vakabva vaenda kwavari ndokutanga kuda kuvavhundutsira..... Mukoma : " imwi vapfana torai mushana uyu mundivigire ". Boy 1 : " Mukoma vari kutoramba vapfanha ava ". Narratring : Mukoma uya akabva atendevuka ndokuvona vakomana vakatomira havasi kutsvaka mushana wacho . Akabva ada kurova Tinashe mbama Justice achibva ayibata ndokubva apodzera ruvoko rwake kure . Akada kuzama kukanda rimwe Justice ndokubata futi . Achida kutosa rimwe akabva abatwa ese umwe wacho akada kupindira Tinashe achibva atiza . Justice akabva amukava pakati pemakumbo mukomana ndokuwira pasi . Justice akabva aregedza uya ndokuramba akamira .Mukoma vakabva vaona kuti pano ndinofa akabva atiza .Vamwe vasikana vakabva vamhanya kuna teacher kunotaura kuti Justice arova munhu pasingaiti . Nyaya yakabva yaiswa kuna headmaster we munhukadzi . Vakomana vakabva vadamwa ku office kuti vataure nyaya yavo ...... Hardmaster : " eee vazukuru vambuya ne handa taurai nyaya yenyu manga muchida kuroverei ka form 1 aka muri 5 ". Narrating : Vakomana vakabva varamba vakanyarara . Headmaster akabva avhunza Justice zvaitika ndokutaura zvese zvanga zvaitika ..... Headmaster : " Aaa ma form 4 hamunyari manje uyu arohwa ayita lucky , imwi 4 endai kunosuka ma toilet . iwe Justice na Tinashe endai kunotarisa kuti vanosuka zvakanaka here". Narrating : Vakomana vakabva vatungamira vana Justice vachitevera . kumusha munongokuziva kuti huchapa hwakawanda apa mvura yaicherwa kure .Vakomana vakabva vamhanya vana Justice vakasara vakagara hayo vakamirira kuti vadzoke ................. Tinashe : " Wangu sorry hako unoziva kuti zvemavoko ndiri munhukadzi ini ndokwata hangu". Justice : " aaa iwe ndatokujaira zvangu .manje ukapusa vakomana vanokuitisa ava ". Tinashe : " uchatondidzidzisavo kurwa cuz kana usipo ndingachivona ". Justice : " Usawara ndichakudzidzisa ". Narrating : Vari pakati pekutaura vakabva vanzwa vanhu vachiseka ndokusimuka vachinotarisa . Vachiti baa ndokuvona kuti vanhu vakavunganira boys riya vachiri seka vamwe vachiri dira mavhu vamwe vachirova ma mbama . Justice akabva akwenya Tinashe ...... Justice : " saka boys iri raive mabhuru ka ?" Tinashe : " ndikuvona sekudaro , but warema umwe wangu watova bhuru redu ". Justice : " ummm ini zvema bhuru no mudhara angandirova kufa chaiko ". Narrating : Vakomana vakasvika ndokutanga kusuka ma toilet . after chinguva chipfupi vakabva vauya ..... Boy 1 : " Bro tapedza ungaenda kunotarisa hako ". Narrating : Hana kupindura vakabva vasimuka ndokuenda kunotarisa ndokuwana akachena zveshuwa . Vakabva vadzoka kune boys ...... Justice : " boys hapana zvamaita endai kunochera yekupedzisira ". Narrating : Tinashe akabva amutarisa achishamisika kuti asi uko tatenderana kuti akachena .Justice akabva akwenya Tinashe kuti atarise divi cuz mukomana akanga asingatani kuseka kana kunzwira tsitsi . Vakomana pavakanzwa mashoko aya vakada kudzokera ndipo Justice paakavamisa ..... Justice : " ndikutamba boys ma toilet akachena ". Mukoma : " Inga waita hako ". Justice : " chibvai pano ". Narrating : Vakomana vakabva vachimhanya kunge varumwa ne mago zuva iri vainyara chero kubuda mu class ...... end of chapter