Kudzi : " Ndovimba kuti hauchisiri muyenzi pano wakuziva pekugara "> Jasi : " Hahaha iwewe so ,yaa ndakuziva hangu ". Kudzi : " Good so rega ndiende kunotora chikafu ". Kudzi akabva ayenda ku kitchen ndokutora ndiro mbiri dzisina chinhu ndokubva adzisimudza mudenge ndokutanga kutaurira pasi ..... Kudzi : " Rice ne chicken vuya mundiro ". Ipapo Kudzi akabva avhura maziso ake ndokuwana zvatovamo .Akabva aenda nemandiro aya kuna Jasi ..... Jasi : " Inga wakasika ,asi wagara wakaribika kare ?' Kudzi : " Hongu ndaribika kuseni ndisati ndaenda kuchikoro ". Jasi : " Inga hako ". Kudzi akabva atambidza Jasi plate yake .Vakabva vatanga zvavo kudya ,vari pakati pekudya Jasi akabva adzipiwa ne nhawu yekutaurisa achidya .Kudzi akabva amhanya ku kitcken ndokuchera mvura ndokupa mukomana ...... Jasi : " Waita hako yooo chikafu chako chinonaka zvisingaiti manje ndanga ndodya zvekuzadza muromo apa ndichitaurisa ". Kudzi : " Thanks hako ini ndanga ndichifunga kuti uchatoti chiri kushata ". Jasi : " Kana mhando iyi ye rice ndaida ndichatopota ndichivuya kuzokwata pano ". Kudzi : " Hahaha chivuya tiite homework yedu zuva rakutovira ". Vakabva vapedzisa kudya ndokutanga kuita homework .Vapedza Kudzi akabva aperekedza Jasi .Kudzi akabva adzoka ndokusvika achipinda mu room yake achi key door . Akabva atanga kuchinja kuita nyoka akabva arutsa key yaive akamedza kugomo . Akabva achinja kuita munhu futi .Virson yake yakabva yasvika .... Virson : " Key iyoyo isatorwa please ". Kudzi : " Vanenge vatovuraya ini first kuti vaitore ". Virson : " Zvino une hope kuti uchatora moyo wa Jasi here ?' Kudzi : " Yaaa but ane musikana wake kare so zvichatora nguva ". Virson : " Nguva ndiyo yatisina manje cuz ma demon aya akutotanga kuwanda zvishoma ne zvishoma .Chingoti handizivi zviri mberi asi Jasi nhasi atorohwa ne ma demon awayo"> Kudzi : " Muri kureva kuti vakomana varova Jasi nhasi vatova m demon here ?' Virson : " Yaa and vane simba ndosaka Jasi arohwa so zvakuda kuti Jasi achiziva kuti ndiye ani uye anobva kupi ?' Kudzi : " Ndichazama asi zvikaramba ndichatoshandisa musikana wake kuti ndimuvudze ". Virson : " Hapana kuipa iwe ukangotangira 3 months chete hapana kuipa .Jasi ndiye achawedzera dzimwe nguva ". Kudzi : " Ok ndichamuisa pedo neni ". Virson yakabva yaenda .Kudzi akabva achinja kuita nyoka ndokudya zvakare key iya .Akabva adzokera kuita munhu ndokuenda kunogeza hake ..Jasi akasvika kumba ndokutowana gog vakatogara vachibika havo .Jasi akabva angovamhoresa ndokuenda ku room rake ndokuita phone yake on .Call kubva kuna Miss N yakabva yapinda ..... Jasi : " Maziva sei kuti ndaita phone yangu on ?' Miss N : " Inondivudza kuno .so urisei hako dea?" Jasi : " Ndiribho hangu ini kurisei ikoko?' Miss N : " Umm kuno tinongoti ne nhamo .Mukomana wawakarova ashaika masikati chaiwo". Jasi : " Manje handisi kutsvakwa zve serious here ?" Miss N : " Usachema Jasi wakaita mistake i know zvatopfuura izvi ". Jasi : " No ndiri mhondi ini handifanirwi kurarama ". Jasi akabva akata phone ndokubva atoidzima apa misodzi yakanga yangozara pamatama .Akabva ayenda pa class kunozvivona .Ndokuwana maziso ake akubuda ropa zvishoma ne zvishoma .Akabva apukuta but hana kuda kuvudza gogo kuti pane zviri kuitika . Akabva ayenda kunotandara na gogo vake zvake ..... Zuva richangodoka Sabhuku vakabva vasvika pamba ne mota yakanga izere doro ndokuriburusa vachiisa mumba .rice ne zvakawanda wanda zvakanga zvatengwa kuti vanhu vazovuya vachidya. Vakabva vaenda zvavo kunorara vakamirira kuti kuchene vazodana vanhu kudoro . Vakavata kudaro vakabva vanzwa kudamwa panze .I..... vo ne mukadzi wavo vakabva vatomuka ndokuenda kugomo .Vachisvika ku gomo kuya vakabva vatorwa ne rimwe demon ndokuenda kuimba hombe kwakanga kune ma demon ese .... Vakomana vakanga vapihwa chikafu na Joe vakanga varipo vese vachitaura nyaya .... Netsai : " Handi makati ini ndine dzungu chii chaita Joe nhasi manje .Kusvika achitorova munhu ". Joe : " Iwe siyana neni handi ndiyo plan yangu here ". Netsai : " Plan yeyi ipapo .Ikozvino Jasi akatomaka vakomana ava "> Joe : " Ndizvo zvandanga ndichida ka .Ndada kuita good guy kuti ndiswedere padhuze na Jasi and plan yabva yabuda zvairi ". Netsai : " Yabuda zvairi how ?' Joe : " Mangwana chaiye ndinenge ndapedza na Jasi .Ndichaenda pa break pavanodyira paya ndosvikavo ne food yangu todya ndenge ndatopedza ". Netsai : " Problem unofunga kuti zviri easy "> Demon 3 : " Heyi hamusi imwi mega muri muno .Plus hamusi vatevedzani why muchingopindurana zvakaipa everyday .Ndichakupai ground chete. Right sabhuku ne mudzimai wenyu torai acid iri muhari iyo ndoda kuti muiise mudoro ne chikafu vanhu vadye tigowanda ". Sabhuku ne mudzimai wavo vakabva vatora acid iya ndokuenda kumba kwavo manheru aya .Ndokutanga kuisa acid iya mudhoro rakavharwa kudaro cuz vaishandisa ma powers .Netsai akabva apihwa rake zano Joe akabva apihwa rake futi .Kuita simba kwavo kutora ma soul kubva kune vamwe vanhu .......... Manheru Jasi akavata vakati pehwusiku akabva atanga kurota hope .... Akabva atanga kurota akatogara zvake pamusoro pe gomo pakanga pasina ani ari ega zvake .So pakabva pasvika Kudzi ne chikafu asi Jasi akawanikwa ne kuchiramba ipapo Joe akabva asvikavo ne chake ... Joe : " Ko wadirei kupihwa chikafu na Kudzi ini ndiripo zvangu ?" Jasi : " Nhasi ndakaguta guys musawara zvenyu ". Netsai : " Usawara zvako ndavuya ne favourite food yako ". Jasi paakatarisa akabva avona mundiro izere makonye .Akabva asimuka ne hasha ... Jasi : " Ko why uchindishura iwe unofunga kuti ndicho chikafu changu here ?' Netsai : " Ndicho chikafu chedu isusu ". Jasi : " Iwewe nani manje ?' Joe : " Neni ne vamwe vedu ". Jasi : " Aaa newevo Joe une makonye asi munopenga here ?' Netsai na Joe vakabva vatanga kubata Jasi kuti vamudyise asi Jasi akaramba .Kudzi akabva apindira kuti avbatsire mukomana asi Joe na Netsai vakanga vane simba so Kudzi ayikurirwa .... Kudzi : " Jasi ndiri kukurirwa ini ndoda help ". Jasi : " Ndoiwana kupi ini ndakabatwa kudai ?' Kudzi : " Ziva zvauri haumbokundiwi ". Jasi akazama kuda kubata asi akakurirwa chikafu chatova pamuromo alarm yake yakabva ya ringer kuseni .Mukomana akamuka achivhunduka kuti chii changa chichiitika .Hana kuzviisa mumusoro ayingoti ihope ..... Akabva amuka ndokuenda kunogeza ndokuenda hake kuchikoro .Makuseni iwayo Ba Bhuru pamba pavo pakanga pakatozara vanhu vatovuya kuzochema . Ba Bhuru vakabva vaona munhu ayitobva kunotsvaka huni achivuya pamba pavo achimhanya ..... Vanhu : " Ko chii ,ko chii nhayi iwe ?" Ba Bhuru vakabva vaswederavo vachida kunzwa nyaya .Mukomana akabva atanga kutaura zvainge avona ... Mukomana : " Ndati ndichitsvaka huni pachikomo apo .Ndavona mukadzi wa baba ve pano akazvisungirira ". Vanhu vakabva vashamisika vachienda kuchikomo ichocho zveshuwa vakawana mukadzi akarembera kunge chimukuyu . Ba Bhuru vakasvika ndokutarisa vakabva vatanga kungochururuka musidzo .Hama dzakabva dzatanga kuvhunza ..... Ham : " Nhaiwe iwe wakarara zuro uchiti mukadzi aripi ?" Ba Bhuru : " Mukadzi takakonana zuro saka ndaifunga kuti ayenda kwa tete sezvo achigara achidaro ". Hama : " Wakarova munhu kaiwe cuz hangambozvisungiriri ?' Ba Bhuru : " Handirovi mukadzi ini but mukadzi uyu ndaimuvhunza kuti mwana wedu afa sei". Hama : " Asi wakamupuma huroi kai ?' Ba Bhuru : " Hongu zuro akaenda ku N'anga ega achingodzoka mwana akanga atoshaika plus mafiro akaita mwana so ini ndakangovhunza akati handizivi ". Hama : " Une mhosva iwe ungati munhu akasenga mwana 9 months angozovuraya here ". Vanhu vakabva vatanga kunhonga matombo ....... END OF CHAPTER