Zindoga : " Kudzi uri kudei mudunhu rino ,unozviziva kuti sabhuku vakakudzinga mudunu muno apa ukuratidza kuti wachinja chii ?' Jasi : " Hatina nguva ye kutaura zvakaitika asi tine nguva yekutaura zviri kuitika ". Zindoga : " Ko iwe ndiwe ani anopindura zvaanoda .Kudzi asi ndiye murume wako here uyu ?' Kudzi : ' No hasi izvozvo zvapera ndine nhawu yandavuya nayo pano ". Zindoga : " Taura nhawu yako ". Kudzi : ' Pane huku dzamanwisa doro tokumbiravo kudzivona ". Zindoga : " Handisi kuziva kuti uri kutaura nyaya yei .Wazvinzwa nani izvozvo ?' Jasi : " Moa kuti tivudze sabhuku kuti mava pumha hwuroi here ?' Zindoga : " No haisi nhawu iyoyo ". Kudzi : " Munozviziva here kuti dai isiri midzimu yenyu dai izvezvi muri mudare rekuroya ". Zindoga : " Uri kutaura madimikira ,taura nyaya yako ". Kudzi : " Ndoda kuvona huku dzamunadzo ndigone kutaura nyaya yangu ". Zindoga : " Hapana kuipa mungapinda henyu ". Vakabva vapinda mumba muya .... Zindoga : " Handizivi hangu kuti vabiki ve doro ndivo vakaisa makonye aya mu doro kana kuti ndinivo ndakaresva kufunga ". Kudzi : " Kwete hausi iwe wakatadza kufunga .Ishuwa dai wakanwa doro iri waiva rimwe demon .Nhawu yacho ihombe handikwanisi kuitsanangura asi ndovimba kuti rimwe zuva uchainzwisisa ." Jasi : " Saka ukureva kuti chikafu chese chema demon ukadya unoita demon here ?' Kudzi : " Hongu vane acid yavanoisa kuti uchinje kuita ghost asi vanhu havazvivoni ". Jasi : " Ko ini handisi umwe wema demon nei ?' Kudzi : " Ukurangarira paya ndichivhunza Joe kuti mbambaira wadziwanepi iye akanyepa .So mbambaira yaakandisvitsa kuti ndikupe ndakairasha nema powers ndikabudisa yangu ndosaka usina kuita demon ". Zindoga : " Kudzi uri kureva kuti une ma powers here ?" Kudzi : " Hongu and makandidana kuti muroi ". Zindoga : " Vamwe kwete ini ". Jasi : " Zvapera nhawu yava pano ndeye kuti toita sei kuti vanhu vasanwa doro ". Zindoga : " Ini handitozivi ". Kudzi : " i know zvekuta asi zviri risk ". Jasi : " Taura tinzwe plan yako ". Kudzi : " Handi Zindoga anowirirana na sabhuku so ini ndichachinja kuita mudzimai wa Zindoga ndoenda kunobika ipapo ndipo pandichabvisa mushonga wacho ". Jasi : " Yaaa plan yakanaka zvisingaiti ". Zindoga : " No plana yenyu haiyiti ". Kudzi : " Mune imwe plan here yekumisa vanhu kuti vasaita ma demon ". Zindo : " Handina ". Kudzi : " Saka kana muchiramba tozviiyavo asi remember kuti munyika yese iyi ndini na Jasi tichararama .Mukadzi wenyu zvichava ivhu kana mukasunga zvinhu ,Inga maita rudo kuda kuzama kuvona kuti mozvimisa sei asi hamuna ma powers acho so isu tavuya kuzokubatsirai ka ". Jasi : " Ko zvapera vazvinzwa so isu tichaita izvozvo .So iwe Kudzi ndiwe une simba rekubvisa acid iyi uno ndiwo mukana wako we kuti ushandise pa huku idzi baba ava vachivona vagoziva kuti tavuya kuzobata basa zveshuwa ". Kudzi : " Ok handei panze ne huku idzi tinoita zvinoitwa ". Zindoga akabva asenga huku dziya ndokuenda panze .Kudzi face yake yakabva yaita mavara e nyoka ipapo Kudzi akasumudza mavoko ake mvura ikabva yatanga kuturuka .Mhura yaive mumavoko ake akabva ayiisa mukagaba ndokupa huku dziya .Huku dzakabva dzanwa ipapo maziso e huku akabva adzoka kuita normal ". Jasi : " Yaa now takuziva kuti zvinoshanda saka makutenda here kuti tiri ku side kwenyu ?" Zindoga : " Handina hangu kumbopikisa asi ndokumbiravo mupevo vana vangu mhura iyi kuti vagare vayera kare ". Kudzi : " Sorry henyu hazvishandi seizvozvo ". Jasi : " Tisingapedzi nguva regai tiende .Mangwana kuseni endai kwa sabhuku muvakumbire kuti mukadzi wenyu avuye abike ". Zindoga : " Hapana kuipa ndichaita sekudaro ". Zindoga akabva ayenda mumba .Ipapo Jasi na Kudzi vakabva vatanga kuenda havo ..... Mai Zindo : " Ndazvinzwa zvese zvamataura mazvipira here kuvimba Kudzi ?" Zindo : " Mudzimai wangu handina zano kunze kweireri uye zviro zviedzwa togona kusvora mbodzaneinozvimbira "> Mai Zindo : " Zviri munzeve ngativimbei kuti zvamuri kuita zvakanaka ". Jasi : " Zvatiri kufamba mudunhu rawakadzingwa manje tikavonekwa uchadii ?' Kudzi : " Iii ndotoshaya pekunyarira chaiko ". Jasi : " Ok ndibate ruvoko rwangu tifambe vasingativone ". Kudzi akabva abata ruvoko rwa Jasi ,ipapo Jasi akabva ayita visible ndokutanga kufamba vasingavonekwi ..... Manheru iwayo Mai Rashi vakabva vatora phone yavo ndokufonera mwana wavo ..... Rashi : " Hello mhamha kwakanaka here kufona hwusiku hwakadai ?' Mai Rashi : " Hakuna mwanangu ndoda kuti utsvake umwe munhu ". Rashi : " Manje ndine umwe wandiri kutsvaka ". Mai Rashi : " Iyeye musiye uyu tiri kutomuda chaiko ". Rashi : " Ok mangwana kuseni ndichasvikako mondipa informatoin yakakwana ". Mai Rashi : " Ok tovona wavuya ". Manheru iwayo kumariro vanhu vanga vavata vese sezvo zvitunha zvakanga zvisipo . Saru akapepuka ndokuwana Ba Bhuru vakatogara havo panze . Saru akabva ayendako ...... Saru : " Sekuru madii kuenda kunozorora ". Ba Bhur : " Ndingava baba benzi chaivo muzukuru hope hadzivuyi ". Saru : " Ndinozviziva ". Ba Bhuru : " Ndoda kutsvaka Jasi kusvika ndamuwana kana mangwana ndikakwanisa kubudirira ku court ". Saru : " Ko nei makuda kutsvaka Jasi manje ". Ba Bhuru : " Ndiye matanga zvose saka anofanirwa kupedza zvaakatanga .Mudzimai wangu ne mwana havavigwi kana ndisati ndamubata ". Saru : " Sekuru hamuvoni kuti hazviiti here ,munenge makushungurudza vashakabvu ". Ba Bhuru : " Ndareva muzaya goodnight ". Baba Bhuru vakabva vaenda kunorara zvavo .Sarudzai akabva ayisa message kuna Mai Rashi ..... Manheru ezuva iri dare rakanga ragarwa zvaro nema demon vachitaura havo ........ Demon 3 : " Netsai na Joe nhasi mabata basa asi Jasi mamukonewa ". Joe : " Yaa zvaramba murapwi achida asi now tine plan B ndovona kunge tichabudirira ". Demon3 : "Tamba wakangwarira chikomana nhawu yakora muto iyi ziva kuti unenge wava wega ". Netsai : " Ko ini ndodii manje ?' Demon3 : " Usachema hako mutambo uzere iwe Netsai uchaenda kuna gogo va Jasi upedze basa . Endai henyu mangwana izuva guru kumunhu wese ....... END OF CHAPTER