This book is connected to Son of Peyton Tinashe : " Ko wangu wazoenda kwa miss ukangoti zii kwakanaka here ? " Jasi : " yaaa kwakanaka wangu inhawu diki zvayo chazokuvudza ". Mrs N vakabva vapinda mu class ndokutanga kudzidzisa ...... Mrs N : " nhasi tiri kuita tsumo anenge akonewa arikurohwa shamu 5 pa tsumo so ndichange ndichinongedza munhu ne munhu kuti ataurer tsumo yake . Jasi simuka unotsvaka shamu yakati rebei titange kusdzidza tivone ". Jasi akabva asimuka achimhanya ndokuenda kunotsvaka shamu yemu tehwa yakanga ichirwadza apa isingaperi zvekudaro . akavuya ne 1 chete yakachemedza class yese . Jasi akabva asvika ndokupa teacher vake apa iye akanga asingagoni chikoro apa ayigara ku group 6 rebatofo .... Mrs N ; " yaaaa ndichatanga nepa grp 1 kusvika ku group 6v munhu wese anofanirwa kuziva tsumo 1 yandichakuvhunza right . AKANGA NYIMO "- Avangarara " "mudzi kuzvarira pa vanhu ?" ` hanzi nditandire imbwa". Vakavhunza kubva ku grp 1 kusvika ku 5 vakawanda vakakonewa vakareohwa shamu dzavo . vasvika pa grp 6 manje yooo apa paiva nematofo chaiwo kunyanya Jasi akanga akangwarira paduri se huku achiwanza ma funny . Vakabva varova vamwe vasingazivi vasvika pana Jasi vakabva vavhunza ..... Mrs N : " Jasi ndiri kuda kukuvhunza tsumo iyi yakapusa chero grade 7 inoziva . Simba rehove ...?" pedzisa ". Mukomana akabva asimuka ndokutanga kuita nyambo dzake ..... Jasi : " simba re hove ? aaaa yakapusa iyi chero Tinashe anozviziva kuti ndinoigona asi ndaikanganwa but simba re hove ". Mrs N : Mira kuda kutambisa nguva yangu ndokudira shamu izvezvi ". Jasi akabva avona kuti nguva yekuenda pa lauch yakusvika yasara 2 mins akabva atanga kuwedzewra nyaya ..... Jasi : "ummmmm aaa but miss mungandivhunda tsumo yakapusa kudai aaa veduwe ". class : " aaaaaa Jasi taura ka ". Mrs N : "Nyararai imwi regai apindure ". Akuda kutaura bhera rakabva rariva munhu wese akabva asimuka ndokutanga kurongedza zvinhu zvake ... Mrs N : " waita lucky asi next time ndichakubata hangu ". Jasi akabva ayenda panze na Tinashe ndokutenga maputi ndokugara zvavo paruware vachidya . Bhuru riya rakabva radarika Jasi ndokurimhoresa .... Tinashe : " ko wangu uru kuzviitirei zvauri kuita izvi ". Jasi : " wangu wakanzwa kuti mudhara akati chii zuro so ndikutovona kuti ari right rega ndimbotevedzera vakuru vanoti gwara harina mbonje ". Tinashe : " ok iyoyo ndainzwa but bho here kutadzatsumo diki iya ". Jasi : " wangu iri ndiri ku force zvinhu chikoro hachindidi hatizivi kuti why ?" Tinashe : " yaa munhu hangapihwe chipo chakawanda chako unocho chema babe plus kurova ". Jasi : " wangu wangu hakuna chipo chinodamwa kuti hurombe shz dzitori mhepo ". Vari vakati pekutaura Athe akabva asvika Tinashe akabva asimuka hake ndokupa vanhu mukana .... Athe :" babe i miss you shz ". Jasi : " even ini babe gara hako pamagumbo ". Vanhu vaidanana ava asi Rudo akanga ane godo naye manje . Vakabva vatanga kutaura havo nyaya ... Athe : " ndanzwa kuti warohwa ishuwa? i know kuti hazvitaurike ". Jasi : " yaaa ndakwaturwa rimwe zimbama so ummm vanhu vanorova ". Athe : " sorry hako apa dama rako rakazvimba ". Jasi : " ndine mazvimbirwa ndosaka but ndarohwa hangu ". Athe :" but wagona ukasazodzera even ini pandakarohwana Rudo handina kudzosera ". Jasi : " asi ndiwe watumavo vakomana kuti vandirove ?" Athe : " babe aa nemadiro andokuita here ?' Jasi : 'hahaahaha i am joking wangu i know kuti ndodiwa and newe unodiwa ". Mukomana akabva atanga kukisa musikana apa bhuru akanga achipfuura Jasi hana kumuvona kuti ari kupfuura .Bhuru akarwadziwa kuti ari kudanana ne babe raayida asi akanga asina kurivudza . akabva asvka ne hasha ndoklusvika achidhonza Jasi hembe yake ikadambuka apa akanga achangoitengerwa. Mukomana akabva abata hembe yake achibuda misodzi . Bhuru akabva atanga kuda kubata bata Athe musikana akaramba manje bhuru akanga oyita kuti Jasi atsamwe . Shuwa mukomana akabatwa ne hasha akadsa kunobata bhuru achirohwa chibhakera ndokuwira kure Bhuru achienda achimurova bhutsu 5 mudumbu achibva amugara ndokutanga kurova kumeso . Shamwari dzake dzakabva dzabata apa vanhu vakanga vaungana . Ma Teacher akanonoka kuvuya akavona mukomana azara ropa kumeso Jasi ndokubva ayenda kumba hembedzakazara ropa . Tinashe misodzi yakanga yoyerera apa Athe akanga asisagone ne kuchema . Bhuru uya akabva adamwa ndokuenda ku officer vakapihwa mutongo wavo . ma teacher akabva avungana ndokutanga kutaura ... Teacher 1 : " mukomana uya handisi kuti chii chaicho zuro ndiye futi akarova nhasi ndiye arohwa ". Teacher 2 : " izvozvo hazvina basa asi mavona ropa rabuda mukomana here . i think akuvara ini so dai zvaita Tinashe ayiperekidza Mrs Ndlovu kunovona kuti ari sei ". Mrs N : " Yaa ichokwadi cuz uyu mwana wangu wandodzidzisa dambudziko rikavuya rowira ini so tiri kuenda na bhuru wacho na osvika achitaura nyaya yake vabereki vake vachizvinzwa ". Teacher 5 : " haisi nyaya mota ndinayo tingaenda hedu ". Vakabva vadana Tinashe na bhuru ndokupinzwa mumota ndokuenda kumba kwana Jasi ...... END OF CHAPTER