Kudzi : " Vanhu vari busy kurwa nesu uko saka hatina nguva cuz after 10 mins simba robva rapera ". Jasi : " Ok haisi nyaya saka iwe isa key uko ini ndiise key pano ". Kudzi akabva ayisa key Jasi ndokubva ayisa yake pa nguva imwe chete .Pakabva paita sound ye gate kuratidza kuti ratenda key ..... Jasi : " Ko nei risina kuvhurika ?' Kudzi : "Zvakuda mavoko ako ne power rako kuti pavhurike ". Jasi akabva ayepa pa gate pakanga pane mavoko maviri .Jasi akabva ayisa mavoko ake ndokutanga kukoka ma powers ake zvishoma zvishona .Ma powers ake akabva aramba kuvuya .... Kudzi : "Ko vhura ka ". Jasi : ' Handisi kukwanisa ndoda kuti nditsamwe ". Kudzi : " Ok bata gate umbofunga kuti iwe shuwa ma demon aya angatikurira here .Pafunge akavuraya gogo vaklo akavuraya baba na mai vangu '. Kutaura kwaita Kudzi hasha dza Jasi dzaiwanda apa ma powers ake ayiwedzera zvishoma ne zvishoma .Jasi akabva akoka simba rake rose ipapo akabva asundira maoko aya mukati .Gate rakabva ratanga kuvhurika rega ipapo sound yaityisa yaiitika pasdi pe bako ..... Mukuru : "Vanhu vari kutambiswa uko havasi kurwa ne vanhu asi vari kurwa ne mimvuri ". Demon 3 : ' Saka toita sei manje ?' Mukuru : 'Kana uchida kuita zvinhu zvakanaka zviitire wega ". Joe : 'Muchirevei mambo ". Demon3 : " Mira kuda kuvhunza ,manje nguva yakuenda mangwana zuva rikabuda green diamond rikabatwa nana Jasi taparara ". Netsai : "Tofanirwa kupinda umo tovatorera cuz kwava kuda kutoedza and kana kwatoedza tisina kutora diamond iroro tinoparara ". Mukuru : 'Pindai muvuye ne misoro yavo pano ". Member hombe yema demon yakabva yapinda mubako .Mukuru wacho akabva asara akarinda pamukova kuti hapana anobuda . Demon 5 rakasara rakamira ...... Mukuru : ' Ko iwe wakamirei wadii kuenda ne vamwe ?' Demon 5 : "Ndafunga kuti ndisare nemwi hangu cuz vaenda avo ndovimba kuti vachadzoka ne misoro yavo ". Mukuru hana kuziva zvanga zvichirongwa ne demon 5 .Mukuru wema demon ayitora ma powers kuvanhu vese vakanga vari munyika kutui rikwanise kurwisa ana Jasi ..... Jasi na Kudzi vakabva vapinda mu bako ipapo chiedza chakabva chatanga kubuda mu bako iroro .Vakabva vaona diamond riya asi rakanga riri pakati pe mvura pakanga pasiri easy kupinda .Green diamond rakanga riri pakati ne pakati pe bako ..... Kudzi : ' Manje toita sei kuti tisvike uko cuz panoda nguva umwe wangu ?' Jasi : " Tarisa map tivone kuti inoti chii ". Kudzi akabva atanga kuverenga map apa ma demon ari kuvuya ..... Kudzi : "Map iri kuti kana tasvika mu green house bako hombe iro rakavapo pakutanga kusvika pakupera .Kana mapinda mubako tarisai kurudyi pane sing iri ipapo itayi kuti muvhure ipapo mutore mabanga maviri ayo anokwanisa kuparadza ma demon asi muvhu achisara ari mupenyu .Musatora diamond kana zuva risata rabuda munofira mubako cuz richavhara rega .Kana zuva rabuda torai diamond budai ne kukurumidza cuz richaondomoka .Endai ne diamond pa zuva morisimudza ma demon ese achaparara .Asi pachamboshandwa cuz diamond iri rinoda kubatisiswa ma demon akaributsa zvoreva kuti ma powers enyu anobva ayenda ipapo ipapo mongosara mava vanhu and mobva matoita ma demon .Nyika ino inobva yatanga kutongwa ne rima munhu wese achava slave kuma demon .Saka imwi muri 2 mune sarudzo kuti moda nyika yenyu ive yakadaii mangwana and muchazovona hama dzenyu futi ". Kudzi : " Ndizvo zviri kureva tsamba ". Jasi : " Yaaa saka isu ngatitore ma banga acho timbochengeta diamond kuti vasaritora kusvika kwaedza ". Kudzi : " Yaaaa pakaipa nguva ichiripo asi kwava kuedza hako ". Vakabva vaenda pa side pebako pakanga pane imwe sing yekuti vanoshandisa ma powers avo kuti vavhure . Pakabva vavhurika ndokuwana mune hembe dzavo dzekurwisa hondo iyi..... Jasi : " Aaaa ko hembe idzi hadzina kutaurwa wani ". Kudzi : "Rega nditarise maybe handina kupaona ". Kudzi akabva atora map ndokutanga kutarisa .Akabva apavona pe hembe ..... Kudzi : "Ndakuverenga "Kana mavhura pane mabanga pane hembe dzirimo imomo .Hembe idzi dzakagadzirwa 120 years ago kuti dzive dze vanhu vanorwa .Hembe idzi dzakakosha cuz hadzibvaruki banga kana chii hachipindi .Saka tibatisisei '. Vakabva vadzipfeka ndokutora mabanga 2 -2 ndokumira pa door kuti ma demon asapinda .Ipo amwe ma demon akanga ari busy kurwa nana fake Jasiu .Pakasvika demon 3 rakanga rine ma powers kudarika evamwe rakasvika ndokubvisa mifananidzo same time Kudzi akabva azviziva ..... Kudzi : "Vabvisa mifananidzo yedu ". Jasi : ' Saka it means vakuvuya ". Zveshuwa ma demon akanga achivuya zvine m utsindo .Vakasvika ndokuwana Jasi na Kudzi vakamira pamusuwa .Pakanga pane space yekuti ma demobn aklawanda anosvika asi Jasi vakanga vasingadi kuti vanhu vapinde ...... Demon 3 : ' Hahahaha look at you muri vana asi moda kuzvivuraya ne nhawu yamusingazivi kuti yakatangirepi ". Jasi : " I believer in history ". Demon 3 : " Virson yako iri kunyepa ". Jasi : " I know but even isiri history ndazvivonera muchivuraya gogo vangu ". Demon 3 : ' Shamwari gogo vako wavauraya wega '. Kudzi : " Mavuraya baba vangu ". Demon 3 : " Hama dzenyu dziriko asi imwi ndipei one thing ". Jasi : " Muri kudei ?" Demon 3 " " Tiri kuda moyo uri pana Kudzi kuti tikwanise kutora diamond iro imwi hatina basa nemwi ". Jasi : " Tikakubai zvamuri kuda motipa chii ?' Demon 3 : " Peace ne hama dzenyu dzodzoka ". Kudzi : " Never vari kunyepa ndakavapa moyo we fake vakada kundivuraya asi vakazovona kuti hausi ndokuda kutanga kutaurirana neni asi ndakaramba ". Netsai : " Tipei moyo apa ". Kudzi : " Ndakazviziva kuti wairedza Jasi asi manje waita munyama akakuramba and ane babe rake ". Joe na Netsai vakabva vatanga kuseka zvekusvotesa ..... Jasi : " Asi handina musikana here ?" Netsai : " Mbwaaa musikana wako ava kutovora kutaura kudai hahaha ". Jasi : " You are going to hell today ". Demon 3 : " Even you ". Maziso a Jasi akabva atanga kupfuta moto zvaayuive asina kumboita .Kudzi muviri wake wakabva waita we nyoka asi ari munhu .Mvudzi ra Kudzi rakabva ratanga kuita nyoka 3 dzati mumusoro dzaive dzakareba . Vakabva vabata ma banga avo ndokumira pamusowo ..... Jasi : " Come if you can ". Ma demon madiki akabva atanga kumhanya achienda kunana Jasi .Jasi na Kudzi vakabva varamba vakamira pa gate ndokutanga kubaya ma demon aya .Rainge rabaiwa raibva rangofa ipapo ipapo .Pakariwa zve 1 hour ma demon achitadza kupinda ..... Joe : " Zuva rinenge rava kuda kubuda handei isu ". Ma original demon akabva ayenda ari 4 mamwe ese ndokumira ipapo ma powers e amwe ma demon akanga awanda .Jasi akabva atanga kurwa na Joe na Netsai .Kudzi akabva atanga kurwa ne vamwe 2 vakanga vane simba risingaiti .Vhudzi ra Kudzi rakabva ratanga kusunga rimwe demon pa huro .Kudzi akabva abudisa banga tokucheka musoro demon riya richibva ratofufunuka .Ipapo Jasi akabva abata Joe musoro ..... Jasi : ' Izvi ndiri kuzviitira musikana wangu ". Jasi akabva atora banga ndokuriisa mumuromo wa Joe ndokusunda ndokurisundira mudumbu Joe akabva afira ipapo . Demon 3 rakabva ravona kuti tava kupera ndokubva radana mamwe ma demon madiki .... Kudzi : "Netsai ne demon 3 vapinda mukati saka iwe sara uchivharira amwe asapinda ini ndirwe ne aya ". Jasi : " Ok be safe ". Kudzi akabva atevera ma demon 2 akanga apinda achida kunoputsa diamond .Jasi akabva asara achirwa ne vakanga vachida kupinda pa gate ..... Sezvo mukati me bako makanga mune mvura ne miti ndiyo yakanga yakabata diamond kuti risatorwa .Kudzi akabva avona kuti Demon 3 rakuda kusvika akabva ashandisa ma powers ake .Demon3 rakanga richibhururuka kuti ribate diamond asi rakabva ranzwa chibhakera kumeso richiwira uko .Rakashaya kuti chii asi rakazonzwisisa rakuvona mvura ichimira kunge munhu ..... Netsai akanga akahwanda mimiti achida kunanavira diamond asi akabva anzwa midzi yamusunga makumbo ne mavoko .Jasi ayive chinhamwe but paakavona kuti ndizvo zvaitika akabva atora rimwe banga rake ndokukoka simba rake ndokupotsera kuna Netsai .Rakabva rasvika richigura musoro wa Netsai achibva afufunuka ipapo zuva rakanga rakubuda ..... Demon 3 rakabva ramuka ndokutanga kutora ma powers kune amwe ma demon .Zvino rakanga rafuta nema powers ,rakabva ratanga kuenda kuna Kudzi .Kudzi akabva ati akande chibhakera ne mvura demon rikabva ravhika mvura iya ichibva yarova Kudzi achiwira kure .Jasi akanga asina kuzvivona cuz ayitova busy pa gate ...... Kudzi paakavona demon richienda kunotora diamond akabva atumira midzo kuti isunge makumbo .Midzi ye miti yakaenda asi zvakashaya basa Kudzi akabva achinja kuita nyoka ndokupinda muvhura .Demon richida kuisa ruvoko pa diamond rakabva rasungwa ruvoko .Zvinoita shato zviya demon rakabva rasungwa muviri wese ..... Mukuru wema demon paakanzwa kuti akufa rakabva ratuma ma powers aro ndokusvika achiwira mumuromo .Kudzi akabva anzwa demon riya rakufuta aba Kudzi akanga akukurirwa .Demon rakabva rakoka powers Kudzi achibva akandirwa ku gate achisvika achiwira pamagumbo pa Jasi ...... Jasi akabva acheuka ndokuvona kuti ndi Kudzi .Jasi akabva atarisa kwabva Kudzi ndokuvona riri demon . Jasi akabva anyanya kutsamwa achibva arovera Kudzi kure ne butsu .Jasi akanga ava ne ma powers akawandisa and akanga asingakwanisi kuzvi controler .Jasi akawira kure ndokubva amboti zii .Jasi ne power rake akabva aita ya flash ye speed ndokusvika achibata demon 3 pa huro ndokudzipa ..... Mukuru wema demon akatumira zvinhu zvake asi apa zvakaramba kusvika demon 3 rafufunyuka ndokufa .Jasi akabva ayenda pa diamond ndokuda kuribata akabva arohwa achiwira kure .Akazama kushandisa ma powers asi zvaskaramba ndipo paakazovona map ndokuverenga ...... "Munhu anokwanisa kubvisa green diamond ndi Kudzi bedzi cuz ndiye ane moyo wacho ". Jasi akabva atarisa kuti Kudzi aripi ndokumuvona oda kuenda mukuru wema demon akabva amira mberi kwa Jasi . Jasi akabva atanga kurwa ne mukuru wema demon wacho .Mamwe ma demon akanga achizama kutora diamond asi ayirohwa achifira ipapo .Kudzi akapepuka ndokuvona Jasi achirova mukuru wema demon zvisingaiti . Kudzi akabva amhanya ndokusvika pa green diamond ndokubva aribata hapana zvaakaitwa .Kudzi ne simba rese akabva arizvomora ipapo bako rakabva ratanga kusungunuka roda kuondomoka ..... Kudzi akabva atanga kumhanya achida kuedza panze pe bako ,Mukuru wema demon paakazvivona akabva akoka ma powers ake ese ndokurova Jasi paseri penzeve Jasi achibva awira pasi ndokudzokera pa normal power rake .Akazama kuda kurwisana ne demon asi akabva arohwa achiwira kure .Sezvo bako rakanga roondomoka Jasi akabva awirwa ne zidombo ndokubva ati ziii ipapo .... Demon rakabva ravona kuti Jasi afa rakabva ramhanya kunobata Kudzi .Kudzi akati achisvika panze achida kusimudza diamond akabva arohwa achiwira uko diamond richiwira uko asi riri pamumvuri .Kudzi akabva atanga kugwesha achienda kune diamond .Akuda kuribata akabva atsikwa ruvoko ...... Demon : " It's over Kudzi mava wangu ". Demon rakabva ratora diamond riya ndokuenda pamumvuri ndokubva rasimudza diamond ndokukanda pa dombo kuti riputsike .Demon rakashamisika richivona diamond ramira mudenga rakusvika pa dombo .Rakaswedera ndokuda rwanzwa chibhakera pazasi pechirebvu richiwira kure .Ipapo rakamuka ndokuvona Jasi achiita visible ...... Demon : "Impossible ". Jasi : ' Invisible ". Jasi akabva akanda diamond kuna Kudzi ,riri mudenga rakabva ragamiwa ne demon 5 ..... Mukur : "Yes ributse ". Kudzi : " No please ". Jasi akabva agara pasi zvekushaya hope .... Mukuru : " Iwe wakamirirei putsa tiwane freedom ". Demon 5 : " No i have a familly 120 years ago and iwe wakabva wanditorera ukada kuti ndiite umwe wako .Ndakakuvudza kuti hazviperi kana iwe usina kupera now zvapera mweya yedu wombozorora mhuri yangu wodzoka hayo ." Demon 5 rakabva ratanga kufamba richienda kuna Kudzi ..... Demon5 : " Chisikana tambira hako ita zvaunofanirwa kuita soul ye vanhu vese avo ikwanise kurarama ". Kudzi akabva agamuchira diamond riya .... Kudzi : " Thank you ". Demon 5 : " Ndazviitira mhuri yangu iri kuvuya after kufa kwedu ". Kudzi : " Vachafara zvisingaiti ". Demon5 : " Yaaa ". Kudzi akabva asimudza diamond riya pazuva chiedza che green chakabva chatanga kubuda chichienda mumativi mana e nyika . Vanhu vaive vachinjiwa kuita ma demon vakabva vatanga kudzoka kuita normal .Demon 5 akabva afufunyuka ndiko kwaive kuparara kwacho . Mukuru : " F***k you ". Rakadaro richifufunyuka ..... Ipapo mvura yakabva yatanga kunaya mudenga muchiratidza kuti pane vanhu vaburuka .Pasina nguva denga rakabva ravhara zuva ndokubuda kunge hakuna kumbonaya ..... Jasi : " Wazviita ". Kudzi : " No tazviita vanhu vese vava normal ". Jasi : " Yaaa tamira mira ". Kudzi : " Hande kumba can't wait kuvona mhamha vangu ........ End of Chapter