Jasi : "Yaaa tichaita kuti ipere hondo yacho ". Virson : " Jasi mwanangu Kudzi mhandara yangu please musatirasisavo ". Kudzi : " Musatya hama dzatinoda hadzina kufira mahara saka tichaita kuti tihwine ". Virson : " Tichasangana hedu ini ndoenda ". Kudzi : " Asi hamuchadzoki here ?" Virson : " Yaaa kana mava musango muchaita basa ndimwi isu hatitenderwi kusvika ". Virson ya Kudzi yakabva yaenda .Kudzi akabva asara achipukuta misodzi ...... Kudzi : " Ndoda mai vangu saka mangwana tofanirwa kuvaona ". Jasi : "Even ini ndoda gogo vangu and ndoda chokwadi ". Vakabva vazorora zvavo .Manheru iwayo vanhu vese vavata even vanhu vakanga vachinja kuita mademon vakanga vakazorora sezvo vakamirira zuva guru . Ma demon makuru akabva ayita dare manheru iwayo ..... Demon 3 : ' Jasi ane simba asi sometimes network yake inombotiza so todii kuti ave ku side kwedu ?" Netsai : "Ndoita musikana wake Ropa ". Joe : ' Aaaa manje akazviziva kuti hausi iwe uchafa mupfanha ". Demon3 : " Imbomirai kuita sevatevedzani nyaya iyi iri srs zvataurwa na Netsai hazvina kuipa apa zano rako saka umwe taura kuti toita sei na Jasi ?' Joe : " Jasi anoda family yake kudarika zvese saka kana akaramba kutipa ma powers tinoita kunge toda kuvuraya hama yake ". Demon3 : " Yaaa plan yakanaka saka tichaita ma plan enyu mese . Ko iwe number 5 wakanyararirei ?" Demon 5 : " Hapana kutotya uku ". Demon3 : " Don't worry zvinopfuura ne win . " Joe : " Saka tobata Jasi kupi manje ?" Demon 3 : "Tosangana naye pakatanga nyaya makore akapfuura Mudyavanhu ". Ma demon akabva arara achitaura nyaya .Mangwana kuseni seni Kudzi akabva amutsa Jasi kuti vatange kufamba .Baba Jasi vakaitavo the same ndokutora nhombo yavo ndokupinda mu road .Vachangotanga kupinda musango iri pakabva paita rima sango rese yakanga iri mhindo yega yega apa kune mhute zvekuti ukangosara mbijana unoshaya umwe wako .Kudzi akanga achitevera Jasi paanotsika .Jasi akanga asingacheuke ayiva akatarisa mberi kwaakanga achienda ....... Jasi akabva anzwa matsimba akudzi akangoti zii paakacheuka akavona pasina munhu pamasure pake .Akafunga kudanidzira asi sango rakanga risingadi izvozvo Jasi akanga asina choice kunze kwekuenderera ne rwendo ...... Kudzi ayingocheuka ne kufambisa kuti maybe achabata Jasi asi dzakanga dzava ngano vakanga vapesana zvisingaiti .Kudzi na Baba Jasi vakabva vabonderana umwe achibva ne uko umwe ne uko .Vese vakavhunduka asi hapana akakwanisa kuridza mhere sezvo sango rakanga risingadi izvozvo ........ Ba Jasi : " Nhayi musikana uri kudei pakati pe sango uri wega asi sango rino nderako ?" Kudzi : " Kwete ndiri kutoenda mukati me sango asi ndapesana ne munhu wandanga ndichifamba naye ". Ba Jasi : " Ndine hurombo zvakadii tifambidzane hedu ?" Kudzi : " Hapana kuipa zvinoratidza kuti ropa redu ratenderana ". Ba Jasi : " Ichokwadi ,tungamira hako chisikana ". Kudzi akabva atungamira ndokutanga zvavo kufamba pore pore sezvo makanga mune rima asi ari masikati .Baba Jasi vakabva vatanga kuvhunza vhunza ....... Ba Jasi : " Saka chii chakuunza musango rino ?" Kudzi akabva arangarira mashoko e virson yake ...... Virson : " Usavimba kana munhu cuz vanogona kutovuya vari mai vako asi vasiri ". Kudzi akabva apindura .... Kudzi : " Haa kudavo kuvona tsvimbo ko imwi ?' Ba Jasi : " Inga hako kungo risker hupenyu musango rinotyisa kudai ". Kudzi : " Ko imwi mavuya kuzoitei ?" Ba Jasi : " Ndiri kutsvaka mwana wangu hanzi kuno ndiko kwaari ". Kudzi : " Munogona kumuwana ,aaaa tererai manzwi e vanhu tinenge tasvika ". Ba Jasi : " Yaaa fambisa tenge tasvika ". Vakabva vatanga kufambisa .Vakabva vabuda pa bani pakanga pane zuva ipapo pakanga pakazara vanhu .Tsvimbo iyi yakanga yakakura apa kumberi kwavo kwaive ne bako raityisa kupinda .Hapana munhu ayitenderwa kupinda mukati .... Kudzi : " Totenda mwari tasvika regai nditsvake munhu wandavuya naye ". Ba Jasi : " Chero ini reha nditsvake munhu wangu ". Kudzi : " Manje munomuziva sei ?' Ba Jasi : " N'anga yakanditi ndichamuwana ane umwe munhu ". Kudzi : " Manje vanhu 2 _2 vakawanda pano ". Ba Jasi : ' Hanzi iye ndichavavona ". Kudzi : " Ok regai ndiende ". Yakava waziva kwake doto rechapungu umwe akananga kwake .....Zuva rakanga rati kwirei ipapo Sarudzai paakanzwa abatwa ruvoko na Rashi na Mai vake .Sarudzai akaridza mhere but yakashaya basa akabva arumwa pa huro kuti ayite demon .Pasina nguva Sarudzai rakanga rava demon ipapo akabva atanga kufamba achienda kubako kwakanga kunana Kudzi ....... Kudzi achifamba akabva adhumana na Jasi ..... Kudzi : ' Oh ndiwe ndanga ndashaya kuti waenda kupi ". Jasi : " Hatina zuva rese hande mukati me bako ". Kudzi : " Yaaa taura hako cuz ndikunzwa munhuhwi wema ghost '. Ba Jasi : " Jasi uri kuiteyi pano ?" Jasi akavhunduka paakanzwa voice ra baba vake ..... Jasi : " Daddy mukuiteyi pano ?' Kudzi : " What do you guys know each other ?" Jasi : " Yaaa ndi baba vangu ,ummm something wrong daddy makanditengesa ka imwi ?' Ba Jasi : "Ukutaura nhawu yei ?" Kudzi : " Anoziva zvamuri kufunga so taurai henyu chokwadi ". Ba Jasi : "Handina asi ndakanga ndisina choice ". Jasi : ' Apa makandiramba kuti ndiri mwana wenyu '. Ba Jasi : " Haisi mhosva yangu ndakanga ndichidavo kuziva wangu mwana ndosaka ndavuya kuno ". Jasi : ' Manje mwana wenyu mamuwana here ?' Ba Jasi : " Ndofunga kuti ndeuyu musikana waunaye ". Kudzi : " What ?' Ba Jasi : " Long story Kudzi mwanangu pane zvakaitika 16 years ago ". Jasi : " This is crazy i am leaving ". Kudzi : ' Jasi wait remember tiri pabasa ". Jasi : " Handisi kunzwisisa zviri kuitika pano .Vakuziva sei zve 16 years ago ?' Ba Jasi : " Ndakafa mwanangu i mean virson yangu yakafa ndosaka Kudzi akandivona ndakafa mumachira na mai vake .So vakaviga virson yangu kwete ini .Ini ndakamukira mumachira na Mai Judhi zvichiita kunge ndava umwe munhu memory yangu yakabva yaziva zvese asi zvakanga zvisiri real ". Jasi : ' Crazy story Kudzi uyu munhu hana kubva akandibata se mwana wake even love hana kundiratidza hana kubva a believer mandiri ". Ba Jasi : " I am sorry handina zveshuwa asi here me out sorry '. Vari busy kutaura Jasi akabva avona Baba vake vachiwira pasi apa padumbu pavo paive pakabaiwa ne bvumo .Kudzi akachema kuti baba vafa ipapo Demon rakabva ratanga kuseka ...... Demon 3 : " Hahahahaha nhasi ndiro judgement day saka tipe zvatiri kuda ". Jasi akabva afumba zvibhakera .Ipapo munhu wese ayiva apa akabva akomba Jasi na Kudzi ..... Kudzi : ' Jasi even tikarwa navo now tisina zvinodiwa kupedza nguva i know baba vedu vafa just now asi havana kufira mahara remeber .So iwe ita kuti tipinde pabako pakombwa apo ". Demon3 : " Hahahahahaha dofo iri hapana zvauri kuzoita nhasi ". Jasi : "You're right ". Jasi akabva abata Kudzi ndokubva ayita invisible ndokutanga kufamba achienda ku bako .Kudzi akabva atanga kunaisa mvura .Akanga ari masikati asi rima rakabva ravhara kuita mahwusiku chaiwo ..... Jasi akabva asvika pa bako achida kubata akabva arohwa ne simba re bako achiwira uko ...... Kudzi : " Ko chii chaitika ?' Jasi : ' Ndipe banga raunaro ndiyo key inovhura bako iri ". Kudzi akabva achinja kuita nyoka ndokututsa banga riya .Jasi akabva atora banga riya ndokusvika achibaya bako pasi pakabva patanga kutsemuka pacho shaker . Ipapo bako rakabva ratanga kuvhurika ....... Demon : " No imposible hafanirwi kupinda apo ". Ma demon akabva akaka bako kuti vasapinda ...... Kudzi : "Toita sei ?" Jasi : " Vakange mbijana ". Mheni yakabva yadonha kubva kudenga ichirova ma demon achiwira uko .Vachida kumhanya kupinda pakanga pavharwa futi ....... Jasi : ' Pachanetsa kupinda apa ". Kudzi : ' Usanyanya kutsamwa unozotanga kurwa neni so iwe zama ma powers ako ". Jasi akabva avhara maziso ake ndokukotama achikoka simba .Akabva akanda ma powers ake ku ma demon akabva awira kure asi vakati vachirova nhano yekutanga pakanga patozara mamwe ma demoin .... Jasi : " Hapasi kupindika '. Kudzi : " Vuya tibatanidze ma powers ". Kudzi akabva atanga kuvumba mvura yakazangana ne mheni .Jasi akabva atanga kuvunganidza light rake raicheka ndokusanganisa nera Kudzi . Ipapo mvura yakabva yavuya ichiita sechamumupuri yava kusvika Kudzi akabva afumba chibhakera Jasi akabva asundavo simba rake .Ma demon akabva arohwa ne mapowers aya gate richibva ravhuruka Jasi na Kudzi vakabva vapinda bako ndokuvhara ....... Jasi akabva ayita invisible ndokuita moto on kuti vakwanise kuvona sezvo mubako makanga mune rima .Vakabva vatanga kudzika pasi vachivona ma rangwanda e vanhu vakare ..... Kudzi : ' It means hondo yekutanga neye chi 2 yakaitika muno asi mukadzi akabva atizira kuitira chii manje ?' Jasi : ' Akaitira kuti vatambire kure ". Vari busy kutaura vachifamba kudaro vakabva vanzwa sound inotyisa kubva kumusuwo we bako ...... Jasi : "Vari kuzama kuvhura so hatina nguva yakawanda so ngatitsvake imwe key '. End of Chapter