Ba Bhuru vkabva vakata phone pavakanzwa mashoko aya ..... Mai Bhuru : " Ko chii nhayi baba mwana ?" Ba Bhuru : " Hanzi mwana ashaika ". Amai vakabva vawira pasi ndokutanga kuumburuka vachichema .Zvino baba vakanga vakangomira misidzi yakazara pamatama ..... Ba Bhuru : " Ko iwe wazokurumidza kuvuya asi waishaiwa N'anga yacho here ?" Mai Bhuru : " Ndazomboenda here. Ndabva ndangozofunga kuti mashoko enyu akanaka saka ndasarudza kuvaregerera hangu ". Ba Bhuru : " Hapana kuipa chirega kuchema zvakanyanya .So hande ku town kwacho tinovona mufi ". Vakabva vatopinda munzira ndokuenda ku town kunovona chitunha ..After shcool vanhu vapedza kudzidza Jasi akabva afamba hake na Rue vachitobuda havo gate .Joe akabva amhanya kuna Jasi .... Joe : " Ndeyp Jasi sorry hako ne zvaitika ". Jasi : " No problem zvinowanikwa ". Joe : " Ndichangotanga kusvika pachikoro so ndoda ma friends ari right .So ndanga ndichikumbiravo kutamba newe ". Jasi : " No problem totaura mangwana ". Joe : " Waita hako "> Joe akabva ayenda hake sezvo mota yake yakanga yasvika . Jasi akabva asara hake na Rue apa Netsai akanga aripovo asi akanga ari nechekure hake vakamirira mota ....... Rue : " But mukoma uyo ari right hake togona kutamba naye ". Jasi : " Handifariri shamwari dzakawanda ini but kana wadaro no problem ". Mota yaitora Rue yakabva yasvika .Rue akabva a kiss mukomana ndokuenda hake .So Jasi akabva amirira Kudzi kuti vaende vese sezvo akanga ane nungo dzekufamba .Netsai paakavona kuti mukomana ava ega akabva aswedera pana Jasi .... Netsai : " Sorry hako ne zvandakaita zuro handina kuziva kuti ndiri kukutsamwisa but ndiri munhu akangokufarira chete ". Jasi : " no need even ini sorry hako ne zvandakaita i't was rude ". Netsai : " Thanks kana wandiregerera .Rega ndiende mota inonditora yavuya ". Netsai akabva apa Jasi smile isinganzwisisiki .Jasi akabva angotanga kudyira kune babe ,ari busy kutarisa babe Kudzi akabva asvika ne mota ..... Kudzi : " Hie ". Jasi : "Oh sorry ndanga ndarivara . " Akabva apinda mu mota Kudzi ndokutanga ku driver havo vachienda kumba .Vari munzira Jasi akabva atanga kuvhunza vhunza ..... Jasi : " Kudzi ndivudzevo ndiwe wakadzidza pachikoro apo kare .Musikana uya anonzi Netsai anopfepi?" Kudzi : " Umm handizivi kana history yake why wavhunza ?' Jasi : " Mwana uya akanaka mhani dai kuri kare kwangu ndatopinda kare ". Kudzi : " Kare kwako waidii ndivudzevo story yako ". Jasi : " Handifariri kuvudza vanhu ma scret angu butini kana pava pa nhawu dzema babe ini ndine chipo chisingaiti ". Kudzi : " Ini ndinoziva kuti munhu anodiwa ne vasikana anogona kurova ko iwe unogona here ?' Jasi : " You know ndine kamwe ka feeling kuti ndiri kuresva kushandisa chipo changu .So ndaifunga kuti kana ndikakura ndoenda hangu kunoita private guard we vakuru ve nyika ". Kudzi : " Wow une big dreams ,ko why wasiya vakomana vaya vachikurova ?' Jasi : "Umm handidi kuratidza vanhu zvandiri but paya ndarohwa ne maths ". Kudzi : " Warohwa ne maths dzei ?" Jasi : " Vakomana vaya vanga vari fast zvisingaiti .Handina kunzwisisa ". Kudzi : " Waita hako ukavasiya .so wotanga waenda kumba here or totanga tanyora homework ". Jasi : " Ndine nzara so ndoda kutanga kuenda kumba ". Kudzi : " Kana uchida unodya kumba kwedu .Handi unofarira rice ne chicken ?" Jasi : " Haa waziva sei ?' Kudzi : " Hahaha asi ndizvo here ?' Jasi : " Ehe ". Kudzi : " Ndiri good in guessing ndosaka ndichigona kuchikoro and iwe uchaita seni rimwe zuva ". Jasi : " i wish that ". Vakabva vatanga havo kutaura nhawu dzekuchikoro vachienda kumba .Ipapo zuva rakanga rotanga kurereka ....... Doctor : "Ndafara ne kuvuya wekwu vabereki .Tangai mavona video pa laptop muvone mufiro aita mwana wenyu ". Vakabva vatambidzwa laptop ndokutanga kuvona zvese zvanga zvichiita mwana asati ashaika . Mai Bhuru havana kana kukwanisa kuvona vachichema .... Ba Bhuru : " Ko nhayi doctor mwana wangu akanga ane problem pa gumbo here ?' Doctor : " Kwete problem yake ndeye musoro plus mwana wenyu akanga atopora ". Ba Bhuru : " Ko mwana akuita kunge akanga achibaiwa ne something chii ?' Doctor : " Ndafunga kuti ndini ndega ndazvivona chete but muvonero wangu mwana wenyu ayita kunge anga achibaiwa cuz mhere yaaridza yashamisa .Tazama kuzomhanya mhanya asi furo rakanga razara pamuromo apa akabata huro kuita kunge munhu adzipiwa ". Ba Bhuru : " Ok hapana kuipa doctor regai tidzokere hedu tinodzoka mangwana ". Doctor : " Ok hapana kuipa but ndoda kuvhunza kuti muri kuvona sei nyaya iyi ?" Ba Bhuru : " Hapana zvandingataura regai ndivige mwana wangu ". Ba Bhuru ne mukadzi wavo vakabva vapinda mu road ndokuenda zvavo kumba .Vachisvika pa gate vasati vapinda .Baba Bhuru vakabva vatanga kutaura ne mudzimai wavo ....... Ba Bhuru : " Ndiwe ka ?' Mai Bhuru : " Ndini ndadii futi ?' Ba Bhuru : " Handisi mwana handiti ka . wabuda uchiti uri kuenda ku N'anga then pawadzoka usati wapinda mumba pabva panzi mwana ashaika .' Mai Bhuru : " Baba mwana siyayi ndi cheme mwana wangu kwete kuda kusimudza mhepo panguva iyi ". Ba Bhur : " Pu****k mhani kusimudza mhepo kupi uri iwe wasimudza mhepo kare .So ndivudze wanga waenda kupi paya ?' Mai Bhuru : " Ba mwana dzorai hasha nditaure .Ndanga ndichida kuenda ku N'anga asi ndazofunga mashoko enyu ndikadzoka hangu ". Ba Bhuru : " Saka paya wavuya uchiratidza kunge wambochema ndivudze wanga uchichemei ?" Mai Bhuru : " Ndanga ndiri paruware ndichifunga mwana wedu so mongoziva kuti moyo wekubereka unodii .Misodzi yabva yatanga kunyururuka ". Ba Bhuru : " Handikuchenesi iwe pane zvawaita chete .Usataura hako kuti heee Jasi uri iwe". Baba Bhuru vakabva vaenda mumba .Mukadzi akabva azviziva kuti nyaya iyi yaipa . Vakabva vaita kunge zvese zviri bho ndokuenda mumba ndokutora tambo yavaisungisa mombe kana vachinorima . Vakabva vaenda ku gomo ipapo zuva rakanga rakutovira ....... Mai Bhuru vakabva vaenda pa muti ndokukwira mumuti uya .Vakabva vasungirira tambo pamuti ndokusungira imwezve pahuro ndokutaura mashoko ekupedzisira ..... Mai Bhuru : " Sorry hako zijaya rangu ndanga ndisingadi kudaro .Murume wangu wondiregereravo ne zvandaita hama dzangu dzicharipa hadzo . Jasi ndiwe wandiparira mwari akukomborere ndiwe wandiuraya ". Mai Bhuru vakabva vazvikanda ndokutanga kubhubha ndokuti sarai ....... End of chapter