Ba Jasi : " Uyu mwana ane mhepo dziri paari chete .Chiyi chaitika ku muporofita uya ?" Mai Jasi : " Ba mwana ini handisi kutoziva chaiko kuti mwana uya apindiwa ne mweya upi ". Ba Jasi : " Ummm iri harisi ropa rangu chete .Akatenda tichaenda naye kunotariswa ". Mai Jasi : " Hunge abvuma munomuziva ". Ba Jasi : " Anototi atende chete .But dai tisina kuvuya naye zvake honai vanhu vangozongotarisa isu kunge tisu tazviitisa ". Mai Jasi : " Zvakaoma shuwa ndashaya pekunyarira ". Ba Jasi : " Ndichasvika n dichitaura naye kuti chii chaitika maybe anoziva ". Mai Jasi : " Utaure naye zvakanaka cuz izvezvi akatsamwa ". Vakabva varova mota yavo .Ndokusvika pamba ndokuwana mukomana akatogara zvake ari busy kuvona TV . Vakasvika vakanochinja zvavo pa nguva iyi havana kutaura .Time time manje vachidya baba Jasi vakabva vati........ Ba Jasi : " 8 yachaya imboisa news ". Jasi hana kuita nharo akabva ayisa ndokubva asimuka ne ndiro yake achienda ku room rake. Mai Jasi vakabva vakwenya murume wavo .Murume akabva aziva kuti vari kuti taura naye . Baba Jasi vakabva vamudana ...... Ba Jasi : " Jasi mwanangu ndokumbira umbogara pasi ". Jasi : " Handi muri kuda kuvona news here ". Ba Jasi : "Hongu asi ndoda kutaura newe pane zvaitika ku church uko ". Jasi : " Tangai mavona henyu news dzenyu then mozotaura .Plus handi makati hamudi vanhu vanodya vachitaura ". Ba Jasi : " Hongu asi iwe chingonditereravo ". Jasi akabva adzoka ndokugara pasi akaterewra zvanga zvichida kutaura baba vake ........ Ba Jasi : " Jasi mwanangu ndoziva kuti wakatsamwa kuti vakomana vaya vakakuroverei asi ndiregerere zvakapera .So ndiri kuda kuvhunza kuti ko chii chaitika ku church uko watizei ?" Jasi : " Ndangotiza chete cuz ndanga ndava ne nzara ". Ba Jasi : " Taura chokwadi ". Jasi : " Problem imwi moda kuti nditaure zvamuri kufunga then motara kuti makanga muri right asi ndiri kukuvudzai kuti hapana chandasita ini ". Ba Jasi : " Do you know kuti madzibaba vaya havachagoni kutaura here ?' Jasi : " Ndini ndazviitisa here ?' Ba Jasi : " Maybe who knows ". Jasi : " Oh so do you think kuti ndini ndazviitisa manje ?' Ba Jasi : " No ". Jasi : " Daddy handisi mwana ini zvamareva ndazvinzwa hongu ndini then what ?" Judhi : " Brother ziva kuti uri kutaura na daddy ". Jasi : " Iwe siyana neni ". Mai Jasi : " Ane benzi ane rake shuwa ". Jasi : " Muchirevei mhai ?' Mai Jasi : " Hapana ndiri kungotaura hangu ". Jasi : " Oh saka izvi mabva makazvironga ka .Ok it's fine hamundidi pano ndazvivona ". Mai Jasi : " Tikakona kukuda tichazoda ani manje ?' Jasi : " So why mese makandimaka ". Ba Jasi : " Hapana akakumaka asi tiri kuda kuziva chokwadi ". Jasi : " Dai muchida kuziva chokwadi mandivhunza .Manje imwi mataura ne humbovo kuratidza kuti muri kutoti ini ". Ba Jasi : " Ok Zvcapera .Next weekend tiri kuenda kuchipatara kunovonekwa ropaq ". Jasi : ' Moenda neanoda ini kwete ". Jasi hana kuvapa kunguva yekubatanidza akabva atogadzika ndiro yake ndokuenda ku room rake ndokubva a key .Akabva apinda mumachira ndokutanga kuterera music asingadi kunzwa kuti vari kutaura kuti chii .Baba Jasi vakabva vaona kuti mukomana ayenda ndipo pavakabva vatanga kupopota ne nzwi riri pamusoro ..... Ba Jasi : " Baba pano hatichazivi kuti ndiani chaiko .Mwana wako iwe taura kwawakamuwana?" Mai Jasi : " Aaa nhayi baba imwi makakwana chaiko .Mwana wenyu manje ndiyo wamava kundivhunza ". Ba Jasi : " Mashura chaiwo aya .Haya ndazvitadza rega ndiende kunorara ". Baba Jasi vakabva vaenda kunorara . Mai Jasi vakasara vakagara vachivona havo Tv na Judhi ...... Judhi : " Ko mhamha muri kuchema chii ?" Mai Jasi vakabva vatanga kupukuta musodzi ..... Mai Jasi : "Handisi kunyema zveshuwa asi movie randiri kuvona rinorwadza ". Judhi : " Saka regai ndiise rimwe ka ". Mai Jasi : " Usawara chako ndakutoenda hangu kunorara ". Judhi : " Handingasari ndega regai nditoendavo ". TV yakabva yadzimwa munhu wese ndokuenda kunorara .Jasi akanga ari busy ne music yake .Ndipo paakabva anzwa voice but hana kunzwa kuti rataura kuti chii .Akabva abvisa ma earphones ndokuterera asi hapana zvaakanzwa .... Akabva adzosera ma earphones yake ndokutanga kunzwa music .After 4 mins akabva anzwa voice futi .Akabva adavira ne nzwi rir pamusoro .... Jasi : " Hello ". Akadaro achibvisa ma earphones but hana chaakanzwa . Akabva amadzosera futi ndokuita zvivindi kuti anzwe kuti voice riri kuti chii .Voice riya rakabva ratanga kutaura ...... Voice : " Jasi Jasi nguva yakukwana ga...... Jasi akabva a pause music voice riya rikabva ranuyarara . Jasi akabva amuka ndokuvhura door rake ndokuwana pasina munhu . Akabva adzokera mumba ndokuisa ma earphones ake ndokutanga kuterera voice riya rakabva ratanga kutaura paranga rakumira ...... Voice : "Gadzirira nguva yasvika chikomana .Mandara yako iri munzira kuvuya ". Jasi akabva adzima ka MP3 player yake ndokuirasira kure uko ndokubva arara. Hapana chaakarota dzake ....... Mangwana kuseni akabva amuka ndokutowana mai vake vari busy kugadzira mbuya yake neya Judhi ...... Jasi : " Mamukasei ?" Mai Jasi : " Mushe ! ko unoda kundivudza kuti zuro manheru tavata chii chaiitika ?" Jasi : ' Ndakanzwa kunge makandidana ndosaka ndakamuka ". Mai Jasi : " Ok ndakafunga kuti pamwe pane zvaiitika ". Jasi : " Kana momz zvese bhio ". Mai Jasi : " Chienda kunogeza uyende ku chikoro please usaite musikanzwa ikoko ". Jasi akabva amhanya kunogeza ndokupfeka .Tinashe akabva atosvika ndokuwana mukomana achipedzisa .Vakabva vapinda munzira vakananga ku chikoro ...... Tinashe : " Ko wangu ndakanzwa kuti pakarwiwa pama shops uri kuzviziva here ?" Jasi : " Wangu ndanga ndafa paya .Ndakatozotiza chaiko ". Tinashe : " i knew it ". Jasi : " Knew what ?" Tinashe : " Kuti waivapo pamusindo iwowo ". Jasi :"Waida kuti vandirove saka. Wangu pakaipa zve that's day ngatiisiye ". End Of chapter