Tina : " wangu uri kumbonzwa zvandiri kutaura here ?" Jasi : " hee wanga uchitaura ". Tina : " come on man so you mean kuti hapana chawanzwa pane zvese zvandataura ". Jasi : " wanga uchiti chii?" Tina : " ndanga ndichiti zuva rakwira so hande kumba mudhara wangu unomuziva ". Jasi : " wangu usadaro aaa ukuda ndisiye mhene iyo ". Tina : " ummm baba imwi muchanetsa manga matovona zvenguvai ". Jasi : " aaa zvombotora nguva here ndatopinda ini rega uvone ". Tina : " wangu handina nguva iyoyo wanga wakagara time yese iyi ". Jasi : " haungowiri ka unotanga wavonera ". Tina : " yaa but ini ndakuenda sara uchivonera wega ". Jasi : " sorry dear friend ini ndikusara ". Tina : " haisi nyaya wangu iwe sara uchiita yauri kuita asi usazorwa ndokuziva ". Jasi : " don't worry zviya ndakasiya usawara hako ". Tinashe akabva apinda mu road ndokuenda kumba .Jasi ne kuda vakadzi akasara hake akamirira kuti musikana awane ka chance kekubuda . zvanga zvisiri easy kuti Jasi ataure naye cuz musikana uyu ayisvitsa vanhu va drinks so munhu wese ayinge akaringa ziso . Jasi akabva atsonya musikana kuti hande mu toilet . Musikana akabva ati mira mbijana . Jasi was patiant akabva atenga ka doro kake kuti aite zvivindi . Vanhu vakanga vasingazivi kuti mukomana anonwa muchihwande ....... Akatogara kudaro akabva avona musikana uya achivuya ne drink . Jasi akabva asvitsiwa 1 musikana uya akabva azevezera Jasi *FOLLOWE ME *. Jasi hana kunwa drink riya akabva asimuka naro achienda ku toilet . Akabva apinda mu toilet manga mune musikana uyu . yooo Jasi paakavona kuti munhu arimo apa hana kusimira . Akabva asvika achimbundira babe ndokutanga ku kiss ..... Jasi hana kunge aziva kuti akanga amhanya makarimwa vasikana vaive apa vakanga vangotengwa kuti vauye ku party kuti inakidze . Ma guards akanga aripo akabva adana vamwe vake ndokuenda mu toilet ndokuwana vanhu vari busy . Guard 1 ne hasha akabva asvika achisunda Jasi ne hasha . Jasi akabva arovera kumadziro achiwira pasi apa ropa rakanga robuda mumhino . Apa akanga azvipa mutemo kuti hachadi kurwa asi zvese izvi zvakaenda . Maziso ake akaita red ne hasha . Ma guard aya hana kuziva akabva amusenga ndokubuda naye mu toilet vachienda naye pazere vanhu ....... Musikana uya akasara achichema cuz ayiziva kuti tearm iri rinovuraya ko Jasi akanga ava pama 1 zvaitoda kuti ayite zvivindi . Vanhu pavakaona kuti ka mwanana kari kurohwa vakabva vatanga kudanidzira * MUSADARO MUSADARO *. Dj vakabva vabata vatanga kutaura >......... DJ : " Sorry henyu taura ne peace pano not kurova vanhu but mupfana uyu anorara ne musikana wedu kuita here ikoko . boys musimutei timbomuranga ". Ma Guard akabva amusimudza ,Jasi akati achisvunura akabva apihwa zikwati achiwira pasi futi . Akabva asimuka futi Dj vaya vakabva vaona kuti ane mukonyo akabva ada kupa chibhakera Jasi akabva achinzwenga chikabva carova umwe guard achibva awira mu vanhu . Dj vakada kuisa left Jasi achibva achibata ndokumurova mudumbu achibva arova chimwe kumeso ropa richiti tsaa kunge paurawa huku . Jasi akabva anzwa mboma ichimurova kumusana akabva atiza achienda kunotora simbi ndokutanga kuitenderedza apa akanga akombwa ne vanhu 6 . ....... Jasi akabva avona kuti on way out apa akanga atovona kuti zvima guard zvacho zviri kudedera asi zvakanga zvisina choice . ASkabva amhanya ndokurova umwe gumbo achigodama achirova pakati pe musoro . vamwe vachivuya achirova achitiza kuti vauye 1 -1. Jasi ayirova achivhuna vanhu vakakuvara this day . Dj uya akabva avona kuti hondo hachaikwanisi akabva amhanya mu mota ndokutora pfuti apa Jasi akanga ari pakati pe vanhu so zvakanga zvisingaiti kuti afure ..... Akabva ayiridzira mudenga munhu wese akabva atanga kutiza vamwe vachirara pasi . Akati achitarisa kuti mukomana aripi akawana ava machira chete Jasi akanga ayenda . Ma guard ake akabva atanga kukamhina achienda ku mota asi akanga akuvara zvisingaiti zvaitoda chipatara ..,,,,,,,, Jasi akanga ari musango achimhanya kumba .Hana yakanga yarova kuti ndanga ndafa . Sezvo kwakanga kwavira apa vabereki vake vakanga vasati vadzoka .Mukomana akasvika padhen ndokutsvaira mumba ndokuisa zvinhu zvese mu order kunge aswera padhen . Akabva agara hake ndokutanga kunyora homework yake .... Ari busy kuverenga akabva avona mota ichipinda kabva atarisa pama camera kuti ndiani ndokuvona vari daddy vake . Vakasvika vakapinda mumba ndokuwana pane order yaishamisa ...... Ba Jasi : "ummm asi pane chavuya chikasukiswa pano ". Mai Jasi : " taurai henyu . Jasi ndiani asuka nekutsvaira mumba ?' Jasi : " ndini mhamha tarisai chero camera'. Mai Jasi : " inga waita hako mwanangu . takuvigira hembe dzako asi phone hasi kukupa now kusvika takuziva kuti hauchawanzi vasikana ". Ba Jasi : " Dzidza uzvitengere phone yako dai uchikwanisavo kuita vasikana 5 chete hayi 10 yoooo wakaona i know kuti haugoni kuita 1 musikana hamheno why ". Mai Jasi : " taurai naye zvakanaka mwana wedu '. Vakabva vatanga havo kutaura dzimwe nyaya .Jasi akanga aziva kuti nyaya atoifara akabva asimuka ndokuenda kunotora food yanga yavuya yakwabikwa ndokudya hake ....... Ba Jasi : " umm zvatavona pama shops hazviiti zviya munhu kubuda bonzo kudaro ". Mai Jasi : "ummm zvakaoma apa vari kuti munhu wacho mwana apa face havana kuivona '. Ba Jasi : " ummm zvakaoma lucky wedu akanga asipo ". Jasi akabva aziva kuti nyaya yavharwa cuz hana kuvonekwa face . Mai Jasi vakabva vamuvudza kuti mangwana munhu wese ku church kumasowe . Izvozvo akanga asingadi kuzvinzwa manje . Hana kupindura akabva atora ma books ndokuenda ku room rake ...... Ba Jasi : " umm mwana uyu zvakaoma church hadi kuinzwa manje angava munhu anorarama pasina mwari here ". Mai Jasi : " mangwana motofunyanisa kumeso kutoitya hasha kuti tiende naye ". Ba Jasi : " handi ndikadaro munotsamwa here?" Mai Jasi : " hazvizodi everyday ba mwana ". Ba Jasi : " Ok regai nditende kunovata asi ndikamukonewa tomusiya ndini ndadii ". END OF CHAPTER