Vakabva vaenda kwana Jasi ndokuwana mai vake na baba vake vakatogara zvavo vachivona TV ko vakanga vakarongeka varuzevha . ..... Teacher 5 : " Tisvikevo pamuzinda ". Ba Jasi : " svikai henyu . mungagara necheapo henyu ,ko kwakanaka here kuvuya makawanda kudai ?" Mrs N : " kuri nani zvako tanga tavuya ne nhawu ya Jasi ". Ba Jasi : " Ooo mai mwana ndakatii ne mwana wako atotanga futi ". Mai Jasi ; " tangai manzwa nyaya toziva kuti mwana wedu ibenzi asi zvimwe tangai madzeya mashoko ". Ba Jasi : " ko iye aripi mukomana ?' Mrs N : " Tafunga kuti avuya kuno cuz anga achirwa ne mukomana uyu handina kuziva kuti chii chaitika uyu ndiye angatoziva ". Ba Jasi : " eee zijaya taura nyaya yako tinzwe chi chaitika kutri urove mukomana ?' Bhuru : " Mukomana akarova vapfanha vangu zuro so nhasi ndamuvhunza akatanga kundituka ndipo patatanga kurwa then masikati tazoenda kunopedzisa kurwa ndipo pandamukurira ". Ba Jasi : " aaa hazviiti iwe kurova Jasi pane zvaitika mwana uya ane mhepo 2 dzinomuteverera and achafira mumavoko evanhu ". Mai Jasi : " Manje riripi jaya rangu hauna kurikuvadza here cuz mavoko ako akazara ropa plus mukomana hatani kuzvimba ". Bhuru : " anga achibuda mututu ndosaka ropa razara ". Mrs N : " kana asina kuvuya togoziva sei kuti ari right manje ?' Ba Jasi : " imwi muri kuwara ne mhuka iya here izvezvi iri kudya makwakwa segudo achasvika pano kwakuvira ". Mrs N : " ok saka regai ndikupei number dzangu kana avuya motivudza kuti arisei kana achida chipatara motivudza ". Mai Jasi : " Ok pakanaka tichakuzivisai kana avuya. Mwana wedu tamujaira kana akarohwa anovuya pano zuva rava kuvira hamheno kuti anenge achiiteyi uye ari kupi but anovuya achinhuwa makwakwa nguva dzese ". Mrs N : " ok pakanak regai timboenda hedu ". Vakabva vapinda mumota ndokuenda kumba zvavo yooo Mrs Ndlovu vakanga vanakirwa nepadhen pana Jasi cuz pakanga pakarongeka umwe ne umwe akanga ane mota yake asi vakanga vasati vavakutenderwa kufamba ne mota .... Jasi akanga ari busy nemakwakwa mugomo achidya cuz ndiyo ayifarira kubva achiri mudiki . akabva adarika neparwizi achigeza ropa riya . Akabva apinda munzira kumba mukomana akanga azvimba zveshuwa apa asvuvuka svuvuka . Akasvika kumba ndokuwana baba vake vakatogara havo vasingambozvifungi kuti mwana akuvara . Mai vakanga vabuda kunotsvaka mwana wavo .... Jasi : " Maswerasei ?" Ba Jasi : " vuya pano uri kuti maswerasei uchienda kupi . ko hembe dzandakakutengera manje dzatodambuka .unopenga here iwe apa kumeso kwasvuvuka kunge warohwa ne munhu akubata ne mukadzi ". Jasi : " mudhara ndatokwaturwa handi makati ndisadzosera yaa ndomubairo wazvo uyu and musachema kana kurwadziwa ndizvo zvamuri kuda daddy muri kufara i know but you act kunge hausi mudhara wangu . hembe unotenga dzimwe mudhara plus andi ndine dzimwe dziya Monday ndichapfeka idzodzo ". Ba Jasi : " ndokukwatura zvauri kutaura uri kuzviwana kupi . ndiri baba vako ini and kana wanetsa ne zvepano unobva ". Jasi : " aaa zvamuri kutaura inhando pano handisi kubva and kana muchida kuvona kuti inoita hondo tambai muchidaro . mudhara ita se munhu wakura ". Ba Jasi vakada kurova mbama mukomana ndokubata .... Jasi : " nhasi kana maybe mangwana moda kundidzimbira aaa kusasvoda ". Ba Jasi : " iwe une mhepo iri pauri shuwa ukuda kurwara neni . ndoda kuvaudza mai vako ". Jasi : " mhamha havambozvotendi vanoziva kuti ndiri good boy asi imwi munondiita bad bad". Jasi akabva ayenda ku room yake baba vake vakasara vakabata musoro apa maziso anga azvimba ne misodzi . Mukadzi akabva adzoka ndokuwana baba mwana vachida kuchema ... Mai Jasi : " ko kwakanaka here murume mukuru kuchema . inga manga muchiita kunge hamusi kurwadziwa ne mwana wenyu ". Ba Jasi : " handisi kurwadziwa naye ini avuya pano ndokuda kundirova ". Vakabva vadana mwana wavo ndokuvya >>> Jasi : " inhema mhamha handina kumbovarova daddy ndivo vandirova mbama ". Mai Jasi : " chirega kuchema mwanangu . imwi mazvinzwira kuti mwana aramba mofunga kuti pane paachakurovai. inhema dzenyu muri kurwadziwa kuti arohwa chete . Judi enda kunodziisa mvura umutove ". Judi ayiva mwanasikana ka last born kaiterera zvisingaiti . baba vacho vakabva vatomutengera phone . Akabva avuya nayo ndokutanga kutova mukoma vake . Asi baba vakanga vakatsamwa ne zvanga zvaita mwana wavo ..... Mangwana kuseni Jasi akavamhoresa havana kudavira End of chapter