Mangwana kuseni Jastice akamuka zuva rati kwirei sezvo yakanga iri weekend . Akabva awana munhu wese ageza . akabva amhoresa baba vake havana kupindura akasiyana nazvo . Akabva ayenda kune young sister yake ndokuvhunza ,,,, Jasi : " ko machena moda kuenda kupi ?" Judhi : " Ku town kunotenga hembe ". Jasi : " saka rega ndimhanye kunogeza tiende tese ". Ba Jasi : " Hakuna kwauri kuenda iwe . sara wakarinda musha ndobasa rako se munhurume". Jasi : " aaa daddy hamuvoni kuti hazviiti here . hapana anomboba pano ". Ba Jasi : " hapana anoziva kuvuya kwe mbavha saka kugara makagadzirira ndiko kwakanaka ". Jasi : " daddy makatanga kutaura zvemu bible rinhi hapana mbavha inovuya pano . plus ndiri kuda kutengerwa hembe yechikoro yangu yakadambuka remember ". Ba Jasi : " usatya hembe ndotenga yaunoda chaiwo handi last time ndakatenga usipo asi ukaifarira saka handivoni problem ukasara ". Baba Jasi vakanga vasingani kuenda ne mwana wavo ku town cuz vaimuziva ne musikanzwa . so vakanga vakaronga mazano akawanda kuti vasaenda naye .Mai Jasi vakazobuda mumba vakutoda kuenda ....... Mai Jasi : " ko iwe hausati wageza zvofamba sei ?' Jasi : " ndanonoka kumuka plus kugeza hakuna basa ndakachena ini ". Mai Jasi : " inga wani ndakavudza baba vako kuti vakumutse . manje hona nguva padzava tanonoka isu ". Jasi : " Regai ndichinje handimbotani ini ". Ba Jasi : " Hazviiti kuti tiende tese ko kana tikaita accident ndiani anosara ari mupenyu ". Mai Jasi : " Kana musadaro mwana iti sara bedzi next time achaendavo . Jasi mwanangu sara mangwana ". Jasi hana kupindura akabva akanda tauro pasi ndokuenda mumba ndokugara zvake . Baba vake vakafara kuti troble maker asara . vakarova mota ndokuenda havo . Jasi zvakamurwadza asi akanga asina zvekuita .Akabva azosimuka ndokuenda kunotora taura rako ndokuenda kunogeza . ..... apedza kugeza akabva apfeka hembe dzake ndokutora ka 5 us kake ndokuenda out kunovona twusikana apa phone akanga asina . Akatanga kufamba achienda kuma shops akasangana na Tinashe achitoendavo kuma shops kwainge atumwa ....... Jasi : " aaa wangu ndabva ndasangana newe uri kuenda kupi ?' Tina : " kuma shops hangu . ndafunga kuti pamwe wabuda makuseni ka ndavona mota ichiratidza kuti yabuda ". Jasi : " yaaa vabuda havo ini ndasiiwa so ndambofunga kufamba famba ndichitsvaka chi babe ". Tina : "Watanga watoneta na Athe here ?' Jasi : " handina asi Athe ane kakupusa plus Rudo ane dzungu so ndiri kuda ari normal ". Tina : " Hahahaha iweqwe uri wangu ndokuziva zvangu. Kubva pandakanyenga babe rangu wakaita vasikana 7 uchisiya yoooo iwe hauyiti ". Jasi : " Zvichashamisa here ivo vasikana vakazara semabero plus vakachipa nowadays iva ne skiri ". Tina : " ini handingaiti maqwiqwi newe wangu 1 ari bho zvake ". Jasi :: " Hoo garai ne vasikana makore kunge vakadzi venyu muchapepuka ndanyenga Nicky minaj zvenyu ". Tina :: "aya madhara but iwe handiku trust zvangu . anyway hande hedu kuma shops kwacho tombomwa hedu pfuko then todzoka kana zuva rakurereka ". Jasi : " Haisi nyaya after you ". Vakabva vaenderera mberi ne rwendo rwavo vachitaura havo nyaya . Vakasvika pama shops ndokuwana pazere vanhu vakanga vachifara vachirova music zvisingaiti apa vachigocha . Ma bae akanga akazara zvisingaiti pama shops paita kunge pane show asi vanhu vakanga vambofunga kufara zvavo ........ Jasi akati dzawira mutswanda mukana wakanga wakazara . Akabva apfeka ma class ake kuti vanhu vasaona maziso cuz ayida kuringa first before apfimba . Vakabva vatenga maheu avo ndokutanga kunwa vachitamba pa game pa phone ya Tinashe . Vari busy kudaro pakabva papfuura umwe mukomana akanga akadakwa ndokudzadzarika achidevura doro pamagumbo a Jasi .... Jasi akabva asimuka ne hasha vanhu vakabva vamisa radio Dj ndokuvuya kuzokumbira ruregerero .... Dj : " sorry vakomana munhu wedu adhakwa and anobaiza i know asi nhasi hatisi kuda zve noise muri vana zvisingaiti but sorry henyu ". Jasi hana kupindura akabva aridza tsamwa ndokugara pasi . Akati achisimudza musoro ndokuvona kamwe ka baby kakamutarisa apa pakanga kavuya ne vakomana ava . zvese izvi hana kumbozvifunga chaakada musikana chete. Akabva atsonya musikana musikana akabva aisa smile ndokutsonya back ipapo havana kuziva kuti zvanga zviri mumeso eumwe mukomana abva ne musikana uyu ...... Jasi akanga asisagona chero kugara pasi . Ko Tinashe hana kunge aziva kuti mukomana atowana mhene yake kare .......... END OF CHAPTER