Ba Bhuru : " Tisvikevo pamuzinda ". Vakadarfo baba Bhuru vachiviga ka shanu kumasure ipapo vakanga vachisvika pamwe pamba ". "Tingakubatsirei nei ?" Ba Bhuru : " Ndanga ndichida kuvhunza kuti ndipo panogara Jasi here ?" "Hongu hamuna kurasika regai ndikubikirei tea ". Ba Bhur : " Munenge mabetsera chose ". Tea yakabva yagadzwa Baba Bhuru ndokuisirwa tea iya ndokunwa .Vapedza kunwa vakabva vatangwa kuvunzwa mivhundo ..... "Saka Jasi munomudii ?" Ba Bhuru : " Kuda kungomuvona hangu ". "Hoo manje mavuya zvakanaka and welcome ". Baba Bhuru vakati vachitarisa ku munhu akanga achitaura ndokuvona face yake yakaita ye ghost .Vakavhunduka ndokubuda panze ndokuwana panze pazere ma demon .... Demon 3 : " Hahahaha watonwa tea yedu kare saka hausu kuzoramba kuita wedu ". Ba Bhuru vakabva vatanga kuchinja maziso ndokutoita ghost ndokupinda mune vamwe .Zvino nyika yese yakanga yatova yema ghost asi vamwe vanhu vakanga vasati vavakuziva kuti ndizvo zviri kuitika ..... Ma ghost aya akanga achimhanyisa vanhu vese achitora masimba avo .So ma demon akanga ava ne power rakanyanyisa zvekuti Jasi na Kudzi vaifanirwa kutosimba .......... Kudzi : " Jasi simuka tiende ". Jasi : " Handina simba Kudzi ndavuraisa chembere isina mhaka ". Kudzi : " Tikaramba takagara vatofira mahara asi tikaenda out there tinogona kuponesa nyika". Jasi : " Ndazvinzwa asi vabereki vangu vachiriko out there ko ma demon akaenda ikoko ?' Kudzi : " Izvozvo hakwanisi kuronda asi iwe ukagara waendako now unowana vabereki vako vashaika futi saka kusiyana nazvo kuri nani ". Jasi : " Saka unoda kuti vaite ma ghost here ?" Kudzi : " Kwawava kuisa nyaya handiko .Ita hako Jasi asi dai wanditerera ". Jasi : " Ok asi mangwana ndichazokuvhunza hangu ". Kudzi : " Saka apa todii sezvo kwatiri kuenda kuri kure apa kwavira ?" Jasi : "Ko ma powers ako atibuditsira pano why ?' Kudzi : " Hazviiti kuti tibudire musango racho .Mangwana ndipo patopinda musango ". Jasi : " Ok saka nhasi vuya tirare pa hotel iro tichizorora ". Vakabva vapinda mu hotel kuti vawane kuzorora sezvo vakanga vari kure ne kwavari kuenda.Zuva rava kuvira Baba Jasi vakawana mukova wekupinda pa suwo guru re N'anga yaigara mukasango aka ...... Ba Jasi : " Tisvikevo changamire ". N'anga : " Ndakuvona uchiri ku nyika ye kwako usati wapinda mundege .Madzitateguru ako ndavona akufuratira .Nhawu yako yakakura chikomana uri kutsvaka mwana wako wausingazivi ?" Ba Jasi : "Hongu sekuru ndosaka ndavuya pano ". N'anga : "Ndisati ndakuvudza ndoda kuti undivimbise kuti ndikakuvudza kuti mwana wako ndiani uchadzokera kumba kwako chero usina mwana ". Ba Jasi : " Ndoda kumuvona chete ndichamusiya hangu ". N'anga : " Zvinozonetsa kana wavona asi ndivimbise ". Ba Jasi : "Ndovimbisa na baba vangu vari muvhu ". N'anga : "Mwana wako musikana ati kurei uye mwana wako ane chipo chisingaiti and iye hazvizivi kuti ndimwi baba vake .Pane nhawu yakatambwa ne vakuru kuti imwi baba musaziva mwana wenyu wekutanga muti ashaika .Baba handizivi kuti nhawu ndotaura ndichiti chii asi regai ndidai . Baba makafa makore 16 apera asi imwi hamuna kuzviziva pamapepukira pamwe pamba pasiri penyu pane mwana anonzi Jasi .Mwana uyu ndicho chipo chamanga mapihwa as imwi makachisvora .Original mwana wenyu 16 years ago ne mudzimai vakamuka vakawana makaomera mumachira .Makavingwa asi vakaviga virson wenyu ". Ba Jasi : " Saka muri kureva kuti virson yangu ndiyo yakasarudza kufa ini ikandiisa kune imwe nyika ?" N'anga : " Hongu ndizvo zvakaitika .Mwana wenyu umwe ndi Judhi Jasi hasi wenyu ". Ba Jasi : " Nhoroondo ndiri kuinzwa asi ini for now handina basa nayo .Chandinoda kuziva kuti mwana wangu ndomuwana kupi ?" N'anga : " Oh zvakanaka ini handingaiti nharo newe .Asi ndavona wafa nekushaya patient ". Ba Jasi : " Ndichazama kuita patient dzacho ". N'anga : " Good mangwana kuseni mukira kusango rinonzi mudya vanhu munguva dzemabuda zuva .Sango iri rinotyisa hapana akambotsvika pakati paro kunze kwangu .Kana wasvika ikoko uchawana vanhu vanogara musango iri .Ipapo ndipo pauchavona mwana wako ane umwe mukomana ". Ba Jasi : ' Totenda aguta havoneki mosara zvakanaka ". N'anga : " Mira tora nhombo iyi ndiyo ichakuchengetedza ". Zuva rakanga ratovira Baba Jasi vakabva vapinda mu road ndokunorara pa side pe doto ravaifanirwa kupinda mangwana kuseni . .... Manheru asvika Rashi akabva abika sadza ne fish ndokugara pasi ne mhuri ndokutanga kudya asi Sarudzai akanga asingadyi ..... Mai Rashi : " Ummm ende unobika yooo mangwana ndiwe ukubika futi ". Rashi : " Hahaha ndakuvudzai kuti ndinogona kubika ". Mai Rashi : " Wakadzidziswa nani kubika ?" Rashi : "Ndadzidzisiwa ne uyo ". Mai Rashi : " Wakuda kundivhundutsa manje uyo upi ?" Mai Rashi vakabva vatanga kubata huro .Sarudzai akabva amira pa door apa Rashi ayitoseka ...... Rashi : " Hahahaha welcome tiri kuwanda ". Mai Rashi : " Hahahahaha ndiri kunzwa rimwe power rekuda kubata vanhu hahaha". Sarudzai akabva avona kuti paipa akabva amhanya ndokuenda kumba kwake .Apa ayifambira mudondo mu road makanga makazara ma ghost achida kubata vanhu ...... Manheru iwayo Kudzi na Jasi vakanga vakatogara vachidya ndipo pakabva patanga kutaurwa nhawu pa TV ... LIVE NEWS "Munhu wese tiza nyika iri kuondomogwa nyika yese .Hapana ari kuziva kuti chii asi ne kunzwa kwatinoita hanzi pane ma demon ari kuda kutora masimba e vanhu vese pa nyika kuti akwanise kutonga nyika .For now solutoin hapana and 90.90% ye vanhu vatova ma ghost .Nyika yasara now isina ma demon e Egpty vane mari vari kuenda ikoko asi zviri kuratidza kuti ma demon ari kutevera .Mongochenjera nyika haichina hope asi kana pane anogona kuzvimisa please tibetserevo vana vedu vagonevo kukura munyika ine runyararo ". Mutauri we nhawu ari busy kutaura kudaro ma camera man akabva atanga kutiza TV ikabva yatima cuz camaera yakanga yawa pasi ..... Kudzi : " Ko chii chaitika manje ?" Jasi : " Ma demon atobata vanhu ava ". Kudzi : " Wazviziva sei ?" Jasi : " ma powers angu anonditendera kuziva zvauri kufunga ". Kudzi : " Oh saka mangwana todii ?' Jasi : " Vunza virson yako ". Kudzi akabva adana virson yake ndokubva yabuda ...... Virson : "I come in peace .maita mandidana nguva yakanaka vhunzai kwekupedzisira ". Jasi : " Saka mangwana tiri kubuda takananga kupi uye nguvai ?" Virson : ' Motobuda makuseni cuz Mudya Vanhu rinenge raenda kunogeza ". Kudzi : " Chii chinonzi Mudya vanhu ?' Virson : " Igomo rakarwirwa hondo yakawanda ropa rikadevuka .Saka pane umwe mun hu akazofa musango iri ,munhu iyeye akaisa mhiko ye kuti wese anofambamo anofanirwa kufa kunze wasvika pakati ne pakati pe sango pane vanhu ". Jasi : " Isu tongoita invisible totofamba ". Virson : " Hakuna ma powers anoshanda kana usati wasvika pakati pe gomo iri .So chese chawavona haufanirwi kutaura nacho kana kuchibata miti inokudya ". Jasi : " Ok ipapo tapanzwa saka bako racho tichariziva sei ?" Virson : " Ritoripo rinovonekwa ne munhu wese asi hapana anokwanisa kurivhura kunze kwenyu ". Kudzi : " Tadii taenda kuswera kwa mangwana ". Virson : " Nguva ndipo pachisina hondo iyi inofanirwa kupera kuswera kwa mangwana kana mukatadza Jasi ndiye achawedzera nguva asi hazvitenderwi cuz zvinogona kuramba kana kuti hondo inodzoka futi in future ". END OF CHAPTER