Rue akabva apinda mumota .Chakashamisa Jasi akabva avona Rue achidzoka .Rue akabva asvika ndokupa Jasi kiss ..... Rue : " Chero ndikaenda kupi ndokuda forever Jasi “. Jasi : “ Ndokudavo zvisingaiti ndovimba unozviziva “. Rue: “ Ndovimba tichavonana Monday bye “. Rue akabva adzokera hake ku mota ndokupinda munzira kuenda kumba .Jasi akamira kudaro akabva avona Kudzi achisvika ....... Kudzi: “ Hande hedu “. Jasi akabva apinda mumota .Vari munzira kuenda Kudzi akabva atanga kutaudza Jasi ...... Kudzi : “ Ko nhasi kungoti zii chii ?’ Jasi : “ Nothing ndiri kufunga zvaitika pa break paya “. Kudzi : “ Asi chii chaitika paya ?” Jasi: “ Handinyatso ziva asi pane hope dzandakarota dzinoenderana ne zvaitika izvi .Ndovimba kuti pane vanhu varikunditsaka asi hasi maporisa “. Kudzi : “ Aaaa nei wadaro asi pane akakuvudza here ?’ Jasi : “ Kwete hapana asi ndiri kurwara Kudzi ndakutovudza iwe cuz ndiwe wega wandovimba .” Kudzi : “ Uri kurwara nei Jasi ?” Jasi : “ Handitozivi ndoda kuti iwe utondivudza cuz ndine hope dzakawanda pamusoro pako “. Kudzi: “ Ukutaura nyaya yei Jasi ?” Jasi : “ Ndati before ndakuziva ndakasangana ne zvakawanda pamusoro pe zita rako .Mu hope ndakasangana newe zvakare ,saka ini ndoda kuziva kuti iwe ndiwe ani uye uri kudei pandiri ?” Kudzi : “ Hapana chandiri kuda pauri ini “. Jasi : “ Chenjera kutambisa mukana ini ndatokupa .even usati watora moyo wangu “. Kudzi : “ Ok mangwana ndichakuvudza zvese cuz story yangu newe yakakurisa “. Jasi :” Handisi kuda zvamangwana Kudzi. ndiri kuda zvanhasi mangwana ndege ndaenda “. Kudzi:”Ndiri kutaura nani ini?’ Jasi : “ Tanga wandivudza then ndigokuvudzavo “. Kudzi :”Izvezvi here ?” Jasi : “ Yaaa “. Kudzi akabva amisa mota ndokubata Jasi ruvoko kuti Jasi akwanise kuvona zvese zviri kutaurwa na Kudzi ...... Kudzi : " Ndakazvarwa ndiri ndega baba vakafa ndichiri mudiki . Ndakakura na mai vangu taive vanhu vaitambura zvisingaiti .Ndati kurei hangu mai vangu vakabuda ndokuenda ku gomo ndipo paakasangana ne chipo chandinacho .Saka chipo ichi chkanga chine mhiko ye kuti atanga kuchibata anoshaika .So vangu amai vakashaika vakasiira ini chipo . Ndakavudzwa kuti ndiri ndega handizvikwanise saka ndakatumwa kuno kuti ndisangane newe ndiite chinhu chimwe ". Jasi : " I knew kuti pane zviri kuitika .Saka waigeregei kundivudza nguva ichipo ?" Kuzi : " Mhiko yakati utange wandinyenga ". Jasi : " Ndine mivhunzo yakawanda zvisingaiti ". Kudzi : " I know and i am happy kuti wazviziva saka ngatitange basa racho ". Jasi : " Saka gomo randavona mai vako vachikwira riripi ?' Kudzi : " Riri kumusha kwangu ". Jasi : " Ok saka hande hedu kumba ". Kudzi : " Saka chindivudza kuti ndiani akakuvudza kuti une ma powers?' Jasi : "Long story ". Kudzi : " Ndoda kuzivavo ". Jasi : ' Hope dzandakarota dzisina anoziva even iwe kana ani ". Kudzi : " Taura tinzwe ". Jasi : " Kuswera kwa zuro zuva rakacheka nyika .ndakasvika pa muti ndikabva ndavata cuz ndanga ndanetsa ne kuchera mvura .Ndakavata kudaro pane munhu akavuya ndakavata kudaro akabva andibata ruvoko .Ndakavhunduka ndichimuka asi ini handina kuziva kuti kurota .Akabva andibata ruvoko akatanga kutaura neni ". V"Nditevere ndikuratidze zuro na mangwana ". Jasi : " Kana muchidaro muri kureva kuti chii ?" V : " Ndoda kukuratidza zvauri ndoda kuti uzive kuti iwe ndiwe ani ". Ndakabva ndatevera pakanga pane mukova wakavhurika wakanga uri we white .Ndakabva ndapinda imomo ndokuvona hwuduku hwangu ndiri EYGPT ndina mai vangu .Ndadaro ndakabva ndavona history yemadzitate guru vachirwa ne vamwe vanhu izvozvo zvairatidza kuti vanhu vari kurwa hondo .Ipapo ndakavona mai vangu vachibvisa power ravo vachindipa .Vadaro vakabva vaenda ku gomo rawanga uchitaura .Ndipo pavaarwa ne varume ndokushaikira ikoko .Asi chipo chakasara kwandiri asi ma demoon akafunga kuti chipo vachitora .Ipapo ndakabva ndaratidzwa zvakre ndiri mugore rino vanhu vachidyanana .Ndabva ndavhunza murume uya .... Jasi : " Ko chii chiri kuitika ". V : " Ndizvo zviri kuitika izvi ndoda kuti umise ma demon aya ne umwe wako ". Jasi : " Umwe wangu ani manje ?" V : " Kudzi , ndozviziva kuti uchatsamwa kuti nei asina kukuvuza asi pane mhiko .So iwe muvhunze zvese and achakuvudza zvekuita asi ini ndichakupa ring iyi ndiyo ichaita kuti usarudze rutivi rwakanaka .Simba raunaro harina anaro saka endai kunoita basa ndinemwi ". Ipapo ndakabva ndatanga kunzwa mhepo ichisunda .Mhepo iya yakabva yandisunda ne simba ndipo pandakabva ndabuda mu tsvimbo iyi ndokupepuka chiri chamupupuri changa chichinditora .Pandakamuka ndakabva ndawana ring iya iri mumavoko angu ". Kudzi : " Yooo inga munhu iyeye ayita hake .Hande kumba tinotanga kuronga kuti toita sei ". Kudzi akabva arova mota ndokuenda kumba .Zuva rava kuvira kudaro Rue akanga angori munzira kuenda kumba .Mota yakabva yamiswa ne vanhu vaviri vaita kunge mapurisa .Driver wa Rue akabva amisa mota ...... Driver wa Rue akabva abuda mumota ndokuenda kumapurisa aya .Rue akazoshamisika akuvona driver wake akurumwa huro .Akabva a kiya ma doors emota .Apa akanga asingagoni ku driver .Mapurisa aya akabva angonyangarika ,Rue akavhunduka kuti vanhu vaenda kupi. Akabva atarisa kumasure ndokuwana vanhu 2 vakatogara zavo mumota .Rue akaridza mhere paakavoa izvi . Akabva atarisa ma face avo ndokuvona kuti ndi Netsai na Joe ....... Rue : " Muri kudei pano ?' Joe : " Kukuvuraya hedu ". Rue : " Ko iwe Netsai ukudei pano ?' Netsai : " Ini ndiri kuda moyo wako ". Rue : " Nemanakiro ako iyaya ". Netsai : " Trust me handina kunaka ". Netsai akabva achinja kuita original ghost .Rue paakavona kuti zvechokwadi vanhu ava ma ghost akazama kuda kubuda asi door rakabva rabatwa .Netsai akabva abata musoro wa Rue ndokumuruma pa huro achinwa ropa .Joe akabva atora banga ndokubisa moyo wa Rue ,Rue akabva atofa same time .... Netsai na Joe vakabva vatanga kusekja .Ipapo Netsai akabva achinja kuita sa Rue .Joe akabva achinja kuita driver wa Rue ndokuenda kumba ....... End of chapter