Munhu wese akabva asimuka kuti ayende ku break .Jasi achida kubuda akabva avona Kudzi akamumirira panze ..... Kudzi : " Hecy ndati nhasi timbodyavo tiri pamwe chete ". Jasi : " Shuwa here.Inga wandifadza nhasi vanhu vanombovonavo ndichidya tafura ne musikana akanaka sewe ". Kudzi : " Hahaha wakuvona kunaka kwangu nhasi here ?" Jasi : " Tinozvivona asi dzimwe dzenguva hatitaure hedu ". Kudzi : " Ok hapana kuipa hande hedu kunodya ". Vakabva vaenda kwavanogara vachidya mazuva ese .Vakabva vawana vamwe vatoripo zvavo asi Joe akanga asati asvika .Kudzi akabva amhanya ku mota yake kunotora chikafu .Akasvika ndokupinda mumota ndokuvhara ma doors ne ma windows kuti vanhu vasamuvona .Akabva asimudza mavoko ake ndokutaura chaanoda kudya .Same time chikafu chakavepo ...... Rue : " Babe you mean nhasi tiri kudya na Kudzi ?" Jasi : " Yaaa nhasi ati anodavo kudya nesu .Pane chakaipa here ?' Rue : " Kwete kungochengera hangu i hope handitorerwi ". Kudzi akabva abudikira akabata KFC yakazara 5l .Vanhu vakabva vafara ..... Ngoni : " Nhasi kwaita party yooo ". Jasi : "You mean kuti unoda kuti tidye nyama yese iyi ?" Kudzi : " Yaaa ai pane chakaipa here kuti nhasi Friday timbofara ". Jasi : " No kungotauravo hangu ". Vakabva vagara pasi ndokutanga kudya .Vari pakati pekudya Joe akabva asvika ne chikafu chake ..... Joe : " Can i join you guys ?" Jasi : " Yaaa no problem wangu ". Joe akabva agara pasi ndokubudisa chikafu chake .Kudzi ayive akaringa apa Netsai akanga ari chinhambwe ..... Ngoni : " Aaaa wangu chikafu chawavuya nacho chodakadza asika tanga tatoguta isu ". Joe : " Hapana kuipa ndodya hangu ". Jasi : " No zvozoita kunge taramba chikafu chako .Ndipe hako mbambaira imwe chete ". Kudzi : " Ko wakadziwana kupi mbambaira season ino ?' Joe : " Oh momz yangu yakabva nadzo ka Ok foods marimwezuro ". Jasi : " Nditambidze zvangu ndidye ndichada ". Kudzi akabva atora imwe chete ndokutambidza Jasi .Jasi akabva atora ndokudya zvake vachitofara . Joe paakavona kuti Jasi adya akabva afara zvisingaiti ndokusimuka .... Joe : " Guys ini regai ndiende kunotaura ne babe iro ". Ngoni : " Wangu babe rinonzi Netsai haisi type yako ". Joe : " Ndoda kungowirirana naye hangu ". Kudzi : " Ko iwe why uchida kuwirirana ne munhu wese iwe wakasvika manje manje ?' Joe : " Pane chakaipa here ?' Kudzi : " No ndiri kungovhunza hangu ". Joe : " Ok rega ndipindure .You know ndofarira hangu vanhu that's why". Kudzi : " Ok zvodadisa ". Joe akabva aenda hake kuna Netsai achitobhamba. Vakomana vakanga vachida kunyenga Netsai vakabva vatiza pavakaona mukomana achisvika ....... Netsai : " Uri kudei pano handi wakanditi ndine dzungu ?' Joe : " Ndine good news nhasi ". Netsai : " Good news dzeyi ipapa ". Joe : " Jasi ava wedu,nhasi manheru tinenge tava naye ". Netsai : " Aaaa shuwa here kana kuti uri kunyepa ?" Joe : " Handisi kunyepa adya mbambaira dzandaisa acid iya ". Netsai : " Wow inga zvedu zvaita saka mission yedu yatopera ka ?' Joe : " Yaaa cuz Kudzi hangazvigoni ari ega ". Netsai : " Yaaa taura hako akaura achingomisa kushata ". Vakaenderera mberi ne kutaura nyaya . Apa Jasi ari busy hake kutodya mbambaira dziya .Kudzi ayiziva asi kuti ataure zvakanga zvisingaiti ............ Jasi ari busy kudya kudaro akabva atanga kubata huro kunge adzipihwa .Akabva atanga kubhubha kunge munhu ari kufa .Apa maziso akanga ayita black .Kudzi akafunga kuti pamwe mukomana akanga akurirwa .Kudzi akabva amhanya ku mota ndokusvika achipinda mumota ndokukumbira mvura . Akabva abuda ne mvura ndokusvika achidonedza domwe 1 pamuromo wa Jasi .Ipapo Jasi akabva atanga kupepuka maziso ake akuita normal ...... Akabva amuka ndokugara achinwa hake mvura iya ... Ngoni : " Sahwira ko chii ?" Jasi : "Handisi kuziva asi ndanga ndichinzwa kunge pane zvinhu 2 zvanga zvichirwisana ". Rue : " Babe taura zvidzere zvawanzwa kana zvawavona ". Jasi : " Handizivi kuti ndingati chii asi pane zvinhu zviviri vanga ndichirwisana saka ini ndakurirwa ndosaka ndazodonha .Haisi nhawu ye chikafu musafungira henyu mwana we vanhu ". Kudzi : " As long wakurira for now". Vari busy kutaura kudaro break yakabva yapera munhu wese ndokuenda ku class yake ...... Masikati e zuva iri Sarudzai akabva ayenda kumapurisa kunovona Baba Bhuru kuti vanonzi chii .Sarudzai akabva asvika ndokuwana Manager achivhunza Baba Bhuru mivhundo .Saru akabva asvika ndokugara achiterera hake ..... Manager : " Baba muri kunzi ndimwi makaita kuti mukadzi azvisungirire ,ishuwa here ?' Ba Bhuru : " Ini handizivi kuti nei akazvisungirira ". Manager : "Chii chakaitika pamakaguma kutaura ?' Ba Bhuru : " Ndakamuvhunza kuti hausi iwe wavuraya mwana wedu here ". Manager : " Ko iwe waifungira mukadzi wako sei ?' Ba Bhur : " Mukadzi wangu akaenda ku N.anga achida kuti Jasi abatwe .Saka asati adzoka phone yakarira kuti mwana afa .Ndisati pakata akabva asvika achiratidza kuti anga achimbochema ". Manager : " Inga zvaitori nyaya .Anyway nhawu yako ichaperera mu court mangwana kuseni . " Police : " Saka apa tomusungunura here kana kuti ?' Manager : " Musiyei ayende kumba ambochema mhuri yake ". Baba Bhuru vakabva vasungunura ndokuenda havo .Vakanga vasina kuvona kuti Saruzaiakanga avuya .Vakazonzwa voice richivadana ..... Saru : " Sekuru ,sekuru ..... Ba Bhur : " Aaa muzukuru wanditrevera ?" Saru : " Hongu sekuru ndati ndinzwe kuti vachati chii mapurisa ". Ba Bhur : " Muzukuru hupenyu hwunochinja shuwa .Nhasi ndaseka mangwana kuchena .Yangu yandiwira nhamo ihombe .Handitoikwanisi kuitambira haina zera ". Saru : " Musachema sekuru hapana chisingaperi . Musazvozvisungirira kana kuzvivuraya ". Ba Bhur : " Handizodaro asi moyo ne pfungwa zvaguma .Ndiri kuda rirdoro ndinwe kusvika ndavata ". Saru : " Hapana kuipa handei kumba ririko haro ....... Vakabva vaenda zvavo kumba . Nguva dzekubuda chikoro dzakanga dzasvika .Joe akabuda ndokumirira Jasi pa gate .Ipapo Netsai akanga akamira pa side achida kuterera nyaya .Kudzi akabva asara mu class achida kuvona kuti chii chichaitika ...... Jasi akabva atora abe rake ndokuenda hake .Asvika pa gate akabva adamwa na Joe ... Joe : " Broi zvirisei ". Jasi : "Bho wena ". Joe : " Tichazotaura hedu manheru bye ". Joe akabva atopinda mumota nNetsai zuva iri hana kutaura na Jasi akabva apindavo hake mumota .Jasi akabva asara na Rue vachitaura ..... Rue : " Babe iwe enda na Kudzi nhasi cuz hausi kunzwa mushe ". Jasi : " Yaaa ndichatomumirira pano ". END