Vanhu pavakaona kuti zveshuwa Jasi ari kutaura chokwadi .Munhu wese akabva asimuka achinowira mbavha idzi . Vakabva vavatanga kuvarova ndokuvakanda mu bus vakavasunga kuti vasatiza ...... Driver : " Handei navo kumapurisa cuz tikavasiya mangwana vachangodaro ". Human 1 : ' Yaaa taurai henyu .Chitidzoserai mari nema phone edu ". Vanhu vakabva vatanga kudzoswa zvinhu zvavo .Jasi akanga asina chake ipapo asi akanga angopatsiravo ....... Rue : " If was not for you dai nhaka yedzinza yatorwa thanks ". Jasi : 'Welcome ". Human 1 : " Handina hangu mari but bata ka $2 waita hako ". Vanhu vese vakabva vatanga kubudisa mari yekutenda Jasi .... Jasi : " You know ndiri munhuwo ndoda mari but nhasi kwete imbotengeraivo vana kana hama dzenyu ma sweet pamari yamanga muchida kundipa ". Human 1 : " Heee inga waita hako mwanangu ". Man 2 : " Nyika ikawana umwe akaita sewe tinoenda mberi ". Mu bus umu makanga mune vamwe madzimai vakabva vasimuka ndokuenda kuna Jasi ndokusvika vachiisa muchinjikwa mumusoro wake ndokutanga kutaura vachizevedzera .......... Madzimai : "usashamisika hako ndoziva kuti zve church hausi kuzvida asi ndaisa muchinjikwa mutatu kuti ukwanise kuchengetwa pamazuva asara nhume isati yasvika .Uri chipo kune nyika saka ita basa zijaya .Kudzi Kudzi Kudzi ....... ' Madzimai vakabva vatanga kuimba zita ra Kudzi but Jasi hana kuziva kuti zvinoreva kudii ...... Rue : " Unongovaziva madzimai usanyanya kufunga maybe kungotauravo ". Jasi : " It's not my first time kunzwa zita iri .Sometimes ndakatovata ndorinzwa ". Rue : " Maybe zvine chirevo . Rega ndirare ini but i am proud kusangana ne hero rakaita sewe ". Zvaitaura vanhu zvaipa kuti Jasi anyanye kufunga zvisingaiti . Mukomana akabva arara mu bus muya .Drive vusiku hwese achirova mota vachichinjana ne umwe wake . ..... DREMMING.......... Voice : " Jasi kani vuya uvone zviri kuitika side rino ". Jasi akabva atanga kutevera iye ayita kunge ari kuvona musikana asi face yainyanya kupenya hana kukwanisa kuvona kuti ndiani .Ngoma raikwira rakanga rakanaka rine miti ne mvura yakanaka chaizvo . Asi Jasi paakasvika pamusoro pe gomo akabva atanga kutarisa nyika ndokuvona kuti nyika yaondongwa ondongwa ....... Jasi : " Ko sei gomo rino ne iro rakamira amwe awondongwa pasi ?' Voice : " Hasi makomo awuri kuvona .Asi vanhu vaviri vasara mu nyika kuti va saver world ". Jasi : " Rava movie here how ku saver nyika pachii ?' Voice : " Darkness is coming so pari kuda light rinobva kuvanhu vaviri ". Jasi : " Vanhu vaviri vaklaita sani nani ?' Voice : " Ini newe ". Jasi : " I am nothing to save the world .I am the wrong guy ". Voice : " No hausi ". Jasi : " Unoziva sei ?" Voice : " Cuz pawakazvarwa ndakanga ndiripo ". Jasi : " Is this a joke or ?" Voice : " Ndiri kuvuya kwauri ndokuvudza zvizere rega ndiende ". Jasi : " Saka unonzi ani ndakufarira ?" Voice : " Kudzi Kudzi Kudzi ". Jasi : " Kudzi ?' Rue : " Jasi iwe muka kwaidza hande kunombotenga chekudya ". Jasi akabva apepuka ndokuenda panze .Iye akabva angotambira kuti ehope chete . Akamirira Rue akanga ayenda kunotenga akabva atanga kungofunga hope dzake achitaurira mumoyo .......... Jasi : " Saka uyu Kudzi wandiri kurota uyu ndinai chaiko ?Kuti ihope or zvava zvimwe zvinhu ". Madzimai : " Ihope dziri kuvuya kumberi uko .Asi haumbofi wakaziva kana nguva isati yakwana ". Madzimai vakataura mashoko aya vachitopfuura havo .Jasi akashaya kuti vaziva sei kuti ndizvo zvaari kufunga .Akada kuvatevera akabva abatwa na Rue ........ Rue : "Siyana navo iwe maporofita hauvazivi here ". Jasi : "Maybe but zviri kuenderera kani ". Rue : " Maybe ichokwadi but usanyanya kuzvifunga ungatotemesaka musoro .Plus uchiri mwana remember ". Jasi : ' Yaaa taura hako ,vuya tidye hedu ". Vakabva vatanga vazvo kudya vachitaura nyaya .Drive ne vamwe varume vakabva vabuda mu bus vakasenga vanhu vakanga vachida kuba ndokuenda navo kumapurisa ndokuvasiya ikoko...... Makuseni iwawo Baba Jasi vakamuka ndokugeza voda kubuda ndokusangana na Tinashe achitoenda kuchikoro ...... Tina : " Mamukasei ? Ba Jasi : " Mushe mushe ndanga ndichida kukuvona 2 mins chete ". Tina : " Ok taurai henyu ". Ba Jasi : " Kana ukaenda kuchikoro ndoda kuti uvudze miss vako mashoko aya ..................". Tina : " Ok hapana kuipa ndichavaudza zvamareva ". Baba Jasi vaklabva vapinda zvavo mumota ndokuenda zvavo ku town kunotaura na Manager wacho. Tinashe akabva asvika pachikoro ndokungovona vanhu vakangomutarisa vachizevezerana . Tina hana kumboda kuvhunza hake cuz ayiziva kuti ndiye friend ya Jasi . Akabva apinda mu class akatowana Miss Ndlovu vakatogara zvavo vasina update yavanoziva kuti Jasi akadii ...... Miss N : " Ko Jasi ari kupi ?" Tina : " Ndine message yandanzi ndikupei na Baba vake ". Miss N : " Ok ungaitaura hako ". Tina : " Private please ". Miss N: "Ok hande panze ". Vakabva vaenda panze kunotaura pasina umwe anonzwa .... Miss N : " Kwakanaka here ?' Tina : " Hakuna kunyatso naka hako .Hanzi na Baba Jasi ndikuzivisei kuti mukomana akatiza and handisi kuziva kuti akaenda kupi uye achadzoka here ." Miss N: " Saka baba vacho havasi kutoziva kwakaenda mukomana here ?' Tina : " Matauriro avo vari kuratidza kuti havasi kuziva ". Miss N : " Ok hapana kuipa asi yoooo Jasi andirwadzisa mwana wandaida zvekutoda zviya ". Tina : " Pakaipa maybe achadzoka hake ". Miss N : " Chienda hako mu class ". Tinashe akabva adzokera mu class ndokuwana Athe babe ra Jasi rakamira pamukova ....... Athe : " Tell me kuti Jasi hana kusungwa ". Tina : " I wish i can say but sorry ". Athe akabva atanga kungobuda musodzi achidzokera ndokubva asangana na Rudo babe wa Jasi futi . Sezvo vakanga vakamakana na Athe vakabva vangodarikana .Tinashe oda kupinda mu class akabva anzwa achidamwa na Rudo ....... Tina : " Ko iwe uri kudei secondary iwe uri kamu primary ?" Rudo : "Ndikuda kuvona mukomana wangu ". Tina : " Iwe tibvire akagara akuvudza kare kuti hachakuda ". Rudo : " I know ndoda kungomuvona chete ". Tina : " Plus Jasi hapo pano ". Rudo : " Iwe ndisiye ndipinde ndoda kuzvivonera ". Tina : " Hausi kuzopinda ". Rudo akada kuita zvenharo asi Tinashe akaramba akamira pa door so vaita noise apa Miss Ndlovu vakanga vari paseri vachitofunga Jasi zvavo .Pavakanzwa noise vakabva vapukuta musodzi ndokuenda kunovona kuti chii chiri kuitika . Vakabva vawana Rudo achitosunda Tinashe achida kupinda ....... Miss N : " Ko chii newe kamu primary .Ukudei kuno ?' Rudo : " Ndikuda kuvona Jasi ". Miss N : " Uri kumudii ?' Rudo : " Kungomuvona chete ". Miss N : Jasi hapo akasungwa ". Rudo : " Oh sorry hako Tinashe ". Rudo akabva adzokera ku class kwake achimhanya apa maziso akanga azara musodzi zveshuwa Jasi ayidiwa ne munhu wese ... End Of Chapter