Chapter 1 ANENYASHA Takurarama munyika yakasiyana nekare asi isu kuno kumusha tichiri kurarama hupenyu hwairaramiwa nemadzitateguru edu. Tiri kuitiswa zvinhu zvaiitwa nana sekuru vedu. Ayyy dunhu redu mutemo wacho wakaoma. Mambo wacho pane zvimwe zvinhu zvatisingafanirwi kuita sevasikana venzvimbo. After three months panoita mambuya anotitarisa kuti tichiri mhandara here. Kana ukangowanikwa usisiri mhandara unobva watodzingwa mudunhu but chinhu chinondinakidza kana munhu anenge atora humhandara wako achigara mudunhu rimwe chete munodzingwa mose. Yes zvinorwadza asi vanhi vatozvijaira hazvichavarwadzi asi vechidiki manje ayy hazvijairiki izvi. But we dont have choice tongotamba iri kurira. Hazviiti kuti tirwadzise vabereki vedu kana tadzingwa. Hazviiti kuti tidherere dzidziso yatakadziziswa nevabereki vedu. Ini kumba kwedu takazvarwa tiri six. Mukoma wangu first born Kurai akaroora kozoti Sarah anotevera Kurai kozouya Paida kozoti ini nemutwini wangu Anengoni. Kumba kwedu kune mutemo shame apa ndini ndega musikana akadzidza kusvika aenda ku university. Parizvino ndiri pagore rechitatu. Ndiri kunamata kuti vasazondichinjira havo. hazvingaiti kuti ndapedza zvakanaka chikoro pandinoti ndakupedza zvose konzi ndisiye. Now tiri pa holiday ya December tiri kunochatisa mwana wepa next ko handiti ari kunochata nemwana wa Mambo anova ndiye atora chigaro che Humambo. Saka kuti aite Mambo chaiye anofanirwa kuva nemukadzi. Zita rake anonzi Munyaradzi Zvayi. Shuu vasikana vanomuda mukomana iyeye yoo. Vasikana pavanomuona achizvifambira unongoona nezvivakashure zvakutambiswa. Zvino iye haatorina basa navo. Manje tiri kumba kwevamwe mai tiri kudzidziswa kutamba sezvo sezvo mangwana uri muchato wemwana wa Mambo. "Nhaiwe Sarah" Mhamha vakadaro "Chienda asi utarise munin'ina wako uyu asakwira achidzika nevakomana" mhamha vakadaro ndakarola maziso angu "Why ndichifanirwa kutariswa ? Ko nzvimbo yekwedu handichaizivi here?" "Tozviziva sei hanti munopengeswa ne Harare imwi . hameno kuti munorarama sei ikoko. Ini zvinondishamisa nemutemo wakuitwa pamusha pano kuti mukadzi akufanirwa kudzidza zvekuenda ku university" Mhamha vakadaro "Asi mhamha nei muchida kuti tirarame zve chinyakar--" "Chero zvakadaro asi mutemo ngautevedzerwe nei wakachinja pauri chete" "Im not living for 😂im living for myself" "Ndizvo zvinhu zvinondibhowa pauri zvimangwiri ngwiri zvauri kutaura" mhamha vakadaro Ngoni akaseka akanditarisa "Mhamha takuenda isu. Ohh tichaenda baba vasati vadzoka here?" "Ehe endai baba venyu vari busy kubasa nhasi havauyi" mhamha vakadaro ndakaenda mu room mangu ndichitora mbatya dzekuchinja. Moyo wangu wakarwadza pandakatarisa ma trouser angu andopfeka ku university. Zvino yoo kuno chero kuchitonhora sei haapfekwi. Zveshuwa tiri kurarama hupenyu hwairaramiwa nambuya nehanda. Takabuda naSarah takuenda. Makuseni mambuya akamuka achititarisa tose taiva mhandara, vapedza takapfekeswa madehwe. Ayy ini handizvifariri izvi but ndingaita sei hangu kutongotamba iripo. Mambo zvavo mitemo yavo yoo uye haipikiswi. Takazobuda takuendesa muroora kwa Mambo. Zvinhu zvose zvakafamba zvakanaka muroora ne mukwasha vakachatiswa asi from nowhere muroora akadonhera pasi achibva atotisiya ipapo. Kuti chii chaiva chaitika hapana anoziva. Izvi zvakarwadza zvakanyanya kumunhu wese achiona muroora angoti rabada asingachafemi. Ini zita rangu ndinonzi Anenyasha Zhou ndine makore gumi nemaviri ekuberekwa ndakazvarirwa kumusha kuMasvingo. I dont understand zvinhu zvaitika kwaMambo ini munhu ongodonhera pasi obva atoshaya tjoo ayy life is too short. Muchato wakabva watopera tichibva taenda kumba takasvika tichigara pasi maiguru na Sarah vaitipakurira chikafu "Nyasha dzababa kubva wanyarara kudaro uri kufungei?" Baba vakabvunza "Ndiri kufunga baba" "Uri kufungei kudaro?" "Baba nhasi kwashaya munhu anga asingarwari ari munhu ari right. Tanga tichitamba naye husiku hwese asi nhasi haasisipo apa hapana zvaitwa nyaya yacho yangopera yakadaro" Pakamboita runyararo "Zvinowanikwa izvi pamwe airwara asingaudzi vanhu semunhu aida kuzoita Mambokadzi aifunga kuti akasataura aizozviruza" mhamha vakadaro vachiseka "Handifungi kudaro ini there is something beating water here" "Iwe hanti unoziva zvose tiudze kuti chii chaitika paari" mhamha vakadaro "Haa mhamha mwana avhunduka chete" mukoma Kurai vakadaro "Ini hangu handizvinzwisisi chero mhuru yacho yangonyarara kunge pasina zvamboitika. Iko zvichimboitirwei zvekuti musikana anoroodzwa kwaasingadi ayy nzvimbo ino ichabudirira when vachiri kumashure shame" Zvichakadaro Ngoni mu twin wangu akabva apinda "Iwe Ngoni uri kubvepi nguva dzino?" "Haa baba mungandibvunza izvozvo munhu mukuru akaita seni here?" Ngoni akadaro "Uri munhu mukuru kunani?" Baba vakabvunza "Haa baba Ngoni akura uyu uye murume ka" Kurai akadaro "Kana achiri kugara pamusha pano achiri mwana" mhamha vakadaro. shuu pamusha pano here. Mutemo wacho kuita sevari kuutora kwa mambo zvayo lol. Tapedza kudya takasuka ndiri ini ndichibva ndaenda mu room mangu. Ndakatanga kufunga nezvakufa kwa Tendai. Tendai anga asingatomboratidzi kuti anorwara asi nhasi haasisipo. Eshh nyika ine vanhu vavo shuwa. ndakatora foni yangu nekuti ndaida kutaura neshamwari dzangu dzeku UZ. Zvichakadaro Talent shamwari yangu akabva afona "Talent" "Warara?" "Hope dzingabata here nezvaitika" "Yah pakaipa wena" "Hanti vanhu vemudunhu rako vanoroya" Talent akaseka "Ndokuziva pane wauri kufungira. Uri kufungira ani?" "Obvious ndi mama Ethan hapana umwe" ndakadaro tichipera nekuseka "Haa mwana wavo Munyaradzi vangazviitirei?" "Mwana we murume wavo ivo havamuzvari pamwe vanoda kuti Ethan iye aite Mambo" "Ihh asi wataura chokwadi" "Mai inoroya iya chero ichifamba unotoona kuti iyi step ndeyemunhu anoroya" "Haa Nyasha" Talent akadaro achipera nekuseka "Saka Munyaradzi akafanirwa kushara umwe zve mukadzi?" "Hauzivi iwe kuti vasikana vanga vachifara sei kurwizi umwe neumwe achiti ndiye achasharwa kuita mambokadzi" "That's disgusting mwana wevanhu ashaya ivo vari kufarira murume arggg" "Ndozviripo Nyasha" "Ohk Tale urare bhoo pamusha pano panomukwa na six saka ndofanirwa kukurumidza kurara" Talent akaseka "Urare mushe chomie" Talent akadaro tichionekana. Ndakapinda pa facebook. Moyo haubvumi kuti ndirare ndisina kupinda pa facebook Zvichakadaro ndakawana pane munhu aiva andisendera friend request. Ainzi Charmer boy ohh wow charmer boy. Ndakamhanyira kuma photos ake asi paiva pasina chinhu. Nxa anopenga nei achishandisa ghost account.ndichiri kutsvaga pa account yake akabva andisendera message "Beautiful girl" Ndakarola maziso "Hey" ndakamupindura "Wow you're so beautiful i want to be your friend" "Kana uchida kuita friend yangu isa picture" "Ahh zvekutora ma picture handizvifarire" "Hayi then kana usingadi kutora ma picture siyana neni" "Your wish is my command madam" Ndakadzungudza musoro ndichidzima data ndichibva ndarara Zvayi household Pamuzinda waMambo vanhu vose vaiva vakaungana vachitaura nezvenyaya yaiva yaitika masikati. Mambo vaiva vakagara nemachinda avo ne vanakomana vavo "Tose taona kuti chii chaitika masikati. Muroora angodonhera pasi achibva atoshaya" Mambo vakadaro "Zvinorwadza izvi baba. Mukadzi wangu angodonhera pasi achibva atoshaya" Munyaradzi akadaro "Ethan enda unodana vana mai vako" Mambo vakadaro Ethan akasimuka. Mambo aiva nevakadzi vana umwe akashaya. Mai Munyaradzi ndiye mukadzi wekutanga kozoita Mamoyo kozoti mama Ethan ndivo mukadzi mudiki. Ethan akasvika achivadana Vakasiya zvavaiita vachienda kwavaiva vadamwa vakasvika vachigara pasi "Tauya baba" Mamoyo akadaro "Tose taona kuti chii chaitika masikati" Mambo Zvayi vakadaro "Ehe baba zvapamha zve zviya" mai Munyaradzi vakadaro "Vava vaviri vakadzi va Munyaradzi vachingofa nezuva remuchato" Mambo Zvayi vakadaro "Ini ndoona sekuti Munyaradzi ndiye ane munyama..why achiti kana oroora vana vevanhu vanofa pamwe vadzimu ndivo vasingadi. Madii kuchinja mambo muise umwe uyu Ethan anokwanisa kuita mambo" "Mainini shuwa" Munyaradzi akadaro "Ethan mwana mudiki haazivi chinhu uyu. Kunze kweizvozvo Ethan mwana wemukadzi mudiki saka hazviiti chero tikabisa Prince pahumambo Ethan hazviiti zviri nani tiise Tichaona uyo" "Ko izvo zvinokonzerwa neiko zvekufa kwevana ava?" Mamoyo akabvunza "Hatiziviwo n'anga haitiudzi chinhu. Parizvino gadzirirai svondo rinouya tiri kuviga muroora" Mambo vakadaro. Madzimai akabvuma "Prince wakura mwanangu kana tapedza kuviga muroora uchanozvitsvagira iwe mukadzi wekuroora" "Baba tadii kumbomira nezve vakadzi. Zvinobatsirei kuunza vana vevanhu pano vachifa. Vakawanda vanhu vanoda humambo saka vavengi vakawanda ngatitangei tatsvaga solution pakufa kwevana vevanhu then tozoona zvekumberi" Munyaradzi akadaro "Ichokwadi baba vana vevanhu varikupera ngatitangei tagadzirisa nyaya iyi tozobvumira mukomana kuti anotsvaga mukadzi" mai Munyaradzi vakadaro "Munyaradzi mwedzi unouya anogadzikwa pahumambo zviri pamutemo saka haangagadzikwi asinamukadzi" Mambo vakadaro "Ini ndinoona sekuti mainini vanga vachitaura chokwadi baba isai umwe pachigaro. Kana Tichaona uyu hanti ane mukadzi" Munyaradzi akadaro "Aewa ndini ndinotaura izvi, parizvino endai munogadzirira kuvigwa kwe muroora" Mambo vakadaro Madzimai akabuda ose kukasara mambo na Munyaradzi "Munyaradzi" "Baba" "Wava murume manje mwanawangu saka unofanirwa kutsvaga mukadzi nekukurumidza nekuti ini ndakatarisira pauri pazvinhu zvose izvi" "Ndiri kukunzwai baba ndichaita sekudaro," "Ohk rega ndimbofurwa ne mhepo ndinodzoka" mambo Zvayi vakadaro vachisimuka vachibuda vachienda. Narrated Makuseni Anenyasha akamutswa ne message yepa facebook aiva charmer boy morning beautiful my picture haa makuseni ano here? Handisati ndatombokwesha mazino ohk bye Anenyasha akabva atobuda pa facebook nekuti aiona kuti munhu uyu anokwanisa achimuziva ******* Mai Sarah vaiva vakagara nemurume wavo vachikurukura "Ewuu munhu anofanirwa kunobatsira kwa Mambo sezvo vafirwa" VaZhou vakadaro "Ichokwadi Mushavi hamuna kunzwa here kuti mambo mudiki achashara zve rinhi mukadzi" "Iwe unei nekushara mukadzi kwa mambo? Asi wakuda kuroorwa na mambo?" "Aewa zve baba honai. Mukadzi achasharwa na mambo vekumba kwe mukadzi vanobva vatopfuma hamuzvioni here. Hapana munhu asingadi kuti mwana wake aroorwe kwa Mambo" "Izvo zvinozivikanwa na Mambo isu hatinei nazvo" "Hazviiti here kuti Mambo ashare pano? tine vasikana nesuwo pano?" "Ndakuudza kuti Mambo ndiye ane simba rekuzvitsvagira mukadzi waanoda" "Asi Nyasha anofithwa kuita mambok--" "What? Mai Sarah wave kupenga here? Mwana wangu mudiki uyu!!! Uye achiri kuchikoro anofanirwa kutanga apedza zvidzidzo zvake ozoita zvimwe" "Hayi baba hayi kubva rinhi uchisarudza vana. Pano mwana umwe anofanirwa kuroorwa na mambo. Uye ini nyaya yekuti mwana wako adzidze vamwe vana vasingadzidzi handiifariri" "Mai va Anenyasha vaida kuti vana vake vadzidze kusvika pavadira" "Ohh izvi munozviita nekuti vana va Dzingai ini van--" "Haa uri kupindurana nani mai Sarah?" Mai Sarah havana kuzopindura vakatarisa pasi. Mutemo wacho panzvimbo ino varume vanoremekedzwa zvakanyanya kwete zvekunyebera. "Ruregerero. mushavi" "Ndoda mvura yekugeza manje kwete ngano yauri kundiitira iyi" "Ehoyi baba" mai Sarah vakadaro vachibuda vachinogadzirira murume wavo chikafu ANENYASHA FEW WEEKS LATER Eish zvepamusha pano zvakaoma wee. Munhu anomutswa nasix makuseni. Seven inochaya ndatopedza basa rose remumba.. Chero ndapedza pandinenge ndichifunga kuti ndakuzorora kunonzi ndiende ku garden. Yes chikafu chinorimwa chinonaka asi yekuti ndini ndinofanirwa kunoita basa ku garden handiifariri hangu. Ndichangobva ku garden pandinogara pasi foni yangu inobva yarira ari Talent "Tale" "Chomie kumba kwedu hakuna huni ndokumbira undiperekedze kugomo im sure nemwiwo kumba kwenyu munodzida" "Ohh my gosh zvarinhi" "Manje" "As in now?" talent akaseka "Yes" "Okay better iwe uuye undiudze mberi kwe vabereki vangu unovaziva mhamha ndikavaudza kuti wandifonera blah blah" "Iya ndatokanganwa kuti mhamha vako vane drama" Talent akadaro achipera nekuseka Takazoonekana ndichibva ndaenda kwaiva kwakagara family "Nyasha dzababa pane zvauri kutsvaga" "Aewa baba ndakaneta nhasi ndashandisa" "Nyasha hauna ma assignments here?" "I holiday manje hakuna mabhuku ari kuverengwa mhamha vakadaro "Ohh kutokanganwa" Paida akadaro ndakabva ndagara pasi. After some minutes Talent akapinda "Makadii? "Uri sei mwanangu?" baba vakadaro "Ndinosimba baba ndauya kuzotora Nyasha kuti tiende kuhuni" "Dzababa wati wakaneta uchakwanisa here kunotsvaga huni" "Hakuna musikana anoneta kwaucharoorwa uchaita sei tora tambo nehata uende kunotsvaga huni zvagara hadzipo" mhamha vakadaro "Ndichaenda baba ndakaguma kare" "Shuwa here?" "Ehe baba" "Nhasi tichaonerera zvedu" Paida akadaro vachindiseka ndakanotora hata netambo tichibva taenda. Mugomo maiva makazara vasikana vaitsvaga huni. Foni yakapinda message yeku facebook hello my beautiful friend ndakabva ndatomupindura "Handisi shamwari yako charmer you accept my request meaning kuti uri shamwari yangu newevo uri shamwari yangu where is my picture? ohh you cant wait to see me nxaa ndaneta nekutaura nechipoko ini so sweet Jesus manje achinja zita akunzi Luck charmer. Are you luck charmer again? yes why youre an imposter stay the hell away from me you scandal` ndakabva ndatodzima data. Ndakatarisa Talent ndikamuwana achinyemwerera akanditarisa. " what?" "Secret admire?" "Nxaa anondipengera uyu anofunga kuti ini ndingataura nezvipoko" "Nei uchimuti chipoko?" "Profile yake haina chinhu izvi zvinoreva kuti chipoko" Talent akaseka tichibva tatanga kutema huni dzedu tichibva tadzokera kumba. Pandakasvika kumba havana kundi believer pandakasvika nesvinga rehuni "Ndozvinoita vasikana izvi" mhamha vakadaro "Shuu ndakaneta mhamha apa nzara" "Rega ndikupakurire gotwe rekwedu" sisi Sarah vakadaro zvichakadaro Themba mwana wa mukoma Kurai akandimhanyira achindihaga. Pandakaenda kuchikoro aiva asipo aiva akaenda kumba kwa mai vake "Tete mauya rinhi?" "Ahh hanti iwe wakanditiza here?" "Ndauya tete makati muchandivigira ma toys" "Ehe ariko hande mu room mangu" ndakadaro ndichimubata ruoko tichienda mu room mangu. Ndakavhura bag ndichitora ma toys ndichimupa "Thank you so much tete wow" Themba akadaro achitora ma toys ake achigara pasi achitambisa ma toys ake chikafu chakauya ndakachirova kusvika ndashandurira ndiro. Ndakazorangarira kuti tavimbisana na Talent kunochera mvura. ndakabva ndatotora mugomo wangu ndichienda kurwizi ndakawana atovapo nevamwe vasikana vemu area "Wanonoka" umwe musikana anonzi getty akadaro "Haa ndanga ndichambofara nemupfana wangu Takagara pasi tichitanga munyii hameno vaiva vautora kupi. Zvichakadaro ndakaona vasikana vose vachigwadama vachikotamisa misoro.ndakapera zvangu nekuseka ini "Muri kuitei guys?" "Mambo uyo" Talent akadaro achizevezera. Ndakabva ndagwadama nekukurumidza "Simukai henyu" Munyaradzi akadaro Ndakaona vasikana vachitanga kuzvigadzira hembe vamwe vachimona zvivakashure zvisipo ko hanti vanoda kuti mambo avaone "Tsvarakadenga ndokumbira kutaura newe" ndakavhunduka pandakaona maziso a prince akati njoo kwandiri "Mambo wangu asi pane zvandatadza" Akatarisa pasi achinyemwerera achibva atitarisa zve "Ndokumbira mutipe nguva ndoda kutaura ne tsvarakadenga iyi" Prince akadaro vasikana vakabvuma vachibva vasuduruka. Hana yaiva yorova kwandiri. Kubva zvandakazvarwa handisati ndambotaura nemwana wa Mambo ini. Iye aingonyemwerera asingapedzi "Unoziva ndanga ndochifurwa nemhepo nemachinda angu asi pandangonzwa izwi rako uchiseka ndatadza kuzvibata ndiro randisvitsa pano. Handidi kukunyebera mwana wevanhu wakanaka" Munyaradzi akadaro Ndakapeerwa kuti ndomuti kudiu "Ohh thank you so much my king" "Eish kana uchiti my king ndonzwa moyo wangu uchiita kunyungudika chaiko ndonzwa kuda kukupa moyo wangu iwe undipe wako" ndakasimudza musoro ndichimutarisa "Handisi kunzwisisa ini" "Haunganzwisisi parizvino asi ndinokuvimbisa uchanzwisisa hako" "Mambo ndinoona sekuti ini newe hatisi panzvimbo imwe chete iwe uri ku Harare ini ndiri ku Gweru, what are you trying to say i dont understand?" Akabva anyemwerra "Ohk ngatisiiye pano tsvarakadenga zvandanga ndava kutopedza nyaya yose ndisati ndaziva zita rako " ndinonzi Anenyasha Zhou" "Ohh Mhukahuru mutsikapanotinhira hayi mandlovu une nyasha sezita rako" "Ndinotenda" "Anenyasha wow ndokumbira uite nyasha wa Munyaradzi " Huhh handina kumupindura ndakatendeuka one time ndini uyo ndichitandanisa mhepo. Ari kuedza kuti kudiiko Munyaradzi wacho. Talent ainditevera kumashure achindidana asi handina kumbomira. Ndakamhanya ndichienda kumba kwedu end of chapter