Chapter 14 Anenyasha One month later It's been a month now ndakagara pabarika iri asi moyo wangu haupo pamusha pano uye Mpume ane moyo wakanaka. She is been so sweet to me asi ndichiri mudiki pazvinhu zvose izvi, ndiri kurarama hangu pamusha apa asi moyo wangu hausi pano. Chero ndakagara naMunya ndinonzwa kunge ndakagara ndega nekuti ndinobva ndatotanga kufunga zvinhu zvaanoita kumukadzi wake and atanga kunditarisa neimwe nzira. Sezvo ndisati ndada kurara naye, handinga rasikirwe nehumhandara wangu ini nezvinhu zvandisingazivi kuti zvichalaster here kana kuti kwete. Nemunhu wandaizviudza kuti ndowirirana naye mufamly umu andichinjira adistancer kwandiri tave kungotaura apo neapo. Shamwari yangu mabook Tafadzwa anoita distance kwandiri asi achiri kubhadhara zvidzidzo zvangu ndinomutenda zvakanyanya. Nguva dzave kuma6 ndiri muroom mangu ndichangopedza kugeza. Munya anobva apinda akabata something "Ane" "Urisei?" "Ndiri right, sorry ndaenda wakarara pane basa randanga ndichifanirwa kuita" "Okay no problem" "Ndakuvigira something" Munya akadaro achiswedera pedo neni achibuda nicklace "Handizivi uchaifarira here" Munya akadaro achindipfekedza "Woow I love it" "Shuwa here" "Yaaa ndinotenda zvakanyanya" "Ndinoziva kuti zvinhu zviri kuitika pano hausi kuwirirana nazvo pakati pangu naMpume" "Mukadzi wako hapana zvandingaita ndatogamuchira zvose" "Asi hausi right Ane" "I'm sorry kana zvichizosvika kwauri neimwe nzira. Look Zvayi ndinoziva kuti Mpume mukadzi wako and mukadzi wako wekutanga uye munodanana zvakanyanya so ini handina problem nazvo they is no need yekuti uedze kundifadza. Kana muchida kumutsira muchato wenyu it's okay handina problem nazvo, I think ini ndinofanirwa kuenda manje zvakawanda zvinhu zviri kuitwa kukitchen" ndakadaro ndichibuda ndichienda kukitchen Ndakawana Mpume naMaidei vakwiya rukweza rwedoro "Hey unokwanisa here kukuya?" Maidei akabvunza "Handizivi ini asi ndichazama" ndakadaro "Are you okay?" Mpume akabvunza "Yaaah" ndakadaro "Yoooh nhasi kubva makuseni handisati ndambomuona Taffy" Maidei akadaro "Ndamutuma kutown kuti anonditorera Bridget" Mpume akadaro "Yoooh munin'ina wako ndakamuguma kare" Maidei akadaro "Neniwo ndakamuguma kare ndanga ndichingotaura naye pafoni chete" Mpume akadaro tichikuya rukweza Tichiri busy Taffy akapinda neumwe musikana vakafarirana naMpume vachihagana "Bridget" Mpume akadaro "Sisi" Bridget akadaro "Oooh my young sister ndafara kukuona" Mpume akadaro "Yoooh Bridget wakura kudai?" Maidei akabvunza "Ndofanirwa kukura handiti mazuva ari kufamba here" Bridget akadaro achiseka "Wava nemakore mangani manje?" Maidei akabvunza "23 years" Bridget akadaro "Haa wakura zveshuwa" Maidei akadaro "Thanks Taffy" Mpume akadaro "You're welcome" Taffy akadaro "Haana kukunetsa here?" Maidei akabvunza "Dai uchitobvunza ini kuti haana kundinetsa here" Bridget akadaro "Yoooh ndatadzei manje?" Tafadzwa akabvunza "Uyu anonzi Anenyasha" Mpume akadaro "Hey Anenyasha" Bridget akadaro "Hey" ndakadaro "Mukadzi waMunyaradzi" Mpume akadaro Bridget akatarisa Mpume achishamisika "Hoo okay" Bridget akadaro "Huya ndinokuratidza muroom yauchashandisa Bridget" Taffy akadaro "Ooooh thanks Taffy" Bridget akadaro vachienda naTafadzwa "Vava ava" Maidei akadaro achiseka Tapedza kukuya rukweza ndakaenda muroom mangu ndakavhara door ndakatora mabook angu ndichiedza kuverenga asi ndakatadza ndakabva ndasiya mabook nekuti handinga zvimanikidze kuverenga zvisingabvumi. Ndakatora foni yangu ndichifonera Ngoni kubva zvaave kugara kuHarare anenge ave kundikanganwa kuti akandisiya kumashure "Mutwin" Ngoni akadaro "Hapana nezvemutwin apa nei wave kusandida?" "Unoziva hazvisirizvo sweetheart unoziva here zvinhu zvandakatarisana nazvo manje" "I'm sorry, uri mupenyu here?" "Ndiri mupenyu urisei iwe?" "Handisi right ini handifungi kuti ndichararama ndakadai" "Hezvo usataura uchidaro" "Handifungi ndichararama hupenyu uyu handina kumbobvira ndashuvira kurarama hupenyu hwakadai" "Asi unoramba ka kana ndichida kuuya kuzokutora" "Unoziva newewo hazvingaitiki izvozvo" "Hapana zvinhu zvisingaitiki Anenyasha unofanirwa kubva pamusha apa" "Zvinhu zvose zvandiri kuita ndiri kuitira baba kana ndikaenda ndivo vachasara vachisangana nezvikukutu ndizvozvo zvinhu zvandisingadi" "Saka iwewe unoda kugara ipapo kwehupenyu hwako hwose here?" "Ayehwa Ngoni tichazotaura pane munhu ari kugogodza padoor" ndakadaro ndichikata foni ndichienda kunovhura door vaiva mai vaMunya "Mamukasei mhamha" ndakadaro ndichinogara pamubhedha "Uri kunzwa sei" "Zvakanaka mhamha" "Ndinoziva kuti barika rinorema sei asi unofanirwa kuzvigamuchira uchajaira zvako. Nesuwo zvairema asi nekuti taida Zvayi takashingirira" "Ndiri kukunzwai mhamha" "I'm sorry mwanangu nezvinhu zvakaitika pana Mai vako" "Haisi mhosva yenyu mhama uye haisi mhosva yemunhu" "Okay mwanangu rega ndiende ini" mhamha vakadaro vachibuda vachienda TAFADZWA Hapana chinhu chinondibhowa sekugara pamusha pano nekuti ndinenge ndichitumwa ndichiitiswa zvose asi chinhu chinondinakidza ndechekuti zvapera zvose doro rabikwa ndanga ndanzwa nekungotumwa uku neuku makumbo anga akurwadza. Manje ndakazvigarira hangu muroom mangu ndiri kumwa doro rangu ndakabva ndasimuka ndichienda muroom maBridget "Hey kubva wagara wega kwakanaka?" Ndakabvunza "Ndiri bored mhani ndaneta nekushanda" "Pane chinhu chichakuita kuti urelax" "Chii ichocho idoro right?" Ndakaseka. "Ndiro rega raunoziva here?" Akabva asimuka tichienda muroom mangu "Woow Taffy doro rose iri" "Haaa rakawanda here doro iri imagine I was drinking alone manje ndawana shamwari yekumwa nayo zvakuendeka" ndakadaro ndichivhara door kuita pasaita munhu achatikanganisa pakumwa doro redu "Yooh ndanga ndine stress kuti ndicharara ndisina kumwa nhasi" "Imagine pamba pano hapabvumirwe kuti uvhurire radio pamusoro aaaa pamusha pano weduwe" Bridget akaseka. "Ndiko saka ini ndichida kunovakira kure nepamusha pano" "Heee unofunga vanga zvibvuma here izvozvo?" "Ko ndinenge ndavakumbira mari here? Saka vanondirambidza sei kunovakira kure nemari yangu" "Hooo ita hako zvawafunga" "Asi newewo Bridget wakanaka mhani" "Newewo wakanaka Taffy" "Unoziva hapana munhu akambondiudza nezverunako rwangu" "Ndakuudza manje" "Oooh thanks Bridget ndafara kunzwa izvozvo, do you have a boyfriend?" "No handina ini ndaiva nayo tikaparadzana" "Ko vakomana vaneiko nei vachisiya vanhu vakanaka sewe" Bridget akanyemwerera. "Munhu akadanana newe anenge ane luck chairo" Bridget akatanga kublusher. Takaenderera mberi nekumwa doro redu Anenyasha Yoooh dzave kuma10 ndakarara asi ndiri kukanganiswa nenoise yeava vari kumwa doro ndakaneta ini ndoda kurara. Masikati ndashanda zvakanyanya saka ndinoda peace ndiri kunzwa kuti ndiTafadzwa uyu ari kuita noise neradio yake hanty room yake riri pedo nerangu here Mangwana makuseni ndakamuka ndichienda kukitchen ndakawana Maidei achigadzira breakfast "Morning" "Morning mainini" Ndakamubatsira nebreakfast kusvika tapedza Mpume aiva asati asvika. Angati kudii handiti waiva muchato wake nezuro. Takaisa chikafu patafura vanhu vose vakauya kunze kwaTafadzwa naBridget Maidei akandikumbira kuti ndinomudana. Ndakaenda muroom maBridget asi ndakamuwana asipo mubhedha waiva clean uchiratidza kuti hauna kumborarwa kana kuwarurwa "Arara kupi ayy?" Ndakabva ndaenda muroom naTafadzwa ndakasvika ndichigogodza asi hapana akadaira pandakabata door raiva rakavhurwa ndakapinda mukati ndakavhunduka ndichiona mbatya dzaTafadzwa naBridget dzakazara pasi ivo vari vaviri vakarara pamubhedha Bridget aiva akarara pachipfuva chaTafadzwa. Ndakambofunga kubuda ndiende asi kana ndikadaro patafura vanenge vachingobvunza nezvavo. Ndakafonera Tafadzwa ndakaisa foni munzeve dzake kuti ainzwe. Zveshuwa akainzwa achibva amuka akashamisika achindiona "Hanzi ndiuye kuzokudanai" Tafadzwa akabva atomutsa Bridget ipapo apa maziso angu aiva asingabvi pambatya dzaiva pasi. Paiva nemapant chaiwo "Tiri kuuya, Bridget muka unogeza" Tafadzwa akadaro "Oooh Taffy ndakaneta ini" Bridget akadaro "Regai ndikusiyei ini" ndakadaro ndichibuda muroom mavo ndichienda kwaiva kwakagara vamwe "Wavawana here?" Maidei akabvunza "Ehe Tafadzwa anga akarara asi Bridget anga achiri kugeza" ndakadaro "Oooh thanks" Maidei akadaro Takatanga kudya Tafadzwa naBridget vakauya vachitevera vakasvika vachigara pasi "Morning everyone" Bridget akadaro "Morning marara sei" Maidei akadaro "Tarara zvakanaka" Bridget akadaro "Nei uchimuka nguva dzino Bridget?" Mpume akabvunza "Sisi ndanga ndakaneta nezuro ndaishanda zvakanyanya" Bridget akadaro "Vashanda zvakanyanya vana Mambokadzi" Mamoyo akadaro "Ivo vashanda shuwa" mai Munyaradzi vakadaro Tafadzwa aingonditarisa hameno kuti ari kunditarisirei. Tapedza kudya takaenda kunosuka ndiro Bridget aingonyemwerera akatarisa Tafadzwa "Bridget chii newe zvauri kungonyemwerera nonstop chii chakufadza?" Mpume akabvunza "Haaa sisi munhu haachafanirwi kunyemwerera here c'mon" Bridget akadaro "Ayewa ndanga ndichingobvunza chete ini hapana zvandataura" Mpume akadaro Tapedza kusuka ndiro ndakafunga kuenda muroom mangu sezvo ndine assignment yandinofanirwa kunyora. Jesus vachati ndiri kupi kana vasinga ndione kukitchen "Mainini Maidei" "Gulez" "Pane zvinhu zvandadya nezuro saka handisi right mudumbu mangu handisi kumunzwa mushe" "Oooh sorry wamwa mapiritsi here?" "Yaaa ndambomwa" "I think enda unozorora nekuti hapana zvauchaita kana uchirwara" Munya akadaro "Thanks" ndakadaro ndichienda muroom mangu ndakasvika ndichizvivharira mukati nekuti ndikangorega kukiya chete ndinobatwa kuti ndiri kudzidza Ndakatanga kuvhura mabook. Eyi haisi life iyi yandiri kurarama ndakagara ndichiita assignment yangu kwemahour matatu. Zvichakadaro ndakanzwa munhu aigogodza ndakaviga mabook angu ndichinovhura ndakashamisika ndichiona ari Tafadzwa "Hey" ndakadaro apa aiva akabata plastic raiva nechikafu "Uri kudei pano?" "Ko haufanirwi kunyora assignment yako here?" Ndakaenda kunotora mabook. "Ndanga ndamaviga ndanga ndisingazivi kuti ndiwe" ndakadaro ndichikiya door "Ndakuvigira chikafu ndinoziva wanga uchifunga burger" "Thanks" "Wave kupedza here?" "Ehe hazvifanani waziva sei kuti ndiri kunyora assignment?" "Forget about that" "Thanks nezvinhu zvawandivigira" "You're welcome" "Unoziva handikwanise kunyora ini pane munhu pedo neni" "Wave kundidzinga?" "Ayewa handisi kukudzinga I was just saying" "Okay see you later" "Okay thanks" Tafadzwa akaenda ndakadzungudza musoro. Handichazivi kuti Tafadzwa kuti munhu werudzii manje aah vanhu vanoshamisa panyika ino. Munyaradzi Ndinoona sekunge Ane haasisina mufaro manje. Yes haana kumbobvira akafara nekuva pano asi zvamanje zvava worse. Handizivi kuti ndofanirwa kuita sei kuti afare uye aone kuti ndinomuda. Pandakadzoka ku town ndakaenda mu room make ndakamuwana akagara pa bed "Ane" "Hmm" "Uri sei?" "Mushe sei iwewe?" "Ndiri right ndanzwa kuti uri kunzwa mudumbu" "Yah wanga uchirwadza asi ndamwa mapiritsi wava nani now" "Ohh okay ndanga ndakuvigira amwe aya" ndakadaro ndichimupa plastic "Ndinotenda " "Anenyasha " Akanditarisa "Ndinokuda Ane uye ndinokuvimbisa ndichava newe kwehupenyu hwangu hwese" "Zvinonakidza kuva nevakadzi vaviri hanti?" "Nei uchidaro?" "Ndiri kungobvunzawo hangu" "Aewa hazvinakidzi pari zvino zvinondirema asi ndinokuvimbisa zvinhu zvose zvichafamba mugwara" "I know" Ndakakurura shangu sezvo ndakurara. Ane akanditarisa "Chii?" "Ndinoziva kuti zvandichataura zvinogona kusapinda mushe kwauri but please" "Please yeyi?" "Nhasi handisi kunzwa mushe besides dumbu ndokumbira unorara Kuna Mai Jayden zvanhasi" "Handina zvindichakuita ini" "Please Zvayi" Ndakamutarisa kwenguva yakareba ndichibva ndasimuka ndichibuda ndichienda Kuna Mpume "Asi pane zvawakanganwa?" Mpume akabvunza "Ndauya kuzorara" "Ko Ane?" "She need space" "Space" "Ati haasi kunzwa mushe Saka anoda kuva ega" "Ohh okay" "Good night" ndakadaro ndichipinda mumachira ndichirara Anenyasha Zvinhu zvandaita I know Munya zvamurwadza asi neniwo hapana zvandanga ndichikwanisa kuita ndinofanirwa kuverenga. 12 yehusiku yakachaya ndiri busy ndichingoverenga. Ndakanzwa munhu aigogodza "Ndiani?" "Ndini Taffy Ane vhura" Ndakashamisika Tafadzwa nguva dzino. Ndakaenda kunomuvhurira "Tafadzwa dai Munya anga aripo uchigogodza nguva dzino?" "Rongedza mbatya dzako tiri kuenda" "What?" "Ndati rongedza mbatya dzako tiri kuenda manje" "Asi b--" "Unoda here kurarama life iyi?" Handina kumupindura "Uno enjoyer life ye barika here?" "Aewa" "Saka hande" "Asi baba vach--" "Hapana zvichaitika pana baba vako hande" Ndakaenda pa wardrobe ndichitora mbatya dzangu. Tafadzwa akandipa envelope mukati maiva nebepa raiita se file "Chii ichi?" "Divorce paper sayina uchasiya pamsoro pe bed Munya achariwana ipapo" Ndakatora bepa ndichisayina ndichiisa pa bed. Taffy akatora bag rangu ndichimutevera tichienda kumota. Ndakapinda mukati asi ndaitya, ndaiita kurohwa nehana. "Tikuenda kupi?" "You trust me right?" "Yes but tikue-- "Good" Tafadzwa akadaro achimutsa mota tichienda kwaizivikanwa naiye chete Taffy akarova mota kusvika tapinda mu town. Chii chaizvo chandiri kuita? Ndingatora decision just like that? What if pachizoitika something Pana baba. Iko vachanzwa sei kuti ndatiza? No ways kutiza hakuiti "Tafadzwa misa mota" "Why?" "Ndati misa mota Tafadzwa" "Chiiko Ane" "Ndidzosere kumba" "Huh!!" "Ndati ndidzosere kumba" Hauchadi kurarama life yako? Hauyidi freedom?" "Ndozvida zvose izvi asi kwete nenzira yakadai ndidzosere kumashure " "Unopenga here Ane?" "Yes ndopenga ndidzosere kumba. Handidi kuenda especially newe" "What do you mean " "How can I trust you Tafadzwa? Kuvimba munhu akafanana newe, munhu anongorara chero nemusikana upi zvake. Huh!! Mukomana anoita zvinhu zvisinganzwisisike!!" "Ndezvipi zvinhu zvisinganzwisisike zvandiri kuita ini? Look Anenyasha ndiwo mukana ugu haudi wakawana zve umwe baba usanetseka navo hapana zvichaitika pavari" "Handingakwanisi kufamba nemhondi ini" "Ndiri mhondi ini?" "Yes Fanuel Zvayi hanti paunoita hunhubu hwako unoshandisa Fanuel Zvayi. Unoda kunondiisa pama drugs Ako!!!!" Tafadzwa akaridza tsamwa achirova steering "Anenyasha!!!" Tafadzwa roah ndakajamba ndichivhunduka "Ndichakudzosera kumashure asi ukangokumbira zve rubatsiro rwangu ndichakupa gwati rembama" Handina kumupindura akamutsa mota akudzokera kumashure "Nxaa kubatsira mapenzi" Aewa handingaiti zvinhu zvakadai what if zvichizondiomera kumberi? Ndichachemera Ani? . Tafadzwa aipupuma furo nehasha . Takasvika kumba ndikabuda mumota ndichipinda mu room mangu ndichibudisa mbatya ndichidzidzorera pa wardrobe. Tafadzwa ndakamusiya mumota. Ndakatora divorce paper ndichiisa pama file angu ndichikwira pa bed ndichirara asi hope dzakaramba kuuya ndakatozoita zvekutamba music nema earphones kuti ndisafunga zvandanga ndakuda kuita Makuseni chinhu chandakatanga kuita kutsvaga Munya kusvika ndamuwana "Asi pane zvaitika?" Munya akabvunza "Ndokumbira kutaura newe private" ndakadaro tichienda mu room mangu tichigara pa bed "Munya kubva zvandakauya pano handina kumbobvira ndakambo complainer nechinhu unondibata zvakanaka uye I appreciate zvauri kundiitira hapana pandingati wakambondirwadzisa" Munya akanditarisa achishamisika. "Ndinoziva kuti zvinhu zvandichataura zvinorema asi ndokumbira kuti u understand (e)" "Ndogara ndichi understand (a)" "Zvayi ndakutadza manje ini imba ndaitadza ini life yandiri kurarama haisiriyo yandaida kurarama handichakwanisi kumanikidza manje. Ndokumbira undisunungure please " "Ane unoziva here kuti ndinokuda?" "Kundida kwako hakubatsiri chinhu Munya. Saka ini ndakufanirwa kurarama life yako nekuti iwe unondida?" "Chii chandatadza kwauri manje? Kudzosa Mpume kwandaita here?" "Aewa hazvisirizvo chero paaiva asipo ndaiva ndisina mufaro asi manje zvava worse I can't anymore " ndakadaro ndichigwadama mberi kwake ndichibatanidza maoko "Please Munya ndokumbira undisunungure handifi ndakafara pamusha pano" Munya akatarisa mudenga "Asi uchiri mukadzi wangu" "Tinozvichinja Munya tinoita divorce " Munya akanditarisa achivhura maziso "Divorce?!! Hakuitwi divorce Kwa Zvayi " "Ndiuraye munyaradzi handichadi zvepano ini divorce ndiyo yandava kuda" ndakadaro ndichisimuka ndichibuda ndichienda ku kitchen ndakawana vana Maidei vachigadzirira breakfast na Mamoyo vaivapowo ndakaswedera pavari "Mambokadzi uri right?" Mai Munya vakabvunza "Aewa handisi right mhamha " "Chii manje" "Ndakutadza ini mhamha zvepano ndazvitadza" "Unorevei kanauchiti wakutadza" "Handichadi kuva pano handisi kufara nekuva pano " "Asi pane zvaitwa na Munya zvausingafariri?" "Handina kumbobvira ndakafara pano mhamha" "Ndokumbira utaure na Munya umunzwe anoti kudii" Ndakatarisa pasi handina kupindura "Ndokumbira usakurumidza kutora decision yauchazvishora nayo" "Ehoyi" ndakadaro ndichienda mu room mangu ndakawana Munya asisipo ndakazvikandira pa bed ndichichema Handichadi kuva pano ini. Ndakatora foni yangu ndichichema ndichifonera baba "Baba ndaneta manje ini handichadi kuva pano" "Dzababa heey heyy usachema vakuitei?" "Hapana baba handichadi zvepano handina kumbobvira ndakada kugara pano now ndaneta ndokumbira muuye kuzonditora " "Okay okay ndiri kuuya" "Shuwa here baba?" "Kana zviri izvo zvauri kuda ehe ndiri kuuya kuzokutora" "Ndinotenda baba" ndakadaro ndichikata foni. Portia aiva akamira pa door ndakakurumidza kupukuta misodzi akaswedera pandiri Mainini muri kuchemei?" "Handisi kuchema nana ndikunzwa musoro" "Manga muchitaura na baba venyu muchiti vauye kuzokutorai hamuchadi kugara pano isu makutisiya here" "Aewa ndichakushanyirai" "Yes yes" Portia akadaro achibuda Hours later It's been a hours ndafonera baba, ndakanzwa mota yaidhuma panze, ndakanodongorera nepa window ndakaona vari baba vaipinda pamuzinda. Ndakarohwa nehana. I wonder chii chichaitika Mwari wangu? Ndaneta ini nezvepano handichadi. Dai vakandibvumira kuti ndiende. Zvichakadaro mushandi akapinda achiti ndiri kudamwa kumuzinda. Jesus ndaiva ndoita kubvunda chaiko handizivi vachati kudii End of chapter