Chapter 2 NARRATING Munyaradzi ari kutadza kuzvibata netsvarakadenga yaaona kurwizi, munzira ari kungoonekwa achinyemwerera ega "My king kubva manyemwerera kudaro kunge mupfanha mudiki kwakanaka here?" Jinda rakabvunza "Eish Fatso haungazvinzwisisi zvandiri kunzwa mukati. Idai so Fatso ndokumbira uende kumba ndoda kumbofurwa nemhepo ndiri ndega ndichauya kumba kana ndaneta nekugara pano" Munyaradzi akadaro Fatso akanyemwerera. "My king" Fatso akadaro achienda Munyaradzi akanogara padombo raiva pedo nemuti aingonyemwerera asinga pedzi paaifunga nezva Anenyasha. Vakawanda vasikana vemudunhu rino asi vamwe haavazivi vazhinji vacho anovaziva. Anozvibvunza achizvipindura kuti tsvarakadenga yakanaka kudai inobvepi ndikare achimbeya achitsvaga munhu waanoda achimushaya ndikare achichatiswa nevanhu vaasina mafeelings navo. Aiva akagara padombo achiyeva miti neshiri dzaibhururuka mumaziso epfungwa aioa zvakawanda aizviona ava nemusha naAnenyasha wake vachikwira mugomo vachinokacha shomho vachitanha shumha, matohwe, nyii zvevanhu vari kufadzana. akatarisa shiri dzichibhururuka dzichimhara. Aizviona ava nemwana wekwaZhou achinyemwerera mazino ake machena achibuda pachena, anofunga zve ari mugomo naAnenyasha vakabatana maoko. Munyaradzi haasi mukomana uya wekuti anoendesa mudiwa wake munzvimbo dzechirungu dzakaita sana Landon, Dubai, Paris iye kana aenda kugomo achiona runako rwemiti nemhuka zvakangodaro daro anenge atoitira mudiwa wake zvihombe. Vakaenda musango voteya mhuka neshiri vachidzibata vachigotya musango vachidya kwaari zvinenge zvitori zvinhu zvihombe. Zvechizvino zvino vanoti ipicnic naiyevo kana apinda mugomo nemudiwa wake vakadya muchero nezvimwewo zvakasiyana siyana ndiyo picnic yake. Asi Kuti achazvibvuma here Anenyasha? hupenyu hwekumaruva achahukwanisa here ana kuti iye anoda hupenyu hwemudhorobha? kuti ava ready here kuti aite mukadzi wekwaZvayi akurise musha wekwaZvayi? Aingonyemwerera mwana wekwaZvayi ainzwa sekunge atova nemukadzi Anenyasha dzaMunyaradzi Munyaradzi akadaro achinyemwerera "What if akatorwa? but no anogotorwa sei ini ndiripo ndichimuda hakuna zvakadaro" Munyaradzi akadaro ❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️ On other side Anenyasha naiyevo aiva akazvivharira muroom make achifunga zvinhu zvaiva zvaitika kurwizi akaerekana ava kuchema "No no no ndoda kudzidza ini mukomana uya anga achirevei paati anoda kundipa moyo wake ini ndimupe moyo wangu. No im still your for marriage, I want to persue my dreams I want to travel to the wild world" Anenyasha akadaro achisimuka achimbeya mumba make Ndoda kuona nyika yose ini I want to experience to some other staff that I don't know and see different things. My first wish is to visit Paris, Dubai all over the continent. no ways handingati ndakazvarirwa pano ndobva ndaperera pano no hakuna zvakadaro. This is not the life that I want to live ndofanirwa kutaura nababa ndidzokere kuHarare. Dai zvaibvira ndatodzokera nhasi ANENYASHA Ndakagara kudaro pamubhedha ndakanzwa mota yababa ichipinda pagedhi pavakangopinda mu room mavo chete ndakamhanya ndichienda kwavari "Princess unenge une zvauri kufunga kwakanaka here ?uye unorakidza kuti wanga uchichema?" Baba vakabvunza "Aewa baba chete ndiri kunzwa musoro" "Wamwa mushonga here?" "Aewa wangova musoro wenguva diki wapora hawo" "Okay mwanangu" "Baba pane zvinhu zvandinoda kukubvunzai" "Chii manje mai Mushavi?" Baba vakabvunza vachinogara pamubhedha ndakavatevera neniwo ndichigara pasi "Ndichaita example yenyu namhamha vangu" Pandakataura nezvamhamha vakanyenwerera "Ndakateerera princess" "Baba let's say mosangana namhamha munzira mobva mavaudza kuti munoda kuti kuchinjana moyo ivo vokupai wavo imwi motora wavo zvinenge zvuchirevei izvozvo baba?" Baba vakandiseka vachinditarisa. "Princess pane munhu ambotaura izvozvo here kwauri?" "Aewa baba ndiri kungo bvunza chete" Baba vakabva vaseka. "Kana ndichidaro ndinenge ndichireva kuti ndinoda kuti uve wangu iwe utore moyo wangu ini ndotora wako kutokuroora zve uku mwanangu" baba vakadaro ndakabva ndatarisa pasi "Nei wabvunza mubvunzo iwoyo?" "Aewa baba handiti munoziva kuti ini ndoverenga manovels mufoni mangu saka ndangosana nazvo mune rimwe nov ndanga ndisina kunzwisisa" "Okay ndiri kukunzwa mwanangu, nezuro waiitei kuma1 ndakaona muroom mako makabatidzwa mwenje?" "Oooh baba pane zvinhu zvandainyora" "Ndinodada newe mwanangu ndiri sure kuti mhamha vako pavari vanodada newe" Ndakabva ndanyemwerera. "I wish dai vachiripo panyika handiti dai zvichinakidza here" "Neniwo ndinovafunga mhamha vako mwanangu unoziva kana ndakakutarisa ndinoona ivo chaivo pauri newewo wakanyanya kufanana namhamha vako" "Munhu wese anodaro baba anoti ndinofanana namhamha. Munondishamisa kana muchiti chero zviito zvangu ndimhamha" "Mai vako chaivo asi makazosiyana pashoma hapo" "Papi pacho baba?" "Mai vako vaiva musikana wemutown kuHarare akakurira kuHarare asi paakangotanga kudanana neni akatanga kudzidza hupenyu hwekumamisha. Uye akadzidza kusvika adarika vanogara kumamisha. I manje wewe unoratidza kuti hupenyu hwekumamisha ayy haukendeke" baba vakadaro vachiseka "Neniwo ndinozvida zvinhu zvekumusha baba asi ayy zvinobva zvatoita worse zvimwe zvinondikurira ini" "Une ropa rekutown mwanangu handizivi kuti nei nekuti wakakurira kumamisha" "Maivada zvakanyanya mhamha?" "Kudarikidza mwanangu" "Kana zvakadaro nei makazoroora umwe mukadzi ivo varipo?" Baba vakabva vatarisa pasi. "Haunganzwisisi mwanangu" "Ndiitei ndinzwisise baba" "Isu kumamisha kuno mutemo unoti murume anofanirwa kuva nevakadzi vaviri" "Ooooh nzvimbo ino veduwe, ko nei ine mutemo wechinyakare?" "Ndizvo zvinhu zvakaita kuti nditore mukadzi wechipiri" "Okay baba ndokumbira ku zorora muroom menyu kana ndakarara muno ndinonzwa runyararo" "Rara hako mwanangu" baba vakadaro Ndakabva ndakwira pamubhedha wababa ndichirara. After some minutes mhamha vakasvika ndakanyebera kurara "Mushavi" mhamha vakadaro "Sshh mwana akarara uchamukanganisa" baba vakadaro Mhamha vakavhura maziso. "Mwana ?akarara! Ndiani mwana, Anenyasha?" Mhamha vakabvunza "Ehe mwana uyu" baba vakadaro "Mushavi wakatanga rinhi kuti mwana arare pamubhedha wako, zvakatanga rinhi zvekuti tirege vana vachirara muno pane mwana here pamusha pano ane mvumo yekupinda muroom mako kunze kwekuti kana adamwa nemwi chete kana kuti mamutuma? Kuzorara aewa mazvinyanya baba" "Akaneta saka zvanga zvisingaite kuti ndimurambidze, kunze kweizvozvo Anenyasha kwandiri achiri mwana" "Akaneta? akaneteswa nei? Mushavi musabata mwana nenzira yakadai munoziva chinhu chandakaona pamuri uyu mwana ndiye anodiwa kudarika vamwe vana" "Mai Sarah hakuna mwana anodiwa kudarika vamwe vana. Vana vangu ndinovada zvakaenzana uye Anenyasha usamufananidza nevamwe vana rugotwe rwangu urwu" Ndakabva ndanyepera kumuka. "Oooh sorry sorry mai Mushavi nekukuitira noise" baba vakadaro "Aewa ndanga ndatomuka baba" ndakadaro ndichivhura door Ndoshamisika kuti sei mhamha vasingandidi ndakasvika muroom mangu ndikawana Anengoni akagara pamubhedha "And then iwe Ngoni?" Akabva aseka. "Kubva wandisungira huso kudaro vakuitei kwauri kubva?" Ngoni akabvunza achiseka "Handiti ndimai vako ivava unoziva ndinombozvibvunza kuti mhamha nei vasingandidi" "Vaitei?" Ndakabva ndamuudza nyaya yose "Unovaziva kuti mai vako vakaita sei asi pane zvinhu zviri kukunetsa iwe?" Mukoma wangu ndiye chete munhu wandingakwanisa kuudza nyaya iyi. Handikwanisi kumuvanzira chero kuchinzi zvinonyadzisa sei nekuti naiyevo anondiudza nyaya dzake. "Ndimambo Munyaradzi ati anoda kundipa moyo wake ini ndimupe moyo wangu" Pandakadaro Ngoni akapera nekuseka. "Uri kusekei manje?" "Unoreva Munyaradzi Zvayi?" "Ehe ndiye wandiri kureva" "Weee anga achitamba newe harahwa yose iya mukoma wako uya anoenzana naKurai anga achingotamba newe iwe ukazvitora serious" "Anga asingatambi Ngoni anga achitaura chokwadi" "Anenge achipenga kaa" "Handidi ini Ngoni kuroorwa naMunyaradzi ndinofanirwa kupedza chikoro" "Usazviisa mumoyo newewo Nyasha unoziva kuti baba havanga zvibvumi" Ndakabva ndanyemwerera. "Yaaa ndinozviziva" "Good my twin sister" Ngoni akadaro "Okay uri kudei iwe pano ndinoziva kuti unoda something?" "Yaa wandibata, ndiMitchell ari around" "Mitchell mukadzi wangu?" "Ehe asi haana kukuudza?" "Oooh ndaiona video call yake asi handina kuidaira ndanga ndiri busy handiti unoziva kana ndiri kumusha handina nguva yefoni zvino ndazokanganwa kumufonera back" "Okay kune event yake kuno yaanga avinga pari zvino ari kuhotel saka ndinoda andishanyire" Ndakabva ndaseka. "Saka nei usinga endi kuhotel?" "Handidi kuenda kuhotel ini nekuti ndine kumba kwedu ndosaka ndichida rubatsiro rwako" "Ayy rubatsiro rwei manje?" "Ndoda utaure nababa unyebe kuti Mitchell ishamwari yako yekuHarare uchaona newevo kuti uchadhingura sei pfungwa sei" Ndakabva ndaseka. "Handiti unoziva kuti ndinotengwa nei?" "Haaa iwe ndichakuvigira burger yako maan" "Good ndichataura nababa" "That's why I love you" Ngoni akadaro achibva abuda Ndakatora foni ndichibva ndapinda pafacebook asi stranger yangu yaiva isina zvayataura "Hello stranger" ndakamumhoresa akaita sekunge anga akagara akamirira ini "Woow ndageza kupi nhasi ndichimhoroswa newe beautiful" Charmer akadaro "Ndine hunhu kaini" "I like that" "I know kuti uri stranger asi ndinoda advice yako" Akabva asenda zvima imoji zvekuseka "For free uchaiwana advice yangu" "Thanks. Manje pane munhu ati kwandiri anoda kutora moyo wangu ini ndotora wake" Akabva aisa maimoji ekuseka "Wooow Moyo uyo unofanirwa kuupa Lucky Charmer chete kwete umwe munhu" "Nxaaa hauna zvaunondibatsira nazvo iwe ndakubuda pafacebook" ndakadaro ndichitobva pafacebook Hameno neniwo ndanga ndichivimbei kubvunza munhu wandisingazivi advice NARRATED Munyaradzi akasvika kumba kwavo achingonyemwerera apo akabva asangana naTichaona "Heee Zvayi chii chiri kuitika pauri? kubva wanyemwerera kudaro?" Tichaona akabvunza "Eish nyarara hako I think ndawana munhu anodiwa nemoyo wangu" Tichaona akabva aridza muridzo achindikwazisa "Aaaaa kana zvakadaro inyaya dzinofadza kaidzi" "Ndinofanirwa kutaura nababa" "Rega ndingoti makorokoto Zvayi" Tichaona akadaro achienda Munyaradzi akaenda kumuzinda akadana Fatso kuti amukumbirire vanhu vakuru vasvike vose. Pasina nguva vanhu vaiva vatoungangana "Zvayi hanzi uri kuti dana?" Mambo vakabvunza vakatarisa Munyaradzi "Mambo wangu" "Mwanangu nyaya dzawauya nadzo dzinofadza ndinoona nehuso hwako" Jinda guru rakadaro "Ndinofunga kuti inyaya dzinofadza zvakanyanya kudarika nyaya dzose dzamunombonzwa" Munyaradzi akadaro achinyemwerera "Takateerera" Mambo vakadaro "Ndamuwana mukadzi wangu" Vanhu vose vakavhunduka vamwe vakafara "How Zvayi uri kuti kudii manje?" Mambo vakabvunza vachinyemwerera "Zveshuwa Zvayi ndamuona ndikataura naye asi ane kakunyara kaainako Zvayi ndiye mukadzi wangu uya ndiye mambokadzi" Munyaradzi akadaro "Ewuu inyaya dzinonakidza kaidzi" mai Munyaradzi vakadaro "Mwanangu ndinofara newe ndewekupi mwana wacho?" Mai Ethan vakabvunza vakamonya muromo "Ndewe muno mudunhu asi pari zvino handinga kuudzii zita rake nemutupo wake muchaona ndava kumushara pamazuva maviri ari kutevera pachaitwa mabiko ndipo pandino mushara" Munyaradzi akadaro "Ewuu tatomirira nemaziso matsvuku" mambo vakadaro ---------------- Zvinhu zvose zvakataurwa naMunyaradzi hazvina kusvika zvakanaka kuna mai Ethan sezvo vaida kuti mwana wavo Ethan ave iye anotora humambo. Madzimai amambo akabuda achienda mudzimba dzavo mai Ethan naivowo vakaenda muroom mavo vakasvika vachitora foni yavo vachifona "Hey kwauya zve dzimwe nyaya kuno" mai Ethan vakadaro "Taura tinzwe nyaya dzacho" "Munyaradzi atiudza kuti ava murudo pane musikana waaona" "What,? ndiani musikana iyeye hanzi ndewekwani?" "Haana kutaura asi izvi ndizvo zvaataura kuti awana musikana waada" "Saka zvinoreva kuti mwana wako haachaiti mambo ka?" "Mwana wangu achachiwana chigaro uri kundinzwa vachida vasingadi ndiye achaita Mambo" mai Ethan vakadaro vachikata foni Anenyasha Ngoni anofarira kundishandisa maan. But i dont have choice burger ndoida maan. Ndakatarisa baba vaiva vakagara pasi pemuti ndichibva ndadira mvura mu dish ndavaendesera "Baba ndakuvigirai mvura" ndakadaro ndichigara pedo navo" "Ndinotenda mai mushavi" "Baba ndokumbiravo favour yenyu" "Ndakateerera" "Pane shamwari yangu yeku harare now ari mu town anga auya ku modeling saka handidi kuti arare muhotera achitambisa mari ini ndiripo ndichikwanisa kumubatsira. Ndokumbiravo zve kana zvichibvira auye kuzorara pano ozoenda apedza zvaari kuita" "Ndizvo zvinodiwa izvi mwanangu kubatsirana naiyevo mangwana achakubatsira ngaauye hake" "Thank you so much daddy" "Nditume munhu anomutora here?" "Aewa Ngoni ati achapinda mu town saka achauya naye" "Ohk mwanangu" Ndakatarisa pagedhi ndikaona sisi sarah vachipinda nema ndakavamhanyira ndichivahaga vachiuya vachigara pana baba, vakamhorosana vakabvunzana hupenyu. Ini ndakazovasiya ndoenda kuna Ngoni ndichino demander burger yangu nekuti baba vaiva vabvuma. Ngoni akafara achindihaga. manheru akaenda kunotora mitchell neniwo pandakamuona ndakafara as my friend Narrated Sarah aiva akagara mu room make mai Sarah vakabva vapinda "Nhasi watifungawo mwanangu" "Haa mhamha hanti nemwivo mogara nemurume wenyu here" Sara akadaro vachiseka "Muri sei henyu mhamha?" "Handisi right ini sarah. Hanti ndibaba vako nehure ravo iri Anenyasha. Ndiye ava kuteererwa pamusha pano. Zvinhu zvose zvaanotaura zvinoitwa. Hona aunza shamwari yake kuti vazoita chihure pano baba vacho babvumira pamsoro argg maan" "Haa mhamha Ane rugotwe havateereri iye asi vanomuda chete" "Hayi hakuna zvakadaro. Unoziva nezuro ndafonerwa na mama Ethan vachindiudza kuti mambo mudiki awana mukadzi wekuroora" "Saka problem iri papi manje?" "Tine plan pano" "Plan yeyi mhamha?" "Kwa mambo vanhu vane zvinhu zvavo kana uri hama yeikoko mudunhu unenge une chiremera uye unenge uchiremekedzwa. Saka ndanga ndichida kuto zai ra mushavi Anenyasha aroorwe na mambo ndiko kuti agosiya chikoro chandisingazivi kuti ndecheyi" "Haa mhamha Anenyasha mudikisa kuna Munyaradzi. Munyaradzi muhombe chero kwandiri" "Hazvina basa izvo as long pfungwa dzakura" "But Ane achiri mudiki chero zviito zvake ndezvehumwana haangaiti mambokadzi mhamha" "Hauzivi chinhu iwe" "Saka Mambo zvaawana mukadzi muchaita sei" "Hapana zvandingaita ndanonoka hanti" ."ayy mhamha futi nemwivo ayy siyai nyaya dzevanhu" Sarah akadaro mai Sarah vakaridza tsamwa vachibuda ------------------- Kwa Mambo ibata wabata sezvo vachigadzirira sezvo mangwana Munyaradzi achidoma musikana waanoda kuroora. "Yok mangwana atondinonokera ndione kuti ndiani musikana asharwa na Mambo" mai Munyaradzi vakadaro "Neniwo asi ndinotya maiguru" Mamoyo akadaro "Kutyei manje?" "Maiguru vana vevanhu vanopera pano. Wese mukadzi anoda kuroorwa na Prince anofa pamwe Mama Ethan vaitaura chokwadi pamwe problem iri pana Munyaradzi madii machinja Mambo. Vana vevanhu vachapera vachipedzwa na Munyaradzi" "Hayi Mamoyo usataura uchidaro mwana wangu haana problem hamenho chii chaiitika paya but now ndiri kunzwa muropa kuti uyu ndiye wake chaiye uye hapana zvichaitika" "Hamenho maiguru tichaona nazvo mangwana" Mamoyo akadaro asi mumoyo make aionekwa kuti aiva nekakutya Anenyasha Hope hadzibati nhasi ndamboedza kutamba kwacho sezvo mangwana tichinotamba kwa Mambo ayy handizvigoni ini. Vamwe vasikana vamboedza kundidzidzisa heyy chiuno chanditi unonyeba iwe . nhasi tanorara kwa mbuya matohwe tichidzidziswa kutamba.. handizivi nei ndichirohwa nehana kudai but pachokwadi im scared kuti ndikutyei neniwo handizivi. Talenr akaswedera pandiri "Why uri down?" Talent akabvunza "Tale ini zvekutamba handizvigoni Ini ayy" "Uchadzidza chomie beside hazvisi zve everyday ka zvine mazuva. Hande tinotamba uko" Talent akadaro achindibata ruoko achondidhonza tichienda kwaiva nevamwe vasikana. Takasvika tichitamba ini ndaingoita zvandogona ayy ini kuva pano handitodi shame. Pfungwa dzangu dziri kune chipoko lucky Charmer hamenho why but i feel like ane nzvimbo mumoyo mangu. makuseni takamuka tichipfekedzwa mbatya tichibva taenda. Takawana vanhu vatozara isu takapinda pa stage tichitanga kutamba. After some ndakaona Munyaradzi achisimuka maziso ake akati njoo kwandiri. Mdakarohwa nehana zvekuti ndakasara padiki kubuda pa stage nditandanise mhepo madzimai akaridza mhururu pakasimudza Munyaradzi. Ndakasara padiki kuzviitira wiwi pandakaoma achinanga straight kwandiri. Vakandiitira ma sign ekuti ndigwadame hazviiti kuti ndisatevedzera mutemo wacho saka ndofanirwa kugwadama. Ndakagwadama misodzi yakuyerera. Ko neiko mukomana uyu ashara ini pavasikana vose vari pano? No ways handisati ndada kuroorwa ini. Ndoda kudzidza. Munyaradzi akaburitsa mari achiisa mberi kwangu achinyemwerera. Ndakatarisa baba ndichida kuti vauye kuzondibatsira kundibisa mumatakanana andiri. Munyaradzi akatanga kukanda mazakwatira emari mumusoro mangu achinyemwerera ndakamutarisa nehasha ndichida kumupa gwati rembama. Mhamha kana vari saivo ndivo vaiva nezwi riri pamsoro vachipururudza. "Mambokadzi" Munyaradzi akadaro achinogara pasi kwakauya vamwe vasikana vachindifukidza gumbezi vachindidira nezvimwe zvinhu zvandisingazivi. No ways ndakatadza kuzvibata ndichibva ndarasira gumbezi kwakadaro ndichimhanya ndakananga kumba kwedu. Ndakasvika ndichizvivharira mu room mangu ndichitanga kuchema This book is for free only muchiisa more than 50 reaction nema comments asi kana musingaisi hariuyi everyday rinopedzisira raenda pa sale so comnents and reaction guys end of chapter