Chapter 12 . Anenyasha Handisati ndamboenda ku Masvingo ndanga ndisingazivi kuti tichatora nguva yakareba kudai kuendako. I think tasvika kuka hwani husiku all I can say Tafadzwa anga achimhanya dai anga asingamhanyi hamenho taisvika nguvai. Now nguva dzava Kuma 4 tarara mumota hazvaiita kuti timutse vanhu vakarara. Tichanovaona kana kwachena. No ways ndakunzwa nzara ini mudumbu mangu muri kurira nzara chaiyo apa Tafadzwa Ari kutoridza magwiriri hake. Ahh hwaa ndiri kufa nenzara ini. Ndakabva ndamumutsa "Tafadzwa" "Hmmm" aitodaitira kuhope hake "Muka" "Kwaedza here zvawava kundimutsa?" "Aewa asi ndine nzara ini chikafu chandadya hamusisina mudumbu" Akamuka achizvipukuta kumeso. At least tiri pedo ne garage achaenda kunotenga. "Haa wandimutsa ndichitonakirwa nehope hangu" "I'm sorry asi ndine nzara" "Ndamboti handiendi here kunotenga chikafu" Tafadzwa akadaro achitora wallet yake "Ndikuperekedze?" "Aewa sara ndichaenda ndega," Ndakabvuma nemusoro achibva achibva aenda. After ten minutes akadzoka ne plastic achindipa. "Thank you" ndakadaro ndichivhura plastic. Chinhu chandakatanga kuona I burger "Waziva sei kuti ndofarira burger?" "Handizivi ini pamwe zvangonangana" "Hezvo burger pa garage?" "Kuseri kune chicken licken iripo " "Masvingo zvazvinhu" "Haudi here tiuye kuzotenga imba yedu kuno?" "Iwe nani?" "Newezve ndiani umwe Ari pano wandingataura naye?" "Unosvuta mbanje?" "Dzakandiramba" "Ndati pamwe wasvuta mbanje" Akanditarisa achinyemwerera. Ndakadya chikafu kusvika ndapedza. Akandivhurira juice ndikamwa. "Iwe hauna nzara" "Handidyi husiku ini" Pandakamutarisa mu trouse kumberi kwaiva kwavaka tent *Arggg maan Taffy siss" ndakadaro ndichimutendeka "Akazvitarisa achibva atendeuka achitarisa kune rimwe side "Good ndakurara ini" "Taffy Kuma four manje kwaedza ko toenda kunotora vana nguvai?" "Ayy Anenyasha ini ndichamuka Kuma 7." Neniwo ndakaedza kurara. Ayy I miss my bed ini kurara pachituro ratova drama. "Chiiko newe uri kushishinika?" "Handikwanisi kurara pachituro ini" Tafadzwa akaseka "Dai taenda ku hotera asi heey chanezuro tingapihwa kutorwa maphoto. This time ndingakuita zvimwe ndinoroverwa zviripo" "Tafadzwa unombotauravo zvinhu zvine musoro here iwe" "Good night mukadzi we brother yangu" Tafadzwa akadaro achiseka. Neniwo ndakabva ndarara ***** Ndakanzwa munhu akundimutsa nguva dzaiva Kuma seven "Takufanirwa kuenda" "Arggg ndanga ndichiti ndichakutangira kumuka" "Sorry sweetheart kwanga kuri kungofunga chete hazvina kuitika" "Handizvidi hangu kana uchiti sweetheart " "Sweetheart anorevei. Hanti anoreva kuti une moyo uri sweet" Ndakadzungudza musoro, Tafadzwa akamutsa mota takuenda kwaigara vana va Munya . Takasvika pane imwe imba. Taffy akatarisa address "Ndipo apa" Takabuda mumota tichipinda mukati. Paiva nevana vaviri. Mukomana angava nemakore gumi neimwe musikana angava nemakore matanhatu. Mukomana paakaona Taffy akavhunduka achimumhanyira achimuhaga "Superstar" "My Champion" Musikana aiva akamira, airatidza kuti hapana zvaaiziva. Ndofunga akabva Kwa Zvayi achiri mudiki "Jayden wakura kudai mupfana" Jayden akatarisa musikana "Portia huya uone daddy" Jayden akadaro Portia akamhanya achiuya Kuna Taffy achidanidzira kuti Daddy achimuhaga. "Poshy ava ndi daddy vedu vadiki daddy Havana kuuya" "Uri sei chimhandara changu?" Taffy akadaro "Ndiri right daddy" "Ava ndi mainini Anenyasha I shamwari yangu" Tafadzwa akadaro Takamhorosana nevana Tafadzwa achivambundira "Vari kupi mhamha?" "Vari mumba?" Jayden akadaro "Ohkay enda unovadana" Taffy akadaro achibuda ma chocolate muhomwe achivapa. Vana vakatenda. Jayden akaenda mumba, Tafadzwa akatora musikana achimugarisa pamsoro pake. Heey mukomana uyu anofanana na Tafadzwa zvakanyanya ndinobvuma ndi bamnini vake asi kufanana kwacho yoo kwazonyanya. After some minutes pakabudikira umwe musikana I'm sure ndiye mukadzi wa Munya.i wonder chii chakaitika kuti asiye Munya just like that. Ayy asi Munya apa aiva ashara akanaka mukadzi wee. "Tafadzwa" "Maiguru Mpume" Tafadzwa akadaro vachihagana "Wakura kudai Tafadzwa?" "Nei maiguru makaenda. Nei makatora vana Champion away for me. Munoziva ndinobhowekana sei kana vasipo" "I'm sorry boy asi situayndiyo yakaita kuti ndiende" Mpume akadaro vachihagana zve "Hona tangomhanyira kutaura tega hauna kuita ma intro Pana sisi" Mpume akadaro Ndakarohwa nehana ndichitarisa pasi "Ohh uyu ndi Anenyasha I shamwari yangu" "I shamwari kana kuti i-"Mpume akadaro achinyemwerera I wonder achaita sei pavachaziva kuti ndakaroorwa nemurume wake. "Takufanirwa kuenda maiguru tingazosvika late" "Haa mangogara two seconds here?" "Maiguru tauya kuzorora vana" Mpume akavhura maziso "Ini ndanga ndichifunga kuti wauya kuzovaona uchaswera navo wozoenda manheru" "Kumba vanovada maiguru. Kana sa Munya kubva zvavakaenda haasi right" Tafadzwa paakataura nezva Munya ndakaona Mpume achinyemwerera. Uhhm zvandichaenda pa barika sekutamba sekuseka. "Ari sei Munya " "Munya Ari right" "Hazviiti Tafadzwa vana vangu havaendi pamusha paya" "Champ ndokumbira muende mu room menyu" "No superstar wakuda kutisiya wodzokera kumba nesuwo toda kuenda kumba" "Aewa superstar handingaiti zvinhu zvakadaro" Vana vakasimuka vachienda "Maiguru ndokumbira mundiudze kuti nei makangobva kumba just like that?" "Handidi kutaura nezvazvo uyehandidi kuti vana vangu vaende pamusha paya. Ndichiri kuvada vana vangu" Takashamisika na Taffy "Maiguru ndokumbira kuti mundiudze chii chakaitika ndoziva kuti na Munya hamuna kurwa" Mpume akatanga kuchema achitiudza nyaya yose pamsoro pa mama Ethan "Ko nei mukadzi uya Ane hutsinye hwakadaro? I wonder zvingani zvinhu zvaakaita pamusha paya" Taffy akadaro "Mama Ethan ndi Satan chaiye haasi munhu" ndakadaro "Chinyararai gulezi hapana munhu achauraya vana . Chiendai munorongedza tiri kuenda manje" Taffy akadaro Mpume akavhura akatanga achiramba asi takamunyengerera kusvika abvuma. "Asi ini handiendi kumba kwenyu" "Okay maiguru muchasara mu thawundi" Akabva asimuka achinorongedza. Tafadzwa akanditarisa "Unovaona maiguru vako?" Tafadzwa akadaro achiseka "Tafadzwa siyana neni wanzwa?" "Apa unomira kuti ntsii. Hona g**o racho apa wacho idanda zvaro. Izvo zvimakumbo kunge uchadonhera pasi" "Tafadzwa siyana neni hanti ini ndichiri mudiki Saka neniwo muviru wangu uchakura nxaa" "Iyazve ko watotsamwa? Ndiri kutamba ini.i understand kuti good ratobata asi ini ndanga ndichizvitambigwa hangu" Munyaradzi Takagara as family tiri kudziya moto sezvo iri nguva yechando kunze kwatotanga kusviba "Nhaimwi ndiani andionera Tafadzwa ?" Mhamha vakadaro "Haa maiguru mungazvinetsa na gumbomutsvairo uyo" Ticha akadaro "Hayi mwana wangu ka kubva makuseni handina kumbomuona ini" mhamha vakadaro "Ichokwadi neniwo kubva makuseni handina kumbomuona chero chikafu chemakuseni haana kudya uye haana waaudza kuti Ari kuenda kupi" mamoyo akadaro "Akura Tafadzwa achadzoka. Muri kungozvinetsavo imwi" "Munya Ari kutaura chokwadi Tafadzwa agara kugara pasi kunomunetsa"mama Ethan vakadaro Tichiri kutaura kudaro. Ndakapera Simba nezvandakaona. Family yose yakasimuka. Vana vangu ka ava vandiri kuona. Zvinhu zvose zviri kuitika manje ndikunzwa sendiri kurota. Tafadzwa na Anenyasha vavatora kupi vana vangu? "Jayden.portia" ndakadaro ndichiswedera pavari ndichivahaga so tight "Haa vazukuru vangu muri kubvepi?" Baba vakabvunza Mhamha vaiva vakuyerera misodzi . ANENYASHA Wow it's so emotional Munya nenzira yaave paanoona vana vaka "Jayden, Portia" Munya akadaro "Taikufungai baba siku nesikati" Jayden akadaro "Papa" Portia akadaro "Manga muri kupi nguva yose iyi?" Munya akabvunza. "Munya haisi nguvayemibvunzo yakadaro" Mai Munya vakadaro vachivahaga. Ndakaona mama Keith vachivhunduka vaiona kuti nyaya dzavo dzakuzobuda manje Mamoyo naiyevo akavahaga pamwe chete na mama Ethan, ndakaona Taffy achichinja kumeso asi ndakamubata ruoko achibva anyarara sezvo anga akuda kutaura. "Vazukuru " Mambo vakadaro "Sekuru" Jayden akadaro vachihagana "Sekuru mhamha havana kuuya pano" "Haa nyarara Portia nei uchifarira kutaura?"Jayden akadaro vanhu vakaseka Shuu ndotanga kuona family iyi ichifara kudai. Ko hanti vanogara vari serious kunge vadya mhiripiri. Mai Munya vakaswedera pandiri "Mambokadzi ndinotenda zvakanyanya nekundidzosera vazukuru vangu. Handisi ndokutenda sei" Mai Munya vakadaro "Ibasa rangu mhamha musanditenda" "Taffy ndinotenda mwanangu nezvamaita na mambokadzi " Mai Munya vakadaro Munya akaswedera patiri. Eshuu I wonder anoda kuti kudii. Sometimes ndombomutya murume uyu "Handizivi ndokumbira sei ruregerero kwamuri. Nguva yose iyi ndaifunga kuti munoda kundirwadzisa izvo kwete munoda kundiona ndichifara ndinotenda zvakanyanya nezvamandiitira" "Aewa mashanda shuwa ndikare tichivatsvaga vana ava takasvika pakuneta imwi mavawana ne thuu seconds" Ticha akadaro. Mambo vakaswedera patiri "Family ino haisi chinhu kunze kwevana ava. Hapana chinhu chinofadza sekuoka vazukuru mashanda vanangu " Mambo vakadaro "Tinotenda baba" Taffy akadaro "Zvinhu zvakaitika pamasvondo adairi zvanga zvisingafanirwi kuitika isu taiti pamwe munoda kusvibisa Zita repamuzinda izvo munoda zvakanaka zvega pamuzinda aewa tinotenda vanangu" Mambo vakadaro Vanhu vakazofara vose vakahaga vana, takazovaudza kuti tavawana kupi. Vanhu vose vakashamisika asi hatina kuvaudza zvakaita vaende Mpume ndiye achavaudza kwakubuda mabasa a mama Ethan ose akaipa. Munya akatora vana vake achienda navo mu room make. Mufaro waaiva nawo hautsananguriki. Handisati ndamboona Munya achifara kudai Ndakamutevera kumashure ndikamira pa door. "Nhasi izuva redu moda kuti tiite sei?" Munya akabvunza "Tiende ku shopping tinotenga mbatya itsva"Jayden akadaro "Ko iwe Portia?" "Ndoda zvidhori zveku Masvingo handichazvidi" Munya akaseka achitarisa ku door. Paakandiona akaswedera pandiri "Hey" "Hie" "Chekutanga handizivi ndokumbira sei ruregerero uye ndokutenda sei?" "Ngatikanganwe zvinhu zvakadarika" "Thank you so much" "You're welcome" "Ndokumbira uende nesu tinotengera vana zvinhu zvavanoda" "Shuwa here?" "Yah" "Okay no problem" Takagadzirira tichibva tabuda, takadarika ku sitting room vanhu vose vakagara "Tichambopinda mu town tikunhongera vana zvinhu zvishoma" Munya akadaro "Zvinorumbidzwa muvatengere zvose zvavanoda" Mambo vakadaro vachiisa ruoko muhomwe vachibudisa Mari vachipa Munya. Tichibva tanopinda mumota . Munya akaimutsa takananga muthawundi Tafadzwa Ndachaira husiku hwese ndakaneta shame ndoda kurara nekuti ndakungorara chero ndakamira. Ndakaenda mu room mangu. Pandaiva ndakuda kurara Portia akafaona "Portia ndakaneta pane zvandanga ndichiita uri kundikanganisa" "Taffy nei mazuva ano uchidaro?" "Hayi Dineo ndoda kuzorora ini". Ndakadaro ndichikata foni. Eyy vasikana vanonetsa maan. Ndisati ndarara ndakanyorera Ane message Hey undivigire p--t rine chidhori pamberi Akabva atondipindura ipapo kunge anga akamirira ini Unodei? Chero chii chaunenge wandidira iwe Hapana chandinokudira Mr Charmer Ndakanyemwerera Wanditi kudii? Mr Charmer hanti ndiro Zita raunonyenga naro vasikana ku Facebook Point of correction randainyenga naro Anenyasha wa-- vamwe vasikana ndaivanyenga ne account yangu asi manje handichanyengi Nxaa unoda kuita Ani benzi Ko iwe uri busy nefoni hanti wabuda out nemurume wako Vari ku gymer vana ndaneta ndikare tichimbeya Ndakaseka Muchazvirega zvekuda kuzviita miss perfect step mother Wakundipengera manje Undivigirevo burger Handichadi Ndiri bamnini vako unofanirwa kuti pandotaura umhanye mhanye Tafadzwa handina nguva yako ini okay Okay asi burger yangu Akandi blue ticker haana kundipindura ndakaseka ndichibva ndarara ****** After some minutes ndakanzwa munhu akundimutsa "Taffy ndadzoka" "I knew it kuti uchandivigira chete" Haana kundipindura akangonditarisa "Thanks". "You're welcome" "Uri right Ane?" "Yah" Ane akadaro achisimuka "Ane" Akangonditarisa "Sure sure uri right?" "Yah" Ane akadaro achibuda I wonder kwaitikei.vasikana nema moods ayy Nompumelelo Hope hadzibati ndichingofunga vana vangu. mama Ethan anokwanisa kuita chero chii pavana vangu. Ndakatora foni ndichifonera Taffy "Maiguru" "Sorry Taffy nekukumutsa" "Handina kukotsira hangu" "Vana vangu vari right?" "Don't worry gulezi vana Munya hapana zvaachavaita" "Ndotya Taffy Munya haazivi chinhu Pana mama Ethan" "Don't worry gulezi hapana zvichaitika" "Okay gulezi musatya" Taffy akadaro tichionekana ndichied,a kurara Anenyasha Mangwana Taffy akandifonera achiti Ari kuenda kuhotera Kuna Mpume kana ndichida tiende those. Zvagara handisati ndadzokera kumuzinda ndichadzokera mangwana. Ndakagadzirira ndichibva ndaudza baba kuti ndiri kuenda mu town. Ndakabuda mota ya Taffy yaiva uatondimirira. Ndakapinda mumota tichienda. Mpume aiona TV. "Gulezi" "Hy guys" "Maiguru yava nguva manje yekuti family izive kusviba Kwa Mama Ethan " Taffy akadaro "Ndotya Taffy " "Mofanirwa kutaura chokwadi maiguru" "Munya ava nemukadzi here?" Takatarisana na Taffy "Izvo ngatimbozvisiyayi gulezi hazvina kukosha pane zvandiri kutaura" "Ohk ndokumbira mundipe two days coz I'm scared" "Okay after two days no turning back " Taffy akadaro Takazotandara kusvika nguva dzekuti tiende dzachaya. Takabuda tichinopinda mumota. Taffy paaiva akumutsa mota foni yake yakarira akabuda achinodairira panze. After some minutes akadzoka akumhanya achifemuruka "Ndokumbira kuti ukwire kombi kune kwandoda kumhanyira" "Ndekupi ikoko?" "Anenyasha please!!!" Taffy akadaro nehasha "Ohk ohk there is no need yekuti undituke Tafadzwa Zvayi" ndakadaro ndichibuda. Pandakamgobuda akamhanyisa mota kunge mupengo. I wonder Ari kuenda kupi ******* Nguva dzava Kuma 8 husiku Munya akauya kuzonditora tikaenda kumuzinda. Takawana vana vakarara mukamuri medu "Ahhm ndichanorara mine rimwe room ndikupe nguva nevana" "Are you sure?" "Yah vakarara handidi kuti uvamutse" Akandiperekedza tichienda mune rimwe room. Patakasvika akandiswededza paari "Thanks again" Handina kumupindura ndaiva ndakunyara. Akandi Bata chirebvu achinditaridza kwaari achitanga kundikisa. Takakisana kwenguva yakareba kusvika andikurura mbatya. Ndakavhunduka paakandiradzka pamubhedha. "Uhhm I think vana vakakumirira" ndakadaro ndichimubisa pandiri "Ahhm I'm sorry" Munya akadaro achibuda ndakanovhara door ndichizvikandira pa bed.noooo ***** Ndakapepuka ndichinzwa nyora pandakatarisa mu room mandakarara maiva musina mvura. Ndakamuka ndichienda ku kitchen. Ndakamira kudaro ndakanzwa munhu aipinda. Ndakavhunduka ndichinohwanda sezvo mwenje ndaiva ndisina kuubatidza. Munhu uya akanovhura fridge. Pandaona Ari Taffy ndakabatidza mwenje . Tafadzwa akavhunduka apa nguva dzava Kuma two. "Ane nei kundivhundutsa?" "Uri kubvepi nguva dzino Tafadzwa?" Ndakavhunduka zvakanyanya pandakaona hembe yaakapfeka ine ropa "Tafadzwa iropa Rani iri?" Akabva azvitarisa achibva atobuda ipapo "Good night Anenyasha" Ndakavhura maziso. Tafadzwa Ari kubva kupi nguva dzino? Apa Ane ropa. Aewa nyaya iyi haindipi peace ndakamutevera mu room make aiva asina kukiya ndakapinda mukati "Anenyasha uri kudei?" Ndoda kuziva kuti ropa iri wariwana kupi?" "Tanga tichiba mbudzi tikaidya iropa racho iri" "Usandiita benzi Tafadzwa iropa remunhu iri" Foni yake yakarira akaitarisa achibva andidhonzera panze achikiya door. Ndakamunzwa achitaura asi aitaurira pasi "Tafadzwa ndivhurire" Haana kuvhura "Okay ndakunouudza mukoma wako kuti hembe yako ine ropa remunhu" Akabva atovhura. "Anenyasha problem yako iripapi? Uri kudei munyaya dzangu?" "Problem yangu iri pakutii love you Taffy---" Ndakazvibata muromk hamenho ndazvitaura sei izvi. Akabva andidhonze panze "Unondijairira iwe" Tafadzwa akadaro achibuda neni "Hapana anofanirwa kuziva nyaya iyi Anenyasha wanzwa? Dzidza kuvharwa murimo wako" Tafadzwa akadaro achichata door Ndakasara ndakangovhura maziso. Ko zvinhu zvandataura zvabvepi no ini munhu wandinoda ndi Munya. I love Munya, only Munya Guys I know book morifarira asi kana ndiri busy understand guys pane zviri kuitika pandiri that's why ndisingakwanisi kunyora book richatanga kuuya everyday Monday ndopandinenge nda free End of chapter