Chapter 32 Mpumelelo Ndakamhanyira kuward sezvo ndaiva ndisingazivi kuti chii chiri kuitika pana Popo asi ndakazotura befu pandakamuona akagara pedo nambuya vake mai vaMunya pamwe chete naMamoyo. "Popo mwanangu uri right here?" "Mhamha" Ndakaswedera paari ndichimuhaga. Munya naiyewo akapinda Popo paakamuona akafara zvakanyanya "Baba" Popo akadaro Munya akaswedera pana Popo achimuhaga. "Mwanangu, musikana wangu ndepapi paari kurwadza?" Munya akabvunza "Wava sei Popo ndepapi pari kurwadza?" ndakabvunza "Hapana pari kurwadza" Popo akadaro Zvichakadaro doctor akapinda "Mwana wangu anei doctor?" ndakabvunza "Mwana tamutarisa asi hapana zvatawana mudumbu make" doctor akadaro Ndakashamisika. "Hezvo haungatiudzi kuti hapana zvamaona pamwana iye anga achirwara" Munya akadaro "Munya haisi nzira yekutaura nevanhu vakuru iyi. Zviri pachena kuti mwana ari kurwariswa nevadzimu" Mamoyo akadaro Ndakavhunduka. "Vadzimu?" Ndakavhunza "Neniwo ndinoona sekudaro mwana anga achifa uyu patabva kumba hazvingaitiki kuti ave right manje" mhamha vakadaro "Ndakamuudza Mpume kuti mwana wangu asenda kumba kwavo" Munya akadaro "Unorevei kana uchidaro unoda kuti udza kuti mwana haachafanirwi kunoona mai vake vakamubereka. Uri kunzwa zvauri kutaura here Munya?" Mamoyo akabvunza "Ehe Munya wakanganisa ipapo" mai Munya vakadaro "Why baba musingade kuti ndishanyire mhamha?" Popo akabvunza Aaah ndanga ndatokanganwa kuti tiri kutaura zvinhu izvi mberi kwemwana takabva tanyarara tose "Imbozama kuzorora muzukuru wangu" mhamha vakadaro "Ini ndoda kugara nadaddy namhamha" Popo akadaro "Look my baby nda......." Munya haana kupedza kutaura "Ndinoda kuti tiende kumba tose ndinoda kuona mukoma wangu Jay" Popo akadaro "Okay my baby uchaenda kunoona mukoma wako" mhamha vakadaro "Ndinoda kuenda namhamha nadaddy ini" Popo akadaro Ndakanzwa hasha. "Portia unopenga here" ndakadaro nehasha "Hayi Mpume usatuka mwana wangu uchidaro" Munya akadaro achigara pedo naye "Okay my baby tichaenda kuna mukoma wako nhaika" Munya akadaro "Tichaenda namhamha hanty?" Popo akabvunza achinyemwerera "Ayewa mhamha vacha......." Munya haana kupedza kutaura "Ndinoda kuenda namhamha ini" Popo akadaro "Hamunga pikisi mwana zve" Mamoyo akadaro "Unoziva here kuti zvinhu zvakadii? Unoziva here why achitaura achidaro?" Mamoyo vakabvunza "Okay torai iyi later yekubuda" doctor akadaro "Tinotenda" Mhamha vakadaro Munya akatora Popo tichienda kumota. "Ndiri kuenda naye kumba" Munya akadaro "Mwana achandida Munya" ndakadaro "Ko ini haazondidi here?" Munya akabvunza Handina kumupindura "Problem yenyu ndeyei imi mwana ari kurwara imi muri busy kuparana pano?" Mamoyo akabvunza "Neniwo handizivi zveshuwa chimbodzororai hasha pamwa wenyu" mai Munya vakadaro "Portia baby enda nadaddy ndichauya kuzokuona okay" ndakadaro "Ndinoda kuenda nemwi muri vaviri mhamha nadaddy" Portia akadaro "Please my baby ndichauya mangwana kumba kwenyu" ndakadaro "Shuwa here?" Popo akabvunza "Ehe" ndakadaro Portia akafara ndakamuhaga ndichimukisa pahuma tichinopinda mumota namhamha "Mhamha ndokumbira muchaire ini handisi right" ndakadaro Mhamha vakanditarisa vachipinda mumota "Chii chiri kuitika pakati pako naMunya ndakuwanai kutoilet muri right asi now mave kurwa?" "Hapana mhamha" "Haungati hapana hezvo chii chiri pahuro pako, nei pakatsvuka?" "Aaah haandizivi kuti chii ndazviona makuseni pandamuka" Ndingavaudza sei shuwa kuti ndarohwa naMunya ndinga varwadzisa zvakanyanya. Mwana wavo umwe haasisipo panyika nekuda kwemurume hoyo Munya aru kuita zvose izvi. Chii chiri kuitika pana Munya? Anga nditsamwira izvozvo here pakusvika pakundirova. Munya achinja ave imwe mhuka yandisingazivi "Uri kufungei nhai mwanangu?" "Aaah zvenyika mhamha" Mhamha vakadzungudza musoro ANENYASHA Ndakamuka makuseni musoro uchirwadza kunge ndanga ndichirohwa. Handiizivi shuwa kuti nei ndakaneta kudai ndakaona Tafadzwa pedo neni akafa nehope ndakanyemwerera ndakamutarisa. I'm happy kuti andiudza ave kuzochinja hupenyu hwake. Woow I can imagine ini naye tave murume nemukadzi woow Unoziva ndakatarisa Tafadzwa ndinonzwa kuti ndiye murume wandaigara ndichida kurarama naye kwehupenyu hwangu hwose naye. He is the chosen one in my heart ndinomuda murume uyu. Ndakamutarisa kusvika ndais ruoko rwangu padama ndakamuona achinyemwerera ndakatarisa paside nekukurumidza "Munhu haatariswi kudaro madam" "Ndanga ndisina kutarisa munhu ini ndanga ndakatarisa murume wangu" "Murume wako?" "Yes murume wangu uyu" "Une shuwa kuti ndewako wega?" Ndakaseka. "Handidi kuti tisvike pakukurwira Mr Zvayi uri wangu ndega. Kana ukangobhaiza uchaona rimwe side rangu rausingazivi" "Ndinoshuvira kuona side rako iroro randisingazivi" Tafadzwa akadaro achinyemwerera "Haunga mborifariri ndinokuvimbisa murume wangu" "You're so beautiful wifey" "Haaa" "Unoziva Ane pauri kutaura ndakangokuyeva chete haaa Ane wakanaka, wakanaka chero uri kuhope" "Thanks Taffy newewo you're so handsome unondiita kuti ndikanganwe nezvevamwe vakomana kuti havaexist munyika" ndakadaro ndichi blusher "Shuwa here?" Tafadzwa akabvunza Ndakablusher zvakanyanya kudarika pekutanga. Ndakablusher nemaziso emusikanzwa . Akaedza kundikisa asi ndakabva paari nekukurumidza "What?" "Hatisati takwesha mazino Taffy" "So?" "Muromo muri kunhuwa" "No" Ndakaseka ndichimusiya ndichienda kubathroom ndichinogeza. Ndaigeza ndichinyemwerera ndichingofunga Taffy ndaiita kunge munhu ari kutanga kupinda murudo. Ndapedza kunogeza ndakaenda kunoita breakfast yedu tiri vaviri. I can imagine tave kuita breakfast yevanhu vatatu ini naye nemwana wedu iiii guys. Ndiri kufunga nevana ndisati ndatomborara naye but mazuva aswedera manje ndave kufanirwa kumupa humhandara hwangu. Ndinoziva kuti Tafadzwa aneta nekurinda manje ndiri busy kuita breakfast yangu ndakanzwa munhu achindihaga achindibata figure yangu ndakanyemwerera achitanga kundikisa huro. Ndakatanga kunzwa mabutterflies achitamba mudumbu ndakanzwa kunge ndichabhururuka ndinobata denga pandinodzika pasi ndomupa humhandara hwangu "I love you babe" "Thanks" "Uri kubikei apa?" "Breakfast iri normal" "Unoona kuti ndave kufanirwa kukuita mukadzi wangu" Ndakaseka. "Unofanirwa kukurumidza nekuti vachanditora usinga fungire" "Yoooh pangafiwa zve apa" Ndakaseka Taffy achindibatsira kutora chikafu chedu achinochiisa patafura. "Asi imba iyi idiki for vanhu vaviri" "Neniwo ndizvo zvandanga ndichifunga" ndakadaro tichiseka tichidya chikafu chedu Tapedza kudya ndakaenda kunosuka ndiro ndinofanirwa kuverenga mangwana kuchikoro. Ayyy gore rinopera rinhi ndishande ndipedze chikoro ndishande neniwo. Ndapedza kusuka ndiro ndakaenda kunogeza zvichakadaro Roe akapinda "Urisei Ane" "Ndiri right urisei iwe" "Vari kupi boss wepamusha pano?" "Ari kubedroom" "Okay" Roe akadaro achienda kuna Tafadzwa After some minutes akauya naTafadzwa, Roe akabata bag hombe "Shoe tichaonana mangwana makuseni" Taffy akadaro "Okay" Roe akadaro achienda Taffy akauya achigara pedo neni ndaiva ndave kuona tv "Uri kuonei pano?" "Hapana ndangoibatidza chete" Taffy akatora remote achivhura bhora "Aaah bhora rekare iri Taffy" "Handina kuriona zve ini" Ndakamutorera remote ndichiisa music zvirinani tione mangoma pane zvauri kuda kuti tione dai yanga iri live ndainzwisisa. "Ndichati kudii nekuti ndimi madam vemumba muno" Ndakaseka. "Okay ndinokumbira udzikise volume pane zvinhu zvandinoda kutaura newe zvakakosha" Ndakarohwa nehana. "Chii Taffy?" "Mangwana tiri kuenda kumba kwenyu" Ndakamutarisa ndichishamisika. "Kumba?" "Ehe" "Uri kunoitei?" "Ndave kufanirwa kukuroora uite mukadzi wangu. Ndogara newe pano ndisina kukuroora zviri wrong izvi" Ndakamutarisa nemaziso aiva nemisodzi "Ukurevesa, unozviita here?" "Hapasisina nguva manje ndave kuda kugara newe zviri pamutemo" "Saka uchandiroora nemari yekujingirisa?" Tafadzwa akanditarisa achishamisika "Ayewa ndiri kubvunza Taffy kuti uchandiroora nemari yemadrugs here?" "Ayy unoona manje" Taffy Akadaro achisimuka achienda kubedroom ndakamutevera "Tafadzwa I'm sorry ndanga ndichingobvunzawo hangu" "Anenyasha ndinokuda zvakanyanya uye wakakosha muhupenyu hwangu saka handifungi kukuita zvinhu zvakadaro . Hapana pandinga kuroore nemari yehupenyu hwandairarama kuti ndanga ndichiita zvinhu zvose izvi hazvirevi kuti ndiyo yega yandiinayo. Mari ndanga ndichichengeta neiyi pay yangu yekutanga yekuchipata handina kumboishandisa" "I'm sorry usatsanangura" "Handifi ndakaita zvinhu zvakadaro kwauri okay" Ndakamuhaga. "Asi baba vachabvuma here zvose izvi?" "Vasire ini baba" "Thanks Zvayi wangu" ndakadaro tichihagana TAFADZWA Nguva dzaiva dzave Kuma 4 am taiva tave kuenda kumusha neshamwari dzangu kuti tinoroora Anenyasha. Uye ndamusiya kumba nemusikana waRoe naPrince. Takasvika kumba kuma8 makuseni takamira pagedhi rekwana Ane "Shaa murume uyu haazobudi nepfuti here akatipedza?" Roe akabvunza Ndakaseka. "Siya hugwara mhani iwe" ndakadaro "Roe ari kutaura chokwadi" Prince akadaro "Anobva atoona kuti tinodherera vanhu vakuru ndivo vanoroora kaa" Lee akadaro "Ini handina family saka vanhu vakuru vacho ndovawanepi?" "Ngatibudei mumota timbomira" Roe akadaro "Munin'ina wangu Ethan ari kuuya" ndakadaro "Okay" Roe akadaro After some minutes Ethan akasvika. "Taffy unoda kuzviita zveshuwa?" Ethan akabvunza "Pfutsek mhani" ndakadaro tichibuda tichinonomira pagedhi rekwana Ane tichitanga kupindisa Ndakaona vaZhou vachibuda Roe akatiza achimira kumashure kwedu. VaZhou vakauya straight kwatiri vakashamisika vachindiona "Muri kudei pano imwi vapfanha vekwaZvayi?" VaZhou vakabvunza "Tauya kuzoroora baba pane ruva rakatitora moyo" Ethan akadaro "Hapana munhu acharoora Paida pano" vaZhou vakadaro "Ayewa baba tiri kureva Ane" Ethan akadaro "Handina mwana anonzi Ane ini" vaZhou vakadaro "Baba........." Handina kupedza kutaura "Vapfanha vekwaZvayi munondidherera mutemo wenyu munoutora kupi? Mabva kwamuri kubva ikoko mukaona kuti regai muuye kuzodherera musha wekwaZhou!!!!. Musha wababa vangu uyu!!!!!" vaZhou vakadaro nehasha "Ayewa baba hazvisirizvo tiri pano nekuti tauya kuzoita zvinhu zviri right. Ndinomuda mwana wenyu ndinomuda nemoyo wese saka ndinokumbira kuti ndi........" Handina kupedza kutaura "Ndakakuudza kuti ndakupa mwana iyeye kuti uite chero chii kwaari handina basa handidi mari yako ini" vaZhou vakadaro Ndakaona mai vaAne vachiswedera kwatiri asi vaZhou vakatendeuka vachidhonza mukadzi wavo vachipinda mumba. "Ndazviona ini kuti hazviiti tinofanirwa kuenda kumba tinotaura nababa pamwe vachabvuma kuti vakubhadharire roora" Ethan akadaro "Forget" ndakadaro "kana uchimuda Ane zveshuwa uchaita zvinhu zvandiri kutaura, besides pana bamukuru ndinoziva kuti ivo vachabvuma" Ethan akadaro "Ini ndinofunga kuti ari kutaura chokwadi Ethan. For Anenyasha unofanirwa kuzviita benzi" Roe akadaro "But......" Handina kupedza kutaura "For Anenyasha you can do anything bro" Prince akadaro "Okay" ndakadaro tichipinda mumota Asi ndaiziva kuti baba havanga bvume zvose izvi chete ndichangonozama. Munhu uya anondivenga kwete zvekutamba takasvika kumba "Baba vako vasapisa mota yangu kaa" Roe akadaro Ndakaseka ndichipinda mukati patakapinda ndakaona vamwe baba vachibuda mumba pavakandiona vakashamisika zvakanyanya "Ndiye uyu bamukuru" Ethan akadaro Baba vaya vakaswedera pandiri vachishamisika ndakatarisa Ethan "Sheunesu" baba vaya vakadaro Ndakashamisika nezita iri vakandiswededza pavari vachindihaga. Ini ndaiva ndango vhura maziso ko chii chiri kuitika pano. Vaiva vandiita kuti kwati kwati vanondizivira kupi ini. Vanonzi vakaenda kujeri ini ndine gore rimwe chete. Ndakavatarisa nekushamisika "Sheunesu" baba ava vakadaro Ndakatarisa Ethan. "Handizi sheunesu ini zita rangu ndinonzi Tafadzwa" ndakadaro Vakanditarisa vachishamisika zvichakadaro mhamha vakabudikira vakashamisika pavakandiona "Tafadzwa" mhamha vakadaro vachiswedera pandiri Vaingova emotional so she is my mother I know vanondida sei vakandihaga "Pinda mwanangu uri right?" Mhamha vakabvunza "Ndiri mupenyu ndiri right" ndakadaro ndichitarisa bamukuru ndakapererwa. Yes vakura kudai asi vanoonekwa kuti vane kahugeven'a mavari uye nei vachifanana neni kudai. Ayy asi naJay anofanana neni wani asi mwana wamukoma wangu ndiko saka achiita emotional kana achindiona. Ko zvino zita rekuti sheunesu vari tora kupi "Ngatipindei mumba vanangu" Mamoyo vakadaro vachitarisa Roe naPrince "Murisei vanangu" Mamoyo vakadaro "Tiri right mhamha" Roe akadaro "Ngatipindei mumba" Mhamha vakadaro vachitarisa bamukuru neziso reruvengo Ayy apa ndini ndega benzi asi Jesu kana bamukuru vakangopinza baba munzira iri right vanenge vandigonera. Takapinda mumba takaita dhuma dhuma nababa vachibuda mumba vakashamisika vachindiona asi hapana zvavakataura ndakaona vachitarisana nemukoma wavo hapana zvavachandiita handiti mukoma wavo aripo here takapinda mukati "Tafadzwa" mhamha vakadaro vachindihaga "Makadii mhamha" ndakadaro "Ndiri right zvino kubva waenda kana kumbotarisa kumashure?" Mhamha vakabvunza "Ndavepo manje mhamha" ndakadaro ndichigara pasofa "Regai ndikuitirei chikafu ndinoziva kuti mune nzara" Mamoyo akadaro vachienda After some minutes vakauya nechikafu vachiisa mberi kwedu "Tinotenda" takadaro tose neshamwari dzangu "Baba vako vari padoor vadongorere hatidi kuzoona nemota yave kupfungaira hutsi vave kupisa mota yangu" Roe akadaro Ndakaseka. "Uri benzi iwe" ndakadaro ndichiseka "Zvino nhai mukadzi wemukoma nei mukomana asingazivi zita rake rekuti Sheunesu?" Bamukuru vakabvunza Ndakatarisa mhamha. "NdiTafadzwa uyu haasi Sheunesu" mhamha vakadaro "Zita iri ndakamupa nerudo wani" bamukuru vakadaro "Enda unopa mwana wako zita iroro kwete wangu" mhamha vakadaro vachisimuka vachienda "Okay chii chiri kuita pano, ini Sheunesu?" Ndakabvunza "Ehe ndakakupa zita iri uchangozvarwa asi mai vako havana kurifarira" bamukuru vakadaro Ndinoziva kuti baba ndivo vasina kuri bvuma zita iri asi rakanaka ndinorifarira" ndakadaro "Shuwa here?" Bamukuru vakabvunza "Ehe ndinorifarira ini" ndakadaro "Ndaiti ndiwe waifanirwa nehumambo kusvika ndakupa zita iri Sheunesu hushehunesu" bamukuru vakadaro "Mambo Tafadzwa ayy bamukuru ayy musatamba muchidaro Tafadzwa mambo" Roe akadaro achiseka "Chiiko newe" ndakadaro "Ko arisei?" Bamukuru vakabvunza "Aaah hapana asi Tafadzwa mambo haa hazviiti" Roe akadaro achingoseka Takadya chikafu chedu tichibva ndaenda muroom mangu Jay paakandiona akamhanya achiuya kwandiri "Superstar" Jay akadaro achindihaga "My champion" ndakadaro "Hauchadi kundifonera kaa Superstar? Jay akadaro "Unoziva ndinogara ndiri busy my Champion ndikosaka ndaikufonera apo neapo" "Asi mauya kaa pamba pave kuzonakidza manje" Ndakamutora tiichienda muroom mangu. Takagara pamubhedha "Jay boy enda unotamba pane zvinhu zvandinoda kutaura nabamunini vako" Ethan akadaro Jay akabuda achienda "Tafadzwa mwana uyu kubva afanana newe kudaro?" Roe akabvunza "Ndewe kwedu hanti anofanirwa kufanana neni. Neniwo hanti unoona kuti ndinofanana naZvayi muhombe" ndakadaro "Tinofanirwa kuvakumbira tichavaudza nyaya yako yekuroora" Ethan akadaro "Vachabvuma here?" Ndakabvunza "Ndinoona sekudaro" Ethan akadaro achienda achinovakumbira Ayy ini handingataure nemunhu wandisina kujaira ndichamutangira papi naiyewo achabva aona kuti ndinomujairira nekumuona nekutokumbira rubatsiro. After some minutes vakauya "Ndanzwa kuti uri kundikumbira mwanangu" bamukuru vakadaro "Handizivi kuti ndinofanirwa kutangira papi asi ndinokumbirawo rubatsiro rwenyu" ndakadaro "Chero chii mwanangu" bamukuru vakadaro Ndakavaudza nyaya yose yaiitika I mean everything vakanditarisa vachishamisika. "Hezvo ko kusavapo pamusha pano inyaya yekuti Obert anga achikushungurudza?" Bamukuru vakabvunza "Bamukuru ndinomuda mwana uyu family ino neyekumba kwavo haidi kutipa makomborero" ndakadaro "Ndavapo ini zvinhu zvose zvichafamba mushe kana uchimuda zveshuwa zvinhu zvose zvichaitika nekuda kwak uchamuroora chete" bamukuru vakadaro Ndakashamisika" Shuwa here?" Ndakabvunza "Sezvo ndichikuudza mwanangu" bamukuru vakadaro "Asi nababa vaAne havadi kugamuchira roora" ndakadaro "Siira ini zvose izvo mangwana chaiye kuchinoedza tiri kunoroora. Ari kupi musikana wacho?" Bamukuru vakabvunza "Ari kuHarare" ndakadaro "Anofanirwa kuvapo kana achiroorwa" bamukuru vakadaro "Ndichataura naye asi anenge achiverenga masikati sezvo ava pedo kunyora matest" ndakadaro "Saka zvinoreva kuti anouya kumba kwavo neweekend?" Bamukuru vakabvunza "Ndinotenda zvakanyanya ndichataura naye" ndakadaro "Okay chirega ndiende ini" bamukuru vakadaro Ndakasimuka ndichivakwazisa. "Once again im thankful" ndakadaro "Chero chii ndinokuitira mwanangu" bamukuru vakadaro Narrated Shingi aipupuma furo nehasha akaenda Kuna Mambo achinobvunza nezvenyaya ya Tafadzwa "Nei uchipinda kunge uri kupinda mumba mako?" "Itsvina yeyi yandiri kunzwa? Nei maishungurudza mwana wangu?" "Mwana wako iyeye unoziva here kuti aidyei? Unoziva here kuti akakura SEI?" "Handina basa nazvo izvo ini. Dai ndisina kuenda kujeri dai ndichiziva zvose asi hanti makandinyima mukana wekurera mwana wangu? Makatadza chero kushandisa Zita rake. Sheunesu " "Mwana wako iyeye waunodada naye achakugamuchira here paachaziva kuti wakamuwana sei?" "Mwana wangu Sheu Saka musazvinetsa nezvakawanda. Kana akangopedza kuroora ndichamuudza zvose" Mambo vakashamisika "Kuroora?" ",Ehe ari kuroora musikana wekwa Zvayi" "Hazviitiki izvo" "Zvichaitika mwana wangu acharoora munhu waanoda kwete anodiwa newe" "Mwana iyeye aiva akamboroorwa pano" "Vakarambana hanti?" "Hazvina zvazvinoreva izvo" "Wangu mwana ari kuroora musikana waanoda uchida usingadi. Baba vake vavapo zvinhu zvose zvaanoda achazviwana. " Shingi akadaro achibuda End of chapter