Chapter 7 Narrated Munya aiva akagara achifunga kure. Tichaona akaswedera paari pavaiva vakagara musango. "Boy kwakanaka here?" "Eish mukoma ndakufunga mukadzi wangu manje" "Awuu shuwa here?" "Shuwa Zvayi . hauzivi zvandinonzwa kana ndiri pedo nemukadzi uya asi iye anoratidza kuti haasi comfortable kana ari pedo neni anenge anonditya. Wesi pazvinhu zviya zvakaitika ndinototya kumutarisa" "Mupe mukana boy handiti unoziva kuti akachatiswa chisiri chinangwa chake, iye achiri ku imaginer achidanana nevakomana vechidiki. Achizadzikisa zvishuviro zvake iwe uri harahwa zve kwaari usakanganwa" Tichaona akadaro achiseka. Mambo vaiva kumashure kwavo naivowo vakaseka. "Shuwa here" "Mupe mukana Zvayi" "Ndinotenda broe" "Uri wekwedu iwe" Tichaona akadaro vachisimuka vachienda kune vamwe ***** Kwa Zvayi vaidya chikafu chemanheru "Mai Munya nei mabvuma kuti Mambokadzi anorara kumba kwavo" Mama Ethan vakabvunza "Hayi achiri mwana uyo anofanirwa kupota achinoona mhuri yekwavo" mai Munyaradzi vakadaro. "Mwana akaguma kare kuenda kumba kwavo siyai mwana kani" mamoyo vakadaro "Asi ava Mambokadzi ka haangaswerere kumbeya mumigwagwa. Ewuu vakadzi va Prince vamwe vanofa vamwe vanotiza vamwe vanofarira kumbeya mumigwagwa" "Mama Ethan tanga wafunga usati wataura" Mai Munyaradzi vakasimuka vatova down mamoyo akavatevera "Musazviisa mumusoro maiguru mama Ethan hapana asingamuzivi ndozvaari" "Nazvino ndichiri kuzvibvunza kuti vazukuru vangu vari kupi. Munya ndomuziva ini mwana wangu. Angaedza kuzvishingisa asi mumoyo make nyaya yevana inomudya. Haisi nyore kurasikirwa nevana vaviri" "Ndinozviziva maiguru asi imwi siyai zvose kuna Mwari vachakunyaradzai rimwe zuva" "Shuwa here" "Ehe vachauya vazukuru vanhu vakarivavara" "Ndinotenda mainini" ******* Anenyasha aiva akarara mu room make foni yake yakarira aiva Tafadzwa "Uri kudei Tafadzwa? Nguva dzino" "Hezvo Anenyasha ndingadei shuwa kwauri? Ndanga ndichingoda kukuudza chete kuti wasiya bag rako mumota mangu uye handidi kuriona mumota mangu rinondisembura" "Ndouya mangwana Tafadzwa siya kungondifonera pawadira ndoda kupa Munyaradzi mukana" "Saka ndini ndakakumisa kuti usamupa chance?" "Ndanga ndichingokuudza chete" "Saka unoti kudii nenyaya yekuti wakakisana neni?" "Ndichamuudza chokwadi hapana imwe nzira" "What? Unopenga here? Unoda kundigwasanisa na Munyaradzi" "Handina zvandingaita Tafadzwa kunze kwekuti ndimuudze chokwadi" "Ohh saka unoda kungigwisanisa na Munyaradzi?" "Ndinenge ndisingakugwisanisi asi ndinenge ndichimuudza chokwadi" "Anenyasha ndokumbira usandidaro unoziva here zvichaitika pandiri Kana family yose ikaziva nezvenyaya iyi" "Iwe pawainyebera kundibatsira waiva usingazvifungi here kuti zvichabuda. Uchinyebera kundibatsira izvo newevo ukutoitira ku side kwako. Hauna kungwara Tafadzwa ndinomuudza Munyaradzi" "Okay" Anenyasha akakata foni zvichakadaro pakapinda message yaibva kuna Munyaradzi i miss you my queen mafoni kuno haashandiswi ndatoita zvekuba foni Anenyasha akaverenga message achinyemwerera achiipindura kamuri iri riri empty kunze kwako Zvayi Munyaradzi haana kuzvi believer kuti Anenyasha ndiye aiva anyora izvi. Akarova zi smile raisvika kuseri kwenzeve Anenyasha It was nice kuva kumba now ndakufanirwa kudzokera. Ndakaoneka family yangu tichihagana ndichinopinda mumota sezvo Tafadzwa aiva atosvika "Mhamha ndivo vati ndiuye kuzokutora dai vasina kundiudza dai ndisipo pano" "Ohk thanks". " kwanga kuri sei kumba? "Kwanga kuchinakidza yoo" "Isu kwedu kwanga kusinganakidzi hanti wanga usipo" "Ndinonakidza nei kana ndiri kumba ukwane Tafadzwa" "Haa kubva wandituka kudaro ndanga ndichingotaurawo hangu it's not like nditori serious nazvo. Unganakidza nei iwe Anenyasha nekushata kwako ikoko kunge sadza radonhera muvhu" "Tafadzwa unenge unokanganwa kuti ndiri mukadzi we mukoma wako" "Inini ndanga ndichitoti pamwe tiri ma shamwari" "Handisi shamwari yako ini Tafadzwa ndakuziva ma true colours ako". "Okay " hapana akazotaura zve neumwe kusvika tasvika kumba. Ndakaburuka mumota ndikananga ku kitchen vana mhamha vaiva vakagara vari vatatu. Ndakavamhorosa vakandibvunza kuti kwanga kuri sei. Ndakavaudza ndichibva ndaenda mu room mangu. Ndakasvika ndichivhura wardrobe ya Munyaradzi. Ndakasanga ne album yaiva yakazara ma picture e vana vake neemukadzi wake. Ndakatora yake ane vana vake. Ndakanyemwerera ndakaitarisa. Ndoda kumu supriser but ndine worry maybe surprise yangu haazoifariri.ndakabuda ndichienda ku kitchen ndakawana kuna mhamha Mamoyo "mhamha" "Mambokadzi" "Munyaradzi anouya rinhi?" Mhamha vakaseka. Ndakatarisa pasi ndakunyara "Aewa usanyara murume wako ka mwanangu anouya mangwana" "Ohk mhamha ndechipi chikafu chaanofarira".. Mhamha vakandiudza ndichibva ndaenda mu room mangu ndichitora foni ndichifonera Talent "Mambokadzi " talent akadaro ndakaseka... "Nxaa unondipengera iwe" Talent akaseka. "Ko hausi Mambokadzi?" "Eyy siyana neni Talent. Listen i need your help" "Yeyi?" "Pane picture yandinoda kukudza ndokumbira undiitire" "Okay so ndichaita sei?" "Ndokumbira kuti usvike kumba kuzoitora" "Okay my love" Talent akadaro tichionekana. Narrated Tafadzwa aimbeya mu room make achingofunga nezva Anenyasha.. Anenyasha iye aifunga murume wake asi worry yaiva pakuti Munyaradzi achamubvumira here kuti azadzikise chishuviro chake chekupedza chikoro sezvo azviudza kuti Munya paanouya achamukumbira. Tafadzwa akamwa doro kusvika adhakwa achibva abuda achienda mu room ma Anenyasha. Zvose izvi zvaiitika nguva dzaiva dzava kuma ten husiku. Akasvika pa door achigogodza "Ndiani?" "Tafadzwa" "Tafadzwa uri kudei nguva dzino?" "Ndauya kwauri babe wangu" "Usadaro Tafadzwa nei uchida kuti ndikugwisanise na Munyaradzi" "Saka unoda kutigwisanisa sei?" Ndichamuudza kuti uri kunyangira mukadzi wake. Ndichamuudza zvose Tafadzwa try me" "Ngatitize Ane" "Kutiza kuchienda kupi?" "Tichaenda chero kupi. Dubai, Paris America. Ndakapedza zvidzidzo zvangu Ane ndichakuchengeta" "Ndiani ati ndoda kuenda newe ini?" "You love me Anenyasha i love you too" Anenyasha akanzwa hasha achibva asimuka achimurova nempama "Unondipengera Tafadzwa buda muno ndisati ndadanidzira kuti unoda kundirepa" "Ohh unoda ndikurepe?" Tafadzwa akadaro achibata zip achiswedera pana Anenyasha "Please Taffy don't do that" Tafadzwa akaseka "Ndanga ndoti pamwe wakuda nditanhe fresh murivo usati wambotanhwa. Asi wava bhoo uyu haungangodiridzwi usitanhiwi swedera tione Anenyasha ndimboseva nemurivo uri fresh" "Please Taffy" "Kutamba hangu ko unongobaka pamuromo chete kuchema hatani. Handisi rapist ini ndodya zvandapihwa. Ndakuenda manje asi ugare uchiziva kuti unodiwa neni zvakanyanya. Ndichagara ndakakumirira kuti undiudze zvawakavharira mumoyo mako" Anenyasha akarola maziso. Tafadzwa akabuda achienda Anenyasha Mangwana ndakamuka ndichigadzirira chikafu chanzi chinofarirwa na Munya. Hameno ndikazobika nenzira yaanoda nayo. But ndo believe pakuti chinhu ukachiita nerudo unenge watopedza. Ndichiri busy Maidei akabva apinda "Busy busy " Maidei akadaro. Ndakanyemwerera ndakamutarisa.. "Iyazve. Zvaunenge ukubika chikafu chinodiwa na Mambo" "Ohh ndanga ndisingazivi" "Im sure zvangonangana" "Taura hako" ndakadaro ndichiseka ndapedza ndakaenda mu room mangu ndakunogadzirira sezvo kwanzi vari munzira. Ndakaisa picture ya Munyaradzi pamadziro ko hanti Talent andigadzirira 6 yakachaya vasati vauya ndakagara pa bed ndatova down. Ko vari kupiko? Inga wani hanzi vasimuka kare kare. Ndakagara kudaro ndakanzwa door richivhurika. Ndakajamba ndichisimuka aiva Munyaradzi ."Hey " Ndakaswedera paari ndichimuhaga "Mafambe sei?" "Hapana chakaipa chatiwira chete ini ndanga ndakufunga kumba chete". "Neniwo ndanga ndakukufunga " akanditarisa achinyemwerera "Shuwa here?" "Yes Zvayi wangu" Akanyemwerera achigara pasi ndakanotora chikafu ndikauya ndichimupa "Ohh my favourite food" "This one ndabika special for you". Thank you my Queen" Munyaradzi akadaro achidya kusvika apedza paakapedza akatarisa pamadziro akaona pic yake. Akashamisika achisimuka achiswedera pairi "What? How?" "Your daughter and your son" ndakadaro ndichinyemwerera. . "Waziva sei?" "Ngatikanganwe neizvo vakanaka hanti?" "Zvakanyanya thank you so much" "You're welcome" "I wish kuti dai vanga varipo ndichivaona siku nesikati"... "Don't worry Mwari vachauya ne plan uchavawana vana vako" "Thank you so much Ane" Munya akadaro achindihaga Tafadzwa Husiku ndaiva ndakagara mu room mangu ndaiva kure nepfungwa dzangu Zvichakadaro shamwari yangu yeku America yakafona "Boy" "Hey stars kurisei?" ndakabva ndaseka "Ndakakuudza kuti siyana nezita iroro but anyway im not fine. Uchiri kurangarira musikana uya wandaipenga naye?" "Anenyasha right?" "Yah akaroorwa nemukoma wangu" "WTF!! Saka uchaita sei? " "I don't know dude ndaedza kutaura naye asi zvinotaridza kuti handilumi anondiudza kuti haandidi but deep down i know she loves me" "Stars ndichakuudza chokwadi ini. Chikanganwa nezvake. Aroorwa ne brother yako chero kuchinzu mudiki sei but respect her" "I love her so much" "Mumirire iye kana achikuda achakuudza kwete zvako zvekungo teverera bye ndanga ndichingoda kunzwa kuti uri bhoo here" Ndakabva ndakata foni yangu nei Brian achitaura zvinhu zvakadaro. Ndizvibate sei ini munhu ndichimuda. Zvinoitavo here izvozvo? **** Makuseni ndakamuka ndichibuda panze. Madzikoma angu aiva akagara panze. I think vakamirira nyama yekugocha. Ndakabva ndaenda kwavari.Prince Aingonyemwerera nonstop. "Prince kwakanaka here?" ndakamubvunza "Heyy ndikare achingonyemwerera ega hamenho mandlovu amupei" "Heey ndine mukadzi wandinoda zve ini saka ndorega kunyenwerera here?" Ndakanzwa misodzi ichipisa kumeso. Ndakatarisa mudenga kuti isabuda. Zveshuwa Prince anomuda Anenyasha. Ko ini? "Uri kufungei Taffy?" Munya akabvunza "Hapana handisi kunzwa mushe" "Ohk imwa mapiritsi" Munya akadaro "Yoo ini nemapiritsi" Vanhu vose vakandiseka Zvichakadaro ndakaona Ane achibuda ndakamutarisa ndichinyemwerera. Pandakatarisa Munya aiva akabata chirebvu achingonyemwerera akatarisa Ane. Ndichakwanisa here kurarama pamusha pano ndichiona munhu wandoda achidanana neumwe murume. Pamwe ndofanirwa kubva pamusha pano uye ndozvigamuchira kuti haasi wangu. Ava mukadzi we brother yangu End of Chapter sorry guys kaita kadora kunge ka Taffy busy yacho kani