Chapter 19 Anenyasha Ndiri pa bed naTaffy ndakarara pachifuva chake tiri kutaura nyaya ndiri kumuudza nyaya dzinoitika dzekuchikoro "Can I ask you something?" Taffy akadaro "Yes you can" "Uchiri kutaura na Munya here?" "How?" "I mean anokufonera here or munotaura pa Whatsapp" "Takaparadzana na Munya why tichifanirwa kuita izvozvo?" "So you mean ini newe tikaparadzana hautauri neni zve?" "Tafadzwa chii chandingataura nemukoma wako? Iwe uri nani tinotaura ndakakujaira kare. Zvino mukoma wako ndingataurei naye? Haajairiki, haaseki anogara akasunga huso anotyisa" "Saka waigara sei mu room 1 nemunhu waunotya?" Tafadzwa akabvunza achiseka "No he's so sweet asi pakuzotaura naye ndakasununguka yoo ndozvitya izvo" "Okay" "Nei uchindibvunza izvozvo? "Nei uchindibvunza izvozvo?" "Kungobvunzawo hangu" "Asi family yako paichaziva kuti tinodanana ichati kudii?" "Well vanofanirwa kuzvigamuchira nekuti ini handifi ndakaparadzana newe. Ndokuda Ane kwete zvekufungidzira " "Shuwa here?" "Ndakakuda kare Ane usati wandiziva. Ndosaka ndakazofunga kuita fake account zvose izvo zvaikonzerwa nerudo. You may not believe me asi rudo rwandinarwo runobva mumoyo chaimo" "Thanks Taffy kukunzwa uchidaro" ndakadaro ndichinyemwerera "Nguva dzava Kuma 11 manje mangwana unofanirwa kuenda kubasa, takufanirwa kurara" "Hope hadzibati kana ndinewe ndoshuvira kuti dai ndaramba ndakakutarisa" "Uchanyora maziso angu huya ndikurarise" Tafadzwa akadaro achindisimudza achindiradzika pa bed achindipurudzira kusvika ndabatwa nehope Mangwana makuseni ndakamutswa ne alarm yangu, ko hanti inogara iri on. Ndakaenda kunogeza ndikauya ndichimumutsa akatodairira kuhope hake. "Asi hausi kuenda kubasa?" "Ndopinda na 11" "Okay uchandiendesa here or ndikwire kombi" "Ndichakuendesa rega ndigeze maziso chete zvimwe ndichazviona pandodzoka" "Taffy geza ahh nguva dzichiripo" "Ndine husimbe ini ahh pandodzoka ndicharara zve" Tafadzwa akadaro achienda kunokwesha mazino paakadzoka ndaiva ndatopedza. Takaenda ku kitchen tikagadzira chikafu chemakuseni. Tapedza Tafadzwa akandiendesa kuchikoro. Takasvika pagedhi "Thanks" ndakadaro ndichida kubuda. Akatora USD 30 achindipa "Ohh Mari ye launch" "No Tafadzwa ndinayo mari ini" "Yaunayo ndeyako hanti, nhasi uri kudya mari yemurume wako" Ndakaseka tichikisana ndichibva ndabuda. Tafadzwa akamutsa mota achienda. Pandakapinda Themba akanditarisa nerimwe ziso. Yoo ndakazviparira nekudanana naye. Ndakadarika nepaari "Hi Themba" "Anoshanda kupi?" "Ani manje?" "Mukomana wako?" "Themba please" "Ndiri kubvunza" "Harare private hospital" "Okay" Themba akadaro achitendeuka achienda Narrated Mu room ma Mpume maiva makati zii sezvo Mpume aiva akamirira mhinduro Kuna Bridget "Ndipindure Bridget nei wafonera Tafadzwa nefoni yangu" "Hapana sisi" "Chii chamuri kusanganisa na Tafadzwa" "Tiri ma friends nothing more" "Saka nei usina kumufonera nefoni yako?" Bridget akatarisa pasi haana kupindura "Bridget siyana nevakomana vekwa Zvayi hanti unondiona ini ndabuda mavari saka newevo buda mavari" Bridget akabva atochema "Chii manje?" "Ndine pamuviri sisi ndepa Tafadzwa" "What?" "I'm sorry sisi" Mpume akamurova nempama "Makatanga rinhi kudanana na Tafadzwa?" "Hatina kumbodanana na Tafadzwa musi uya wemuchato wako sisi takamwa doro tikar-- I'm sorry sisi" "Makamwa doro zvikazodii" "I'm sorry" "Ndati Chii chakaitika after manwa doro!!!!?" "Takarara tose" "Nei Bridget wakadaro? Nei uchindinyadzisa pavanhu kudaro. Hunhu hwaiva hwaenda kupi wakurara na Tafadzwa. Unomuziva here Tafadzwa paanofamba kuti anoita nezveyi zvaunongorara naye without protection?" "I'm sorry" "Wamuudza here Tafadzwa nyaya iyi?" "Ehe asi haasati ava ready kuva nemwana achibva akata foni " "Iwe waifungei Bridget pawairara naye?" Mpume akadaro achitora foni achifonera Tafadzwa lucky akadaira "Maiguru" "Tafadzwa chii chiri kuitika pakati pako na Bridget?" ."hapana maiguru" "Ko mwana waakatakura? Aite sei naye?" Tafadzwa haana kupindura "Ndaiunza munin'ina wangu kuti andishanyire iwe waitozvionera musikana wekurara naye" "Aewa maiguru yaiva mistake taiva takadhakwa" "Saka manje Aite sei nemwana wako?" Tafadzwa haana kupindura "Ndipindure Tafadzwa ndati aite sei nemwana wako? Or unoda ndifonere vekumba kwenyu ndivaudze" "No no maiguru ndokumbira musavaudza munoziva mukavaudza chii chichaitika" "Saka aite sei nemwana wako" "Handizivi " "Hauzivi Tafadzwa? Hauzivi kunani nekuti mwana ndewako?" "I'm not sure kuti mwana ndewangu" "Wow you're not sure?" "Yes maiguru ndinokuremekedzai zvakanyanya asi mwana handisi sure kuti ndewangu nekuti ndakamuwana asiri mhandara " "Ohh ndokwava nenyaya manje" "Ndichaona kana mwana avapo. Kana Ari wangu ndichamutora asi manje handisati ndamugamuchira" Mpume akakata foni achitarisa Bridget "Mangwana tiri kuenda Kwa Zvayi" "Sisi ndokumbira umire ndimboedza kutaura na Tafadzwa " "Uchitaurei naye nekuti watadza kare?" "Please sisi" Anenyasha "Tapedza kuverenga ndava kubuda Themba akauya achindidhonza achienda neni kumota yake "Themba uri kuitei?" "Kune kwandoda kuenda newe" Kupi?" Ndakabvunza nekutya "Uchaona tasvikako" "Themba siyana neni please " Haana kunditeerera akandivharira mumota. Ndakatanga kuchema ndichiedza kubuda "Themba ndivhurire ndibude please " "Ndichakuvhurira asi kwete manje" Themba akamutsa mota ichienda kwaaiziva iye ega. Ndakachema nzira yose kusvika mota yanomira pachipatara paiva ne board hombe raiva rakanzi. NEW HARARE PRIVATE HOSPITAL. Ndakatarisa Themba. "Tiri kudei pano?" "Murume wako auya kubasa right?" "Yes why?" "Ndichakumirira pano pinda mukati ubvunze murume wako ubvunze nevanoshanda mukati office yake" Ndakatarisa Themba nekushamisika neiko achidaro? Asi pane zvinhu zvikuitika pana Tafadzwa zviri kundijamba? Ko nei Tafadzwa kana ndichimubvunza nezve basa rake haaratidzi kuva interested. Ndakabuda mumota ndichipinda mukati. Ndakananga ku receptionist "Makadii ndokumbira kubvunza office ya doctor Zvayi?" "Doctor Zvayi?" "Ehe" Pinda mukati ubvunze vamwe kuti aripo here munhu akadaro " "Okay thanks" ndakadaro ndichipinda mukati. Ndati fambe ndakasangana neumwe doctor wechikadzi. Takamhorosana ndichibva ndabvunza Dr Zvayi "You mean Dr Tafadzwa Zvayi?" Ndakatura befu kumeso kwazara mufaro.. meaning anomuziva "Yes" ndakadaro ndichinyemwerera "Ohh sisi I'm sorry asi Dr Zvayi and two months asingauyi kubasa kuti problem yake ndeyeyi neniwo handizivi nekuti chero achifonerwa haadairi foni" ndakavhura maziso "Two months? Hausi confused here?" "Aewa ndotaura zvinhu zvandoziva Dr Zvayi akangoshanda mwedzi umwe apa haana kutoupedza akabva arega kuuya" "Okay thanks" Ndakanzwa muviri uchipera Simba . Meaning Tafadzwa nguva yose iyi anga achindinyebera. Haa how come ndisina kuzvi noticer. Tafadzwa? Tafadzwa Ndiri mumba Roe taka chilla hedu apo foni yangu inorira ari Ane. "Dza Tafadzwa" "Ndokumbira uuye kuzonditora" "Okay ndikuuya" "Ku new Harare private hospital" Ndakavhunduka "Kupi?" "New private hospital" "Uri kutsvagei ikoko?" "Ndati huya unditore Tafadzwa!!!" "Okay ndiri kuuya" ndakadaro ndichikata foni yangu. "Ndabatwa red handed " "Chii manje?" "Ane Ari ku new Harare private hospital now" "Hezvo Ari kutsvagei ikoko?" "Obvious anga asingandivimbi so akanonditsvaga kuchipatara" Roe akaseka "Uri kusekei manje ini ndiri panyatwa?" "Muchazvirega zvekunyeba kana muchinyenga" "F*ck off maan" Ndakatora ma key emota ndichinopinda mumota ndichienda kwaiva na Ane. Munzira ndaingozvibvunza kuti chii chichaitika Iko ndichati nei ndisingashandi kuna Ane nekuti neniwo handizivi nei ndisingashandi. Ndakasvika kuchipatara ndikamuwana akamira pagedhi akapeta maoko. Paakandiona akauya achipinda mumota "Babe" Haana kundipindura ndakamutsa mota tichienda kumba. "Hapana zvaunoda here? Tidarike kuma shops?" Akanditarisa nerimwe ziso raityisa. Ndakazvipeta ndichirova mota yakananga kumba. Takasvika tikapinda mumba. Ndisati ndatombogara pasi "Why?" Handina kumupindura "Why wakandinyebera?" "Ane" "Nezuro wati wanga wakaneta nebasa, makuseni wati uri kuenda Kuma 11 izvo uri kunyeba hako.ndaenda kubasa kwako hanzi hauna kumbopedza kana mwedzi zvawo. Nei wakandinyebera Tafadzwa " "Ane babe" "Usandidana Tafadzwa. Nei usingaendi kubasa? Uye nei uchindinyebera?mota iyi wakaitenga nei iwe usingashandi? Ndokumbira undiudze chokwadi chii chiri kuitika pauri Tafadzwa?" "I'm sorry nekukunyebera Mai mushavi " "Ndoda kuziva nei usingaendi kubasa?" "Neniwo handizivi " Akanditarisa achishamisika "Hauzivi newevo,? Okay hausi kuenda kubasa for no reason okay mari yekuzviraramisa unoiwana kupi?" Handina kumupindura "Uri kuiwana kupi Tafadzwa?" "Ane ndiri murume saka ndojingirisa" "Kujingirisa chii Tafadzwa? Kujingirisa kwacho kune zita. Saka iwe kujingirisa kwako ndekupi?" "Handingakuudzi izvozvo?" Akanditarisa achishamisika "Haungandiudzi izvozvo?" "Yah I'm sorry Ane babe asi handingakuudzi" Akaseka achirova maoko "Kubva ndichikura ndine ma dreams Tafadzwa handina kumboshuvira kudanana nemunhu anema secrets, munhu asingazivi paakamira. Munhu anonyeba. Nhema dzako dzekutanga ndadziwana I wish to know dzakawanda sei nhema dzaunondinyebera. idzi dzekuti unondida ndedzechingani?" "Ndokumbira usataura izvozvo Ane ndokuda zvakanyanya. Kuti ndikukunyebera hazvipindi murudo rwedu I love you so much" Haana kundipindura akangonditarisa "Ndokumbira tigare pasi titaure" "Hapana zvandichataura newe Tafadzwa " Anenyasha Pfungwa dziri kuita kudhanganyika handizivi chii chiri kuitika. zvingani zvinhu zvandiri kuvanzirwa na Tafadzwa? Anomboita nezveyi zvaasingadi kundiudza. "Ndokumbira ugare pasi tofanirwa kutaura" "Ugondinyepera zve" "Aewa" Ndakagara pasi, akandibata maoko asi ndakamusundira uko "Ndakakunyebera kuti imba iyi ndeya sekuru ve shamwari yangu pachokwadi ndeyangu" Ndakavhunduka "Ndeyako? Wakaitenga neyi?" "Ndakaitenga last year" "Mari wakaiwana kupi yekutenga imba yose iyi" "Ndakajingirisa semurume" "Fuck Tafadzwa!! Hakuna basa rinonzi kujingirisa!!!" "Bridget ane pamuviri " Nhaimwi chii chiri kuitika pandiri. mukati handiroti here. Pamwe pane achandimutsa. Zvinhu zvose zviri kuitika now zviri kuitika in reality here or ndakarara ndiri kurota? "What?!!!!!" "Ane pamuviri pe mwana wangu kana iye achitaura asi ini handisi sure" Misodzi yakayerera pandiri "Nei Tafadzwa? Nei? Hatisati tambopedza chero svondo zvaro tichidanana asi watondirwadzisa marwadzo ese aya" "I'm sorry babe but hat---" "But what Tafadzwa? !!" "I promise babe hapana zviri kuitika ini na Bridget takangorara musi uya chete. Ati ndipo paakabata nhumbu worse part takarara takadhakwa" "Saka unoda kuti ini ndiite sei Tafadzwa? Huh!! Ndigare mu relationship inema drama nenhema.wakuzoita baba Tafadzwa and mutemo wekwenyu unouziva kuchanzi muroore Bridget then ndosara ndichiitei?" "Handingaiti izvozvo Anenyasha dzangu. Kana ndichifanirwa kuroora ndiwe wega wandicharoora" "Taffy zvinhu zvawandiudza zvinondiremera ini handingagoni kuzvimirira" "Unorevei manje kana uchidaro?" "Ndiri kuti ngatimbomira nezvatanga tichida kuita, zvagara ini newe tanga tisati tapinda mu serious relationship tanga tichambozama. Kuenderera mberi ndichidanana newe ndingarwara ne blood pressure ndichataura kwehupenyu hwangu hwese. Ndichagara ndichinzvenga zvinhu zvakawanda" "Uri kundiramba?" "Handingakwanisi kudanana nemunhu anonyeba sewe. Munhu asingazivi zvaanoda muhupenyu hwake. Tafadzwa unoziva mukana wauri kutambisa uyu vakawanda sei vanouda. Une degree yehu doctor asi iwe uri kuitambisa. Ukazowana zve basa racho ukaritambisa. Ini newe I think tiri mvura nemafuta Saka ngatibve tatosiya zvinhu zvatanga tichida kuita" Tafadzwa akatarisa pasi. Ndakasimuka ndichienda mu room make ndichitora bag rangu. Pandaida kuenda akandibata ruoko "Ndokumbira usandidaro Ane. I know kuti ndine ma problems hobho uye akakonzerwa neni asi ndinokuvimbisa Ane ndichazvichinja zvose izvi" "Chii chauchachinja Tafadzwa?" "Zvose zvaunoda kuti ndichinje ndichazviita" "Kumba kwenyu vanoziva kuti uri ku Harare uri kushanda uri doctor but no naivowo uri kuvanyebera iwe uri kujingirisa kuno" "Babe ndokumbira usandiramba please" "Ndokumbira undisiye Tafadzwa ndiende" "Ndati ndichagadzira nzira dzangu ndigova Tafadzwa waunoda. Ndinokuda zvakanyanya Ane kuti ndingarasikirwa newe. Please Mai mushavi haungadaro Kuna Zvayi wako" Ndakatendeuka ndichibuda door. Akanditevera achimhanya asi zvaipinda neuku zvichibuda uku. I'm done na Tafadzwa. Ndakasvika mumugwagwa ndikamisa kombi ndikaenda kwandinogara Bridget Makuseni ndaiva ndakarara ndakapeputswa na Mpume akandimutsa "Muka tiri kuenda" "Tiri kuenda kupi manje?" "Bridget hauzivi kwatiri kuenda zveshuwa or uri kundivhairira?" "Please sisi ndati ndichataura naye Tafadzwa" "Tiri kuenda manje" Ndakamuka ndichinogeza, tapedza takanopinda mumota. Shuwa Mpume aita kutokumbira mota yevanhu nekuda kuti tiende kwana Tafadzwa. Ndotya ini handidi kuenda pamusha paya. Munzira hapana aitaura neumwe. After some hours takasvika mudunhu rekwana Tafadzwa. Mpume akamisa mota achitora foni yake. Achiibaya baya achiisa munzeve "Munya uri sei?" "Mushe Mpume kuri sei?" "Mushe, ndokumbira kubvunza uriko kumba here?" "Ehe ndiriko?" Ndokumbira kuti uuye pama shops uchaona mota iri pa corner pasi pemuti" "nei usina kuuya kumba?" ,"Please Munya " "Okay ndiri kuuya" Mpume akakata foni. Takagara kwema minutes Munya akasvika achipinda mumota. Akatarisa Mpume achitarisa ini "Nei uchindidanira pano Mpume" "I'm sorry Munya nekukunetsa Bridge ane pamuviri pa Taffy?" "What?" Munya akadaro achinditarisa. Ndakamuudza nyaya yose "Wambotaura na Tafadzwa?" "Yah asi haana basa nazvo" ndakadaro "Haana basa nazvo sei Ari iye akaitanga" Munya akadaro achitora foni yake achifonera Tafadzwa "Broe" Tafadzwa akadaro "Taffy ndina Mpume na Bridget pano vandiudza zvinhu zvawakaita" "I'm sorry nhasi handisi mu mood yekutaura nezvinhu zvevanhu vasingakwanisi kuvhara makumbo" Tafadzwa akadaro "Hausi mu mood sei ? Pawairara naye waiva mu mood?" Munya akadaro "Heyy heyy ndine ma problems angu ini akandimirira musada kundiwedzera mamwe ma problems siyanai neni please" "Ma problems Acho akaitwa nesu here?" "Ndine case hombe yakakosha yandoda kugadzira musandiunzira svi case svenyu svakadhakwa. Siyanai neni please!! Ndamuudza Bridget wenyu kuti ndichaona kana mwana azvarwa Saka chii chamuri kuda!! Please siyana neni zvandiri kutaura Shona yepamuzinda Wani!!!!" Tafadzwa akadaro achikata foni Takatarisana tose mumota. Munya akadzungudza musoro achiedza zve kufonera Tafadzwa. Ndakatarisa Mpume "Haadairi" "Haachadairi uyu Tafadzwa anodherera maan" End of chapter