Chapter 22 . Roland Ndakapinda mukati, nguva yekuti nditsvage munhu achanondidanira roomza wa Ane yaiva isipo. Ndakapinda mumba ndikamuwana achiona TV. Paakandiona akavhunduka achisimuka. "Ndiwe ani iwe? Uye uri kudei pano nekuti vakomana havabvumirwi" "Relax my sister handina kuuya nehondo Zita rangu ndinonzi Roland shamwari ya Tafadzwa" "Ohh I see" "Sister I need your help I think ndiwe wega ungabatsira Tafadzwa ari kujeri Saka ndinofunga kuti ndiwe wega ungakwanisa kuita kuti mapurisa anzwisise kuti Tafadzwa haana kuzviita" "Ndaedza kuvaudza ini asi vati Anenyasha apedzisira kumira na Tafadzwa" "Asi kubuda Kwa Tafadzwa mujeri ndiko kuchaita kuti tiwane Ane" "Ndaedza asi ndatadza I wonder shamwari yangu iri sei pairi" Nicole akadaro achichema Argg maan musikana uyu hapana zvaanondibatsira nazvo ndakaridza tsamwa ndichibuda ndichienda kumota "Pane zvawawana here zvingatibatsira?" Leeroy akabvunza "Hapana wena manje ndapererwa ini" ndakadaro "Saka tichaita sei?" Lee akabvunza "Kut-- ndiani aita izvi maan? Maybe I ex yake" "Yes you're right ko hanti Tafadzwa akamutora kwaari ndiye chete" Prince akadaro "Hapana chekumirira handei kumba kwake?" Ndakadaro ndichimutsa mota tichienda kumba Kwa Themba. After some minutes takasvika tichipinda mumba tisina kugogodza. Takamuwana akagara achiona TV paakationa akavhunduka achisimuka. "Ndingakubatsirai nei?" "Nekutidzosera Anenyasha?" "I'm lost" "Hatina nguva yako mhani iwe hunza Anenyasha" "Ko nei musingaendi kunomutsvaga kumba kwe shamwari yenyu hanti anodanana naye?" Themba akadaro Ari confused "Iwe uchataura kwawamuisa" Prince akadaro "Handina moyo wakashata ini asi iwe uri kundituma kuita zvisirizvo. Ndichakubvunza kekupedzisira. Ari kupi Anenyasha?" Ndakadaro "Handizivi zvamunotaura ini, chero Anenyasha wenyu ndakaguma kare kutaura naye. Ndakaparadzana naye ini. Nei mauya kuzomubvubza kwandiri?" "Nekuti akakuramba ka Saka wazofunga kumu kidnapper?" Ndakadaro "Anenyasha akidnepwa?" Themba akabvunza achinyebera kuvhunduka "Haana ku kidnepiwa asi wamu kidnepa. Iwe ndiri kukuona haudi kusekererwa" "Ndiri kukuudzai chokwadi handina kumutora. Anenyasha ndakamuguma patainyora kekupedzisira" "Ohh unofunga kuti tiri kutamba newe iwe.uchamubudisa chete Anenyasha " ndakadaro tichimutora tichimuisa mumota. Achataura chete kwaaisa Anenyasha. Hapana umwe munhu angaita izvi pana Anenyasha kunze kwake. Takaenda naye ku warehouse tikamupinza mukati tikamusungirira pachituro. "Handina kumutora in Anenyasha pamwe mukomana wake ane vavengi everywhere sezvo achitengesa m--" haana kupedza kutaura ndakamupa gwati rembama "Tiudze Kuna Anenyasha nekuti kana usingadi ucharuza hupenyu hwako" ndakadaro "Ndakuudzai kuti handizivi chinhu ini" Themba akadaro "Uchataura iwe" ndakadaro ndichitora chamboko Prince akamurura hembe ndichitanga kumuzvambaradza kumusana "Ari kupi Anenyasha?" Haana kundipindura. Ndakamurova kwenguva yakareba asi haana kumbotaura kuti Anenyasha Ari kupi. Ndakaona kuti no maan haana zvaanoziva uyu. Takamusiya mukati tichinotsvaga kwataifungira asi takamushaya. Zviri pachena kuti munhu aita izvi anoziva zvaari kuita . Asi nei Themba asingatauri nekuti ndiye chete munhu angatora Anenyasha? . Ndakatora foni ndichifonera Mr Williams asi foni yaiva isingapindi. Zveshuwa mapurisa atoramba kubheyila Tafadzwa Anenyasha Nguva yose iyi ndaifunga kuti pamwe Tafadzwa anondida asi now ndave kuona, Tafadzwa haana kumbobvira akandida. Aizviswededza pandiri kuti agonditengesa now ndakuziva kujingirisa kwaaitaura anotengesa vasikana owana Mari Hapana chinhu chinorwadza sekurwadziswa nemunhu waunoda. Ini ndaifunga kuti na Tafadzwa tiri kuenda kure asi ndaizvinyebera. Ndaifunga kuti anondida zveshuwa izvo anoda ma benefits neni. Pavanhu vose Tafadzwa ndiye aindidai here Adii hake kutora humhandara hwangu nekuti ndinomuziva, pane kuti hutorwe nemunhu wandisingazivi. Pamsoro pekuzvichengeta kwangu kwese uku, humhandara hwangu hongoenda huchitorwa nemunhu wandisingazivi. Ndakatanga kuchema ndichirangarira mashoko ake aiva sweet aiita kuti ndimude zvakanyanya. Dai hangu ndakateerera Themba na Nicole pavakati Tafadzwa haandidi anongoda kunditambisa chete. Kutambiswa kwaitova nani akatoita zvihombe zvacho. Sezvo ndavanzwa vachitaura nezve passport meaning ndiri kuenda out of country. Ko ndaibvumireiko kudanana na Tafadzwa? Ko nei mhamha vasina kundionesa nzira? Nei vakangondisiya ndichibvuma kutambiswa nemukomana. Zvichakadaro pakapinda umwe murume nechikafu "Ndakuvigira chikafu chako mwanasikana" "Ndokumbira undibatsire nditize pano" "Zvadii zve?" Ndinoziva kuti unavo vabereki newevo. Baba vangu vakanzwa nyaya iyi vanofa straight. Handifungi kuti iwe ungada kuti zviitike kuvabereki vako vanzwa kuti warasika please mukoma. Ndinoziva kuti zvauri kuita unoda mari kwete kuti unozviita nekuti zvinokufadza asi ndinokuvimbisa ukangondibudisa muno ndichakupa chero chii chaunoda. Baba Havana Mari yakawanda but for me vanoitsvaga chete. Please mukoma please I'm sure kuti unayo hanzvadzi haungafari kana pakaitika zvinhu zvakadai kwaari or ku mwanasikana wako. Ndokumbira utore situation Yako uiise kuhama Yako yepedo" Haana kundipindura akabuda achienda. Ndakatora chikafu ndichichiroverera pasi. Ndaingodongorera nepa window hapana kana umwe angandibatsira apa. Ndakanyahwaira ndichakuenda pane rimwe room ndichida foni at least ndakadongorera ndikaona boss wacho achitaura pafoni "What? Zvaitika sei zvinhu zvakadaro?" Aitaura nehasha. Ndakaswedera paari ndichida kunzwa nyaya yose -------------- "Wairasa sei passport nekuti wanga uchifanirwa kuichengetedza?" -------- "Unoziva here kuti musikana uyu akagarisa pano achatipinza muma problems?" ---------------- "Boss wako anoziva here kuti warasa passport?" Ndakafemera mumoyo ndichitarisa pasi. Ko ndiani achandibatsira kundibudisa muno? Boss akanyarara kwenguva achibva akata foni achifona zve "Wanga uchifanirwa kutuma munhu akangwara pazvinhu zvakadai kwete ari careless" "Vari kundiudza manje kuti varasa passport vapfana ava asi usawara mangwana chaiwo ndinenge ndatogadzira imwe" "Unofanirwa kuita nekukurumidza nekuti munhu angazotipinza munjodzi" boss akadaro achikata foni achisimuka Ndakamhanya ndichinopinda mune rimwe room. Pandakangopinda dhuma dhuma nefoni. Ndakafara zvakanyanya ndichibata foni iyi. Nhamo yakazouya pakuti number yemapurisa handiizivi ndivo vanga vachandibatsira nekukurumidza. Ohh dzimwe nguva kusatora zvimwe zvinhu serious inhamo shuwa hona manje. Ndaka dialer number dza Tafadzwa fast asi misodzi yakatanga kuyerera nei ndichida kufonera munhu anova honzeri yezvose izvi. Ndakadzima number dzake ndichifonera Ngoni asi yaiva isingapindi. Ndanga ndatokanganwa kuti haamo mu Zimbabwe vakaenda mhiri na Mitchy. Ohh gara zviya Kuna Nicole. Ndaka dialer number dzake ndichinyemwerera. Mufaro wakazara kumeso kwangu "Hello" "Nicole" ndakadaro ndichitaurira pasi "Anenyasha!!!" Akadaro achiratidza kuvhunduka "Nicole ndiri munjodzi pano please ndokumbira ufonere mapurisa nekukurumidza uvaudze nyaya yose ndichakusendera address please chomie" ndakadaro ndichichema "Ndokumbira uvaudze kuti ndi Tafadzwa aita zvose izvi. Please Nicky manje ndokumbira uudze mapurisa ndisati ndabva pano"ndakadaro ndichichema "Okay okay ndichaita sekudaro chirega kuchema "Please be careful Tafadzwa asaziva nezvenyaya iyi" ndakadaro ndichikata foni ndichimusendera location ndichibva ndabuda number dzake ne message ndichibva ndadzokera mu room mandasiiwa. Ndaingova munamato kuti dai Nicole akurumidza kusvika nemapurisa Tafadzwa Chii chandichaita manje. Handingakwanisi kugara pano ndisingazivi kuti chii chiri kuitika pana Ane. Ndakabva ndadana umwe mupurisa "Sayijeni" Akaswedera pandiri achitambisa pfuti "Yes" "Ndava ready manje kunokuratidzai Kuna Anenyasha" Mupurisa akaseka akanditarisa "Shuwa here?" "Yah I'm ready" Sayijeni akadana umwe mupurisa vachindivhurira asi chinhu chakandibhowa vakandiisa njema asi chinhu chandinoziva kuti kana ndichifanirwa kufa nhasi ndichafa nekuti ndiri kutiza pano dark or blue "Ndaziva kuti ndiwe wakamutora" "Ndokumbira tiende kunzvimbo yandakaisa Anenyasha" Vakanditora tichinopinda mu defender . Kumashure kwakapinda mapurisa maviri kumberi kwaiva nemupurisa umwe na sayijeni . Mota yakamutawa tichienda "Wanga uchifunga kuti uchasvikepi wakanyarara?" Mupurisa akabvunza "Ndanga ndichiti ndichanyarara kusvika zvishuviro zvangu zvazadzikiswa" akaseka achirova maoko. Ini ndaiva busy kubisa ka key e njema paari. Umwe mupurisa aiva busy nefoni yake achinyemwerera. Pandakangowana ma key ndakazvisunungura ndichibva ndatora paper spray yaiva paari. "Saka tiudze nhai Tafadzwa nei Waka kidnepa mwana wevanhu" "Ndokuona iwe hausati wambopinda murudo. Ndomuda zvakanyanya mwana uya ndiko Saka ndakamu kidnepa nekuti ndaida kuti tidzokerane" ndakadaro ndatobata paper spray anytime is tea time. "Eish vamupurisa ndokumbira kunorasa sadza ramandipa neku sim two" "Wakuda kunomama manje" "Ndataura pachikuru hanti" "Hayi unonetsa iwe" mupurisa akadaro "Ndichatanga nekusura muone zveshuwa ndiri serious. " Ndakadaro ndichimanikidza lucky zvakaita. Mota yakavharisa nemunhuhwi "Argg maan iwe usamamira mumota" mupurisa akadaro achidanidzira vari kumberi kuti vavhure" "Chii?" Sayijeni akabvunza "Mupfana ava kumamira mumota" mupurisa akadaro vabata mhino. Handina kupedza nguva ndaka sprayer kumeso ndichibva ndabuda nekukurumidza. Vari kumberi hapana zvavaiona. Pandakabuda ndakamhanya ndichienda mberi window raiva rakavhurwa ndakava sprayer zvekuti vasakwanisa chero kudij. Vachiri kuchema chema ndakamhanya apa ndaiva ndisingazivi kwandiri kuenda Narrated Nicole mushure mekunge afonerwa na Anenyasha paakangokata foni akabva afona "Uri kudei hanti Mari yako waiwana yose?" "Dai uri umwe watonyarara wateerera zvandoda kutaura" "Taura tinzwe?" "Ko nei musingatarisi Anenyasha nekuti achangobva kundifonera achindiudza kuti ndiende kumapurisa atondisendera ne location" Murume uyu akavhunduka "What?" "Iwe tenda kuti afonera ini chete?" "Nei uchiti afonera iwe chete?" "Anofungira kuti Tafadzwa ndiye Ari behind nyaya yose" ndinoziva kuti anga achafonera iye kumba kwavo handifungi kuti avafonera" "Okay thanks tava kuzomutarisa" "Ko haasati aenda? Anoenda rinhiko?" "Anoenda usatya" "Haay ngaaende angazotipinza munjodzi" Nicole akadaro achikata foni Chinhu chaafarira ndechekuti Anenyasha anofungira Tafadzwa kuti ndiye aita izvi uye afonera iye. Akanyemwerera akatarisa Mari yake ******* Kunzvimbo yaiva yakaiswa Anenyasha murume uyu mushure mekunge ataura na Nicole akaenda mu room maiva na Anenyasha "Waka relaxer?" Anenyasha akangonditarisa haana kumupindura "Ndiri kutaura newe" "Unodei kwandiri?" "Nei usina kudya chikafu chako?" Anenyasha haana kumupindura "Gara zviya mukomana wako anonzi ani? Misodzi yakapisa Pana Anenyasha murume uyu akaseka "Iwe waifunga kuti anokuda izvo aida kuzadzikisa zvishuviro zvake. Mashoko aya akamurwadza Anenyasha asi hapana zvaaikwanisa kuita "Ndokumbira usataura nezvake mberi kwangu?" "Asi uchiri kumuda?" "Ndati usataura nezvake" Murume uyu akaseka achibuda achienda ku office Kwa boss "Boss how far passport?" "Passport yatovapo mangwana Ari kuenda" "Hayy shuwa ngaaende angazotipinza munjodzi musikana uyu anoonekwa kuti akangwarisa" "Don't worry mangwana chaiye Ari kuenda" Thanks boss" murume uyu akadaro achibuda. Akatya kuudza boss kuti Anenyasha afonera Nicole nekuti aiziva kuti haangarasikirwi nebasa chete asi nehupenyu hwake Tafadzwa Ndiri kumhanya musango handingamhanyi mu road nekuti handizivi zvasara zvichiitika Kumashure pamwe mapurisa asara akamuka vakafonera amwe mapurisa kutaura kudai vari kunditsvaga. Handingagari ndichinyatsoziva kuti Ane ari munjodzi. Chandinongonamatira kuti vasamuita chinhu Anenyasha. Ndaimhanya musango asi ndaiva pedo nemugwagwa wemota. Ndichimhanya kudaro ndakaona mota paiva nemusikana aiva akamira akazembera mota. Ndakamhanya ndichienda kwaari ndakasvika ndichipinda mukati ndichimudana "Pinda tiende ndini ndiri kuchaira" "Mukoma uri kuitei mumota yangu?" "Trust me uchafamba netsoka ukada kutamba neni" Akapinda mumota achinditarisa. Ndakamutsa mota ndichiimhanyisa "Chii chiri kuitika?" Handina kumupindura "Handingakubatsiri nemota yangu kana usingandiudzi kuti Chii chiri kuitika" "Heey heey dzidza kuvhara muromo wako iwe dai uchidotenda kuti handina kukusiya ndaenda newe kuti ugodzoka nemota yako" "Haunganditukiri mota yangu ka" "Ndichakutengera petrol yako" "Handiidi ini petrol yako" "What a good news thanks wanzwa?" Akanyarara achidzungudza musoro. Ndakavhetemesa mota ndakananga kumba kwangu, ndakasvika ndikamisa mota pagedhi. "Thanks chienda hako" "Ndiyo nzira yaunonditenda nayo" "Yes kana pane zvauri kuda wakuziva kwandogara uuye rimwe zuva not today" ndakadaro ndichipinda mumba ndichimhanya. Foni yangu yaiva pasofa ndakafonera Roe "Dude wabuda?" "Ndatiza asi tofanirwa kuwana Ane ndisati ndabatwa. Uri kupi manje?" "Ndiri kumba ndina Lee na Prince" "Okay ndiri kusvikako manje mapurisa asati andibata" ndakadaro ndichitora ma key emota ndichimhanya ndichinopinda mumota. Ndakaivhetemesa mota ndakananga kumba Kwa Roe. Apa Anenyasha wacho handizivi ndotangira papi kumutsvaga. Ndakasvika kumba Kwa roe.vakagara pavakandiona vakasimuka "Dude wabuda sei?" Roe akabvunza "Hazvina kukosha izvo asi chandoziva mapurisa Ari kunditsvaga saka vanofanirwa kundiwana ndatomuwana Ane. Imwi hapana zvamawana here?" "Hapana wena ne ex yake taiedza kuibvunza asi hapana zvine musoro zvayataura" "Ari kupi manje?" "Tamusiya ku warehouse" "What if achitaura chokwadi kuti haazivi chinhu?" Lee akabvunza "Anobyeba uya anoziva Kuna Anenyasha"Prince akadaro "Hapana munhu anganyarara nekurohwa kwaaitwa kuya" Lee akadaro "Ndiani angaita izvi asi?" Ndakabvunza "Ini ndapererwa handichazivi kuti timutsvage kupi Anenyasha " "Asi tofanirwa kumuwana nhasi chaiye munhu aita izvi achandiziva mushe. Ndichaita sure kuti pose paanofamba akaona munhu wekwa Zvayi anotiza if ndichinge ndamusiya ari mupenyu" "Boss" Lee achitarisa Prince akadaro ndakamutarisa "Pane munhu wandiri kufungira ini" Lee akadaro "Ndiani" ndakabvunza "Prince" "What?" Takatarisana na Roe tichishamisika "Lee handizivi chinhu ini" "Yes akandiudza kuti achaita revenge nekutirova kwawakatiita" Ndakatarisa Prince nemaziso aiva akazara hssha "What?" "Akati zvinhu zvaunoda pana Anenyasha haufi wakazviwana" "Asi handina kuzozviita ka Lee" Ndakanzwa hasha ndichimujambira ndichimupa zvibhakera zviviri achidonhera pasi ndichimusimudza "Ari kupi Anenyasha?!!!" "Tafadzwa handizivi chinhu ini" "Ndati Ari kupi Anenyasha?" Ndakadaro ndichikava achidonhera pasi "Take it easy dude" Roe akadaro achiswedera pandiri "Prince waitirei zvose izvi?" Roe akabvunza "Handina kuzviita ini" Prince akadaro "Prince nguva yose iyi uri kutiita mapenzi tichitsvagana na Anenyasha iwe uchiziva hako kuti ndiwe wakamutora" Roe akadaro "Yes ndakazvitaura Kuna Lee asi handina kuzozviita please guys trust me" "Ndinokuvimba seumwe wangu wandinoshanda naye Prince asi iwe ndizvo zvawava kundiita!!!" Ndakadaro nehasha ndichimurova nechibhakera achidonhera pasi ndichiburitsa pfuti ndichidhonza trigger ndichimutendeka "Kana usingadi kufa ndiudze kuti Anenyasha Ari kupi?" "Handizivi " Ndakamukava kumeso achibuda ropa mumuromo nemumhino. "Mabara ari umu achaperera pauri Prince Ari kupi Anenyasha?" "Please Taffzo usamuuraya. Prince newevo taura mhani ari kupi Anenyasha?" Roe akadaro Pandaida kumupfura Roe akandibvutira pfuti "Unopenga here Tafadzwa!!! Taura maan Prince!!" "Ndati handizivi chinhu" Prince akadaro ndakamurova nezvibhakera End of chapter