Chapter 20 Munyaradzi Nyaya yemukomana uyu ini handichazivi manje kuti ndichaiita sei. Akadaro anodherera futi Tafadzwa angati achaona nemwana sei iye akarara na Bridget "Unofanirwa kuudza vabereki vako Munya, taedza kutaura naye Taffy zvaramba" Mpume akadaro "Iwe nei usingatauri navo" "Handidi kupinda kumba kwenyu Munya unoziva why" "Saka uchadzokera pano usina kuona vana here?" "Ndivo vaita kuti ndimire pano vanozondichemera" "Okay ndichataura na baba na mhamha ndovatsanangurira nyaya yose" "Okay ndokumbira undifonere undiudze kuti vati kudini" "Okay" "Takuda kuenda isu" Ndakabuda mumota "Mufambe mushe" Mpume akamutsa mota achienda neniwo ndakaenda kumba. Pandakangopinda pagedhi ndakaona Jay akamira pagedhi akapeta maoko "Boy " "Nei vasina kutiona" "Ani?" "Mhamha or ndoti maiguru Mpume" Ndakatarisa mudenga "Jay mhamha kune kwavanga vachimhanyira. Dai vakuona vanga vachanonoka kwavari kuenda" "Ko nhai mhosva yedu ndeyeyi muchitivenga kudai muri vaviri" "Jayden hazvisirizvo unoziva wani kuti tinokudai" "Ini hangu ndokumbira kunogara na bamnini Tafadzwa " "Unoziva wani kuti izvo hazvingaitiki " "Hazvingaitiki nei baba? Nekuti bamunini Tafadzwa ndiye ega munhu wandino feeler comfortable kana ndinaye" "Tafadzwa anoshanda haana nguva yekuswerotarisana newe" "Ndakura baba ini ndinozvitarisa." Ndakabva ndamusiya pagedhi. Mupfana zviito zvake ndezva Taffy chaiye ayy. Ndakabva ndaenda kumuzinda. Baba mazuva ano ndakuvatya. Kubva zvakaitika nyaya yangu na Mpume vakatora decision yekuti Tichaona ndiye akuzoita Mambo. Ndakapinda ndichigara pasi "Zvayi" "Uri kudei pano" "Nyaya yacho inoda vana mhamha varipo" Ethan akasimuka achinovadana. Vakauya vose pamwe chete na Maidei "Taura nyaya yako" baba vakadaro "Pandabuda pano ndanga ndichinosangana na Mpume" "Mpume? Nei asina kupinda?" Mhamha vakabvunza "Aramba ati anotya" "Yah aita zvakanaka nekusapinda" baba vakadaro "Anga achifamba ne munin'ina wake Bridge ati ane pamuviri pa Tafadzwa" Vanhu vose mumba vakavhunduka ndakavatsanangurira nyaya yose "Eyy vana ava shuwa. Tafadzwa veduwe ayy" Mamoyo vakadaro "Bridget ndamutora semwana ari right izvo ane mashiripiti" Maidei akadaro "Neniwo ndanga ndisingamufungiri kuti angaita zvinhu zvakadaro" mamoyo akadaro "Tafadzwa wee chiiko mwanangu!!" Mhamha vakadaro Mukomana uyu chiiko naye. Akuzviona semurume iye. Akukwanisa kunhumburisa iye. Ndomuda pano auye kuzogadzira zvinhu zvaakaita!!" "Saka kana zvadai chii chichaitika baba?" "Hapana zvimwe kunze kwekumuroora atova mukadzi wake" baba vakadaro vachitora foni vachifonera Tafadzwa "Iwe mpfana!!" "Baba makadii?" "Baba makadii zvekupenga!! Chii chawaita Kwa Sithole ?" "Baba ndaiva ndak--" "Hapana chandoda kunzwa chinobva kwauri kupera kwe mwedzi ndinokuda pano uuye kuzoroora mwana wawakanhumburisa zviri nani wava kushanda uchakwanisa kumuchengeta!!" "Baba handim--" baba vakakata foni "Vakomana vepano vose madununu newaunenge uchifunga kuti ndiye waunovimba anobva atokunyadzisa wesi!!" Baba vakadaro. Ndini ndiri kurehwa ka apa Tafadzwa Ndaiva ndakarara bhodhoro rangu redoro riri pamsoro pangu, ndikare ndichimwa. Handizivi kuti Chii chandofanirwa kuitira mwana uyu kuti aone kuti ndinomuda. Ndanga ndisina choice asi kumuudza chokwadi. Neniwo handizivi kuti ndingati basa ndakasiirei. Reason ine musoro handina. Ndakangonzwa ndisisade kuenda kubasa ndikarega . Handikwanisi kumanikidza ini. Kana chinhu ndisingachadi handichiiti. Ukuvo baba vari kuti ndiroore Bridget. Izvo hazviitiki manje. Handiroori munhu wandisingadi ini. Ndakanzwa munhu achindirova musoro "Dude muka ndikare ndichikufonera usingadairi ma calls angu" "Roland uri kudei pano unondikanganisa mhani" "Unopenga kukukanganisa chii iwe wakarara? Hona wakadhakwa sei" "Aenyasha andiramba" "Waitei" "Aziva chokwadi neni, neniwo ndikamuudza zvose" "Wamuudza zvose zvose?" "Aewa ndizvo zvamubhowa izvozvo kuti ndarambirei kumuudza" "Ayy dude that girl will come around she loves you" "Handifungi kudaro Roe mwana anga akanditsamwira uya" "So iwe you will give up just like that" "Aewa asi hazvisi nyore shaar ndine ma problems hobho ini" "Ndezvipi zvimwe zve" "Bridget aenda kumba vakandiudza kuti ndofanirwa kumuroora" Roland akaseka "Uri kusekei iwe uchiona ndiri mumatakanana akadai?" "Yah une problem hombe dude" "Saka uchatomuroora" "Handiiti zvekupenga ini, kana vachida kumuroora ngavamuroore Ivo vasiyane neni" "Haisi problem yangu iyo. Ini problem yangu iri Kuna Anenyasha kana vachida kundiroodza ngavandiroodze na Anenyasha yah ndichabvuma kwete gukurahunde rinozviti Bridget " "Ayy shaar wadhakwa iwe wadii kurara. Hona pfungwa dzako dzakutiza manje" "Ndoda kufonera Anenyasha manje" "Husiku manje uye haungakwanisi kutaura naye wakadai uchaita zvinhu zviite worse" "Kana ndikasataura naye vamwe vomutora?" "Hapana achatora Anenyasha ndewako Ane" Ndakanzwa maziso angu achineta zvekuda kurara chaiko. Ndakadhakwa guys ndatanga kare kumwa doro asi ndicharara sei ndisina kufonera Ane. But ndikamufonera ndichaita zvinhu zviite wesi. Roe Ari kutaura chokwadi rega ndirare ndichamuona mangwana Anenyasha Handizivi kuti ndanyora sei bvunzo. Handidi kunyeba handisi right. Tafadzwa handidi kuona chero paatsika. Type dza Tafadzwa dzinenge dzichingoda kurara nevasikana dzovasiya vakadaro. Ungamuda sei munhu iwe uchimunyebera. Tafadzwa andinyebera nezuro. Uye chinhu chandoda kuziva kujingirisa kwake anenge achiitei. Kuti arikuita zvema drugs? Or itsotsi? But how nekuti Tafadzwa akadzidza kwemakore akawanda ndipo paanozoda kuuraya carrier yake just like that. Ndakasvika kumba ndichibva kuchikoro foni yangu yaingorira aiva Tafadzwa ndanga ndaisiya kumba nekuti kubva makuseni anga achingondinetsa. Ndakatora foni ndichiitarisa Yaiva nehobho yema missed calls. Ndakavhura Whatsapp naiyovo yaiva ne hobho yema message a Tafadzwa. Nxaa Tafadzwa anondijairira uyu. Ndakaisa foni pasi ndichienda kunogadzira chikafu. Foni yangu yakaramba ichingorira zvekuti ndakapedzisira ndadaira "Uri kudei Tafadzwa?" "Finally thanks babe" "Uri kudei?" "Kukumbira ruregerero. Ndinozvisvora nezvinhu zvandaita, ndaiva ndisingafanirwi kukunyebera. Ndinokuvimbisa babe from now on ndichava honest kwauri" "Haufi wakarega kunyeba iwe" "Please babe" "Kuswera mangwana ndiri kuenda kumba" Neniwo ndiri kuenda haudi here kuti tiende tose" "Handidi kuenda newe Tafadzwa" "Bridget aenda kumba, hanzi ndofanirwa kumuroora" "Makorokoto" "No babe handimudi Bridget ini. Munhu wandicharoora ndiwe. Ini ndoda iwe chete Ane " "Unondida usingadi kundiudza kuti uri kuitei muhupenyu hwako" "Ndakuudza Wani kuti ndinojingirisa" "Haisi mhinduro iyo Tafadzwa " "Okay ndokumbira kuuya ikoko nditaure newe face to face " "Handidi " "Unondirwadzisa Ane" "Bye Tafadzwa " ndakadaro ndichikata foni yangu ndichitora chikafu changu ndichidya. Akandifonera zve asi handiidairi Narrated Prince aiva akagara na Leeroy. Airatidza kuti zvaaifunga zvihombe "Uri kufungei kudaro Prince?" "Ndiri kufunga Tafadzwa hangu" "Kuti adii?" "Zvinhu zvaatiita wamuona here kuti atidzinga sembwa" "Haa dude nazvino?" "Usandiudza kuti kwauri zvapera? Munhu uyu atidzinga sembwa kutiisa zvibhakera kunge vana vadiki" "Hazvirevi chinhu shaar nesuwo tamudenha ka" "We were joking dude. Ini kwandiri hazvina kupera" "Usadaro Prince" "Uchaona iwe zvandichamuita" "Usaita zvinhu zvichakupinza munjodzi, unomuziva Tafadzwa ari dangerous sei," "Handina basa nazvo izvo parizvino ndoda kuti zvinhu zvaari kuda asazviwana" "Unorevei manje Prince" "Uchaona wega" "Prince please ndokumbira kuti uzapinza vanhu vasimo munyaya iyi" "Mira uone chete iwe" ****** Ane aiva akagara mumba na Nicole vachiona TV "Ane" Nicole akadaro "Hmm" Ane akadaro "Gara zviya wati unoenda rinhi kumba?" "Mugovera ko iwe?" "Monday I think" "Okay" "Ane I'm sorry nemashoko andakataura kwauri about Tafadzwa" "No it's fine Nicky I think you were about Tafadzwa " "Haa aita sei manje?" "Pane zvinhu zvaari kuita zvandisinganzwisisi but it's fine now taparadzana" "Ohh sorry chomie pamwe anga asiri wako wako uchamuwana" "No ayy nyaya dzemijolo handichadi ndakuda kumira nazvo ndimboita zvechikoro" "Okay chomie Rega ndimbofurwa nemhepo ini kune kwandoda kuenda" "Okay Nicky rega ini ndimborara zvishoma" Anenyasha akadaro achisimuka achienda mu room make ****** Nicole paakabuda akaenda kune imwe bar kwaaiva avimbisana neumwe murume kuti vachasangana akawana atosvika" "Ndanga ndichiti hauchauyi ka ini" "Kana ndanga ndichambotsvaga information " Nicky akadaro ""Talk about business" "She's going on Saturday Saka pamwe anogona kudzoka asisiri mhandara who knows?" "Yah tofanirwa kukurumidza zveshuwa. Zvinhu zvauri kutaura ndozviona" Murume uya akaburitsa Mari achipa Nicky. Nicole akaitora achiiverenga yaiva USD2000 "USD 2000 ishoma iyi" "This is deposit imwe uchaiwana wapedza basa" "Okay I see what about nhasi husiku?" "Uchakwanisa kumuita kuti abude here?" "Haanetsi uyo usatya" "Okay ndichanzwa newe wakutiudza kuti titange basa" "One time" Nicole akadaro achisimuka achienda..mufaro waisvika seri kwenzeve nekuda kwemari ****** Mai Sarah vagara nguva yakareba vari kumba kwavo. Now vakufunga murume wavo pamwe chete nevana vavo asi mushavi wavo anoratidza kuti haachadi nezvavo. Zhou achiri kurwadziwa nenyaya yekuuraiwa kwe mukadzi wavo. Mai Sarah ndikare vachiedza kutaura na Zhou asi anoratidza kuti haachatodi nezva Mai Sarah. Nhasi Mai Sarah vafunga kuenda kumurume wavo kunotaura naye. Vakabuda vachienda, Vakasvika vakapinda mukati. Lucky Zhou aivapo aiva akagara nemwana wavo Paida. Paida paakaona Mai vake akafara zvakanyanya achivamhanyira achivahaga "Mhamha ndakagumai kare" "Ndauya mwanangu" Mai Sarah vakadaro "Uhhm regai ndimbonozorora mu room mangu ini" Paida akadaro achienda mukamuri make Chinangwa chake chaiva chekuda kupa vabereki vake mukana wekuti vabereki vake vataure "Mushavi" "Uri kudei pano mai Sarah?" "Yareba nguva Mushavi ndisipo pano ndokumbira undiregerere" "Zvino kana nguva yareba zvichaita kuti Chenge adzoke here?" "Mushavi ndoziva kuti ndakakanganisa uye ndiri kuzvishora siku nesikati. Ndokumbira usandidzinga Mushavi pano, ndiri kukufunga pamwe chete nevana vedu" "Hapana zvandichataura nemhondi ini" Mai Sarah vakagwadama mberi Kwa Zhou vachiedza kunyengerera murume wavo. Asi murume wacho airatidza kuti haachadi nezva Mai Sarah. "Mai Sarah ibva pamusha pangu ndisati ndaita zvinhu zvandichazvishora nazvo" "Mushavi ndokumbira ruregerero Kani" "Wandiwana ndakazvigarira murunyararo wauya iwe wava kundiitira noise. Buda pamusha pangu ndisati ndakuita chirema?!!" Mai Sarah vakaona kuti nyaya yakaoma iyi. Vakasimuka vachibuda misodzi ichiyerera Tafadzwa Ndakagara mumba ndikumwa doro rangu ndikungofunga Anenyasha chete. Zvinhu zvaandiita Ane zvinorwadza zvakanyanya. Ndomuda mwana uyu. Ko haazvioni neiko. No handingarasikirwi na Anenyasha ndiye ega hupenyu hwangu. Ndakasimuka ndichipfeka jacket ndichitora ma key emota ndichinopinda mumota. Ndakaimutsa ndakananga kunogara Ane. Ndakamutengera burger nezvimwewo zvaanofarira. Ndakamisa mota pagedhi . Zvichakadaro ndakaona romza wake achipinda mukati. Ndakamuridzira huta achibva auya kwandiri. Aifamba neimwe attitude inosvota argg maan. Mwari wangu ndibatsirei mwana uyu asandiitira attitude nekuti angabva pano asisina rimwe ziso. "Yah uri sei Nicole" "Yah Tafadzwa" "Ndokumbira undidanire Ane" "Anenyasha akarara ati anoda kuzorora" "Ndokumbira umumutse umuudze kuti ndiri pagedhi" "Wakuda kumurwadzisa zve?" "Asi unoda ndirwadzise iwe" Akanditarisa achirola maziso "Ndidanire musikana wangu or ndipinde" "Varume havabvumirwi kupinda" "Ini ndopinda kana ndashaya zvandiri kuda" "Haubvumirwi kupinda Tafadzwa* "Uchamudana Ane here or ndipinde?" Akatendeuka achipinda mukati. Ndakabuda ndichizembera mota. Zvichakadaro foni yangu yakarira. Ndakaitarisa ndichinyemwerera ndichidaira "Ane babe" "Taffy uri kudei?" "Ndoda iwe babe" "Ndokumbira usadaro Tafadzwa unoziva ndiwe watanga zvese izvi" "Yes ndini ndazvitanga ndokumbira kuzvigadzira" "It's over Tafadzwa hapana zvatichataura" "Okay ndakupinda nekuti ndoda kutaura newe" "Tafadzwa uchanditukisa unoziva last time pawakapinda ndakapinda busy" "Handina basa nazvo ini ndakupinda" ndakadaro ndichikata foni yangu Pandaiva ndakupinda foni yangu yakapinda message Ari Ane aindiudza kuti ndisapinda Ari kuuya. Ndakanyemwerera ndichibva ndamumirira. Ndakamuona achibudikira aionekwa kuti arikubva kuhope. Akananga straight kwandiri. "Unopenga here Tafadzwa " "Mai Tawedzerwa uri sei?" "Tafadzwa uri kudei pano?" "Ndaedza kukupa space Ane asi ndatadza. Ndiri kutadza Ane. I'm nothing without you " "Siyana neni Tafadzwa handichakudi hapana chichachinja" "Tanga wanondirutsisa kuti ndisiyane newe" Anenyasha Ndinomurutsisa? Anopenga here mukomana uyu? "Ndinokurutsisa?" "Yes babe hanti wakandidyisa here? Chienda unondirutsisa ndisiyane newe " Ini nemushonga? Hezvo Tafadzwa unondishurira?" "Hakuna kwandinoenda usina kundibisa chidyiso chawakandiisa" "Unopenga here Tafadzwa?" "Ehe ndopengeswa newe Ane. Haunga mbonditi kuti ndikude pedzezvo wondisiya ndakadaro " "Hapana zvandakakuita Tafadzwa iwe unopengeswa nembanje dzaunosvuta" "Tiri kuenda kumba kwangu manje" "Forget and smile" "Anenyasha handidi kuzoita zvinhu zvive worse patiri" "Ohh now I see vanhu vakawanda vaindiyambira newe asi handina kuvateerera. Vaitaura chokwadi kuti iwe unongoda chinhu chimwe chete pandiri" "Chii chandiri kuda kwauri?" Tafadzwa akabvunza achiratidza kusvotwa nezvandaiva ndataura "Unoda humhandara hwangu that's why uchinditeverera kudai Hanti ndakuramba usati wazadzikisa chishuviro chako. Ndakuona Tafadzwa kuti uri type ipi yemukomana. Uri type ye vakomana vanorara nevasikana vovasiya just like that sezvawakaita pana Bridget " Akasunga huso achinditarisa. I don't care zvagara chokwadi chinorwadza *Anenyasha ndakauya kwauri ndichida humhandara hwako? Ndiani akakuudza izvozvo? Iko unopinzirei vanhu mu relationship yedu? " "Hapana munhu wandapinza asi ndizvo zvaunoda iwe. Unongoda kurara neni wondisiya that's why wakunyebera kundida zvakanyanya " "Anenyasha " Tafadzwa akadaro achinditarisa kwenguva yakareba achibva atendeuka achipinda mumota yake Ndakaona achikanda plastic bag achimutsa mota yake achiimhanyisa. Ndakashamisika nazvo, ndakaitarisa mota yake kusvika isingachaonekwi. Apa nguva dzaiva dzava Kuma 8pm asi kunze ungati masikati nekuti ma light akabatidzwa nzvimbo yose. Ndakaswedera pa plastic ndichiivhura mukati maiva be burger ne drink, ndakaitora, handingarasi chikafu zve. Pandaiva ndakupinda pagedhi pakabudikira mota ye silver yakasvika ichimira pedo neni. Pakabuda umwe murume akamhanya achiuya kwandiri. Pandakati ndimhanye ndipinde mukati aiva atosvika akandibata ruoko achindidhonza achindisimudza kunge mwana mudiki. Ndakaridza mhere Akamhanya neni achindipinza mumota kumashure. Uya wekundisimudza ndiye akachaira. "Ndokumbira mundisiye please matora munhu ari wrong handisirinhi wamuri kuda" ndakadaro ndichichema "Fotsek shut up bitch!!!" Ndakanyarara same time sezvo ndaiva ndatendekwa nepfuti. Ndaingonamata mumoyo kuti ndisauraiwa. I wonder ndiri kuendwa neni kupi. Ohh God please save me. Dai hangu ndateerera Tafadzwa ndikaenda naye End of chapter