Chapter 13 Anenyasha Ndakaenda muroom mandaifanirwa kurara ndikarara. Ndaingo zvibvunza kuti Tafadzwa chii chaizvo chaari kuvanza. Makuseni ndakamuka ndichienda ku kitchen ndakawana Maidei ari busy. Takamhorosana ndikamubatsira ne breakfast. Tapedza takaendesa patafura vanhu vakauya vakagara pasi tikatanga kudya Tafadzwa naiyevo aivapowo. Tichidya kudaro takanzwa knock pa door, Ethan akasimuka achinovhura. Aiva mapurisa, ndakatarisa Tafadzwa asi akatozeesa maziso. "Vanhu vemitemo pane zvatatadza here makuseni ano?" Mambo vakabvunza "Tiri kufamba tichitsvaga Fanuel Zvayi" mupurisa akadaro. Ndakatarisa Tafadzwa akandipa ziso raityisa zvekuti ndakakurumidza kutarisa pasi. "Fanuel Zvayi? Aewa hatimuzivi isu Fanuel Zvayi. Iye Fanuel wacho aitei?" "Tafonerwa nemapurisa eku Zvishavane kuti pane mukomana awanikwa akafa I think anga achibatwa nematsotsi Saka tazobata umwe wematsotsi acho ndiwo ati direct kuno ati mukomana wacho anonzi Fanuel Zvayi ". Mupurisa akadaro Ndakavhunduka ndichitarisa Tafadzwa. Kuti Tafadzwa ndiye Fanuel here? Anga achitsvagei ku Zvishavane kwese uko? Kuti ndiye Fanuel? Aewa haasi kwangova kufanana kwe mitupo chete. "Aewa ndoshuvira kuti mumuwane pano hatina munhu akadaro "Mambo vakadaro "Nesuwo kana pane chatanzwa tichakuzivisai" Munya akadaro Mapurisa akaoneka achibva aenda. "Ewuu nyika yashata iyi.vana vedu ava" Mambo vakadaro "Taffy newe Ethan musamboedza henyu kuita zvinhu zvakadaro " Mai Munya vakadaro "Haa maiguru isu here aewa hatiiti zvakadaro isu" Ethan akadaro achiseka hake Tafadzwa haana zvaakataura akasimuka achienda mu room make aionekwa kuti haasi right ane zvihombe zvaari kufunga. Tapedza kudya takarongedza ndiro tichiendesa ku kitchen imwe ndiro yaiva ne ring "Hezvo ko haisi ring ya Taffy here?" Maidei akabvunza "Ndiyo"ndakadaro ndichiitarisa zveshuwa yaiva ya Taffy "Ndokumbira unomupa" Maidei akadaro. Ndakatora ring kuna Maidei but I'm scared kuenda mu room ma Tafadzwa but hapana zvandingaita ndakabva ndaenda mu room make. Ndakamuwana achitaura pafoni door raiva risina kuvharwa "Uudze benzi iro riri kujeri kuti makomo haasangani asi vanhu vanosangana" Tafadzwa akambonyarara kwenguva I'm sure aiteerera zvaitaurwa nemunhu waaitaura naye pafoni "Aewa vati vanoda Fanuel but it was so close" ------------------ "Okay ndozokufonera masikati" Tafadzwa akadaro achikata foni. Ndaiva ndango freezer panzvimbo imwe chete. Naiyevo paakandiona akavhunduka "Wakanganwa ring yako mu plate" ndakadaro ndichimupa ring. "Kana uchitaura pafoni dzidza kuvhara gonhi" ndakadaro ndichibuda Misodzi yaiva yajenga kumeso chii chiri kumboitwa na Tafadzwa. Inyaya yeyi yaari kuita? Ndakasvika muroom mangu ndikazvikandira pa bed. Zvichakadaro Portia akapinda achida juzi ndakamupa achibva abuda. Foni yangu yakarira vaiva mama. Vakandiudza nezvababa kuti havadi kutaura navo vakazondiudza kuti pane zvavanoda kutaura neni nazvo saka vanoda kundiona. Ndapedza kutaura na mhamha Munya akapinda "Zvayi ndafonerwa na mhamha vati vanoda kundiona " "Kwakanaka here?" "Handizivi asi mhamha vava nesvondo rose vachigara kumba kwavo" "Okay ndichakuendesa" "Aewa Zvayi ndichaenda ndega iwe unebasa rakawanda raunofanirwa kuita" "Ndikutsvagire munhu achakuendesa" "Usanetseka neni ndichaenda ndega" "Aewa handingabvumi kuti uende wega rega ndikutsvagire munhu achakuendesa" Munya akadaro achibuda Ndakasara ndichizvigadzira. Munya paakauya ndaiva ndatopedza ndakanopinda mumota tichienda. Munzira foni yangu yakarira pandakatarisa aiva Taffy. Ari kudei manje kwandiri uyuvo uyu? "Uri kudei kwandiri?" "Uri kupi? Ndoda kutaura newe" "Ini handidi kutaura newe" "Please Ane inyaya yakakosha unofanirwa kuinzwa" "Ndichifira kuita zvinhu zvakakosha kwandiri manje" ndakadaro ndichikata foni. Akandifonera zve "Chiiko newe Tafadzwa kukata foni zvoreva kuti handidi kutaura newe" "Anenyasha haungakati foni kunge ndiwe wafona maan . Ndoda kutaura newe manje" Ndakakata ndichidzima foni yangu. Tafadzwa anondijairira ahh **** Takasvika pandaiva ndasenderwa location na mhamha ndakawana mhamha vatosvika ndakabuda mumota ndichienda kwavari. Pavakandiona vakandimhanyira vachindihaga "Mhamha inyaya yeyi yamandidanira?" "Gara pasi mwanangu titaure" mhamha vakadaro takagara pasi "Ndinoziva mushure mekunzwa nyaya iyi uchandivenga mwanangu?" "Nei muchitaura kudaro mhamha? Handifi ndakakuvengai ini" "Ini na mama Ethan taiva ma best shamwari. Taiwirirana zvakanyanya" Ndaiva ndatovhura nzeve ndichida kunzwa kwaienda nyaya "Chinhu chekutanga chandichakuudza chenjera Mai Ethan Inyoka iya, kutaura kudai vari munzira yekuda kuuraya Munya. Mushonga vatova nawo" Ndakavhura maziso "Haa mhamha nei makanyarara nenyaya yakadaro? Imwi maiziva sei nekuti ndanzwa sekunge mati Mai Ethan vaiva shamwari yenyu kare" "Ndakaenda naye" "Why?" Ndakabvunza ndakurohwa nehana "Eish mwanangu pane zvakandimanikidza kuti ndiite zvinhu zvakadaro?" "Mhamha ndezvipi zvinhu zvingakumanikidzai kuita zvinhu zvingauraya munhu? Worse part murume wemwana wenyu. Or hamunditori semwana wenyu?" "Aewa hazvisirizvo mwanangu " "Saka nei makaenda naye?" "Anondityisa mwanangu" "Anokutyisai nei?" "Aiti achaudza vanhu vose kuti ndini ndakauraya Chenge " Ndakanzwa kunge pane zvadarika munzeve dzangu "Handina kunzwa mhamha mati kudii?" "Ndinokuvimbisa mwanangu handina kuzozviita " Ndakanzwa misodzi kupisa kumeso kwangu "Chii chamusina kuzoita" "Kuuraya Mai vako. Mama Ethan vakanditi ndiuraye mai vako nekuti baba vako vanovada zvakanyanya kudarika ini Saka ndakabvumirana nazvo nekuti ndaiva ndaneta nekugara ndichichema nekuda kwavo" Ndakapererwa kuti ndoti kudii. "Takaenda ku n'anga ikatipa mushonga asi patakasvika kumba ndaka ndazofunga kuti zvinhu zvandoda kuita zviri wrong. Ndakadzosera mushonga Kuna mama Ethan ndikamuudza kuti handichadi kuzviita. Akabvuma haana kupokana neni rimwe zuva akatishanyira izvo ane chinangwa chake akaisira Chenge mushonga mu juice" "Makauraya Mai vangu?" "Aewa handina mwanangu ini ndakatadza nekuteerera Mama Ethan chete" "Nei makashara kutitorera Mai vedu? "Mwanangu handis---" "Handisi mwana wenyu ini!! Nei makaita hutsinye hwakadaro. Muri mhondi Mai Sarah. Now I see nei baba vakakudzingai huroyi hwenyu uhu" Mai Sarah vakandibata ruoko asi ndakabvuta ndichibva pavari. "Musandibata nemaoko akauraya Mai vangu" "Ndiregerere" "Ruregerero rwenyu muchanorukumbira mberi kwevanhu.. . " Ndakadaro ndichibva pavari. Nguva yose iyi ndaidana mhamha munhu akauraya mai vangu. "Mambokadzi muri right?" "Ndiri right ndiendese kumba kwedu KwaZhou" Muchairi akabvuma nemusoro achimutsa mota tichienda kumba. Munzira aingonditarisa nepa mirror aindiona kuti ndiri kuchema asi akatya kundibvunza. Takasvika kumba ndikaburuka mumota. "Enda hako kumuzinda ndichauya netsoka" "Aewa mambokadzi ndichakumirirai Mambo vangandiuraya ndikakusiyayi" Ndakabvuma nemusoro ndichipinda mumba. Paida aiona TV. "Vari kupi baba?" "Mu room mavo uri kuchemei?" Handina kumupindura ndakananga mu room ma baba. Baba pavakandiona kuti ndiri kuchema vakasimuka vachiuya kwandiri "Dza baba" "Ndakuziva zvose nezvekufa Kwaamai uye ndoziva kuti ndivanani vakavauraya nei maindivanzira baba?" "Ruregerero mwanangu chirega kuchema?" "Nei vakaita zvinhu zvakadaro Kuna mhamha? Hapana zvavakaita zvaiva wrong. Ndivo vakatanga kusvika pamusha pano. Vakakupai nguva navo kusvika vaita vana 3 yose Ivo vasina Saka nei vakaita zvinhu zvakadaro kwavari?!!" "Zvakwana mwanangu chirega kuchema" baba vakadaro vachindipukuta misodzi vachindihaga Munyaradzi Ndakagara mu room mangu na princess wangu Taffy anobva apinda "Taffy ndingakubatsira nei?" "Mukoma pane zvinhu zvandisina kukuudzai?" "Zvii izvozvo?" "Maiguru Mpume varipo vari mu town" Ndakamutarisa ndichishamisika "Nei usina kundiudza Tafadzwa?" "Ndivo vati ndisakuudzai vanga vachitya uye pane zvinhu zvakakosha zvavanoda kukuudzai" "Handina nguva ya Mpume ini akanditorera mukana wekuva nevana vangu" "There was a reason brother ndokumbira umupe mukana ataure zvaanoda kutaura ndichaenda newe broe please ndokumbira uende kunomuona" "Okay" "Neniwo daddy ndokumbira kunoona mhamha" Portia akadaro "Princess ingasara neiko" Portia akanyemwerera akanditarisa. "Enda unoudza mukoma wako kuti tiri kunoona mhamha vako" Portia akabuda achinomuudza neniwo ndakasara ndichigadzirira. Ndapedza ndakabuda tichinopinda mumota takananga mu town. Takasvika mu town tikaenda ku hotera kwaaive ari. Takamuwana akarara pa bed achiona TV. Paakandiona akavhunduka achibva amuka achisimuka. Vana vakamumhanyira vachimuhaga. "Ahhm tichakumirirai mumota or tichauya mapedza kutaura" Taffy akadaro achitora vana vachibuda. Mpume akanditarisa achiswedera pandiri "Munya" "Why Mpume?" Ndakaona misodzi mumaziso ake "Kwaisava kuda kwangu Munya. Mama Ethan ndivo vakandimanikidza kuita zvose zvandakaita" "Mama Ethan?" Ndakabvunza ndichishamisika "Yes mainini vako" Mpume akadaro achindiudza nyaya yose yakaitika . Haa but mama Ethan vaizviitirei zvose izvi? "Iwe waiva wakaroorwa na mama Ethan or neni?" Newe Munya asi ndaityira vana vangu" "Waifunga kuti ndingatadza kudzivirira vana vangu here?" Misodzi yakayerera zve Kuna Mpume "Aewa Zvayi asi akandiita kuti ndione zveshuwa aizovauraya vana vangu" "Reason yeyi?" "Musi wandakabva nawo kumba kwenyu ndaiva ndichangobva kubudirwa nepamuviri pemwana wedu. Mama Ethan vakandipa chikafu chaiva nemushonga mwana wangu akandisiya ipapo. Vakandiudza kuti vasara hazvivanetsi kuti vavauraye. Ndaitya Zvayi ndaiva ndisina option it's not kuti ndaida kuenda asi ndaiva ndisina choice" "Mama Ethan vakauraya mwana wangu!!?" "Yes ndaiva nepamuviri ndaiva ndichangoziva nezvazvo nezuro kwacho. Ndaiiti ndichaita surprise kukuudza I'm sorry Zvayi" "Nei mama Ethan vakaita zvinhu zvakadaro " ndakadaro ndichiswededza Mpume aichema pandiri ndichimunyaradza. "Chirega kuchema zvichadarika zvose izvi manje tofanirwa kuenda kumba tinoudza vanhu zvose izvi. Mama Ethan vachafira kujeri nezvinhu zvavakaita " ANENYASHA Ndakamuka makuseni ndichitemwa nemusoro ndarara kumba kwedu. Ndakatarisa nguva "Shit baba ndakufanirwa kuenda" "Uri right dza baba?" "Handisi right baba until Mai Sarah na mama Ethan vasungwa nezvavakaita kuuraya Mai vangu" Baba vakatarisa pasi Havana kundipindura "Ndinoziva baba mukadzi wenyu uye munomuda asi vanofanirwa kupihwa mutongo wavo. Pandinosvika kumuzinda ndichaudza Munya nyaya yose " "Ita zvichaita kuti urerukirwe dza baba" baba vakadaro vachindiperekedza kumota. Muchairi aiva arara mumota. Ndakasvika ndichipinda mumota "Eish I'm sorry nekusakuudza kuti ndicharara kuno" "Don't worry my Queen " "Munya haana kufona here?" "Aewa mambokadzi " muchairi akadaro achimutsa mota tichienda. Patakasvika kumuzinda takasvikirana nemota ya Munya naiyovo ichisvika. Munya akabuda mumota then Mpume naiyevo akabuda. Ndakashamisika nazvo asi ndingati kudii hangu hanti mukadzi wake here? Tafadzwa naiyevo akabuda akabata vana Neniwo ndakabuda mumota ndichipinda pamba. Tafadzwa akaswedera pandiri achindibata ruoko, ndakaedza kurubvuta asi akandibata zvekuti ndakapedzisira ndamurega "Wanga uchichema Ane?" Handina kumupindura "Chii Ane? Wanga uchichemei?" Handina kumupindura ndakapinda mukati. Family yaiva yangotarisa Mpume nekushamisika. Machinda akaudzwa kuti vaunganidze vanhu vanoshandidzana na Mambo After an hour vanhu vaiva vatozara, ndakatarisa pa corner ndikaona Mai va Paida naivowo varipo. Yah vaita zvakanaka vakauya, nhasi vachapihwa mutongo wavo nezvavakaita ne shamwari yavo. Ndakatarisa mama Ethan vaingoti boi boi maziso njuga dzarema nhasi kungwara kose kunopera nhasi. Tafadzwa aingotarisa kwemunhu Ari kundinzwira tsitsi. Mpume naiyevo aingonditarisa I'm sure ava kuziva kuti ndakaroorwa nemurume wake. Takaenda kumuzinda tikagara pasi. "Ndinotenda nekuuya kwamaita pano. Ava Masithole vanoda kutaura nyaya yakaita kuti vaende" Munya akadaro Ohh Saka mukadzi wake ndi Masithole. Mpume akasimuka akatanga nekumhorosa munhu wese. "Ndinoziva kuti munhu wese akashamiswa nekuenda kwangu asi neniwo kwaisava kuda kwangu situation ndiyo yakaita kuti ndiende" "Situation yakadii iyoyo ingaita kuti utize murume nevana vako?" Mai vanoona nezvevadzimai vakabvunza "Mama Ethan ndivo vakaita kuti ndiende" Vanhu vose vakavhunduka vachitarisa mama Ethan "Wati kudii?" Mambo vakabvunza "Ahh Masithole ndakaitei ini?" "Ndimwi mhamha, ndimwi makanditi ndiende. Makati ndikasaenda muchauraya vana vangu. Umwe wacho makamuuraya makandiisira mushonga muchikafu nhumbu yangu ikabva" "Zvayi" Gumede akadaro "Mama Ethan ichokwadi here ichi?" Mambo vakabvunza "Handizvizivi zvaari kutaura Masithole ini. Anondinyebera. Ndingati aende kuti zvigodii ndingaitirei zvinhu zvakadaro shuwa?" Nekuti munoda kuti Mambo abve pachigaro" ndakadaro vanhu vose vakaita yohwe yohwe "Anenyasha" Munya akadaro Ndakabva ndasimuka "Ruregerero nekungobudikira zvisina respect vanhu vakuru vachiri kutaura asi zvinhu zvataurwa na Masithole ichokwadi" ndakadaro "Nei wadaro?" Gumede akabvunza "Nekuti vakazviita kwatiri naTafadzwa zvinhu zvakaitika kusvika tarara muroom imwe chete ndivo mama Ethan vakakonzera zvese. Ma picture ndivo vakatora" "Ndichiitirei zvinhu zvakadaro" "Nekuti munoda kusvibisa Zita Ra Mambo munoita zvose izvi kuti blame igoenda Kuna Mambo agodzikiswa pachigaro" ndakadaro "Ari kutaura chokwadi Anen-- Mambokadzi zvose izvi mainini vanozviita nekuti vanoda kuti Ethan agare pachigaro" Tafadzwa akadaro "Ehe ichokwadi kutaura kuno mama Ethan vane mushonga wavakauraya nawo mhamha vangu vanoda kuuraya Mambo mudiki" "Hatisi kunzwisisa isu mushonga wakauraya Mai vako?" Vamwe Mai vakadaro "Ndofunga kuti mhinduro dzamunoda Mai Sarah vanadzo ndivo vangakuudzai zvose" ndakadaro. Mai Sarah vakasimuka vachichema vakataura nyaya yose. Munhu wese aionekwa kuti nyaya iyi yaiva yamupedza Simba. Kana vari sa Mambo Ivo kusafenda kwaingova kusafenda zvavo asi zvakavavhundutsa kudarika munhu wese "Mama Ethan" Mambo vakadaro. Mama Ethan havana kupindura "Mainini shuwa mungabva mandifungira zvakadaro?" Munya akadaro. "Handizvi believe kuti une chitunha pasi. Waimuuraira chii mukadzi wa Zhou?" Mambo vakabvunza. Mama Ethan vakatarisa pasi "Manje uri kuda kuuraya mwana wangu chiiko newe Mama Ethan? Mambo vakadaro Ini misodzi yaiva yakuyerera ndichifunga funeral ya Mai vangu. Dai madzimai aya maviri asina kuuraya Mai vangu dai vari vapenyu so. Dai ndina Mai vangu so. Ndakaona Tafadzwa achinditarisa naiyevo aiva akuda kuchema. "Nei uchiita zvinhu zvakadaro mama Ethan?" Mambo vakabvunza "Ndakaita zvinhu zvandakaita nekuti ndaida kuti mwana wangu aite Mambo. Nei ini nguva dzose ndichigara ndiri kumashure" mama Ethan vakadaro "Ndeupi mwana wamaiitira?" Ethan akabvunza "Iwe Ethan" "Ndakambokukumbirai here ini kuti muite izvozvo? Iko ndiani akakuudzai kuti ndoda kuita Mambo ini? Hamuoni here zvinhu zvamoita husatani chaihwo now makuda kuuraya mukoma wangu nezvinhu zvisina basa " Ethan akadaro "Handizvi believe zvose izvi" Ticha akadaro "Mama Ethan nei uchidaro vana vedu shuwa. Tinoseka newe siku nesikati asi iwe unofungira vana vedu zvinhu zvakashata" Mai Munyaradzi vakadaro "Hanti ndaiitira mwana wangu here?" Mama Ethan vakadaro "Mamlilo ndiwe unopa madzimai mutongo" Gumede akadaro "Mama Ethan Mambokadzi wedu. Zvinhu zvawaita zvakashata wati disappointa. Mukadzi haarohwi mudunhu redu asi kana atadza anopihwa mutongo Saka tichazvisiya mumaoko emutemo iwe uri kunofira kujeri" mamlilo vakadaro Pakamboita runyararo. Ko nei Mai Sarah vasingatauri nezvavo vanofanirwa kupihwa mutongo naivowo ka "Mai Sarah nyaya yako tainzwa waiva usingafanirwi kuteerera mama Ethan yes tinonzwisisa mushonga wakaudzosera asi waiva usingafanirwi kunyarara waifanirwa kutaura mushure mekunge mukadzi wa Zhou ashaya" Mamlilo vakadaro. Pakamboita runyararo kwema minutes pasina anotaura. "Nyaya yako handizivi kuti ndingati kudii. Dai kuchinzi wakambozama kuuraya ukatadza dai tichikupa mutongo asi hauna kuzviita Saka ipapo panonetsa hatizivi kuti mapurisa achakuita sei. Mutongo wako tichausiira murume wako ndiye achakupa mutongo. Nyaya yako taiisa mumaoko e family yako" "Aewa vakaedza kuuraya mhamha vangu" ndakadaro ndichichema ndichisimuka ndichienda kuna baba ndichivahaga "Baba hanti Mai Sarah vanofanirwa kuenda kujeri? Nhasi uno handina mhamha nekuda kwavo" ndakadaro ndichichema "Tinonzwirana newe Mambokadzi mudiki asi nesuwo tiri kutevera mutemo" Mamlilo vakadaro. Ndakaona Mpume achinditarisa achivhura maziso. Ohh inyaya yekuti ndanzi Mambokadzi mudiki. Akanditarisa achibva atarisa Munya. Mapurisa akasvika akatora mama Ethan. Ndakatendeuka ndichienda muroom mandarara ndichinogara pamubhedha ndichichema. Mai Sarah vanga vachifanirwa kuenda kujeri. Vaivapo pairongwa kuurawa mhamha. Ndichiri kuchema kudaro ndakanzwa munhu aindibata mafudzi aiva Taffy. Akauya achigara pedo neni. "I'm sorry ndanga ndisingazivi nezvenyaya iyi ini" Taffy akadaro "Uri kudei pano Tafadzwa? Hanti ndiwe wandiudza kuti ndisiye kukuteverera , Saka iwe uri kudei pano" "Hanti uri kuchema here? Ndauya kuzokunyaradza" "Ndamboti ndoda kunyaradzwa newe here ini? Ibva pano Tafadzwa" ndakadaro ndichichema "Okay ndakuenda Sara uchichema kana waneta urare" Tafadzwa akadaro achichema Nompumelelo Vanhu pavakadzosera Munya pachigaro ndaiva ndisisazivi kuti ndiite sei. Ndiende here or ndigare? Iko kugara pano ndinenge ndakagarira ani sezvo Munya ava nemukadzi. "Mama ini ndakufanirwa kuenda" ndakadaro. Portia akauya achigara pandiri "Popo ndichauya kuzokuona ini ndakufanirwa kuenda" "Mhamha muchienda kupi daddy varipo hanti" Popo akadaro "Mwana ari kutaura chokwadi muroora tose tinoziva chii chakaita kuti uende" Mai Munya vakadaro "Asi mhamha Munya ava n--" "Tinoziva kuti Munya ava nemukadzi asi ndiwe mukadzi wa Munya wekutanga Saka unofanirwa kudzoka pamba pako" mamoyo akadaro "Ichokwadi Mambokadzi musha wako uyu Saka dzoka kumurume wako. parizvino Munya aenda kunotaura na baba achauya achitaura nemwi" Mai Munya vakadaro. "Okay" ndakadaro "Mhamha huyai ndikuratidzei mbatya dzandatengerwa na daddy" Portia akadaro "Portia hazv--" "Enda muroora" Mai Munya vakadaro vachinyemwerera. Portia akandidhonza tichienda mu room ma Munya. Patakangopinda ma memories angu na Munya akauya ose. Ndakaona misodzi ichiyerera kwandiri. Ndakaipukuta nekukurumidza. Portia akaburitsa mbatya dzake nezvidhori achindiratidza "Maona kuti baba vatitengetei" Portia akadaro "Zvakanaka Popo" "Ndava princess manje daddy vadaro" ndakaseka "Ohk Princess dzakanaka" "Good mama, Saka imwi mucharara kupi umu munorara mainini Anenyasha?" "Ah pfekedza mwana wako Ari kutonhorwa" Portia akaseka Anenyasha Zvinhu zvose zviri kuitika ndiri kuona sekunge ndiri kurota pamwe ndichapepuka. Ndakatora mbatya dzangu ndichienda mukamuri mangu ndakawana Portia na Mpume vakagara pa bed. Mpume pandakapinda akasimuka "Uhhm Portia ndiye andidhonza achida kundiratidza zvinhu zvaatengerwa na baba vake" "No problem" ndakadaro "Regai ndiende ini" Mpume akadaro achida kubuda asi Munya akabva apinda "Garai pasi ndoda kutaura nemwi muri vaviri" Munya akadaro takagara pasofa "Ndinoziva kuti zvinhu hazvisi right pamuzinda. Mandlovu sorry nezvinhu zvakaitika pana Mai vako" Munya akadaro Handina kumupindura ndaiva ndatononokerwa nekunzwa zvaaida kutaura "Mandlovu sezvo uchiziva kuti taiva takachata na Masithole I mean takachata vanhu vakuru vati asaenda achiri muroora wepamusha pano" Munya akadaro "Iwe uchiti kudii?" Ndakamubvunza Munya akanditarisa achishamisika "I'm sorry Ane nezvandichataura asi ndiri kubvumirana navo" Ndakarohwa nehana ndichitarisa Munya "Ndinoziva kuti zvicharema kwamuri muri vaviri asi ndinokuvimbisai ndichakubatai zvinoyenzana sevakadzi vangu" No no no haisiriyo life yandakati ndinoida ini. Handina kumbobvira ndakafunga nyaya ye barika.. chero kuhope chaiko handina kumborota nezve barika ini. "Ndinofunga kuti mandinzwa" Munya akadaro Hapana akapindura "Mandlovu, Masithole " "Ndakunzwa" Mpume akadaro "Ndakunzwa " ndakadaro. Zvichakadaro pakapinda vashandi "Tatumwa nevanhu vakuru vati tiuye kuzotora mbatya dza Mambokadzi mudiki " Saka ndini ndiri kubuda muno? Ko ndini here ndakati mama Ethan vadzinge Mpume zvandava kufira zvivi zvavo "No endai henyu ndichadzitora ndega" ndakadaro misodzi ichiyerera Ndakasimuka misodzi ichingoyerera ndichienda pa wardrobe ndichitora mbatya dzangu ndichienda mune rimwe room. Munya akanditevera. "Ane" Misodzi yakabuda ichiteverana "Ndoda kuenda kumba ini" ndakadaro ndichichema "Ndokumbira undipe mukana ndinoziva kuti uch--" "Munya ndibvumire ndiende kumba please handingazvigoni ini izvi" "Hanti unoziva kuti hazvingaitiki izvozvo " "Inga Wani mukadzi wako adzoka" "Newevo uri mukadzi wangu" Ndakasimuka ndikamusiya akagara pamubhedha End of chapter