Chapter 34 Anenyasha Yooh handisi kuzvi believer zvinhu zvose izvi ini naTafadzwa soon tiri kuchata. I can imagine ndave mrs Tafadzwa Zvayi. Ndakaona ana baba vake vachipinda mumba ndakanyemwerera ndakavatarisa "Woow congratulations" Tate Akadaro "Ndiri kunzwa kunge ndiri kurota" ndakadaro "Hauroti zvinhu zviri kuitika zveshuwa" Vee akadaro Zvichakadaro Paida akabudikira "Ane uri kudanwa mumba' Paida akadaro Ndakavhura maziso. "Why?" Ndakabvunza "Handiziviwo neniwo hanzi ndikudane" Paida akadaro Vakandigadzira ndakaenda ndakapfeka dress rinosvika kumakumbo chaiko. Ndichibva ndaenda ikoko ndakasvika ndichigwadama pasi apo ndainzwa kunyara. Ndinoiziva family yekwana Munya yakadii chimwe chinhu Munya aivapowo ndinoshuvira kuziva kuti vabereki vake vari kuti neni. Asi handina basa nazvo izvo ini ndoda Tafadzwa chete, handingarege kumuda nekuti vamwe vanhu vari kuti havadi tive pamwe chete ndaneta ini nekuita zvinhu zvinofadza vamwe vanhu "Ndiwe Anenyasha?" Vamwe baba vakabvunza "Ehe ndini baba" ndakadaro ndakatarisa pasi ndichitarisa baba ava ndichibirira ndakaona vachinyemwerera "Rega Sheunesu apenge newe kudai" bamukuru vakadaro "Ndiani manje anonzi Sheunesu?" ndakabvunza "Oooh Sheunesu ndiTafadzwa ndiri kuona wave confused" bamukuru vakadaro Oooh woow what a name nei Tafadzwa asina kumbondiudza nezve zita iri. "Ndakudana pano nekuti ndanga ndichida kukuona handidi zve kuti tiroore munhu wandisingazivi" bamukuru vakadaro Ndakabvuma ndakatarisa pasi "Yaaah chienda hako muroora wangu' bamukuru vakadaro Ndakabuda ndichinyemwerera. Zvichakadaro ndakaona message yaTaffy achindidana kumota ndakaenda ndichinyahwaira ndichinobuda gedhi ndichipinda mumota. Pandakangopinda mumota yakava wabata wabata tichikisana "Mukadzi wangu" Taffy akadaro "Sheunesu wangu" Akanditarisa achishamisika "Ndanzwa nabamukuru vako sei usina kundiudza nezve zita rakanaka kudai?" "Neniwo ndanga ndisingazivi ndanzwa ndave kudanwa naro naZvayi muhombe hanzi ndiye akandipa iroro" "Woow what a name babe" "Handizivi kuti mhamha nababa nei vasina kuriisa pachitupa changu" Ndakamuseka" Sorry' "Uri kundiseka mukadzi wangu" Ndakanyemwerera. "Thank you thank you nezvose zvawandiitira Sheunesu pavanhu vose vechikadzi panzvimbo ino, America, Harare different places dzawaifamba dzine vasikana even masocial media asi you choose me am grateful my love" "Ndine luck yekuwana munhu akafanana newe babe ruva rmoyo wangu" akadaro tichihagana "Ndave kufanirwa kudzokera mukati I think vachasara vachinditsvaga" "Handina kutenga doro ini rawati nditenge ndabva ndaita busy kana vapedza ndichakutora tinotenga" "Okay mudiwa no problem" ndakadaro tichikisana ndichibva ndadzokera mukati Pandakapinda magirls aipakura. Yoooh vandibatsira zvakanyanya vasikana ava "Woow wave kubva kunowana tsvodi kaa?" Tatenda akabvunza "Hauna kupidigurwa here!" Paida akabvunza Ndakaseka. "Ko handiti murume wangu here" "Kwete mumota yemukomana wangu haaa" Vee akadaro ndakaseka "Nesuwo tichatenga mota yedu" ndakadaro "Shem my sister" Paida akadaro tichiseka Vachibva vaendesa chikafu paiva nemajuice nechikafu chakasiyana siyana. Pavanhu vekwana Tafadzwa ini ndakaendesera mudiwa wangu chikafu Mufaro uri pandiri hautaurike abhadhara zvinhu zvose zvinodiwa hapana kana chimwe chasara. Manheru Tafadzwa akauya achinditora kuti tinotenga doro redu takasvika pane rimwe bhawa tikatenga takaenda nekushop tinkatenga zvinhu zvinonaka tapedza tave kudzokera kumba takaona munhu aimisa mota. Ndakavhunduka pandakaona ari Dee aimbova musikana waTafadzwa hameno kana vachiri kudanana. Mota hadzichafambi fambi manje ndinoziva kuti Tafadzwa achamutora chete ndakamutarisa naiyewo achibva anditarisa ndakaita sendisiri kuona zviri kuitika. Mota yaRoe ndedziya mota dziri tinted zvekuti kana uri panze hauone zviri mukati asi vari mukati vanoona zviri kunze. So nesuwo taimuona Dee asi iye aiva asingationi Tafadzwa akadzikisa window achibva amudana achipinda mukati. Dee akavhunduka paakaona ari Tafadzwa paakada kuvhura mberi akandiona ndakagara pamother seat akabva anogara kumashure "Makadii" Dee akadaro "Hey" Tafadzwa akadaro Ndakanyarara kunge ndisinganzwe hangu "Hezvo ndanga ndisingaone kuti ndimi" Dee akadaro "Ndini Dee uri kubvepi nemabag?' Tafadzwa akabvunza Aiva akabata mabag kunge kune kwaashanya "Pane kwndiri kubva hangu" Dee akadaro "Okay" Taffy akadaro Mumota makamboita runyararo Tafadzwa akanditarisa akandiona kuti handisisipo pano. Nzira yaienda kwana De yaidarika nekumba kwedu saka anofanirwa kutanga anondisiya kumba kwedu ozoenda kwana Dee never izvi hazviitiki. Tafadzwa akasvika achimisa mota kumba "Tasvika" Tafadzwa akadaro "Ayewa ndichakuperekedza uendese Bee kumba kwavo" ndakadaro Tafadzwa akanditarisa achishamisika achibvuma nemusoro "Okay" Tafadzwa akadaro achimutsa mota tichienda kwana Bee Takasvika kwana Bee achitenda akaburuka Tafadzwa akamutsa mota achinditarisa "Chii?" Ndakabvunza "Igodo here iro?" "Iwe wanga uchida kuti ndikusiye uchienda nemunhu waunodanana naye here?" "Ex" "Ehe izvozvo" "Asi haundivimbi?" "Ndinokuvimba asi musikana uyu handimuvimbi chero padiki zvapo" Tafadzwa akaseka tichienda kumba Nompumelelo Ndiri kuona kuti pano ndichapedzisira ndafa sezvakaitika pana Bridget nekuti ndikaramba ndiri pano ndinofa chete. Ndinofanirwa kunorara kune rimwe room handingazvigone. Ndakarogedza mbatya dzangu ndichibva ndadziendesa kune imwe room kwaiva kwasviba asi Munya haasati adzoka. Vaenda naTafadzwa kunoroora vapedza kare asi iye haapo. Ndinoshuvira kuziva kuti anonzwa sei nenyaya yose iyi. Ndakapinda mumagumbezi Popo andisiya ndega achienda kuna mbuya vake ndakabva ndarara. Ndakarara kudaro Munya akandifonera ndichibva ndadaira "Uri kupi?" "Ndiri muguest room" "Okay" After some minutes ndakanzwa munhu achigogodza ndakaenda kunovhura "Ooooh wave kurara muno manje?" "Ehe ndanga ndichida kukupa space" "Ndamboti ndinoda space here ini?" Handina kumupindura "Ndiri kutaura newe" "Munya ndanga..........." Handina kupedza kutaura ndakanzwa nembama kumeso kwangu ndakasimuka nekukurumidza "Munyaradzi' "Unoda mhamha vafunge kuti ndakudzinga kubedroom kwangu here" Munya akadaro nehasha "Aewa Munya hazvisirizvo" "Ndezvipi manje?" Ndakavhunduka pandaida kuenda ndakanzwa nechinhu chaindirova muchiuno yaiva simbi yaaiva anhonga akanditema nayo "Munya please I'm sorry" "F*ck you uri useless tora mbatya dzako udzidzosere kuroom uko" Ndakatora mbatya ndichidzidzosera muroom make misodzi ichiyerera TAFADZWA Makuseni ndakamuka ndakaneta shoo munhu amwa doro zvakanyanya saka ndakaneta kudai. Dai takachata kare naAne dai ari iye ari kundinesa manje asi ndiri kuzvionera. Ndakamuka ndichienda kukitchen ndichinochera mvura inotonhora ndapedza ndakaenda muroom maZvayi ndaida kunomutenda handina kuzomutenda zvakanaka nezuro. Pandaiva ndave kupinda mukati ndakazvibata nekuti ndainzwa baba naZvayi vachirwa "Zvinhu zvawaita ndezvekupenga iwe Shingi" baba vakadaro "Usandiudza kuti ndezvekupenga ndaita zvinhu zvichafadza mwana wangu" bamukuru vakadaro "Wabuda kujeri kuzokanganisa zvinhu pano" ",Kuita zvinhu zvakanaka pamwana wangu kukanganisa here? Nei iwe uchida kuita zvinhu zvinofadza vana vako chete asi ini kana ndichiita zvinhu zvinofadza mwana wangu haufare nazvo" Ndakashamisika ndiani manje mwana ari kutaurwa nezvake uyu wabamukuru Zvayi "Sheunesu mwana wangu saka ndadzoka ndiri baba vake ndichamuitira zvose zvaanoda" Ndakanzwa kupera simba ndakadikitira muviri wese. Vanorevei bamukuru kana vachiti mwana wangu, hayi mhani chii chiri kuitika pano "Ndicha.........." bamukuru havana kuzopedza kutaura "Bamukuru" ndakadaro Vose vakavhunduka pandakapinda "Bamkuru muri kutaura nezvei ndiani mwana wenyu? ndakabvunza vose vakanditarisa vachishamisika "Taurai" ndakadaro "Ehe ichokwadi handisi baba vako avo baba vako mbavha murapist uyu chigeven'a sewe ndivo baba vako vanokuzvara avo" baba vakadaro "What?" Ndakabvunza ndichishamisika handisi kuinzwisisa nyaya yandiri kuudzwa pano "Mati kudii kwandiri?" ndakabvunza "Dzora moyo mwanangu nditaure" bamukuru vakadaro "Chii chatinofanirwa kutaura?" ndakabvunza ndichitaurira pamusoro nekuti zvinhu zvaiva vataura handina kuzvinzwisisa Zvichakadaro Maidei akapinda auya kuzotidana kuti breakfast yave ready ndakatendeuka nekukurumidza ndakaona mhamha vakagara patafura munhu wese aiva avapo "Tafadzwa chii chiri kuitika?" mhamha vakabvunza "Ndinoda chokwadi mhamha" ndakadaro "Chokwadi chei?" "Ndiani baba vangu?" Munhu wese akashamisika you can tell kuti hapana zvaanoziva. Zvichakadaro Zvayi nabamukuru vakabudikira "Ndiani baba vangu pakati pevarume ava vaviri?" Ndakabvunza ndichivatendeka Ndakaona mhamha vachibvunda "Bvunza uyu" Zvayi vakadaro vachitendeka bamukuru "Ndiri kubvunza munhu akanditakura 9 months. Mhamha ndinoda chokwadi" ndakadaro "Unopenga here iwe mupfanha hauvazivi here baba vako" Munya akadaro "Taffy, Munya ari kutaura chokwadi nei uchibvunza mubvunzo wakadaro?" Ethan akabvunza Mhamha vakavhara maziso. "Ichokwadi chawanzwa" mhamha vakadaro Ndakavhunduka zvakanyanya ndichitarisa Zvayi nabamukuru "Mhamha ichokwadi?" Munya akabvunza "Tafadzwa anozvarwa naShingi ndivo baba vake vechokwadi" mhamha vakadaro "What?" Munya naTicha vakabvunza nguva imwe chete "Ayy ayy mhamha musatura zvinhu zvisipo handiti ndakambokubvunzai kuti Zvayi ndibaba vangu vechokwadi here mukati ndivo manje nei muchitaura zvinhu zvisipo?" ndakabvunza "Mai vako vari kutaura chokwadi" bamkuru vakadaro "Mhamha zvakaitika sei nekuti ini ndiri muhombe kuna Taffy?" Munya akabvunza Mhamha vakatanga kuchema "Ndiregerere mwanangu" bamukuru vakadaro Ndakaona Roe naPrince vachiuya kwandiri for support handizivi kuti ndinzwe sei panyaya yose iyi. Izvo zvakamboitika sei "Maiguru chii chiri kuitika?" Ticha akabvunza "Akandi repa Shingi" mhamha vakadaro vachichema Ndakavhura maziso "What?" ndakabvunza "Ehe ndizvo chaizvo mwanangu" mhamha vakadaro "So I'm product of rape?" ndakabvunza "Ayewa hazvisi......." Bamukuru havana kupedza kutaura "Nei bamukuru makaita zvinhu zvakadaro?" "Kwaiva kare mwanangu ndakaita ndichiri........" Bamukuru havana kupedza kutaura "Ndinoda kuziva kuti makaitirei zvinhu zvakadaro?" ndakabvunza "Now I see like father like son newevo wakaita zvinhu zvakaitwa nababa vako kutora mukadzi wemukoma wako" Munya akadaro Ndakanzwa hasha zvekuti ndaida kumudira chibhakera asi ndakazvidzora "Ane haasi mukadzi wako uri kundinzwa!! siya zvinhu zvekudana Ane uchiti mukadzi wako. Shingi nei wakaita zvinhu zvakadaro kuna mhamha nei wakarepa mhamha?" ndakabvunza Bamukuru vakatora befu. "Ndiregerere mwanangu asi zvinhu zvakaitika izvi handitozivi kuti zvakaitika sei? Musi wazvakaitika ndaifanirwa kugadzikwa pachigaro chehumambo saka ndaka decider kumbo buda ndichipemberera nemadzikoma angu. Asi zvinhu hazvina kuzofamba nenzira yandaiva ndaronga nayo. Handizivi chii chakaitika ndakangonzwawo ndave kunzi ndakareba" bamukuru vakadaro vachivhara maziso "Saka ini ndakauya nenzira yakadaro panyika ino ndakauya panyika ino nemistake?" ndakabvunza "Mwanangu usataura uchidaro iwe unondifadza" mhamha vakadaro "Hazvisirizvo mwanangu" bamukuru vakadaro "Hazvisirizvo saka ndezvipi? Nei musina kundiuraya nguva yose iyi ndiri kurarama hupenyu hwekunyeba Zvayi aindishungurudza nekuti aiziva kuti handisi mwana wake" ndakadaro nehasha "Hazvisirizvo mwanangu" mhamha vakadaro "Why muchidaro kwandiri mhamha, why musina kundiudza nezvenyaya yose iyi?" ndakabvunza Mhamha havana kupindura "Nei makandinyebera, nei maiva musingadi kundiudza chokwadi, Shingi waiva wakasungirwei?" ndakabvunza "Hey bro calm down please" Ethan akadaro "Calm down yei ndichirarama hupenyu hwekunyepa? Ndakanyeperwa ini pamusha pano" ndakadaro nehasha ndichitendeuka ndichienda muroom mangu Ndakasvika ndichitora makey emota yaRoe ndichibuda panze ndichinopinda mumota vachibva vanditevera "Tafadzwa iwe" Roe akadaro Handina nguva yekuteerera munhu manje ndinoda kumbofurwa nemhepo zvishoma kuva pedo nefamily iyi parizvino handidi. Ndakamutsa mota ndichiirova ndakananga kutown hameno zvichaitika kutown kwacho Anenyasha Taiva takagara tichidya breakfast ndaingotarisa goni tanguy. Kubva zvakwaedza Tafadzwa haana kumbofina.its unlike him. Ndakaedza kumufonera asi yaiva isingapindi. Ndakatanga kuva worried zvekuti Tatenda akatozondibvuza. Argg maan nei Tafadzwa achindidzidzisa zvinhu zvaasingazoiti. Ndakabva ndafonera Roe akadaira "Hey Roe ndinokumbira kutaura na Taffy" "Parizvino haapo pandiri?" "Ari kupi?" "Atora mota akabuda hatizivi kuti aenda kupi?" "Chaira fast please handidi chinhu chichawira Tafadzwa" ndakanzwa izwi Ra Ethan richitaura. Ndakavhunduka ndichisimuka "Roe chii chaitika Pana Taffy?" "It's long story Ane, Taffy abuda nemota haasi right nesuwo hatizivi kwaaenda tiri kutsvaga iye asi usawara tinomuwana" "Please Roe " "Okay ndichaku updater everything " Roe akadaro tichionekana ndichibva ndakata foni. Vanhu vose vakanditarisa "Chii Ane?" Paida akabvunza "Tafadzwa hanzi abuda asiri right hapana anoziva kwaaenda. Vana Roe vari kumutsvaga " "Ahh don't worry Ane vanomuwana". "What if pachizoitika something Pana Taffy" ",Chill Ane vanomuwana please " Paida akadaro Ndakagara pasi asi pfungwa dzaiva dzava Kuna Taffy. Ndakaedza kumufonera zve foni yakapinda asi yaiva isingadairwi "Damn!!! Daira foni Tafadzwa!!!" Ndakaramba ndichingofona asi yaiva isingadairwi Roland Tamutsvaga nzvimbo yose Tafadzwa asi tasvika pakuneta manje. "Tafadzwa Ari kupiko?" Ethan akabvunza "Tafadzwa anopenga chete ohh rega ndibvunze kuti mota iri kupi?" Ndakadaro ndichitora foni ndichikumbira vanditarisire kuti mota iri kupi. After some minutes vakandifonera vachindiudza kwairi "Hanzii" prince akabvunza "Hanzi mota iri muno mu town" "Asi tatsvaga town yose wani" Prince akadaro "Wamukanganwa here Tafadzwa? Obvious paari akatihwandira" Ndakatarisa location yainzi Ina Taffy ndikaiwana. Ukuvo Anenyasha aingondifonera. Aewa handidairi kusvika ndamuwana Tafadzwa Takadungamidzana tichienda pane rimwe bhawa. Mota yaiva yakavigwa pane imwe passage. Takamuwana akagara mberi kwake kwakazara mabhodhoro edoro "Tafadzwa!!" Ndakadaro "Muri kudei pano?" Taffy akabvunza nezwi Raiva rakadhakwa "Tafadzwa hande kumba hona zvauri manje" "Kumba kwani? Ini handina musha panzvimbo ino. Siyanai neni ndi enjoye" Takaswedera paari tichimubata. Akamboedza kurwisa asi aiva akapera nedoro takamupinza mumota nesuwo tichipinda mumota tichienda kumuzinda Nompumelelo Ndairongedza mbatya dzandawacha masikati. Munya aiva akagara pa bed achingopukuta pfuti. I'm scared what if akandipfura nayo pfuti iyoyo nekuti handitombozivi kuti ndeyeyi "Mupfana uyu akatodza baba vake shame" Ndaingomutarisa ndiri alert, paanongonditendeka nayo bara richandiwana munzira. I wish to know kuti pfuti iyi anoda kuita sei nayo . Ndaiita sendisingamunzwi paaitaura ega "Ko nei vabereki vachidaro nhai? Mpume" Ndakadaira same time. Yoo ko ndingazorohwa zve. Mazuva ano Munya handimunzwisisu. Nyaya diki unongokaruka warohwa "Newevo ungaita here zvinhu zvaitwa nevabereki?" Ndakangomutarisa nekuti ndaiva ndisinganzwi kwaienda nyaya "Hanti ndiri kutaura newe here?" "Handisi kukunzwa Munya" "Newevo unganyarara here if kuchinzu mwana haasi wangu?" Ndakavhura maziso Munya haachandivimbi here? Nei achindibvunza zvinhu zvakadaro? "Handizivi kuti ndikupindure sei Munya. Vana ava vari vaviri ndevako" "Aewa ndanga ndichingobvunzawo hangu" Handina kumupindura ndakaita zvinhu zvandaiita Okay guys zvichemo zvenyu ndazvinzwa ndatadza kukupindurai mose ku inbox. Kune vari kuti book rakurumidza kupera okay book ranga rine nyaya ya Anenyasha chete saka now hapasisina zvatinganyora Pana Anenyasha coz aroorwa but anyway chichemo chenyu ndachigamuchira ndichajingirisa dzimwe Ane na Tafadzwa vachapinda apo neapo havo asi yavo nyaya yapera Kune vari kuti vanoda session two okay sezvandambotaura storyline yapera hayo but I will write new book then ndozobatanidza kumberi storyline ya Anenyasha ndiyo ichava session two but not now kana Anenyasha rapera End of chapter