Chapter 37 Mpume Hwaiva husiku ndaiva ndakagara pa bed ndichingofunga nezva Munyaradzi. Ndaitya kurara asati asvika what if akandidzipa ndakara. I don't believe kuti handisisina vhudzi zveshuwa. Ndakagera nekuti raiva rangova mahwani hwani. Asi ndiri kupfeka ma wigi aanonditengera. Ndakagara kudaro Munya akapinda. Ndakasimuka nekukurumidza ndichizvipeta "Hey uri kuvhundekei?" "Hapana" "Ko nei usingarari?" "Handina hope" "Zvino kuzogara pamubhedha?" Ndakapinda mumagumbezi nekukurumidza ndisati ndaroverwa kuti nei ndisati ndarara. Munya akauya achigara pedo neni "Ndakuvigira something I'm sure you will like it" Munya akadaro achipinza ruoko muhomwe achibudisa box raiva rakanaka achindipa. Ndakamuka ndichitora necklace iya "Wow" ndakadaro ne voice raiva rakazara kutya... "You like it?" "Yah" . Akandiswededza paari achindihaga kwenguva achindiradzika pa bed "Good night" What happen to him "Good night too" *** Mangwana makuseni ndakamuka ndichinomugadzirira breakfast . Ndapedza ndakamuendesera breakfast pa bed. Chii manje ichi?" "Your breakfast" "Mu bedroom here?" "Ndeyekutenda necklace" "Okay thanks ndichanwa coffee chete be ready nhasi tiri kunodya out ini newe nevana"... ",Shuwa here?" Ndakabvunza ndichishamisika "Eya" Ndakabuda ndichienda Kuna Jayden ndichinomuudza. Akashamisika nazvo akamboda kuramba asi ndakataura naye kusvika anzwisisa. Ndakazoenda Kuna Popo ndichimugadzira mufaro waisvika kugotsi Kuna Popo.. Tatenda Ndaiva ndakagara mu room mangu ndichiedza kuverenga. Foni yangu yakapinda message aiva Lesley aindiudza kuti Ari panze. Ndakanyemwerera. Pamwe ave kuona kuti zvinhu zvaakaita zviri wrong. Ndakabuda ndichienda kwaari, aiva akamira akazembera mota . Ndakasvika paari tichimhorosana. "Nei usingadairi ma calls angu?" Ndakabvunza "Ndizvo zvandavinga pano Tate. I'm not ready kuva baba ini" "What do you mean?" "Better ubise nhumbu iyi ini ndave neumwe musikana I can't continue nemunhu ane pamuviri" ndakanzwa misodzi ichipisa kumeso kwangu Lesley akabudisa Mari muhomwe make achindipa.. "Mari iyi enda Kwa doctor unobisa nhumbu iyi". Misodzi yakabuda ichiteverana "Lesley nei uchindidaro?" "I'm sorry Tate, munhu wandinaye manje ndinomuda zvakanyanya handidi kuti azive nezvenyaya iyi chienda hako" "Lesley please i love you ndinokumbira usandidaro!!" Lesley akapinda mumota make achinditarisa achinyemwerera achienda. Ndakamutarisa achienda, ndakasara ndichigwadama pasi ndichichema. Ko vakomana vakambodiiko. Vabereki vangu vachati kudii nenyaya iyi. Ndingati ndichitya kuvaudza nezvenhumbu. Pavachandibvunza nezvemuridzi wenhumbu ndichati kudii Nompumelelo Tiri mumota tiri kuenda ku restaurant. Ndaingotarisa Munya ndichibirira,ndinoshuvira kuti dai situation yadzokera sekare. Na Munya taidanana Kani, hamenho achinjiswa nei. Munzira Popo ndiye aingohumana Munya achimupindura... Takasvika ku hotera Tikagara pa table for 4 tika order breakfast yedu. "Thank you Zvayi" ndakadaro "You're welcome" Munya akadaro Chikafu chedu chakasvika tikatanga kudya. Chinhu chinonyanya kundifadza kuona vana vangu vachifara. Tapedza kudya takaenda muma shop embatya tichinotengera vana mbatya. Vakashara zvose zvavaida. "Iwe haudi chinhu here?" Munya akabvunza ndakanyemwerera "Thanks for now ndiri right" Tapedza kutenga mbatya takatenderera tichienda Kuma game evana, takaita zvose zvavaida kusvika nguva dzekuenda kumba dzachaya. Handina kumbozvifungira kuti Munya angaitira vana vake zvinhu zvakadai Tatenda But nei Lesly andidaro? Akandivimbisa kuti haafi akandisiya. Ndakamupa humhandara hwangu ndichifunga kuti anondida asi nhasi uno ndiye ave kutaura mashoko anorwadza Kwa ndiri. Ndiye ave kundipa Mari kuti ndinouraya mwana wake Ndaifunga kuti pamwe anondida zvechokwadi izvo aingoda zviri mberi kwangu. Ndakaedza kurara asi hope dzakati unonyeba handiuyiko. Iko hope hadzingauyi shame na 6pm here amana asi ini ndinoda kurara pamwe ndingakanganwa Nhamo dzangu Ndinoziva kuti vabereki vangu vacharwadziwa kunyanya baba, mhamha Ivo ndinovaziva vanenge vachingoti vanhu vachati kudii. Hanti Ivo vanoraramira vanhu here. Asi chero zvikadii handimborasi mwana wangu. Vakawanda vakadzi muno mu Zimbabwe vanozvichengetera vana vavo. Ndakazobiswa mundangariro nefoni yairira. Ndakarohwa nehana pandakaona vari baba. Ndakadaira tichimhorosana ."ndakufonera ndichikuudza kuti ini haundiwani kumba ndiri kuenda ku Mount Darwin nebasa" "Okay baba mufambe mushe" Takazotaura dzimwe nyaya tichionekana. Misodzi yakayerera pandiri. Baba vari kuenda ndichawana mhamha voga kumba. Jesus Mpume Aiva makuseni tichigadzira breakfast na Maidei ndaingonyemwerera nonstop. Munya achinja shame uye andikumbira ruregerero akandivimbisa kuti haachandirovi zve. Chero hake asina kundiudza kuti anondida asi chinhu chandafarira ndechekuti achinja "Hmm I smiling here iyi?" "I'm so happy" "Ndi Munya right?" Ndakaseka "Haa ko ndiye ega here Ari muhupenyu hwangu" "Hmm hanti nezuro manga mabuda out" "Yah iye Munya achinja shame this days" "Ndinofara kuona makabatana na Munya " Maidei akadaro Zvichakadaro Ethan akabudikira naiyevo aingorova smile nonstop. Hezvo ko chii chiri kuitika pamusha pano? "Morning varoora vekumba kwedu" "Ayy pamusha pano ndini ndega ndisingafari" "Haa farai maiguru life is too short" Ethan akadaro achitora mvura mu fridge" "Asi wafunga kutivigira mainini?" Maidei akabvunza "Ndinoona sekudaro neni" "Musawara muroora ari munzira" Ethan akadaro takaseka Ethan achibva aenda Tatenda Few days later Nhasi I Friday ndiri munzira kuenda kumba. Handizivi kuti mhamha vachati kudii nenyaya yangu. Ndakasvika ndikawana vanin'ina vangu vachitamba. Ndakavamhorosa ndichibva ndaenda mu room mangu. Ndakasvika ndichizvikandira pa bed ndichirara. Ndisati ndatombobatwa nehope ndakanzwa door richivhurika. Ndakavhunduka ndichimuka ndichigara pa bed vaiva mhamha "Tatenda wave kusvika uchirara kwakanaka here?" "Sorry mhamha eish handisi kunzwa mushe" Mhamha vakanditarisa kwenguva yakareba. Ohh my God vanoona kuti pane Zviri kuitika pandiri "Tatenda kubva wasimba kudai?" Misodzi yakatanga kuyerera pandiri. Mhamha vakaswedera pandiri "Uri kuchemei Tate?" "I'm sorry mhamha" "Sorry yeyi manje?" "Ndaiva ndisingadi kukunyadzisai na baba mhamha ndakakanganisa ndiregerereiwo" ndakadaro ndichichema "Tate wava kundityisa manje" "Ndine pamuviri mhamha " "What? Tate wave kurara nevakomana manje iwe?" "I'm sorry mhamha " "Vanhu vachati kudii nenyaya yose iyi? Ivo baba vako vachati kudii" "Ndiregerereiwo mhamha" "Futseki maan Tatenda!!!"" Ndaiva ndave kungochema ndakatarisa mhamha "Ndiani anoziva nezve nyaya iyi?" "Roomza wangu na Anenyasha chete" "Good mangwana tiri kuenda Kwa doctor" "Kunodii mhamha?" "Kunogadzira zvinhu zvawakatakura haungaiti pamuviri iwe, unofanirwa kubuda pano nemuchato" "No mhamha ndinokumbira musandidaro" "Nhumbu yacho ine mwedzi mingani" "Ine four" "Hazviiti uite mwana Tate baba vanoziva kuti uchiri mhandara" "No mhamha please baba vachanzwisisa" "Handina kumboti ndinoda muono wako ini. Mangwana tiri kuenda Kwa doctor and yes Masango haafanirwi kuziva nezvenyaya iyi " mhamha vakadaro vachibuda ***** Nezuro ndakaedza nzira yose kuti ndibude pano asi ndatadza vanga vakandikiira mukati vakanditorera foni yangu apa window remu room mangu haribudiki pane butler. Mhamha vakabva vapinda vachindidhonza vachienda neni kumota. Ndakaedza kupunyuka pavari asi vaiva vakandibata. Ndakaedza kuvanyengerera asi zvakakona. Takasvika Kwa doctor. Mhamha vakatsanangura nyaya yava doctor akandibvunza kuti ine mwedzi mingani. Pandakamuudza akarambisisa nekuti hanzi kana yava ne four months atova munhu Saka zvingazokonzera kuti neni ndishaye nemwana wangu. Ndakashamisika mhamha pavakaramba vachinyengerera doctor. Wtf Saka mhamha Havana basa nehupenyu hwangu vane basa nevanhu kuti vachati kudii. Thank God doctor akaramba. Takazodzokera kumba mhamha vachingopopota Vega. Thank God zvishuviro zvavo hazvina kuitika Paida Kubva Ethan zvaandiudza nezuro kuti anondida I can't help it. I'm smiling nonstop. Nezuro andiudza kuti anoda kutaura neni Saka anokumbira tisangane kurwizi. Ohh God nguva dzaataura dzava kuzochaya. Ndakatora mugomo wangu ndini uyo kurwizi. Ndakamuona ndichiri kure akagara pane rimwe dombo Hana yangu yakarova ndichifunga baba vangu. Vachati kudii shuwa pavachanzwa kuti ndave kuita zvevakomana. I don't want lie Ethan arimo mumoyo mangu shame. Ndakazvishingisa ndichiswedera paaiveri "Hey" "Mai mushavi" Ndakatarisa pasi ndichitambisa zvigunwe "Wandidanirei?" Ndaibvunza nemavune nekuti ndaiziva hangu andidanirei "Ndinoda kuziva kuti unondibisa here or unondipinza. Kana uchindipinza unenge wandipinza mumoyo mako asi kana uchindibisa unenge wandibisa ukandiisa munhamo" "Ndinokupinza" ndakadaro ndichivhara kumeso nemaoko. Ethan akaswedera pandiri achindiisa maoko achinyemwerera. Ndakabvuta maoko angu paari ndichitendeuka ndini uyo ndichimhanya ndakananga kumba.. zvemugomo ndichazozviona Anenyasha Nhasi izuva rekuti ndiende kumba. Nezuro takanotenga grosari rekuenda naro. Ndaiva ndatopedza zvose Taffy akandiendesa ku rank luck ndakawana bhazi rave pedo nekusimuka. Handina kugara nguva yakareba. Takaonekana na Taffy bhazi richibva rasimuka. Hours later ndaiva ndatosvika kumba. Ndakasvika vanhu vakafara vachindiona kunze Kwa Mai Tafadzwa, mukadzi uyu haandidi kwete zvekufungidzira.. Jayden paakandiona akafara zvakanyanya asi mufaro wakazodzikira paakaona Taffy asipo. Ndakasiya grocery mu kitchen ndichibva ndaendesa bag rangu mu room mangu. Ndakazoenda kwaiva nevamwe. Vanhu vaikurura vachitaura havo nyaya dzakasiyana. Ethan akapinda achinyemwerera. "Wee gore rino tichaonerera shuwa" maidei akadaro achirova maoko "Mpfana ndeupi manje musikana ave kukupengesa?" Baba Tafadzwa vakabvunza "Ndewekwa Zhou bamkuru" Ethan akadaro ndakavhura maziso "Shuwa tinoda kuziva" Mambo vakadaro "Kwa Zhou ?" Bamkuru vakabvunza vachishamisika "Zhou upi manje?" Mamoyo vakabvunza "Zhou vemuraini maiguru" Ethan akadaro "Ndeupi manje musikana wacho" "Paidamoyo Zhou munin'ina wa Ane" "What?" Mambo vakabvunza "Haa wagona paya mwanangu mwana uya anoremekedza shame " mamoyo vakadaro. At least pane munhu amufarira "Nyaya Yako nemwana wekwa Zhou inofanirwa kupera" Mambo vakadaro "Nekuda kweyi?" Baba Tafadzwa vakabvunza "Hazvingaiti kuti tiite varoora vaviri pamusha umwe" "Zvine basa rei manje?" Bamkuru vakabvunza "Shingi ndiri kutaura nemwana wangu " "Neniwo mwana wangu Saka ndinofanirwa kutaura. Usakanganwa kuti ndini Mambo saka nyaya iyi ndichaipindira sa Mambo Siya mwana aroore munhu waanoda. Unoda Aite sei kana achimuda. Amurambe here nekuti iwe haumudi. Asi ndiwe uchange uchimushandira husiku" "Baba ini ndinobvumirana na bamkuru mwana uya hatisati tambonzwa zvakaipa paari" Mai munya vakadaro "Ichokwadi baba vana vekwa Zhou vakadzidziswa shame honai mukadzi wa Taffy" mamoyo vakadaro. Ndakanyemwerera asi ndakapeta mwise pandakaona Mai munya vachinditarisa I'm so happy kuti munhu wese anomuda Paida. Ndingashingirira zvose asi handingabvumi kuti muninina wangu ashungurudzwe. Nyaya ya Ethan yakazotaurwa vakaguma pakuti vachataura na baba. Hamenho baba vachaitora sei nyaya iyi. Vapedza ndakasimuka ndichienda mu room mangu ndakawana foni yakazara nema missed call a Paida na Taffy. Ndakatanga nekufonera Paida ndichimuudza nyaya yose akafara shame. Ndakazofonera wangu murume "Sorry babe ndasvikirana nemusangano" "Musangano weyi manje?" Ndakamuudza nyaya yose ya Ethan Tafadzwa akaridza muridzo "Washaa idya mupfana" Ndakaseka Tafadzwa anopenga shuwa. Takazotaura dzimwe nyaya dzema love love munongomuzivavo Taffy aingondiudza zvemu bedroom chete Narrated Husiku Ane akamuka mu room make achinochera mvura ku kitchen. Aiva atokangananwa kuti haasi kumba kwake aiva akangopfeka ma pyjama chete. akasvika ku kitchen achibatidza light. Akavhunduka paakaona Munyaradzi akamira pedo ne tafura. Akatora cup achinotora mvura. "Hesi Anenyasha" "Hevo" "Wauya?" "Ehe" Ane akadaro achida kuenda asi Munya akamubata ruoko "Munyaradzi" Ane akadaro nezwi raiva razara kutya "Saka hauna kuuya nemurume wako?" "Munyaradzi ndisiye ndiende mhani" Ane akadaro achiedza kuenda asi Munya akamubata achimusundira pamadziro "Hautyi here kurara wega" Munya akabvunza achivhura zip ye trouser Anenyasha akaona kuti akabhayiza Munyaradzi anorara naye apa. Akarwisa kusvika akwanisa kupunyuka. Akabva atiza achinozvikiira mu room make ****** Munya akazvibata trouser achitendeuka achienda mu room make. Kubva zvaaenda masikati hapana anoziva kwavanga ari. Ukuvo Mpume haasati arara akamirira murume wake "Hey baba Jay" Mpume akadaro achisimuka achimutorera zvinhu zvekugeza achimupa "Zvayi hezvo zvinhu zvekugeza" Munya akamutarisa haana kumupindura "Zvayi" Mpume akadaro Munya akamupa gwati rembama achidonhera pasi "Ndamboti ndinoda kugeza here ini. Ndizvo zvinokutadzisa kurara kuti undiitire noise!!!" Munya akadaro achimukava achimurova nechibhakera Tatenda Ndakamuka makuseni muviri wese uchirwadza eshh nhumbu iyi ichiri diki asi zvairi kundiitira ka mashura chaiwo. Ndakamuka ndichienda ku kitchen ndichinogadzira breakfast yevanhu 4 ini mhamha ne vanin'ina vangu. Ndapedza mhamha vakapinda vachinyemwerera vachigara pasi. Wow smile iyi ndeyekuti vandiregerera here "Wamuka sei mwanangu ndiwe waita zvose izvi?" Ndisati ndavapindura foni yangu yakarira ku bedroom ndakamhanya ndichienda ko. Vaiva baba . Ndakadaira ndichienda ku kitchen taitaura hedu nyaya vachandiudza kuti vave pedo kuuya what what ."wave kuva funga baba vako wakanganwa chinhu chiri pauri?" Mhamha vakadaro handina kuvapindura ndakatanga kudya chikafu changu. Ndave pedo nekupedza tea ndakanzwa mudumbu mangu uchirwadza Ndakazvi ignowa pamwe zvinoitika pamunhu akazvitakura. Ndakaenderera mberi nekudya asi mudumbu Makati unonyeba "Ashuu mhamha mudumbu mangu muri kurwadza" Mhamha vakaita sevasingandinzwi vakaenderera mberi nechikafu Chavo "Mhamha kani ndiri kurwadziwa!!!!" "Imwi endai munotamba" mhamha vakadaro vachidzinga vana. Vakabva vabuda apa ndaiva ndave kurwadziwa zvakanyanya "Mhamha ndinokumbira mufonere ambulance ndiri kurwadziwa " Mhamha vakadhonza chair vachigara mberi Kwangu vachinditarisa. WTF nei mhamha vachindidaro "Please mhamha ndiri mumarwadzo!!!!" Ndaiita sendiri kutaura ndega vaitotambisa foni yavo zvavo.ndakaedza kutora foni yangu asi vakanditorera. Ndakanzwa sekunge pane chinhu chiri kubuda pandiri. Pandakazvitarisa ndakaona ropa richiyerera mumakumbo. Ndakachema uku mweya waiita seuri kubuda End of chapter